Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kuisa Pfungwa Dzangu Pachinhu Chimwe?
“Ndakapedza makore ndichingoenda kunogara pamisangano uye ndisingawani zvakawanda mairi. Pfungwa dzangu dzaingombeya-mbeya chete.”—Matthew.
WAKAMBOGARA mukamuri rokudzidzira kuchikoro kana kuti pamusangano wechiKristu uye kamwe kamwe ndokuwana kuti wakanga usingambozivi zvakanga zvichikurukurwa here? Naizvozvo, kana pfungwa dzako dzichiwanzombeya-mbeya pane dzimwe nguva, hausi woga. Sezvakaratidzwa nenyaya yakapfuura, kuteerera kwenguva pfupi kwakapararira pakati pepwere.a Zvisinei, nokuedza zvishomanene pamwe nokugadziridza pfungwa, unogona kudzidza kuwedzera simba rako rokuisa pfungwa pachinhu chimwe.
Ratidza Chido
Funga nezvemumhanyi akarovedzwa. “Munhu wose anotora rutivi mumakwikwi anoshandisa kuzvidzora muzvinhu zvose,” anodaro muapostora Pauro. Kana mumhanyi akazvibvumira kutsauswa kunyange kwekanguvana, zvinogona kumuita kuti akundwe mumutambo wacho. Kuti ahwine, anofanira kudzidza kuisa pfungwa pachinhu chimwe—achifuratira manzwi oruzha rwegurusvusvu rinenge richiomba, achifuratira marwadzo ake nokuneta, achibvisa pfungwa yokukundikana. Asi chii chaizvo chinosunda vamhanyi kuisa nhamburiko dzinoshamisa dzakadaro? Maererano nomuapostora Pauro, vanozviita kuti “vawane korona inoora”—mikombe nemibayiro inopiwa vanokunda.—1 VaKorinte 9:25, NW.
Nenzira yakafanana, unofanira kusundwa kuteerera! Bhuku rinonzi Study Is Hard Work, rakanyorwa naWilliam H. Armstrong, rinoti: “Ibasa romudzidzi kuratidza chido. Hapana anogona kukuitira izvozvo, uye hapana anogona kuwedzera chido chako kutoti kana uchida.” Zivo ndiyo inokosha kuti unzwisise nyika yakakupoteredza. Kana ukaziva zvakawanda, uchagona kudzidzawo zvakawanda. “Asi zivo haitani kuwanikwa navane njere,” inodaro Zvirevo 14:6. Ungasayeuka zvinhu zvose zvawakadzidza kuchikoro, asi zvikurukuru, chikoro chinokubatsira kurovedza nokusakurira mano ako okufunga. (Enzanisa naZvirevo 1:4.) Kuwana chirango chendangariro nemano okuisa pfungwa pachinhu chimwe kuchakubatsira muupenyu hwako hwose.
Vadzidzisi Vakafinhwa naVanofinhwa
Zvisinei, vamwe vechiduku vanonyunyuta kuti kunyange vadzidzisi vavo vanoratidzika sevasina chido. Imwe pwere inonzi Jesse inoti: “Vadzidzisi vanomira pamberi pako, votaura chimwe chinhu, vokupa basa rako, uye ipapo vokudzinga. Ndinofunga kuti vari kuregeredza. Vadzidzisi havaiti sokunge kuti zvinokosha, nokudaro hationi chikonzero chokuteerera.”
Ipapoka, unofanira kugumisa kuti kuteerera kutambisa nguva here? Kwete hazvo. Vadzidzisi vakawanda vangaiswa parumananzombe nyore nyore nemamiriro ezvinhu akaipa. Wechiduku anonzi Collin anotsanangura kuti: “Hapana anoteerera vadzidzisi, nokudaro vadzidzisi vanofunga kuti hapana anoda kudzidza. Ipapo havaisi simba rakawanda nembavarira mukudzidzisa.”
Uchizvidavira kana kuti kwete, unogona kubatsira kugumisa tsika iyi. Sei? Kupfurikidza nokungoteerera. Kungova nemudzidzi mumwe ane chido zvingava izvo bedzi zvichaita kuti mudzidzisi akafinhwa avambezve kufarira basa rake. Sezvinobvumwa, vamwe vadzidzisi vanongovawo zvavo vasina mano okuita kuti kirasi ifare. Asi usati wazvibvumira kuwira mukufungidzira, zvibvunze kuti, ‘Anoziva chaari kutaura nezvacho here?’ Kana zvakadaro, sarudza kudzidza chimwe chinhu kwaari. Teerera nokungwarira—isa pfungwa pachinhu chimwe! Batanidzwa mukukurukurirana kwekirasi. Bvunza mibvunzo ine mufungo. Bhuku rinonzi How to Study in High School rinoti: “Vadzidzi vakawanda vanozviwana zvichibetsera kunyora mifananidzo, mashoko, machati, rondedzero, uye mifungo mikuru izvo mudzidzisi anoisa pabhodhi kana kuti zvimwe zvaanosimbisa.”
“Kuteerera Zvikuru”
Zvisinei, kudenha kwacho kwakakura zvikuru, kana toreva nezvokuteerera pamisangano yechiKristu. Jesse anobvuma kuti: “Pane dzimwe nguva vechiduku havateereri zvinhu zvakadai semisangano nemhaka yokuti havazivi kukosha kwakaita misangano yacho.” Pana VaHebheru 2:1, tinorayirwa “kuteerera zvikuru izvo zvatakanzwa, kuti tirege kukukurwa.” Pashure pokunge wapinda musangano weungano, unogona kuyeuka chimwe chinhu kubva mumharidzo imwe neimwe here? Kana kuti pane dzimwe nguva unowana kuti hautombogoni kunyange kuyeuka vanga vari papurogiramu yacho here?
Zvakare, inhau yokuona kukosha kwezvauri kudzidza. Chokwadi, upenyu hwako chaihwo hunobatanidzwa! (Johane 17:3) Mumwe mufungo wokufungisisa ndewokuti: Paunenge uchidzidza pamusoro peBhaibheri, uri kudzidza kufunga saMwari pachake! (Isaya 55:8, 9) Uye paunoshandisa zvaunodzidza, uri kupfeka unonzi neBhaibheri “munhu mutsva.” (VaKorose 3:9, 10) Kune rumwe rutivi, kana ukakundikana kuteerera, ungasafambira mberi nenzira inodiwa muupenyu hwako; uchamisa kukura kwako mumudzimu. Jehovha anoziva kuti tose zvedu tinokombamira kubvumira ndangariro dzedu kuti dzitsauswe. Nokudaro anoteterera kuti: “Nditeererei zvakanaka, . . . Rerekai nzeve yenyu, muuye kwandiri; inzwai mweya yenyu igorarama.”—Isaya 55:2, 3.
Nzira Yokuwana Nayo Zvakawanda Pamisangano
Kunyange zvakadaro, kunyatsoteerera zvikuru pamisangano kungava kwakaoma pakutanga. Asi vanonzvera vanotaura kuti kana tikazvirovedza zvikuru kuisa pfungwa pachinhu chimwe, ndangariro dzedu dzichava nyanzvi zvikuru pabasa racho. Matthew, anokorwa mashoko pamavambo, akakunda pfungwa yake yokumbeya-mbeya mukati memisangano. Anoti: “Ndakawana kuti ndinofanira kuzviranga kuti nditeerere. Pashure penguva yakati zvinova nani, uye unogona kuteerera kwenguva yakareba.” Matthew anonongedzerawo chimwe chinhu chikurusa mukuita kuti misangano imunakidze. Anoti: “Ndinodzidza pachine nguva mberi.” Nenzira yakafanana wechiduku anonzi Charese anoti: “Pandinenge ndakagadzirira, ndinonzwa ndichiramba ndiri rutivi rwomusangano wacho. Ndinoisa pfungwa dzangu dzose pahurukuro.”
Kukurira mifungo inodzivisa kunokoshawo. Chokwadi, ungava nechikonzero chinonzwisisika chakati mundangariro yako: bvunzo iri kuuya vhiki inotevera, rwisano younhu iri kukudzvinyirira, mari yaunofanira kubhadhara. Asi Jesu akapa zano iri: “Ndianiko kwamuri ungawedzera kubiti rimwe paurefu hwake nokufunganya? Naizvozvo musafunganya pamusoro pezvamangwana; nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo; zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nenhamo yaro.” (Mateo 6:27, 34) Kuisa pfungwa dzako dzose pamisangano yeungano hakusati kuchizoita kuti zvinetso zvako zvibve, asi kuchabetsera kukuvandudza mumudzimu, kuitira kuti ugogona kubata nezvinetso nenzira iri nani.—Enzanisa na2 VaKorinte 4:16.
Kuteereresa kunogonawo kukubatsira kuramba wakanangidzirwa. Matthew anoti: “Ndinoedza kukarira zvichaburitswa nomukurukuri mukati mehurukuro yacho uye ipapo ndokuona kuti anozviita sei.” Zvibvunze kuti, ‘Ndeipi iri mifungo mikuru iri kukurukurwa? Ndinogona sei kushandisa zviri kudzidziswa?’ Kukarira zvichataurwa nomukurukuri kungabetserawo kuchengeta ndangariro yako iri pachinhu chimwe. Edza kutevera nzira yaanorangarira nayo. Cherekedza zvibvumikiso zvamagwaro zvaanoshandisa. Rangarira uye pfupikisa mifungo yake mikuru. Nyora zvinonyorwa zvipfupi, zvinonzwisisika. Kana pane panoda kuti vateereri vapindure, pindura! Kuita izvozvo kunogona kukubatsira kuchengeta ndangariro yako yakabatikana uye kuti mifungo yako isambeya-mbeya.
Sezvinobvumwa, kuteerera kunogona kudenhwa kana mukurukuri asina mbavarira kana kuti achipa nenzira yakaneta. Yeuka zvakataurwa navamwe vaKristu vomuzana rokutanga ramakore pamusoro penzira yavakarangarira nayo mano okutaura omuapostora Pauro: “Muviri wake kana aripo, unoutera, nokutaura kwake kunozvidzwa.” (2 VaKorinte 10:10) Asi Pauro akapindura kutsoropodzwa kwakadaro nokutaura kuti: “Nokuti kunyange ndisinganatsi pakutaura, handina kudaro pakuziva.” (2 VaKorinte 11:6) Hungu, kudai vateereri vake vakatarisa zvinopfuura mano okutaura aPauro ndokunangidzira paukoshi hwezvaakataura, vaizodai vakadzidza “zvinhu [zvakawanda] zvakadzika zvaMwari.” (1 VaKorinte 2:10, NW) Nenzira yakafanana, unogona kudzidza, kunyange kumukurukuri anokurukura nenzira “yakaneta,” kana ukaisa pfungwa pachinhu chimwe ndokuteerera. Zvichida, anogona kujekesa tsananguro yakati kana kuti kushandisa rugwaro nenzira isina kumboitwa kwauri.
Mashoko aJesu ari pana Ruka 8:18 (NW) anopfupikisa zvinhu nenzira yakanaka achiti: “Chenjererai mateererere enyu.” Sezvinobvumwa, kudzidza kupa ngwariro—uye kudzivisa pfungwa kumbeya-mbeya—kuchada nhamburiko nokurovedza. Asi pashure penguva yakati uchabetserwa. Kudzidza kuisa pfungwa pachinhu chimwe kunogona kureva kutsinhiranisa uye, zvinotokosha zvikuru, kukura mumudzimu!
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Nei Ndisingagoni Kuisa Pfungwa Pachinhu Chimwe?,” iri muchinyorwa chedu chaAugust 8, 1998.
[Mufananidzo uri papeji 24]
Kukudza chido mune zvaunonzwa ndicho chinokosha pakuteerera