RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g12 July pp. 10-12
  • Sei Ndichifanira Kuenda Kumisangano yechiKristu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sei Ndichifanira Kuenda Kumisangano yechiKristu?
  • Mukai!—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Ungabatsirwa Sei Nemisangano yeZvapupu zvaJehovha?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kutitungamirira Kuri Kuita Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Nei Tichipinda Misangano paImba yeUmambo?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Nei Tichifanira Kuungana Kuti Tinamate Pamwe Chete?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Mukai!—2012
g12 July pp. 10-12

Vechiduku Vanobvunza Kuti

Sei Ndichifanira Kuenda Kumisangano yechiKristu?

UNONAKIDZWA NEMISANGANO YECHIKRISTU HERE?

EHE → URI KUITA ZVAKANAKA RAMBA WAKADARO

AIWA → UNGAITEI KUTI UNAKIDZWE?

BHAIBHERI rinorayira vaKristu kuti vaungane pamwe chete kuti vanamate. (VaHebheru 10:25) Asi zvakadini kana usinganakidzwi nokuenda kumisangano? Ko kana pfungwa dzako dzikatanga kumbeya-mbeya, uchitofunga zvako uri kune imwe nzvimbo? Shandisa mazano ari pasi apa kuti unakidzwe nemisangano.

1. ENDA KUMISANGANO NGUVA DZOSE

Rugwaro runokosha: “Tisarega kuungana sezvinoita vamwe.”​—VaHebheru 10:25, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

Kugara uchiita chimwe chinhu kunyange chisingakunakidzi kunopedzisira kwaita kuti uitei? Unopedzisira wava kunakidzwa! Imbofunga izvi: Kana une mutambo waunoita, ungava sei nyanzvi uye unganakidzwa sei kana uchingoenda kunodzidzira nenguva dziri kure? Ndizvowo zvakangofanana nemisangano yechiKristu. Kuramba kwaunoita uchienda kumisangano kuchaita kuti uve nechido chokuva noukama naJehovha uye umunamate. Izvi zvichaita kuti unzwe uchida kuramba uchienda kumisangano!​—Mateu 5:3.

Mazano: Kana misangano yapera, edza kutaura nemunhu mumwe chete apa hurukuro uchimutenda nezvechimwe chinhu chawafarira chaataura. Iva nebhuku raunonyora chinhu chawabatsirwa nacho nokupinda misangano. Sezvo zvizhinji zvezvinotaurwa pamisangano zviine chokuita nebasa rokuparidza, edza nepaunogona kuti ushandise zvawadzidza paunenge uchiparidzira vamwe. Kuita izvi kuchaita kuti uone kukosha kwezvataurwa pamisangano.

“Kubvira ndichiri muduku ndakadzidziswa kuti misangano hairovhewi. Kunyange zvazvo ndakanga ndichiri muduku, pfungwa yokurovha misangano haina kumbobvira yauya mumusoro mangu. Nanhasi ndiwo maonero andichiri kuita misangano.”​—Kelsey.

Chinonyanya kukosha: Vanhu vanoenda kumisangano nguva dzose vanonakidzwa nayo uye vane zvizhinji zvavanodzidza!

2. NYATSOTEERERA

Rugwaro runokosha: “Chenjererai kuteerera kwamunoita.”​—Ruka 8:18.

Vanoongorora vakaona kuti panozovira zuva, munhu anenge akanganwa zvinhu 6 pa10 zvaanenge anzwa kana kudzidza. Dai kwakanga kuri kuti ndiwo marasikiro aizoita mari yako, handizvo here kuti waizoita chimwe chinhu kuti uichengetedze?

Mazano: Gara nevabereki vako nechemberi kuitira kuti usavhiringidzwa nezvinhu zvakawanda. Nyora manotsi. Vanhu vanodzidza nenzira dzakasiyana-siyana, asi kunyora manotsi kunobatsira kuti pfungwa dzako dzirambe dziri pane mukurukuri uye unozoashandisa nokufamba kwenguva.

“Kuteerera pamisangano kwaindinetsa chaizvo asi iye zvino zvava nani. Ndinoedza kufunga chikonzero chandauyira kumisangano. Haisi nyaya yokungoti ndaenda kuchechi sezvinoita vamwe. Ndinoenda kumisangano kuti ndinodzidza uye ndinonamata uye ndiwane chimwe chinhu chokushandisa muupenyu hwangu.”​—Kathleen.

Chinonyanya kukosha: Kuenda kumisangano worega kuteerera kwakangofanana nokuenda kumabiko asi worega kudya.

3. IVA NEZVOKUITA

Rugwaro runokosha: “Simbi inorodza simbi, saizvozvowo mumwe munhu anorodza mumwe.”​—Zvirevo 27:17, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

Sewechiduku une basa rinokosha raunoita pamisangano yeungano. Usambofa wakaona sokuti kuuya kwaunoita kumisangano uye kupindura kwaunoita hakukoshi. Kupa kwako mhinduro panenge pachibvunzwawo uye kuwadzana nevaunonamata navo kunokosha.

Mazano: Panguva inenge ichibvunzwa mibvunzo vamwe vachipindura edzawo kupindura kunyange kamwe chete hako. Zvipire kuita mabasa okuchenesa kana kuti rimwe basa rinoda kuitwa misangano isati yatanga, painenge ichiitwa kana kuti yapera. Ita nyaya nemunhu wausingawanzotauri naye.

“Pandaiva nemakore okuma15 ndaizvipira kubatsira kutakura mamaikorofoni uye kugadzira pachikuva kumisangano. Kuita zvinhu izvi kwaiita kuti ndione kuti ndinokosha uye zvaiita kuti ndione kuti ndasvika kumisangano pachine nguva. Izvi zvakandibatsira kuti ndiwedzere kuda kwandaiita zvinhu zvokunamata.”​—Miles.

Chinonyanya kukosha: Rega kungogara muungano, ivawo nechimwe chinhu chokuita! Kuva nechimwe chinhu chokuita kunonakidza kudarika kungogara pasina chauri kuita.

Dzimwe nyaya dzinoti, “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzinogona kuwanikwa paIndaneti pawww.watchtower.org/ype

[Bhokisi riri papeji 11]

URI KUKOKWA!

Unoda here

• Kudzidza chokwadi nezvaMwari?

• Kuva munhu akanaka?

• Kuwana shamwari dzakanaka?

Misangano yeZvapupu zvaJehovha inogona kukubatsira kuwana zvinhu izvi nezvimwewo! Zvapupu zvaJehovha zvinoungana paImba yoUmambo kaviri pavhiki kuti zvinamate. Hapana ndiro yemari inofambiswa uye vaenzi vanogamuchirwa nomufaro.

Huya uzvionere woga! Dzimba dzoUmambo dzakasiyana nedzimwe chechi dzaungava wakambopinda. Pamisangano yeZvapupu zvaJehovha, Bhaibheri ndiro rinenge richidzidzwa uye uchadzidza kuti Shoko raMwari ringakubatsira sei kuti uve noupenyu hwakanaka!​—Dheuteronomio 31:12; Isaya 48:17.

Sai​—Musi wokutanga wandakapinda muImba yoUmambo ndakashamisika nezvandakaona. Makanga musina zvidhori, hapana aiva akapfeka hembe dzairatidza kuti mufundisi uye hapana akanditi ndibvise mari yezvipo. Munhu wose akandigamuchira uye ndakanyatsonzwa kuti ndiri pane vanhu. Zvakataurwa pamusangano zvainzwisisika uye zvaiva nemusoro. Ichi ndicho chokwadi chandanga ndichitsvaka kwenguva yose!

Deyanira​—Ndaiva nemakore 14 pandakatanga kuenda kumisangano yeZvapupu zvaJehovha. Vanhu vose vakandigamuchira. Zvairatidza kuti vaifara chaizvo kuti ndakanga ndauya uye vaindifarira zvaibva pamwoyo. Kugamuchirwa kwandakaitwa musi wokutanga uyu kwakaita kuti ndisazombonyara kudzokera!

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 12]

Tarisa kuti chii chichakurukurwa vhiki rinouya pamisangano yeungano. Sarudza chikamu chimwe chete chinokunakidza wobva wa. . .

CHEKA UFOTOKOPE

Nyora musati matanga misangano.

Chikamu chemusangano wacho:

․․․․․

⇩

Zvandinoda kuziva nezvenyaya iyi:

․․․․․

Nyora mapedza misangano.

Zvandadzidza:

․․․․․

⇩

Zvandingaudza apa hurukuro zvandinakidza pahurukuro yake:

․․․․․

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe