RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sg chidzidzo 5 pp. 24-29
  • Iva Muteereri Akanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iva Muteereri Akanaka
  • Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Mashoko Akafanana
  • “Chenjererai Mateererere Enyu”
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Nyatsoteerera Pamisangano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Unyanzvi Hwokuteerera Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Ndinogona Sei Kuisa Pfungwa Dzangu Pachinhu Chimwe?
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
sg chidzidzo 5 pp. 24-29

Fundo 5

Iva Muteereri Akanaka

1-5. Kuteerera kunorevei, uye nei kuchikosha, zvikurukuru pamisangano yeungano?

1 Fambiro mberi yako somushumiri waJehovha inotsamira kusvikira kuukuru hwakati pakuteerera kwaunoita. Muupenyu hwako hwose kuteerera kunoita basa rinokosha mukudzidza. Uri kuteerera apo unonzwa nengwariro yokufunga, asi kana ngwariro yako isina kunangidzirwa pane zviri kutaurwa, mashoko anotaurwa haanzwiki. Pasina mubvunzo iwe wakataura kune vanhu vakakupa rutivi bedzi rwengwariro yavo. Pasinei zvapo nokuti vakabvumirana newe kazhinji kazhinji sei, iwe wakaziva kuti vakanga vasiri kuwana mufungo wacho chaizvoizvo uye naizvozvo vakanga vasiri kubetserwa chaizvoizvo nezvawakataura. Ipapoka, tinofanira kuva vanongwarira sei kuva vateereri vakanaka panguva dzose, asi zvikurukuru pakupinda kosi mudzidzo youmwari! Zvirevo 1:5 (NW), inoti: “Munhu akachenjera achateerera ndokupinza murayiridzo wakawanda.”

2 Misangano yeungano rutivi rwegadziriro yedzidzo inogoverwa nokuda kwedu kupfurikidza nesangano raJehovha. Kupfurikidza nokusanoteerera tinoratidza kuremekedza Jehovha negadziriro yake nokuda kwedzidzo yedu. Asi Mwari anoziva muitirwo wedu uye kuti padzimwe nguva tingarega ngwariro yedu ichidzungaira, naizvozvo mukokero yake yokudya zvokudya zvomudzimu zvakawanda zvaanogovera anotaura zvakasimba kuti: “Nditeererei zvakanaka, mudye izvo zvakanaka, . . . Rerekai nzeve yenyu, muuye kwandiri; inzwai, mweya yenyu igorarama.” (Isa. 55:2, 3, mashoko akatsveyamiswa ndeedu.) Kana tichizova noupenyu husingagumi uye kuyamura vamwe kuwana mubayiro iwoyo, ipapo tinofanira kusanoteerera ndokunzwisisa mifungo yaMwari.—VaH. 1:1, 2; 2:1.

3 Kusanopa ngwariro kunoratidzirawo kuzvininipisa kwakafanira, uye tose tine chikonzero chakanaka chokuzvininipisa. Tose tinogona kudzidza kune mumwe munhuwo zvake; hapana nomumwe wedu anoziva zvose. Kunyange kana munhu ari kutaura achishayiwa kudekudza kana kuti rimwe vara rakati romukurukuri anokwanisa, kuzvininipisa kwapachokwadi kunofanira kutitungamirira kupa betsero uye kurudziro kupfurikidza nengwariro yedu nekudavidza kune zvaanotaura. Uye ndiani anoziva kuti iye angataura pamusoro pemurangariro wakati kana kuti revo yakati yatisina kutongofunga kare? Nemiromo yavacheche, kutaura nenzira yomudzimu, Jehovha anogona kugovera nzwisiso.—Mat. 11:25.

4 Kusanopa ngwariro kunokosha kana toreva nezvemisangano yeungano nemhaka yokuti zvinhu zvatinodzidza zvinofanira kushandiswa muupenyu hwedu. Tinokwanisa kupfeka unhu hutsva kupfurikidza nokuwana “zivo yakarurama.” (VaK. 3:9, 10) Asi kana tisati tichisanoteerera, kana tichikundikana kupa ngwariro kuudzame, hatinganzwisisi zvizere kuti ichinjoi dzinodikanwa muupenyu hwedu uye naizvozvo kukura kwedu kwomudzimu kungadziviswa. Uyewo, kunokosha kukwanisa kupa mhinduro dzakarurama muhwirudzuro dzokutaura kana kuti dzokunyora. Asi tinofanira kukwanisa kupa munhu ari wose anotibvunza chikonzero chetariro yakaisvonaka yatinokoshesa zvikuru sei, muushumiri hwomumunda!

5 Sezvaunosakurira muitiro wokusanopa ngwariro kuzvinotaurwa, uchavandudza mano ako okuyeuka zvinhu zvaunonzwa.

6-8. Unogona sei kudzivisa ndangariro yako kuti igorega kudzungaira apo hurukuro inenge ichipiwa?

6 Nzira yokuteerera nayo. Kuri nyore kurega zvimwe zvinhu zvichititsausa pamisangano. Tingabatikaniswa nezvinhu zvaitika mukati mezuva kana kuti kuitira hanya pamusoro pechimwe chinhu chinofanira kuitwa mangwana. Asi kana munhu asiri kusanoteerera zviri kutaurwa, nderipi riri donzo rokuvapo? Naizvozvo pane kudikanwa kwokuti mumwe nomumwe azvirange, adzore zvakasimba kufunga kwake. Munhu anofanira kutsunga kupa ngwariro yakazara kukurukurirano iri kuitwa, uye kuramba kubvumira ndangariro kudzungaira. Kunofanira kuva sokunge munhu aisa chidzitiro chendangariro pamifungo yose isina chokuita nenhau iri kukurukurwa. Ikoko kupa ngwariro.

7 Nzira yakanaka yokuzvidzivirira umene pandangariro inodzungaira kana kuti pamuitiro wokufunga zvisingabetseri ndeyokunyora zvinonyorwa zvamapfundo namagwaro zvinoshandiswa nomukurukuri. Ita kuti zvinonyorwa zvacho zvirambe zviri zvipfupi, sezvo zvakanyanyowandisa zvichatsausa ngwariro yako, nepo zvishomanene zvichabetsera kupa ngwariro kwako. Izvi zvinonyorwa zvingava zvoukoshi kwauri pane imwe nguva yapashure. Asi, kunyange kana ukasatongozvishandisazve, zvinobetsera kuchengeta ngwariro yako yakanangidzirwa pane zviri kutaurwa. Unova anobatanidzwa zvikuru munhau iri kukurukurwa uye unogona kuziva zvibvumikiso zvikuru zvomukurukuri.

8 Mukurukuriranowo zvayo chiratidzo chakanaka kuti mubiyako ari kuteerera kana achimutsa mibvunzo yokungwara panhau iri kukurukurwa. Naizvozvowo pakuteerera hurukuro yakagadzirirwa ufakazi hwakanaka hwokuti ndangariro yako iri panhau yacho kana uchizviwana uchimutsa mibvunzo inovaka uye ipapo kucherechedza kuti uone kana mukurukuri achaipindura. Pakati pezvimwe zvinhu, zvibvunze mashandisire aungagona kuita mashoko ari kukurukurwa.

9. Mwero wokukurumidza zvikuru wokufunga unogona sei kushandiswa nokuda kwokubetserwa zvakanaka pakuteerera hurukuro?

9 Munhuwo zvake anokurumidza kufunga zvikuru kupfuura kutaura kunogona kuita mukurukuri, kuchibvumidza nguva yokuti mifungo yokunze ipinde mundangariro. Kwakafungidzirwa kuti avhareji yomwero wokufunga inenge mashoko 400 paminiti, asi avhareji yomwero wokutaura inenge mashoko 125 paminiti. Zvisinei, uku kukurumidza kufunga kunogona kushandiswa nokubetserwa kwedu kana tikafungisisa mashoko anopiwa, tichiapfupikisa, tichiahwirudzura, uye naizvozvo kuasimbisa zvikuru mundangariro.

10, 11. Vavariro yakarurama inogona sei kuva yamuro mukuteerera?

10 Imwe yamuro yokuwana nayo mapfundo anokosha ane mukurukuri okupa ndeyokuteerera uine vavariro yakarurama. Harisati riri donzo redu kuteerera tiine murangariro wokutsoropodza mashoko omukurukuri nokukurukura. Muchikoro choushumiri mutariri akagadzwa ane basa rokupa zano. Naizvozvo ikoko kunosiya isu tose tasara takasununguka kuti tinangidzire ngwariro pamashoko api naapi anobetsera anopa mukurukuri.

11 Zvakare, apo mutariri wechikoro anopa zano kune vakurukuri vari vadzidzi, hakuwanzovaki kuti mumwe mudzidzi agova achisarudza kana iye achibvumirana nezano rinopiwa kana kuti kwete. Asi chaizvoizvo kuchamubetsera kuzvibvunza kana zano rimwe chetero richishanda kwaari, uye kuti ibetseroi yaanogona kuwana somunhu oga mariri. Nokudaro kupfurikidza nokuva muteereri akanaka iye anoyamurwa kufambira mberi kupfurikidza nehurukuro imwe neimwe inopiwa panzvimbo pokuganhurira kufambira mberi kwake kunhambo apo iye somunhu oga anogoverwa kuti akurukure.

12. Vana vanogona kudzidza nenzirai kuva vateereri vakanaka?

12 Pwere uye vana vaduku vanofanirawo kudzidziswa kuva vateereri vanopa ngwariro. Kunobetsera kana ivo vagere munzvimbo umo vanocherechedzwa navabereki. Kana vachigona kurava, kunovakurudzira kuva nekopi yavo vamene yechinyorwa chiri kushandiswa. Kazhinji kazhinji, kusachenjera kuvabvumidza kubatikanisa nguva yacho nezvinhu zvisina chokuita nepurogiramu yacho. Sekurudziro kukuteerera ivo vanogona kuitwa kuti vanzwisise kuti apo vanosvika kumba vachakumbirwa kudzokorora chimwe chinhu chavadzidza. Uye vanofanira kurumbidzwa nenzira youshamwari kana vachiyeuka kana kuti kunyora chimwe chinhu chataurwa mukati momusangano.—Dheut. 31:12.

13, 14. Miitiro yokudya inogona sei kutapura kuteerera kwedu?

13 Kunangidzira ngwariro kunova nyore zvikuru kana tave tichingwarira kudzivisa kudya zvokudya zvinobata ura chinguvana nguva yemisangano isati yasvika, nokuti ikoku kunoparira kurara. Ikoku imhaka yokuti simba romuviri rinoshandiswa kutarisira kuseredza, kuchisiya shomanene bedzi rokushandisa kufunga kwomunhu. Uine nzwisiso yendangariro yanzarwozvo kugomadzwa, pane ngozi yokungoteerera chete nenzira yousimbe zviri kutaurwa, pasina kudavidza kana kuti nzwisiso huru, kana kuti yokukotsira chose chose.

14 Zvichida kunotokosha zvikuru ndiko kuronga zvinhu zvako kuti uvepo nguva dzose nokuda kwomurayiridzo unopiwa. Vadzidzi pazvikoro zvizhinji vanopotsa zvidzidzo uye ipapo voedza kuhwirudzura mashoko acho ivo vamene. Asi hausati uchizotongobetserwa nomurayiridzo wausati uchinzwa. Usarega mhuri kana kuti shamwari vachikudzivisa kuva pamisangano. Iva nechokwadi chokuti unovapo kuti ugonzwa nekuva wenguva dzose kunotsigira upenyu zvokwadi dzinopiwa dzichibva muShoko raMwari.

15, 16. Tsanangura kuti tinogona sei kuedza ndokuvandudza mano edu okuteerera pamisangano.

15 Kuedza mano ako okuteerera. Tinopedza maawa mashanu vhiki imwe neimwe tiri pamisangano yeungano, uye mukati mezhinjisa yenguva iyoyo tine mukana wokudzidza kupfurikidza nokuteerera. Iwe somunhu oga unoshandisa zvakanakisisa zvinobvira nguva iyoyo here? Unochengeta mashoko mazhinji sei akaisvonaka anofukidzwa vhiki imwe neimwe nomukurukuri wavose? Pashure pokupinda chikoro choushumiri uye musangano webasa, unogona kutaura here mufungo mukuru wehurukuro imwe neimwe namashoko ako umene, kana kuti unowana hako kuti padzimwe nguva haugoni kunyange kuyeuka aiva papurogiramu? Ungabetserwa zvizere zvikuru nokushandisa nhamburiko huru zvikuru yokunangidzira ngwariro here, zvichida kunyange kunyora zvinonyorwa? Kuedze. Ipapo hwirudzura mifungo mikuru mukurukurirano navamwe pashure pemisangano yacho.

16 Mukati meinoverengeka yemisangano yedu yevhiki nevhiki, mibvunzo inobvunzwa uye vateereri vanokumbirwa kutsinhira. Tsinhiro idzodzo kazhinji kazhinji dzinoratidzira maawa efundo yomunhu oga uye makore oruzivo rwokuzviwanira. Apo vamwe vanotsinhira, unoteerera chaizvoizvo zvavari kutaura here? Unosanoteerera zvakakwana here zvokuti, apo vanenge vapedza, ungagona kudzokorora namashoko ako umene pfundo guru rezvavataura? Edza kuita izvozvo chaizvo, uye uchafadzwa nokuti unonzwa chaizvoizvo zvizhinji zvikuru sei.

17. Chii chichabetsera kuchengeta ngwariro yedu apo ndima dzinenge dzichiraviwa?

17 Mukati memisangano iyoyi kurava kuzhinji kunoitwawo. Ndima dzamashoko efundo dzinoraviwa pafundo yeNharireyomurindi nefundo yebhuku yeungano. Unoteerera chaizvoizvo zviri kuraviwa here, kana kuti unorega ndangariro yako ichidzungaira mukati mokurava here? Mune udzame huzhinji mundima uhwo nguva isingabvumidzi kuti hufukidzwe netsinhiro dzokutaura. Uye ipapo kudzokororwa kwamapfundo makuru navatsinhiri kunobetsera kusimbisa mashoko acho zvakajeka mundangariro. Zvizhinji sei zvatinogona kudzidza kana tichiteerera chaizvoizvo chinhu chiri chose chinoraviwa pamisangano! Kuchakubetsera kuita kudaro kana uchinangidzira maziso ako pamashoko akadhindwa pamwe chete nokuteerera.

18-20. Vateereri vanodisa vanotuswa sei?

18 Vateereri vanodisa vanotuswa. Vateereri vanodisa vanoziva kuti kune zvizhinji zvinofanira kudzidzwa uye vanodisisa kuwana zvizhinji sezvinobvira. Vanoteerera zano raZvirevo 2:3, 4 rinoti: “Chemera kunzwisisa . . . danidzira nenzwi rako kuti uwane njere, . . . tsvaka sesirivha.” Uye sezvavanotsvaka, Jehovha anovakomborera nemhaka yokuti akapikira kuti: “Ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, nokuwana zivo yaMwari. . . . uchanzwisisa kururama nokururamisa, nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka.”—Zvir. 2:5, 9.

19 Ichokwadi kuti kuti tive vateereri vakanaka tinofanira kuzviranga. Asi kunotusa sei! Kukura kwedu kwomudzimu kunova kunooneka nenzira iri nyore. Chinjo dzinobetsera dzinoitwa muupenyu hwedu. Uye mano edu okuzivisa mashoko akanaka pose pari paviri pachikuva nomuushumiri hwomumunda anovandudzika.

20 Nepo nguva yedu yefundo yomunhu oga ingava yakaganhurirwa zvikuru, tose tine mukana wokuteerera zvikuru pamisangano yeungano. Runokosha sei, ipapoka rudzi rwokuteerera kwedu! Uye sezvo zvinhu zvatinonzwa zvichibatanidza basa redu kuna Jehovha uye upenyu hwedu husingagumi, rakakodzera sei zano raJesu, rinoti: “Ngwarirai kuteerera kwenyu”!—Ruka 8:18, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe