RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 10/8 pp. 18-21
  • Zvinogona Kuitwa Nevapepi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinogona Kuitwa Nevapepi
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ita Kuti Upenyu Hurambe Hwakapfava
  • Kuramba Uchishanda Kunodiwa
  • “Ndaida Kuzviita”
  • Kubata Murwere Somunhu
    Mukai!—1998
  • Kutsungirira Hosha yeAlzheimer
    Mukai!—1998
  • Kutarisira Mutarisiri—Nzira Iyo Vamwe Vanogona Kubetsera Nayo
    Mukai!—1997
  • Denho Yokutarisira
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 10/8 pp. 18-21

Zvinogona Kuitwa Nevapepi

“NDINOGARA ndichishamiswa nemasiyanire anoita [vanhu] pakurarama nemamwe mamirire ezvinhu,” anodaro Margaret, nyanzvi yezvoutano yekuAustralia yakashanda nevarwere veAlzheimer nevapepi vavo kwemakore akawanda. “Dzimwe mhuri dzinokwanisa kurarama dzichimanikidzwa kuita zvinhu zvakaoma zvikurusa,” anopfuurira kuti, “nepo vamwe vasingakwanisi kurarama nemamiriro ezvinhu nokukurumidza panongochinja zvishomanene unhu hwemunhu wacho.”—Akatorwa mubhuku rinonzi When I Grow Too Old to Dream.

Chii chinoita kuti pave nomusiyano? Chimwe chinhu chinodaro mawiriranire aivapo chirwere chisati chatanga. Mhuri dzinowirirana noushamwari, uye dzinodanana dzingazviwana zviri nyore kurarama nazvo. Uye kana munhu ane hosha yeAlzheimer (AD) akatarisirwa zvakanaka, hosha yacho ingava iri nyore kubata nayo.

Pasinei zvapo nokuderera kwekushanda kwepfungwa, varwere vanowanzofara kana vakadiwa kana kubatwa nounyoro kusvika pakunopera kwehosha yavo. “Mashoko,” rinodaro gwaro rinopa mazano reCommunication, rinobudiswa neAlzheimer’s Disease Society of London, “haisiriyo nzira bedzi yokutaurirana nayo.” Kutaurirana pasina mashoko kunokosha kuvapepi kunobatanidza chitarisiko chechiso chokunyemwerera, choushamwari uye inzwi rine unyoro. Uye zvinokoshawo kutarisana mumaziso uyewo kutaura kwakajeka, kwakadzikama, nokushandisa zita romurwere kakawanda.

“Kuramba muchitaurirana nemudikanwi wako hakungobviri chete,” anodaro Kathy, ambodudzwa munyaya inotangira ino, “asi kunokoshawo. Kumubata noushamwari, inzwi rine unyoro uye, chaizvoizvo, kuvapo kwako chaiko kunoita kuti mudikanwi wako anzwe akachengeteka uye asimbiswa.” Alzheimer’s Disease Society of London inotaura zvose pamwe chete kuti: “Rudo runogona kukubatsirai kuwirirana, kunyanya kutaura pakunenge kwava kuoma. Kubata ruoko rwomunhu wacho, kugara pasi makavagumbatira, kutaura nenzwi rinonyevenutsa kana kuti kuvambundira dzose inzira dzinoratidza kuti uchiri kuitira hanya.”

Pane kuwirirana kwoushamwari, mupepi nemurwere vanogona kunyatsoseka pamwe chete kunyange panoitwa zvikanganiso. Somuenzaniso, mumwe murume anoyeuka kuwaridza mubhedha kwakaita mudzimai wake akavhiringidzika pfungwa achiisa magumbeze pakati pemashiti. Vakazozviona vava kunorara usiku ihwohwo. “Maiwe-e!” akadaro, “Ndiri benzi.” Uye vose vakaseka vakazvirega.

Ita Kuti Upenyu Hurambe Hwakapfava

Varwere vane AD vanogara zvakanaka munzvimbo yavakajaira. Vanodawo zvinhu zvekuita zvakarongwa zvezuva nezuva zvenguva dzose. Kuti zviite, karenda hombe ine zvinhu zvekuita zvezuva nezuva zvakanyorwa zvakajeka inobatsira zvikuru. “Kutamisa munhu kubva paajaira,” anotsanangura kudaro Dr. Gerry Bennett, “kunogona kuva nemigumisiro inotyisa. Zvinhu zvakafanana uye zvinopfuurira zvinokosha zvikuru kumunhu akavhiringidzika pfungwa.”

Sezvo hosha yacho inokura, varwere veAD vanoomerwa nokuteerera mirayiridzo. Mirayiridzo inofanira kupiwa nenzira yakapfava, yakajeka. Somuenzaniso, kuudza murwere kuti apfeke zvingava zvakaoma zvikuru. Zvinhu zviri kuda kupfekwa zvingafanira kurongwa kuwirirana nemapfekerwe azvo uye murwere obatsirwa kupfeka chimwe nechimwe.

Kuramba Uchishanda Kunodiwa

Vamwe varwere veAD vanofamba-famba kana kuti vanobva pamba pavo vorasika. Kufamba-famba kurovedza muviri kwakanakira murwere uye kungaderedza funganyo ndokuita kuti munhu anyatsorara. Zvisinei, kubva pamba kunogona kuva kune ngozi. Bhuku rinonzi Alzheimer’s—Caring for Your Loved One, Caring for Yourself rinotsanangura kuti: “Kana mudikanwi wako akabva pamba, watarisana nenhau yokukurumidzira iyo ingapedzisira nyore nyore yava njodzi. Mashoko okuyeuka ndeokuti usavhunduka. . . . Vanhu vanenge vachimutsvaka vanoda rondedzero yemunhu wavari kutsvaga. Iva nemifananidzo ine ruvara yazvino uno pamba.”a

Ukuwo, vamwe varwere vangava vakaneta neta uye vachingoda kugara chete zuva rose. Edza kuvaita kuti vaite chimwe chinhu chinokunakidzai mose muri vaviri. Ita kuti vaimbe, varidze muridzo, kana kuridza chiridzwa chenziyo. Vamwe vanonakidzwa nokuombera, kufamba, kana kuti kutamba nziyo dzavanofarira. Dr. Carmel Sheridan anotsanangura kuti: “Basa rinobudirira zvikurusa kuvanhu vane AD kazhinji rinenge richibatanidza nziyo. Dzimwe mhuri dzinowanzotaura kuti pashure pokunge zvimwe [zvinhu] zvisisarevi chinhu, hama yavo ichiri kunakidzwa nenziyo nemarimba zvakajairika.”

“Ndaida Kuzviita”

Mumwe mudzimai wekuSouth Africa aiva nemurume aiva neAD yakanga yava kutonopera aifarira kupedza zuva roga roga mumusha unochengeterwa vakwegura. Zvisinei, mitezo yemhuri inoitira hanya yaimutsoropodza nemhaka yekuita izvi. Zvichida kwavari zvairatidzika sekunge aipedza nguva yake, sezvo murume wake aiita seakanga asisamuzivi uye asisatauri kana chinhu. “Kunyange zvakadaro,” akatsanangura kudaro pashure perufu rwake, “Ndaida kugara naye. Vakoti vakanga vane basa zvikuru, naizvozo paaizvisvibisa, ndaigona kumugezesa nokumuchinja. Zvaindifadza—ndaida kuzviita. Pane imwe nguva, akakuvara patsoka pandaimusunda pawiricheya. Ndakati, ‘Pari kurwadza here?’ uye akapindura kuti, ‘Pangarega here!’ Ipapo ndakaziva kuti akanga achiri kunzwa marwadzo nokutaura.”

Kunyange mumhuri manga musina kuwirirana kwakanaka AD isati yatanga, kunyange zvakadaro vapepi vakakwanisa kurarama nazvo.b Kungoziva chete kuti vari kuita zvakanaka uye zvinofadza Mwari kunogona kuvaita kuti vanzwe vachigutsikana. Bhaibheri rinotaura kuti, unofanira ‘Kukudza mutana’ uye, “Usazvidza mai vako kana vachembera.” (Revhitiko 19:32; Zvirevo 23:22) Kupfuurezvo, vaKristu vanorayirwa kuti: “Asi kana, chirikadzi ina vana kana vazukuru, ngavatange ivo kudzidza kunamata Mwari paimba yavo, nokuti ndizvo zvinofadza Mwari. Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.”—1 Timotio 5:4, 8.

Kupfurikidza nokubatsirwa naMwari, vapepi vakawanda vakakwanisa kuita basa rakanaka pakutarisira hama dzinorwara, kubatanidza vanorwara nehosha yeAlzheimer.

[Mashoko Omuzasi]

a Vamwe vapepi vakazviona zvichibatsira kupa murwere gwaro rinotaura kuti ndiani, zvichida sechishongo chemuruoko kana kuti chuma chomuhuro.

b Nokuda kwemamwe mashoko okuwedzera pamusoro pokupepa uye kuti vamwe vanhu vanogona sei kubatsira, tapota ona nyaya dzakatevedzana dzinoti “Kutarisira—Kugonana Nedenho Yacho,” dziri pamapeji 3-12 muchinyorwa chaFebruary 8, 1997, cheMukai!

[Bhokisi riri papeji 19]

Hosha yeAlzheimer Nemishonga

KUNYANGE zvazvo mishonga inopfuura 200 yekurapa nayo hosha yeAlzheimer iri kuongororwa, (AD) haisati yava kurapika. Mimwe mirimo iri kunzi inoderedza hanganwa kwenguva yakati kuti kana AD ichiri kutanga kana kuti kunonotsa kukura kwehosha yacho muvamwe varwere. Zvisinei, panofanira kungwarirwa, nokuti mishonga iyi haishandi muvarwere vose, uye mimwe inogona kukuvadza. Mimwe mishonga, zvisinei, inoshandiswa kurapa hosha dzinomuka nemhaka yeAD, dzakadai sekuora mwoyo, kufunganya, uye kusarara. Kana yatanga yaona chiremba womurwere, mhuri imwe neimwe inogona kuyera zvakanakira nokuipira kushandisa mumwe mushonga isati yasarudza zvekuita.

[Bhokisi riri papeji 19]

Kubatsira Kunogona Kuita Vashanyi

NEMHAKA yekusashanda zvakanaka kwepfungwa, avo vane hosha yeAlzheimer (AD) kazhinji havakwanisi kukurukura zvakazara nhau dziri kuitika panguva iyoyo. Zvisinei, kutaura pamusoro pezvinhu zvakapfuura kungava kwakati siyanei. Kuyeukwa kwezvinhu zvakaitika kare kare kungaramba kuripo, kunyanya kana hosha yacho ichangotanga. Varwere vakawanda veAD vanonakidzwa nokuyeuka zvakaitika kwavari munguva yakapfuura. Naizvozvo vakumbirei kurondedzera dzimwe dzenhau dzavanofarira zvikurusa, kunyange kana wakambodzinzwa kakawanda. Paunodaro unoita kuti murwere afare. Panguva imwe cheteyo, ungave uchipa mupepi zororo raanoda zvikuru. Kutaura chokwadi, kuzvipira kutarisira murwere kwenguva yakati, zvichida zuva rose, kunogona kubatsira zvikuru kuzorodza mupepi.

[Bhokisi riri papeji 20]

Kugara Nomunhu Anozviitira

KUNYANGE zvazvo kuzviitira “kuchiratidzika sechinhu chakaoma zvikurusa kushivirira pane zvose,” rinodaro gwaro rinopa mazano rinonzi Incontinence, “pane zvinhu zvinogona kuitwa kurerutsa chinetso chacho kana kuita kuti chirege kunyanyonetesa.” Yeuka kuti murwere wacho haazorambi achizviitira zvechigarire; zvimwe angangova avhiringidzika bedzi kana kuti anonoka kuenda kuchimbudzi. Kupfuurezvo, murwere angangova nechirwere chinorapika chiri kuita kuti azviitire kwechinguvana, naizvozvo ungada kuona chiremba.

Chero chingava chikonzero, kuzviitira kunogona kuderedzwa kana murwere akapfeka mbatya dzokunze dziri nyore kupfeka nokupfekenura uye mbatya dzomukati dzakasonerwa izvozvo. Zvichabatsirawo kuisa machira anodzivira mibhedha nezvigaro. Dzivisa kukweshera paganda romurwere kupfurikidza nokusava nemapurasitiki pedyo neganda romurwere. Uyewo, gezesa murwere zvakanaka nemvura inodziya, ine sipo, uye nyatsomuomesa usati wamupfekedza. Bvisa zvinhu zvingatadzisa murwere kuenda kuchimbuzi nokukurumidza uye asingadhumiri. Zvingabatsira kusiya mwenje uchipfuta usiku kuitira kuti aone nzira. Nemhaka yokuti murwere angava asisagoni kugadzikana panguva iyi, chokubatirira chakaiswa pakanaka chingaita kuti asazeza kuenda kuchimbuzi.

“Kana uchigonawo kutaura zvinosetsa,” inotaura kudaro Alzheimer’s Disease Society of London, “zvingaderedza kurema kwenhambo yacho.” Mupepi angatarisana sei nemabasa aya akaoma? Mumwe mupepi agara nebasa racho anopindura kuti: “Kushivirira, unyoro, mutsa, uye tsika dzakanaka izvozvo zvichaita kuti murwere arambe ane chiremera chake nguva dzose, pasina kutya kunyadziswa kana kuti kunyara.”

[Bhokisi riri papeji 21]

Murwere Anofanira Kutamiswa Here?

NENZIRA inosuruvarisa, kuderera kweutano hwevanhu vane hosha yeAlzheimer (AD) kungada kuti vabviswe mumba mavo vachiendeswa kumba kwehama kana kuti musha unochengeterwa vakwegura. Zvisinei, musati mafunga zvokubvisa murwere paakajaira kugara, zvimwe zvinhu zvinokosha zvinofanira kuongororwa.

Kurasika kwakakomba kunogona kukonzerwa nekutama. Dr. Gerry Bennett anopa muenzaniso wemurwere aiwanzodzungaira uye dzimwe nguva achirasika. Kunyange zvakadaro, aikwanisa kugara oga. Mhuri yake, zvisinei, yakafunga kuti aifanira kutamira pamba yaiva pedyo kuitira kuti vapote vachimuona zviri nani.

“Nenzira inosuruvarisa,” anotsanangura kudaro Dr. Bennett, “haana kumbobvuma nzvimbo yacho itsva sepamba. . . . Nenzira inosuruvarisa haana kumbogadzikana, uye zvechokwadi akatoitwa munhu anoda kugara achibatsirwa nemhaka yokuti akanga asisakwanisi kushanda muimba yake itsva. Kicheni yacho akanga asina kuijaira, uye aisayeuka nzira itsva yekuchimbuzi uye akatanga kuzviitira. Pavavariro dzakanakisisa pakabva njodzi zvokuti mhedziso yazvo yakava kuendeswa kunzvimbo inochengeterwa vanorwara.”—Alzheimer’s Disease and Other Confusional States.

Zvisinei, zvakadini kana pasina zvimwe zvingaitwe kunze kwokuendesa murwere wacho kunzvimbo inochengeterwa varwere? Chokwadi ichi hachisi chisarudzo chiri nyore kuita. Kutaura chokwadi, zvinotsanangurwa se“chimwe chezvinhu zvikurusa zvinoita kuti munhu anzwe ane mhaka” zvinosangana nevapepi, zvichiwanzovaita kuti vanzwe vakundikana uye sevarasa mudikani wavo.

“Izvi ndozvatinoita sevanhu,” anodaro mumwe mukoti agara nebasa rokurapa varwere veAD, “asi kunzwa une mhaka kunenge kusingafaniri kuitika.” Neiko? “Nemhaka yokuti,” anopindura kudaro, “kutarisira nokuchengeteka [murwere wacho] ndizvo zvinhu zvinenge zvichinyanyofungwa nezvazvo.” Vanachiremba Oliver naBock vanobvumirana nokuti: “Chisarudzo chokuti mupepi haachazvigoni uye kuti chirwere hachichaiti kuti munhu wacho achengeterwe kumba chakaoma.” Zvisinei, pashure pokuyera mamiriro acho ose ezvinhu zvavo, vamwe vapepi vangagumisa kuti “kuisa murwere mumusha unochengeterwa vakwegura . . . ndizvo zvakanyanyonakira murwere wacho.”—Coping With Alzheimer’s: A Caregiver’s Emotional Survival Guide.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Batsira murwere kuti arambe achiziva zviri kuitika

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe