Apo Tariro Nerudo Zvinodzoka
VABEREKI, vadzidzisi, nevamwe vanoshanda nevaduku vanoziva kuti ivo kana pwere kunyange mumwe munhu upi noupiwo zvake havagoni kuchinja nyika. Pane masimba ari kushanda akaita semafungu egungwa, asina munhu anogona kuamisa. Asi, pane zvakawanda zvatinogona tose kuita kubatsira pwere kuti dziwedzere kufara, dziwedzere utano, uye dzinzwe dzichikwana munzanga.
Sezvo kudzivirira kuri nani pane kurapa, vabereki vanofanira kunyatsofunga pamusoro pokuti mararamire avo nezvavanokoshesa zvingagona kuumba sei mafungire nezviito zvevana vavo. Kupa mhoteredzo ine rudo nokuitira hanya pamba zvinopa kuchengeteka kunogona kudzivira nenzira yakanakisisa kuzviparadza. Chimwe chezvinhu zvinodiwa zvikurusa nepwere mumwe munhu achavateerera. Kana vabereki vasiri kuzoteerera, zvichida vamwe vanhu vasinganyanyodiwa ndivo vachadaro.
Izvozvo zvinorevei kuvabereki nhasi? Wanirai vana venyu nguva pavanenge vachiida—pavanenge vari vaduku. Izvi hazvisi nyore kumhuri dzakawanda. Vanotamburira kuti vawane chokurarama nacho, vabereki vose vari vaviri vachimanikidzwa kushanda. Kune avo vakadisisa uye vakazvipira kuti vave nenguva yakawanda nevana vavo kazhinji vakawana mubayiro wokuona vanakomana nevanasikana vavo vachibudirira zviri nani muupenyu. Zvisinei, sezvambodudzwa pamavambo, dzimwe nguva kunyange apo vabereki vanoedza nepavanogona napo, zvinetso zvakakomba nevana vavo zvinogona kumuka.
Shamwari Nevamwe Vakuru Vanogona Kubatsira
Hondo, kubata chibharo, uye kubatwa zvisina kufanira kwepwere kunoda kuti vakuru vanoitira hanya zvepachokwadi vaite nhamburiko dzinopfuura dzinowanzoitwa kuti vadzivise kukuvadzwa kwepwere. Pwere dzinotambudzwa nezvakaitika zvakadaro dzingasadavidza zvakanaka kunyange panoitwa nhamburiko dzokuvabatsira. Zvingada kuti upedze nguva yako yakawanda nenhamburiko. Chokwadi kuvadukupisa kana kuvaramba hakusi kuchenjera kana kuratidza rudo. Tinogona here kuva nomutsa unodiwa uye rudo kuavo vari mungozi?
Havasi vabereki chete asi shamwari kunyange vakoma kana vanin’ina vanofanira kunyanya kungwarira zviratidzo muvaduku zvingaratidza mirangariro isina kugadzikana. (Ona bhokisi rakanzi “Kubatsira Kwounyanzvi Kunodiwa,” peji 8.) Kana zviratidzo zviripo, kurumidza kuteerera. Kana zvichibvira, edza kuziva zviri mumwoyo mepwere iri kunetseka kupfurikidza nokubvunza nomutsa kuti vave nechokwadi choushamwari hwako hwechokwadi. Shamwari nehama dzinovimbwa nadzo dzingakwanisa kutsigira pakubata nemamiriro ezvinhu akaoma; asi, chokwadika, vanofanira kungwarira kusatora basa revabereki. Kazhinji kwazvo kuda kuzviuraya kwepwere kuchemera kupiwa ngwariro—ngwariro yevabereki.
Chimwe chezvipo zvakanakisisa icho munhu anogona kupa pwere itariro yechokwadi yeramangwana rinofadza, chimwe chinhu chokuraramira. Pwere dzakawanda dzakasvika pakuziva kuti zvipikirwa zveBhaibheri zvegadziriro yenyika iri nani iri kuuya nokukurumidza ndezvechokwadi.
Kununurwa Mukwaizova Kuzviuraya
Mumwe mukadzi muduku wokuJapan, aigara achifunga kuzviuraya anoti: “Kangani kandakashuva kuzviuraya. Apo ndaiva ndumure, ndakabatwa chibharo nemumwe munhu wandaivimba naye. . . . Munguva yakapfuura, ndakanyora tsamba dzakawanda kwazvo ndichitaura kuti ‘ndinoda kufa’ zvokuti handichazivi kuti ingani. Zvino ndava Chapupu chaJehovha, uye ndinoshanda semushumiri wenguva yakazara, asi chishuvo ichi chinombodzoka nguva nenguva. . . . Asi Jehovha akandibvumidza kuramba ndiri mupenyu, uye anoita seari kundiudza zvinyoronyoro kuti, ‘Ramba uchirarama.’”
Mumwe musikana ane makore 15 wekuRussia akatsanangura kuti: “Pandaiva nemakore masere, ndakatanga kunzwa kuti hapana munhu aindida. Vabereki vangu vakanga vasina nguva yokutaura neni, uye ndakaedza kupedza zvinetso zvangu ndoga. Ndakarega kutaura nevanhu. Nguva dzose ndaipopotedzana nehama dzangu. Ipapo pfungwa yokuzviuraya yakauya kwandiri. Ndakafara sei kuonana neZvapupu zvaJehovha!”
Uye kuAustralia kunobva tsinhiro idzi dzinokurudzira dzaCathy, uyo zvino apfuura makore 30 zvishoma, kuratidza kuti kutambura kunogona chaizvoizvo kuchinja kuva tariro: “Nguva dzose ndairota pamusoro pemitoo yakasiyana-siyana yekugumisa nayo upenyu hwangu uye pakupedzisira ndakaedza kuzviuraya. Ndaida kutiza nyika ino, yakazara nekurwadziwa, hasha, uye isina tariro. Kuora mwoyo kwakaita kuti zviome kubuda ‘mudandadzi’ randaifunga kuti ndakabatwa naro. Naizvozvo, kuzviuraya kwairatidzika semhinduro panguva iyoyo.
“Pandakatanga kunzwa kuti zvinobvira kuti pasi rive paradhiso, ine upenyu hune rugare, hunofadza vose, ndakanyatsonzwa kuida. Asi zvairatidzika sechirotowo zvacho bedzi. Zvisinei, zvishoma nezvishoma ndakatanga kunzwisisa maonere anoita Jehovha upenyu uye nekukosha kunoita mumwe nomumwe wedu kwaari. Ndakatanga kuva nechivimbo chokuti kune tariro yeramangwana. Pakupedzisira, ndakabuda mu‘dandadzi’ iroro. Kubudamo, zvisinei, kwakabvumikisa kuva kwakaoma. Dzimwe nguva kuora mwoyo kwaindikurira, uye ndainzwa ndavhiringidzika zvakaipisisa. Asi, kuita Jehovha Mwari chinhu chinokosha zvikurusa muupenyu hwangu kwakandiita ndive pedyo zvikuru naye uye kunzwa ndakachengeteka. Ndinoonga Jehovha nokuda kwezvose zvaakandiitira.”
Hakusisinazve Kufa Kwepwere
Kupfurikidza nokufunda Bhaibheri, munhu muduku anogona kusvika pakuziva kuti pane chimwe chinhu chiri nani chokukarira—chinodaidzwa nomuapostora wechiKristu Pauro kuti “upenyu chaihwo.” Akarayira murume muduku Timotio kuti: “Rayira vapfumi panyika yazvino, kuti varege . . . kuvimba nepfuma isingagari, asi naMwari, unotipa zvose achiwanza, kuti tifare nazvo; kuti vaite zvakanaka, vave vapfumi pamabasa akanaka, . . . vazvirongedzere nheyo dzakanaka dzenguva inouya, kuti vabatisise upenyu chaihwo.”—1 Timotio 6:17-19.
Zano raPauro, chaizvoizvo, rinoreva kuti tinofanira kuva nechokuita nevamwe vanhu, tichivabatsira kurongedzera nheyo dzakanaka dzenguva inouya. “Upenyu chaihwo” ndihwo hwakapikirwa naJehovha munyika yake itsva ye“matenga matsva nepasi idzva.”—2 Petro 3:13.
Pwere zhinji dzaimbova mungozi dzava kunzwisisa kuti kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo nemararamire ounzenza zvinongova hazvo nzira refu inomonereka inoenda kurufu, kuzviuraya kunongova zvako nzira yokudimburira. Dzava kuziva kuti nyika ino, nehondo dzayo, ruvengo, muitiro usina kufanira, uye nemitoo isina rudo, zvichakurumidza kupfuura. Dzakadzidza kuti maitirwe ezvinhu enyika ino haagadzirisike. Dzakadavira zvepachokwadi kuti Umambo hwaMwari ndiyo tariro bedzi yechokwadi, nokuti ichaunza nyika itsva umo kwete pwere bedzi asi vanhu vose vanoteerera vasingazofaniri kufazve—kwete, kunyange kuda kufazve.—Zvakazarurwa 21:1-4.
[Bhokisi riri papeji 8]
Kubatsira Kwounyanzvi Kunodiwa
The American Medical Association Encyclopedia of Medicine inotaura kuti “kunopfuura 90 muzana kwekuzviuraya kunoparirwa nokurwara mundangariro.” Inoronga kurwara kwakadai sokuora mwoyo kwakakomba (inenge 15 muzana), schizophrenia (inenge 10 muzana), kusagona kugara pasina kudhakwa (inenge 7 muzana), chirwere chokusada kugara pane vanhu (inenge 5 muzana), rumwe rudzi rweneurosis (pasi pe5 muzana). Inopa zano rokuti: “Kuedza kuzviuraya kwose hakufaniri kuitwa zvokutambwa nako. Makumi maviri kusvika ku30 muzana yevanhu vanoedza kuzviuraya vanoedzazve gore risati rapera.” Dr. Jan Fawcett anonyora kuti: “Kunopfuura 50 muzana kwekuzviuraya [muUnited States] kunoitika kuvanhu vasina kumbobvira vaona nyanzvi yeutano hwepfungwa.” Uye rimwe bhuku rinoti: “Kurapa kunokosha zvikurusa ndekwokuti munhu wacho aone chiremba wepfungwa nokukurumidza sezvaanogona kuti abatsirwe kupedza kuora mwoyo kunoparira zvose.”