RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 9/8 pp. 6-8
  • Apo Tariro Nerudo Zvinotsakatika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Apo Tariro Nerudo Zvinotsakatika
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vara Rinoponesa Upenyu?
  • Kusava Netariro Kunogona Kuva Mugumo Wacho
  • Kuzviuraya—Dambudziko Rakapararira Revaduku
    Mukai!—1998
  • Dambudziko Riri Pasi Pose
    Mukai!—2001
  • Chinoita Kuti Vanhu Varase Tariro Muupenyu
    Mukai!—2001
  • Kuzviuraya—Dambudziko Revakawanda Risiri Pachena
    Mukai!—2000
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 9/8 pp. 6-8

Apo Tariro Nerudo Zvinotsakatika

MUMWE musikana ane makore 17 wekuCanada akanyora zvikonzero zvake zvaaida kufira. Pamusoro pezvimwe zvinhu, akanyora kuti: ‘Kusurikirwa nokutya ramangwana rangu; kunzwa ndakaderera kupfuura vandinoshanda navo; hondo yenyukireya; kuparadzwa kweozone; ndakanyangara zvechokwadi, nokudaro handimbofa ndakawana murume uye ndichapedzisira ndangova ndoga; handifungi kuti pane chinhu chaichoicho chandinofanira kuraramira, naizvozvo kumirirei kuti nditange ndazviona; kufa kwangu kucharerutsira munhu wose; handizomborwadziswa nemumwe munhu zvakare.’

Izvi zvingava zvimwe zvezvikonzero nei vaduku vari kuzviuraya here? MuCanada, “kunze kwetsaona dzemotokari, kuzviuraya zvino chava chikonzero chinozivikanwa zvikurusa cherufu pakati pavo.”—The Globe and Mail.

Purofesa Riaz Hassan, wepaFlinders University of South Australia, anonyora mune rimwe gwaro rake kuti “Upenyu Hwakadimbudzirwa: Zviri Mukuzviuraya Kwepwere”: “Pane zvikonzero zvakati kuti zvenzanga zvine chekuita nenhau yacho zvinoratidzika sezvakaparira kuzviuraya kwevayaruki. Zvinoti kushaya mabasa kwevaduku; kuchinja kwemhuri dzeAustralia; kuwedzera kwekushandiswa kwemirimo nekushandiswa kwayo zvisina kufanira; kuwedzera kwemasimba masimba kupwere; utano hwendangariro; uye kuwedzera kwe‘rusununguko rwekungotaura nemuromo chete’ asi kuzvitonga kusingamboonekwi.” Gwaro racho rinopfuurira kutaura zvakawanika pashure pokunzvera kwakawanda zvakaratidza pfungwa yokukarira zvinhu zvakaipa mune ramangwana uye rinoti “vanhu vaduku vakawanda vanofungidzira nguva yavo yemberi neyenyika vachitya. Vanoona nyika ichizoparadzwa nehondo yenyukireya uye ichisakadzwa nokusvibiswa nokuparadzwa kwemhoteredzo, nzanga isina unhu umo kugadzirwa kwezvinhu kusisadzoreki uye kushaya mabasa kwakapararira.”

Maererano nekunzvera kwakaitwa kuGallup kwevane makore 16 kusvika ku24, zvimwewo zvinoparira kuzviuraya musiyano uri kuramba uchikura pakati pevapfumi nevarombo, nhamba dziri kuwedzera dzemhuri dzine mubereki mumwe chete, kushandiswa kwepfuti kuri kuwedzera, kubata vana zvisina kufanira, “kurasikirwa nokutenda mune ramangwana.”

Newsweek inoshuma kuti muUnited States, “kuvapo kwezvombo ndicho chingava chikonzero chikurusa [chekuzviuraya kwevechiduku]. Kumwe kunzvera kwaienzanisa kuzviuraya kwevayaruki vakanga vasingaratidzi kurwara nepfungwa nevana vasina kuzviuraya kwakawana musiyano mumwe chete: pfuti ine mabara mumba. Zvinopesana zvikuru nemafungire evanhu okuti pfuti hadzisiridzo dzinouraya asi vanhu ndivo vanodaro.” Uye mamiriyoni edzimba ane pfuti dzine mabara!

Kutya nenzanga isingaitiri hanya zvinogona kukurumidza kuita kuti pwere dzide kuzviuraya. Imbofunga: Mawandire akaita mhosva dzakaitirwa vane makore 12 kusvika ku19 dzinopfuura kakapetwa kaviri mhosva dzinoitirwa vanhuwo zvavo. Kunzvera kwakawana kuti “vakadzi vaduku kubva pamakore 14 kusvika 24 zvinobvira zvikuru kuti varohwe kana kutukwa,” yakashuma kudaro magazini yeMaclean’s. “Kazhinji vakadzi vanorwiswa nokuurawa nevanhu vanoti vanovada.” Mugumisiro wacho ndeupi? Izvi nekumwe kutya “zvinoparadza chivimbo nokuchengeteka kwevasikana ava.” Mune kumwe kunzvera, chinoda kusvika chikamu chimwe muzvitatu chevakapukunyuka kubatwa chibharo chakabvunzurudzwa chakambofunga kuzviuraya.

Mumwe mushumo wekuNew Zealand unopa mamwe maonere okuzviuraya kwevaduku, uchiti: “Kukoshesa pfuma, nezvinhu zvenyika kuripo kunoita kuti munhu akapfuma, akanaka, uye ane simba anzi ndiye akabudirira kunoita kuti vaduku vakawanda vanzwe vasingakoshi uye vasingadiwi nenzanga.” Kuwedzera, The Futurist inotaura izvi: “[Pwere] dzinoda zvikuru kuzvigutsa nokukurumidza, dzichida zvose uye dzichizvida nokukurumidza. Mafirimu avanoda zvikurusa masoap opera. Dzingada kuti nyika yadzo izadzwe nevanhu vakafanana vakanaka, vakapfeka zvinhu zviri mufashoni, vane mari yakawanda nemukurumbira, uye vasingafaniri kunyanyoshanda zvakasimba.” Makurire oga ekariro idzodzo dzisingaiti, dzisingambofa dzakavapo anoita seanoparira kuora mwoyo kwakati kuti uye angaparira kuzviuraya.

Vara Rinoponesa Upenyu?

Shakespeare akanyora kuti: “Rudo runonyevenutsa somushana pashure pokunaya kwemvura.” Bhaibheri rinoti: “Rudo harutongoperi.” (1 VaKorinte 13:8) Muvara iroro mune mhinduro yechinetso chevaduku vanoda kuzviuraya—kuchemera kwavo kudiwa nekukurukura. The American Medical Association Encyclopedia of Medicine inotaura kuti: “Vanhu vane pfungwa dzekuzviuraya vanonzwa vakasurikirwa zvikurusa, uye mukana wokutaura nemumwe munhu anonzwira tsitsi, anonzwisisa dzimwe nguva ndizvo bedzi zvinongodiwa kudzivisa chiito chinoparirwa nokuora mwoyo.”

Pwere kazhinji dzinoda zvikuru kudiwa uye kunzwa kuti dzine kwadzo. Kugutsa chishuvo ichi kunogona kuramba kuchioma sezvo zuva rimwe nerimwe rinopfuura munyika isina rudo uye inoparadza—nyika yadzisingagoni kuchinja. Kurambwa nevabereki nemhaka yekuparara kwemhuri uye kurambana kunogona kuparirawo kuzviuraya kwevaduku. Uye kurambwa uku kwakasiyana-siyana.

Imbofunga nezvevabereki vasingawanzovi pamba nevana vavo. Amai naBaba vangava vakabatikana zvikuru nemabasa avo kana kuti vane rumwe rudzi rwekuzvivaraidza rusingabatanidzi vana. Shoko risina kunanga ravanopa vana vavo kuvaramba kuri pachena. Mutori wenhau nomunzveri akakurumbira Hugh Mackay anotaura kuti “vabereki vari kuramba vachiva vanhu vanozvifunga. Vanozvikoshesa kuitira kuti vachengetedze mararamire avo. . . . Kuzvitaura nenzira youtsinye, kuva nevana kwakabuda mufashoni. . . . Upenyu hwakaoma uye hunoita kuti munhu ade kuzvifunga.”

Uyewo, kumamwe marudzi varume vanoda kunzi varume vangasada kuonekwa vachiita basa rokurera. Wezvenhau Kate Legge anozvirondedzera nenzira yakanaka kuti: “Varume vanoshanda nevanhu vanosarudza mabasa okununura vanhu kana kudzima moto pane kurera. . . . Vanosarudza kuva magamba okurwisa masimba omusikirwo pane mabasa ane chokuita nevanhu.” Asika, rimwe remabasa makuru nhasi ane chokuita nevanhu kuva mubereki. Kutadza kuva mubereki akanaka kwakafanana nokuramba mwana wacho. Somugumisiro, mwanakomana kana mwanasikana wako angatanga kuzviona nenzira yakaipa uye angashaya unyanzvi hwakanaka hwokugara nevamwe. The Education Digest inotaura kuti: “Kana vasingazvioni nenzira yakanaka, vana havana pokuvakira zvisarudzo zvakavanakira.”

Kusava Netariro Kunogona Kuva Mugumo Wacho

Vanzveri vanotaura kuti kusava netariro ndicho chikonzero chikuru chinoparira kuzviuraya. Gail Mason, anonyora pamusoro pokuzviuraya kwepwere muAustralia, akataura kuti: “Kusava netariro kunonzi kunowirirana zvikuru nepfungwa dzokuzviuraya kupfuura kuora mwoyo. Kushaya tariro dzimwe nguva kunorondedzerwa sechimwe chiratidzo chekuora mwoyo. . . . Kunowanzova muchimiro chokugara uchinzwa kutambudzika uye kuona rima muramangwana revaduku, uye kunyanya munyaya dzemari: zvishomawo kusava netariro pamusoro pemamiriro ezvinhu enyika yose.”

Mienzaniso yakaipa yekusatendeseka yevatungamiriri vomunzvimbomo haikuchidziri pwere kuwedzera manakire etsika dzavo. Ipapo mafungire acho anova okuti, “Ndinozvinetserei?” Harper’s Magazine inotsinhira pamusoro pemano epwere okuziva kana pane kunyengera, ichiti: “Vaduku, nemadire avanoita kuziva kana pane kunyengera, kutaura chokwadi varavi vane unyanzvi—asi kwete vemabhuku. Zvavanonyatsorava zviratidzo zvenzanga zvinobuda munyika mavari kuda kuzorarama vari.” Uye zviratidzo izvozvo zvinojekesei? Munyori Stephanie Dowrick anotaura kuti: “Hatisati tambova nemafasha fasha emashoko anotaura nezvemararamire. Hatisati tambopfuma kana kuti kudzidza zviri nani sezvatiri, asi pane kuora mwoyo kwese kwese.” Uye kune mienzaniso mishomanene yakanaka yokutevedzera munzanga yevanhu vanotungamirira mune zvematongerwe enyika uye rudzidziso. Dowrick anobvunza mibvunzo mishomanene ine chokuita nenhau iyoyo: “Tinowana sei uchenjeri, mano okugadzirisa zvatinenge takanganisa uye kunyange zvinorehwa nokutambura kusina mufungo? Tinogona sei kuva norudo mumhoteredzo ine undingoveni, usindimari uye makaro?”

Uchawana mhinduro dzemibvunzo iyi munyaya yedu inotevera, uye dzingatokushamisa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

“Vanhu vaduku vakawanda vanofungidzira nguva yavo yemberi neyenyika vachitya”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]

“Mukana wokutaura nemunhu anonzwira tsitsi, anonzwisisa dzimwe nguva ndizvo bedzi zvinongodiwa kudzivisa chiito chinoparirwa nokuora mwoyo”

[Bhokisi riri papeji 6]

Zvimwe Zviratidzo Zvokuzviuraya

• Kusarara, kusafarira kudya

• Kuzviparadzanisa nevamwe nokusada kutaura, kuda kuita tsaona

• Kutiza pamba

• Chitarisiko chinongoerekana chachinja

• Kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo/kana zvinodhaka

• Kubvunda uye hasha

• Kutaura zverufu; mashoko akanyorwa anotaura zvekuzvikuvadza; kudhirowa zvinoratidza masimba masimba, kunyanya pamusoro pemunhu wacho pachake

• Kunzwa une mhaka

• Kusava netariro, kufunganya, kuora mwoyo, kungochema zvisinganzwisisiki

• Kugova zvinhu

• Nhambo pfupi dzokuisa pfungwa pachinhu chimwe

• Kusafarira zvinhu zvinonakidza

• Kuzvitsoropodza

• Unzenza

• Basa rechikoro rinongoerekana raderera, kurovha chikoro

• Kuva mutezo wesekete kana gen’a

• Nhambo yokufara zvikuru pashure pokuora mwoyo

Zvakavakirwa paTeens in Crisis (American Association of School Administrators) uye Depression and Suicide in Children and Adolescents, raPhilip G. Patros naTonia K. Shamoo

[Mufananidzo uri papeji 7]

Rudo rwoushamwari netsitsi zvinogona kubatsira pwere kukoshesa upenyu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe