Mhinduro Ndeipi?
NYANZVI dzinokurukura zvakasimba pamusoro pemhinduro dzezvinetso zvakaoma zvemvura zvorudzi rwomunhu. World Bank rinoda madhora ane mabhiriyoni 6 000 okushandisira utsanana nezvirongwa zvemvura mukati memakore gumi anotevera. Mutengo wokusashandisa mari ungava wakatokwira zvikuru. MuPeru, somuenzaniso, kupararira kwecholera kwamavhiki gumi, kwakaparirwa nemvura ine tsvina, nguva pfupi yapfuura kwakaita madhora ane mabhiriyoni gumi—inopeta katatu mari inoshandiswa mukugovera mvura nyika yacho mukati mama1980 ose.
Bva, pasinei zvapo nevavariro dzakanaka dzaavo vanozvikurudzira, zvirongwa zvemvura kazhinji kazhinji zvinoita zvishoma kubetsera varombo zvikuru. Kukura mumaguta makurusa omunyika dzichiri kubudirira kunotyisa uye hakuna kurongeka. Varombo vanogara muzvitangwena zvakamanikidzana, zvourombo zvisina pombi dzemvura kana kuti utsanana. Nemhaka yokusava nemvura yakaderedzerwa vose nehurumende, vanofanira kubhadhara mvura kuvatengesi vasiri vehurumende pamitengo yakakwira, kazhinji kazhinji mvura ine tsvina.
Nenzira yakajeka, nhamo yemvura yenyika yose yakaoma uye inobatanidza zvinhu zvakabatana zvinoti: kushomeka kwemvura, kushatsa, urombo, hosha, uye zvinodikanwa navagari vapasi zvinowedzera. Kwakajekawo kuti vanhu havagoni kupedza zvinetso izvi.
Chikonzero Chetariro
Nguva yemberi, zvisinei, haisi isingafadzi seizvo vazhinji vanofanotaura. Nei? Nemhaka yokuti mhinduro yenhamo yemvura yenyika haina vanhu; asi ina Mwari. Iye oga ane zvose zviri zviviri mano nechido zvokupedza zvinetso zvose zvemvura.
Hapana mubvunzo kuti Jehovha Mwari anogona kupedza zvinetso izvi. Ndiye Murongi noMusiki kwete bedzi wapasi asiwo wemvura dziri pariri. Ndiye akatanga kufambisa kutenderera kwemvura kwakaisvonaka pamwe nekumwe kutenderera kwose kwomusikirwo kunoita kuti upenyu pasi pano hubvire. Zvakazarurwa 14:7 inozivisa Jehovha sa“iye, wakasika denga, nenyika, negungwa namatsime emvura.”
Jehovha ane simba rokudzora mvura yenyika. Ndiye “unonisa mvura panyika, unotuma mvura paminda.” (Jobho 5:10) Pamusoro pake Bhaibheri rinoti: “Unoshandura renje riite dziva remvura, nenyika yakaoma iite matsime emvura.”—Pisarema 107:35.
Kakawanda akabvumikisa mano ake okugovera mvura. Somuenzaniso, akagovera vaIsraeri mvura mukati memakore avo 40 murenje, pane dzimwe nguva nenzira inoshamisa. “Wakabudisawo hova dzemvura padombo, akayererisa mvura zhinji yakaita senzizi,” rinodaro Bhaibheri. “Tarirai wakarova dombo, mvura zhinji ikadzutuka, hova dzakayerera.”—Pisarema 78:16, 20.
Zvichaita Mwari
Mwari haasati achizobvumira nhamo yemvura kupfuurira nokusingaperi. Bhaibheri rinofanotaura kuti nguva iri kuuya apo achaita chiito nokuda kwavose avo munyika yose vanoda kurarama mukutonga kune rudo kwehurumende yake yokudenga, iyo ichakurumidza kudzora pasi.—Mateo 6:10.
Hurumende iyoyo, kana kuti Umambo, ichagumisa hosha dzinopfuudzwa nomumvura, pamwe nezvimwe zvirwere zvose. Bhaibheri rinopikira vakavimbika vaMwari kuti: “[Mwari] aropafadze chingwa chako nemvura yako; neni [ndicha]bvisa urwere pakati penyu.” (Eksodho 23:25) Kupfuurezvo, vanoshatsa mvura dzapasi vachaparadzwa sezvo ano‘paradza avo vanoparadza pasi.’—Zvakazarurwa 11:18.
Pasi rose richabudirira mukutarisira kwaMwari kworudo. Vanhu havazotamburirizve kuwana mvura yakanaka, yakachena nokusingaperi. Mwari Wamasimba Ose, uyo anotaura chokwadi nguva dzose, akafuridzira muporofita wake kunyora nezvenguva yemberi kuti: “Nokuti mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova dzemvura musango. Jecha, rinopisa, richashanduka dziva, nevhu, rine nyota, zvitubu zvemvura; paugaro hwamakava, paaivata, pachava nouswa, netsanga nenhokwe.”—Isaya 35:6, 7; VaHebheru 6:18.
[Mufananidzo uri papeji 30]
Mwari anopikira kuti: “Mvura zhinji ichadzutuka murenje, . . . nevhu, rine nyota, [richava] zvitubu zvemvura.”—Isaya 35:6, 7