Kutsvaka Mvura Inopa Upenyu
ANODARIKA makore zviuru zviviri apfuura, rimwe guta rakanga richibudirira revanhu 30 000 rakasvika pakukurumbira muArabian Desert. Pasinei nokupisa kwakanyanya, uye avhareji yemvura inonaya inosvika mamirimita 150 chete pagore, vagari vomuPetra vakadzidza kurarama nemvura shoma. Uye Petra yakapfuma ndokubudirira.
Vagari vomuNabataea muPetra vakanga vasina pombi dzemvura dzinoshanda nemagetsi. Havana kuvaka madhamu makuru. Asi vaiziva nzira yokuwana nayo uye kuchengetedza mvura yavo. Madhamu maduku akawanda, migero, uye matsime zvakaita kuti vanyatsotsaudzira mvura muguta ravo uye muminda yavo miduku. Hapana kana donhwe rairaswa. Matsime avo nemadhamu zvakanga zvakanyatsovakwa zvokuti vaBedouin vemazuva ano vachiri kuzvishandisa.
“Unyanzvi hwokushandisa mvura ndicho chinhu chakaisvonaka zvikuru muPetra,” akadaro mumwe injiniya. “Vanhu ivavo vaiva nyanzvi chaidzoidzo.” Munguva ichangopfuura, vanamazvikokota vokuIsrael vave vachitsvaka kudzidza unyanzvi hwevaNabataea, vairimawo zvirimwa muNegeb, uko mvura inonaya isingambodariki mamirimita 100 pagore. Vanamazvikokota vokurima vakaongorora zvisaririra zviri muzviuru zveminda yevaNabataea avo vaichera migero yaienda muminda yavo panguva yechando.
Zvidzidzo zvakadzidzwa nezvevaNabataea zviri kutobatsira varimi munzvimbo dzisinganayi mvura dzomuSahel muAfrica. Zvisinei, nzira dzemazuva ano dzokuchengetedza nadzo mvura dzinogona kubatsirawo. PaLanzarote, chimwe cheZvitsuwa zveCanary, chiri kumahombekombe kweAfrica, varimi vakadzidza nzira dzokurima nadzo magirepi nemaonde kunzvimbo dzisinganayi mvura. Vanodyara minda yemagirepi kana mionde pasi pemakomba akatenderera uye kuti mwando usapera vanozovhara ivhu racho nedota rinobva pakuputika kwemakomo. Dova rakakwana rinogona kuyerera richidzika kumidzi yacho kuti pave nezvirimwa zvakanaka.
Zvokushandisa Zviri Nyore
Nyaya dzakafanana neiyi dzokurarama kusinganayi mvura yakawanda dzinowanikwa munyika yose—zvakadai sevaBishnoi, vanogara muThar Desert muIndia; vakadzi vechiTurkana muKenya; uye vaNavajo veArizona kuU.S.A. Zvavanoita kuti vachengetedze mvura inonaya, zvavakadzidza kwemazana emakore apfuura, zviri kuratidza kushanda pakugadzirisa zvavanoda pakurima pane kugadzira michina mihombe.
Zana remakore rechi20 rave riri rokuvaka madhamu. Nzizi hombe dzakadzivirirwa, uye zvirongwa zvokudiridza zvikuru zvakatangwa. Mumwe musayendisiti anofungidzira kuti 60 muzana yenzizi dzepasi yave ichidzorwa munzira yakati. Nepo zvirongwa zvakadaro zvakabatsira, nyanzvi dzinoona nezvokudyidzana kwezvinhu zvipenyu nezvakazvikomberedza dzinotaura nezvokuparadzwa kwaitwa mhoteredzo, tisingatauri hedu nezvomugumisiro wacho pamamiriyoni evanhu akarasikirwa nemisha yawo.
Uyezve, pasinei nevavariro dzakanaka, varimi vanoda mvura zvikuru havabatsirwi nezvirongwa izvi. Achitaura pamusoro pezvirongwa zvokudiridza muIndia, aimbova Mutungamiriri Wenyika Rajiv Gandhi akati: “Kwemakore 16 takashandisa mazakwatira emari. Vanhu hapana chavakawana, hapana kudiridza, hapana mvura, hapana kuwedzera kwezvigadzirwa, hapana anovabatsira muupenyu hwavo hwezuva nezuva.”
Ukuwo, zvokushandisa zviri nyore zvaratidza kuti zvinoshanda zvikuru uye hazvinyanyi kukuvadza mhoteredzo. Tumadhamu uye madhamu makuru zvakavakwa nevanhu vomuChina zvave zvichibudirira zvikuru, uye zvinosvika mamiriyoni matanhatu zvave zvichivakwa. MuIsrael, vanhu vakawana kuti nezvinovhiringidza zvishomanana, mvura imwe chete iyoyo inogona kushandiswa pakugeza, mukurasa tsvina uye pakupedzisira mukudiridza.
Chimwe chinoshanda kudiridza uchishandisa tupombi tunenge turi pamusoro pevhu kana kuti tunenge turi muvhu tunoita zvokudonhedzera mvura, uko kunochengetedza ivhu uye kunoshandisa 5 muzana chete yemvura inodiwa nenzira dzokudiridza dzatagara tichiziva. Kushandiswa nokuchenjera kwemvura kunorevawo kusarudza zvirimwa zvinokura munzvimbo dzisinganayi mvura, zvakadai semapfunde kana mhunga, pane zviya zvingada kudiridzwa kwakanyanya, zvakadai senzimbe kana gorosi.
Nokuedza kushomanana, vanoshandisa pamba nomumaindasitiri vanogonawo kuderedza mvura yavanoshandisa. Somuenzaniso, kirogiramu yepepa inogona kugadzirwa nerinenge rita rimwe chete remvura kana mvura yomufekitari ichishandiswazve—inodarika 99 muzana inochengetedzwa. Mexico City yakatsiva zvimbudzi zvekare nezvimwe zvinoshandisa mvura isingasviki pahafu yacho. Guta racho rakatsigirawo chirongwa chokuparadzira mashoko aiva nechinangwa chokuderedza zvikuru kushandiswa kwemvura.
Chinodiwa Kuti Pave Norubudiriro
Kupedza matambudziko emvura—nezvimwe zvinetso zvemhoteredzo zvakawanda—zvinoda kuchinja mumafungiro. Vanhu vanofanira kushandira pamwe pane kuva noudyire, kurega zvimwe zvinhu pazvakafanira, uye kuva vakatsunga kutarisira pasi kuitirawo vachauya mangwana. Munhau iyi, Sandra Postel, mubhuku rake rinonzi Last Oasis—Facing Water Scarcity, anotsanangura kuti: “Tinoda [mitemo] inotaura nezvemvura—nhungamiro yokuzvibata kwakanaka mukutarisana nezvisarudzo zvakaoma pamusoro pezvinhu zvakasikwa zvakadaro zvatisinganzwisisi uye zvatisingazombofi takanzwisisa.”
Zvechokwadi, “[mitemo] inotaura nezvemvura” iyoyo inoda zvinopfuura zvinhu zvomunharaunda iyoyo. Nyika pamwe nevavakidzani vanofanira kushandira pamwe, sezvo nzizi dzisingazivi kuti kune chinonzi miganhu yenyika. “Kunetseka pamusoro pouwandu nokuchena kwemvura—zvaimbonzi hazvifambidzani—zvinofanira kuonekwa senhau yomunyika yose zvino,” anodaro Ismail Serageldin mumushumo wake unoti Beating the Water Crisis.
Asi kuunganidza nyika kuti dzitarisire nhau dzomunyika yose harisi basa riri nyore, sezvinobvumwa noMunyori Mukuru weUN Kofi Annan. “Munyika yanhasi iri nyore kufamba,” anodaro, “nzira dziripo dzokushandira pamwe kwenyika dzose dzichiri kwokutanga. Ino ndiyo nguva yokuti tinyatsoshandisa pfungwa ‘yokubatana kwenyika dzakawanda.’”
Zvakajeka kuti kuwanikwa kwemvura yakanaka yakakwana—kunyange zvazvo kuchikosha—hakusiko kwoga kunokosha kana tichizova noupenyu hwakanaka hunofadza. Vanhu vanofanira kutanga vaziva zvavanofanira kuitira Uyo akapa zvose mvura noupenyu. (Pisarema 36:9; 100:3) Uye pane kuparadza pasi nezviwanikwa zvapo vasingafungi zviri mberi, vanofanira ‘kuparima uye kupachengeta,’ sezvakarayirwa vabereki vedu vokutanga noMusiki wedu.—Genesi 2:8, 15; Pisarema 115:16.
Rudzi Rwepamusorosoro Rwemvura
Sezvo mvura ichikosha zvakadai, hazvishamisi kuti muBhaibheri inofananidzira zvinhu zvinokosha zvikuru. Zvechokwadi, kuti tinakidzwe noupenyu sezvatakanga takarongerwa, tinofanira kuziva kunobva mvura iyi yokufananidzira. Tinofanirawo kudzidza kuratidza mafungiro omukadzi womuzana remakore rokutanga akakumbira Jesu Kristu kuti: “Changamire, ndipei iyi mvura.” (Johani 4:15) Ona zvakaitika zvacho.
Jesu akamira patsime riri pedyo neNablus yemazuva ano—zvichida ndiro tsime iro vanhu kupote pasi vanowanzoshanyira nanhasi. Panguva iyoyo, mukadzi muSamariya akauyawo patsime racho. Kufanana nevakadzi vakawanda vomuzana remakore rokutanga, pasina mubvunzo nguva dzose aienda ikoko kuitira kuti musha wake ugare uine mvura. Asi Jesu akati aikwanisa kumupa “mvura mhenyu”—chitubu chemvura chisingazomboperi.—Johani 4:10, 13, 14.
Zvinonzwisisika kuti mukadzi wacho akazvifarira. Asi, zvechokwadi “mvura mhenyu” iyo Jesu akataura nezvayo yakanga isiri mvura chaiyo yatinoona. Jesu akanga achifunga pamusoro pezvinhu zvokunamata zvinogonesa vanhu kurarama nokusingaperi. Zvisinei, pane kufanana kuripo pakati pemvura yokufananidzira nemvura chaiyo—tinoda yose kuti tinakidzwe zvizere noupenyu.
Pazviitiko zvinopfuura chimwe, Mwari akapedza zvinetso zvevanhu vake zvokuperevedza chaiko kwemvura. Akapa mvura nenzira inoshamisa kuboka guru revaIsraeri vaiva vapoteri vakapfuura nomugwenga reSinai pavaienda kuNyika Yakapikirwa. (Eksodho 17:1-6; Numeri 20:2-11) Erisha, muprofita waMwari, akachenesa tsime reJeriko rakanga rasvibiswa. (2 Madzimambo 2:19-22) Uye apo vakasara vevaIsraeri vakapfidza pavakadzokera kubva kuBhabhironi vachienda kunyika yokumusha kwavo, Mwari akavatungamirira ku‘mvura dzomurenje.’—Isaya 43:14, 19-21.
Mvura isingaperi ndiyo chaiyo inodiwa nokukurumidza nepasi redu nhasi. Sezvo Musiki wedu, Jehovha Mwari akapedza zvinetso zvemvura munguva yakapfuura, haangaitizve kudaro munguva yemberi here? Bhaibheri rinotivimbisa kuti achadaro. Achirondedzera mamiriro ezvinhu pasi poUmambo hwake hwakapikirwa, Mwari anoti: “Ndichazarura nzizi pamakomo asina miti, namatsime pakati pemipata; renje ndichariita dziva remvura, nenyika yakaoma zvitubu zvemvura . . . kuti vaone, nokuziva, nokurangarira, nokunzwisisa vose, kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rwakaita izvozvo, uye kuti Mutsvene waIsraeri ndiye wakazvisika.”—Isaya 41:18, 20.
Bhaibheri rinotipikira kuti panosvika nguva iyoyo, vanhu “havangavi nenzara kana nyota.” (Isaya 49:10) Nemhaka yehurumende itsva yepasi pose, kuchava nechinopedza dambudziko remvura zvachose. Hurumende iyi—Umambo, uhwo Jesu akatidzidzisa kunyengeterera—huchashanda “nokururamisira nokururama kubva zvino kusvikira panguva isingaperi.” (Isaya 9:6, 7; Mateu 6:9, 10) Somugumisiro, vanhu kwose kwose pasi pano vachabatana kuva nzanga yemarudzi akawanda yechokwadi.—Pisarema 72:5, 7, 8.
Kana tikatsvaka mvura inopa upenyu iye zvino, tinogona kutarisira kuona zuva rakuchava nemvura yakakwana kumunhu wose zvechokwadi.
[Mifananidzo iri papeji 26]
Pamusoro: Vagari vekare vomuPetra vaiziva nzira yokuchengetedza nayo mvura
Pasi: Mugero wemvura wevaNabataea muPetra
[Kwazvakatorwa]
Garo Nalbandian
[Mufananidzo uri papeji 26]
Varimi pane chimwe cheZvitsuwa zveCanary vakadzidza nzira yokurima nayo zvirimwa muzvimbo isinganayi mvura
[Mifananidzo iri papeji 29]
Jesu airevei paakapikira mukadzi uyu “mvura mhenyu”?