“Rakanga Riri Bhuku Rokutanga Raakanga Ati Amborava”
Zvapupu zvaJehovha muUkraine kazhinji kazhinji zvinotaura neavo vanenge vakamirira zvitima. Mumwe mukadzi akaratidza kufarira Bhaibheri akagoverwa kopi yeBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, chinyorwa chine mifananidzo yakawanda munhau yacho yekuverengwa kwenguva yeBhaibheri.
Gare gare, pachiteshi chimwe chetecho, mukadzi wacho akaona Chapupu chacho zvekare uye akachitenda nokuda kwebhuku racho, achitsanangura kuti: “Mwanakomana wangu akanga asingadi kufunda mabhuku ake ekuchikoro. Aisatomboarava. Asi pandakamupa bhuku Renhau dzeBhaibheri, akaona mifananidzo uye akava nechishuvo chakasimba chokurirava. Akarava bhuku racho rose mumavhiki anenge maviri. Rakanga riri bhuku rokutanga raakanga ati amborava. Asi kupfuura zvose, akafadzwa nokuziva Mwari. Uye ini pachangu ndinofara kuona kuchinja uku maari. Ndapota ndipei chimwe chinhu chokurava.”
Mumwe mukadzi akanga akamira pedyo uye akanzwa nyaya iyi. Akabvunza kana aigona kuwana kopi yeBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Iwewo unogona kuwana kopi yebhuku iri rine mapeji 256 kana kuti kuva nemumwe munhu anokushanyira kuti azokurukura newe kukosha kwedzidzo yeBhaibheri, kupfurikidza nokunyorera Watch Tower, Private Bag A-6113, Avondale, Zimbabwe, kana kuti kukero iri pedyo newe yakarongwa papeji 5.