Kugonana Nedenho Yacho
MUKATI memakore akapfuura kurapa kunoverengeka kwakakarakadzwa nokuda kweADHD. Kumwe kwaikoku kwakapa ngwariro pazvokudya. Zvisinei, dzimwe nzvero dzinokarakadza kuti zvinowedzerwa muzvokudya hazviwanzoparira kusadzikama uye kuti kurapa nezvokudya kazhinji kazhinji hakushandi. Mimwe mitoo yokurapa nayo ADHD kurapa nomushonga, kugadzirisa mufambiro, uye kurovedza kuziva.a
Kurapa nomushonga. Sezvo ADHD sezviri pachena ichibatanidza kusashanda zvakanaka kweuropi, kurapa nomushonga yokudzorera kuterama kwakafanira kwemakemikoro kwakabvumikisa kuva kunobetsera kuvazhinji.b Zvisinei, kurapa nomushonga hakutsivi kudzidza. Kunongobetsera zvako mwana kuti ateerere, kuchimupa hwaro hwokudzidzira unyanzvi hutsva.
Vakura vazhinji vane ADHD vakayamurwa nenzira yakafanana nekurapa nomushonga. Zvisinei, kungwarira kwakakodzera—kupwere nevakura—sezvo kumwe kurapa nomushonga unonyandura unoshandiswa kurapa ADHD kuchigona kupinda muropa.
Kugadzirisa mufambiro. ADHD yemwana haisununguri vabereki pamutoro wokupa chirango. Kunyange zvazvo mwana wacho angave ane zvinodikanwa chaizvo muna ikoku, Bhaibheri rinorayira vabereki kuti: “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.” (Zvirevo 22:6) Mubhuku rake rinonzi Your Hyperactive Child, Barbara Ingersoll anoti: “Mubereki anorega zvake mwana wake asina kudzikama ‘achiita madiro’ haasi kubetsera mwana wake. Kungofanana nomumwe mwana upi noupi, mwana asina kudzikama anoda chirango chenguva dzose chakabatanidzwa nokuremekedza mwana wacho semunhu. Ikoku kunoreva ganhuriro dzakajeka netuso dzakakodzera nezvirango.”
Naizvozvo kunokosha kuti vabereki vagovere mitemo yakajeka. Kupfuurirazve, kunofanira kuva nomuitiro worumano mumibato yezuva nezuva. Vabereki vangada kupa mwana rusununguko rwakati mukugadzira rudungwe urwu, kubatanidza nguva yebasa rinoitirwa kumba, fundo, kugeza, zvichingodaro. Ipapo iva wenguva dzose mukuona kana zvaitwa. Iva nechokwadi chokuti muitiro wezuva nezuva unoomererwa kwauri. Phi Delta Kappan anoti: “Vanachiremba, nyanzvi dzokushanda kwendangariro, vakuru vechikoro, uye vadzidzisi vane mutoro kumwana nokuvabereki vemwana wokutsanangura kuti kuwanwa kweADD kana kuti ADHD haisi mvumo yokuita madiro, asi panzvimbo pezvo itsananguro ingatungamirira kubetsero yakakodzera nokuda kwemwana ane chinetso ichi.”
Rovedzo yokuziva. Iyoyi inobatanidza kubetsera mwana kuchinja marangariro aanozviita amene nehosha yake. “Vanhu vane chinetso cheattention-deficit disorder vanonzwa ‘vakaipa, vari mafuza, uye vasingafaniri’ kunyange kana vachikwezva, vakangwara, uye vane mwoyo wakanaka,” anodaro Dr. Ronald Goldberg. Naizvozvo, mwana ane ADD kana kuti ADHD anofanira kuva nomurangariro wakafanira wokukosha kwake, uye anofanira kuziva kuti zvinetso zvake zvokuteerera zvinogona kudzoreka. Ikoku kunokosha zvikurukuru mukati mokuyaruka. Panozosvika nguva apo munhu ane ADHD anosvika makore ouduku, angave awana kutsoropodzwa kwakawanda kunobva kuvaenzani, vadzidzisi, varumudzani, uye zvichida kunyange kunobva kuvabereki. Anofanira zvino kugadza vavariro chaidzoidzo dzinosvikika nokuzviera amene zvakafanira panzvimbo pokuita nehasha.
Mitoo iri pamusoro apa yokurapa inogona kurondwawo nevakuru vane ADHD. “Kugadzirisa kuri madikanwa zvichitsamira pazera,” anonyora kudaro Dr. Goldberg, “asi hwaro hwekurapa—kurapa nomushonga pakunenge kwakakodzera, kugadziriswa kwomufambiro, uye rovedzo [yokuziva]—kunoramba kuri mitoo yakanaka muupenyu hwose.”
Kugovera Tsigiro
John, baba vemuyaruki ane ADHD, anoti kuvabereki vari mumamiriro ezvinhu akafanana: “Dzidzai zvose zvamunogona pamusoro pechinetso ichi. Itai zvisarudzo zvokuchenjera. Kupfuura zvose, idai mwana wenyu, muvakei. Kuzvizvidza kunopedza simba.”
Kuti mwana ane ADHD ave netsigiro yakakwana, vabereki vose vari vaviri vanofanira kubatira pamwe. Dr. Gordon Serfontein anonyora kuti mwana ane ADHD anofanira “kuziva kuti anodiwa mumusha uye kuti rudo rwacho runobva murudo ruripo pakati pevabereki.” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) Sezvineiwo, rudo rwakadaro haruratidzirwi nguva dzose. Dr. Serfontein anopfuurira kuti: “Kwakanyatsobvumikiswa kuti mumhuri mune [mwana ane ADHD], mune bviro inodokuva yakakwirira nechikamu chimwe muzvitatu yenyongano nokuparara kweroorano kupfuura mumhuri yenguva dzose.” Kudzivisa nyongano yakadaro, baba vacho vanofanira kuita rutivi runokosha mukurera mwana ane ADHD. Basa racho harifaniri kuiswa pana mai chete chete.—VaEfeso 6:4; 1 Petro 3:7.
Shamwari dzapedyo, kunyange zvazvo dzisiri rutivi rwemhuri yacho, dzinogona kuva dzetsigiro huru. Sei? “Iva ane mutsa,” anodaro John, anokorwa mashoko pakuvamba. “Tarira zvakadzama kupfuura zvinogona kuonekwa nemaziso ako. Svika pakuziva mwana wacho. Taurawo nevabereki vacho. Vari kuita sei? Chii chavanoitirana nharo nacho zuva nezuva?”—Zvirevo 17:17.
Mitezo yeungano yechiKristu inogona kuita zvakawanda kutsigira vose vari vaviri mwana ane ADHD nevabereki vacho. Sei? Nokuva ine mufungo mune zvainokarira. (VaFiripi 4:5) Padzimwe nguva, mwana ane ADHD angava anoparadza. Panzvimbo pokutsinhira noutsinye, “Nei musingagoni kudzora mwana wenyu?” kana kuti “Nei musingangomurangi?” mutendi biyako anonzwisisa achaziva kuti vabereki vangave vachitoremerwa nezvinodikanwa zvezuva nezuva zvokurera mwana ane ADHD. Chokwadika, vabereki vanofanira kuita zvavanogona kudzora mufambiro unoparadza wemwana. Kunyange zvakadaro, panzvimbo pokubvotomoka nehasha, avo vane ukama mukutenda vanofanira kuvavarira kuratidza “tsitsi” uye ku‘pa chikomborero.’ (1 Petro 3:8, 9) Zvirokwazvo, kazhinji kazhinji kuri kupfurikidza nevanamati biyako vanonzwira tsitsi avo Mwari “anonyaradza vakaneta.”—2 VaKorinte 7:5-7.
Vadzidzi veBhaibheri vanoziva kuti kusakwana kwose kwomunhu, kubatanidza kusakwanisa kudzidza neADHD, kwakagarwa nhaka kumunhu wokutanga, Adhama. (VaRoma 5:12) Vanozivawo kuti Musiki, Jehovha, achazadzika chipikirwa chake chokuparira nyika itsva yakarurama umo chirwere chinotambudza chichave chisisipozve. (Isaya 33:24; Zvakazarurwa 21:1-4) Chipikirwa ichi chitsigiso chetsigiro kuna avo vakatapurwa nehosha dzakadai seADHD. “Zera, rovedzo, uye ruzivo rwokuzviwanira zviri kubetsera mwana wedu kunzwisisa nokudzora hosha yake,” anodaro John. “Asi haasati achizotongorapwa chose chose mutsika ino yezvinhu. Nyaradzo yedu yezuva nezuva ndeyokuti munyika itsva, Jehovha acharuramisa hosha yemwana wedu ndokumugonesa kufarikanya upenyu zvizere.”
[Mashoko Omuzasi]
a Mukai! haitsigiri rudzi rupi norupi rwakati rwokurapa. VaKristu vanofanira kungwarira kuti kurapa kupi nokupi kwavanoronda hakurwisani nenheyo dzeBhaibheri.
b Vamwe vanorwadzwa nemishonga kusingadikanwi, kubatanidza funganyo uye zvimwe zvinetso zvendangariro zvakati. Kupfuurirazve, kurapa nomushonga unonyandura kunogona kuwedzera kupfura kwetsandanyama muvarwere nechinetso cheTourette syndrome. Kurapa nomushonga kunofanira naizvozvo kutarisirwa nachiremba.
[Bhokisi riri papeji 29]
Shoko Renyevero Kuvabereki
VANENGE vana vose padzimwe nguva havateereri, vane mawara, uye vanofarisa. Kuvapo kwemavara aya hakuratidziri nguva dzose ADHD. Mubhuku rake rinonzi Before It’s Too Late, Dr. Stanton E. Samenow anoti: “Ndakaona zviitiko zvisingaverengeki umo mwana asingadi kuita chimwe chinhu anoregererwa nemhaka yokuti anofungwa kuva ari kurwara neurema kana kuti mamiriro ezvinhu asiri mhaka yake.”
Dr. Richard Bromfield anoonawo kudikanwa kwenyevero. “Zvirokwazvo, vamwe vanhu vakawanwa vane ADHD vakakuvadzwa maneuron uye anofanira kurapwa nomushonga,” anonyora kudaro. “Asi hosha yacho iri kunzi ndiyo inoparira marudzi ose etsika dzakashata, unyengeri, kuregeredza uye zvimwe zvinetso zvenzanga izvo muzviitiko zvizhinjisa zvisinei neADHD. Kutaura idi, kushaikwa kwezvinokosha muupenyu hwazvino uno—masimba masimba pose pose, kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo uye, zvimwe zvinhu zvisinganyanyi kutyisa, zvakadai semisha isina tsika ine nyongano—ine bviro zvikuru yokurera ADHD—sekusazorora kupfuura kukuvara kwemaneuron kupi nokupi.”
Kuri nokudaro nechikonzero chakanaka kuti Dr. Ronald Goldberg anonyevera kusashandisa ADHD se“nge ndicho chirwere choga.” Zano rake ndereku“va nechokwadi chokuti hapana chinokosha chinosara pakunzvera hosha.” Zviratidzo zvakafanana neADHD zvingaratidzira chipi nechipi chezvinetso zvizhinji zvemuviri kana kuti zvendangariro. Rubatsiro rwachiremba ane ruzivo rwokuzviwanira naizvozvo runokosha mukunzvera kwakarurama.
Kunyange kana kunzvera kukaitwa, vabereki vangaita zvakanaka kuera zvakanakira nezvakaipira kurapa nomushonga. Ritalin inogona kubvisa zviratidzo zvisingadikanwi, asi inogonawo kuva nezvainoparira zvisingafadzi, zvakadai sokusarara, funganyo yakawedzerwa, uye kuvhunduka. Nokudaro, Dr. Richard Bromfield anoyambira nezvekukurumidzisa kurapa mwana nemushonga nokuda bedzi kwekubvisa zviratidzo zvake. “Vana vazhinjisa, uye vakuru vakawanda zvikuru, vari kupiwa Ritalin zvisina kukodzera,” iye anodaro. “Sokuziva kwangu, kushandiswa kweRitalin kunoratidzika sokunotsamira zvikurukuru pakukwanisa kwevabereki nevadzidzisi kushivirira mufambiro wevana. Ndinoziva nezvevana vakaipiwa kuitira kuvanyaradza panzvimbo pokusvitsa zvinodikanwa zvavo.”
Vabereki naizvozvo havafaniri kukurumidzisa kuti vana vavo vane ADHD kana kuti kusakwanisa kudzidza. Panzvimbo pezvo, vanofanira kuera ufakazi nokungwarira, nebetsero yamazvikokota. Kana kukawanwa kuti mwana ane hosha yokudzidza kana kuti ADHD, vabereki vanofanira kutora nguva yokusvika pakunyatsoziva nezvechinetso chacho kuitira kuti vagogona kuitira vana vavo zvakanakisisa.
[Mufananidzo uri papeji 30]
Mwana ane ADHD anoda chirango chomutsa bva chenguva dzose
[Mufananidzo uri papeji 31]
Kurumbidzwa nevabereki kunoita zvakawanda