RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 12/8 pp. 23-28
  • Kurera Mwana Akaoma

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurera Mwana Akaoma
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuyera Nokupindira
  • Vana Vakaneteswa Nenhamo
  • Deredzai Rwisano
  • Kutarisirwa Kwomufambiro
  • Rumbidzo, Kwete Shurikidzo
  • Chakaitika chaBaba naGreg
  • Kugonana Nedenho Yacho
    Mukai!—1997
  • “Terama Uteerere!”
    Mukai!—1997
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Basa Rako Somubereki
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 12/8 pp. 23-28

Kurera Mwana Akaoma

“WAVA nezuva rakanaka here?” Susan anobvunza mwanakomana wake Jimmy apo anokwira mumotokari sezvaanomutora achibva kuchikoro. Achifinyama, anomufuratira. “Haiwa, unofanira kuva wava nezuva rakashata,” anodudza kudaro mukunzwira tsitsi. “Unoda kutaura pamusoro pako here?”

“Siyanai neni,” anohonya mukupindura.

“Ndiri kungonetseka bedzi pamusoro pako. Unoratidzika sousingafari zvikuru. Ndinoda kubetsera.”

“Handidi betsero yenyu!” anozhamba kudaro. “Siyanai neni! Ndinokuvengai. Ndinoshuva kuti kudai ndakafa!”

“Jimmy!” Susan anotura befu, “usataura kwandiri saizvozvo zvimwe—zvimwe ndinokurova! Ndanga ndichingoedza bedzi kuva akanaka. Handinzwisisi kuti chii chiri kukuita kuti udaro. Hapana chandinotaura kana kuita chinokufadza.”

Akangaidzwa nokuvhiringidzwa nebasa rake amene rezuva, Susan anopinda napakati pemotokari achishamisika kuti akambokwanisa sei kuwana mwana akadai. Anonzwa avhiringidzika, apererwa nezano rose, uye ashatirwa, pamwe chete nokunzwira mwanakomana wake amene pfundepfunde, uye mirangariro yokuva nemhaka inomutambudza. Susan anotya kuenda naye kumba—mwana wake amene. Anodokuva asingadi kuziva icho chaitika nhasi pachikoro. Pasina kupokana mudzidzisi aizoridza runhare zvakare. Pane dzimwe nguva Susan aisatombogona kugonana nako.

Nokudaro zviitiko zvinoratidzika kuva zvakapfava zvinokura mukuva chiitiko chemirangariro chakasimba chakaremedzwa nefunganyo. Vana avo vari ADD/ADHD, kana kuti zvimwe vanorondedzerwa sa“vakaoma,” nomutoo wamavara vanoita nenzira yesimba zvikuru apo vanotarisana nezvinetso. Vanoda kusvika nokukurumidza mumiriro wezvinhu wokushatirwa, vachisiya vabereki vashatirwa, vakatyamadzwa, uye pakupedzisira vaneteswa.

Kuyera Nokupindira

Nenzira yakafanana, ava vana vakangwara, vane mano okuita zvinhu, uye vanotapurika zvikuru. Kunokosha kuziva kuti vana vane utano vane zvinodikanwa zvinopfuura zvomuzvarirwo, naizvozvo vanoda ukuru chaihwo hwokunzwisisa. Dzinotevera inheyo nepfungwa idzo vabereki vavana vakadaro vakawana dzichibudirira.

Kutanga, kuri madikanwa kudzidza kuziva mamiriro ezvinhu nezvinonyandura izvo zvinogumbura mwana. (Enzanisa naZvirevo 20:5.) Kunokosha nokuda kwomubereki kucherekedza zviratidzo mumwana izvo zvinotangira rwisano dzemirangariro ndokupindira nokukurumidza. Chiratidzo chinokosha chitarisiko chouso icho chinoratidzira kuwedzera kwekangaidziko nokusakwanisa kubata nomumiriro wezvinhu wakajeka. Kutaura zviyeuchidzo zvamashoko zvomutsa kuti mwana anofanira kuzvidzora amene kana kuti, kana kuri madikanwa, kumubvisa mumumiriro wacho wezvinhu zvingabetsera. Kutindika, somuenzaniso, kunoshanda, kwete zvikuru sechimiro chechirango asi senzira yokupa vose vari vaviri mwana nomubereki mukana wokuwanazve kuterama ndokupfuurira ipapo nenzira ine mufungo.

Mumuenzaniso wapiwa, Jimmy aipindura nokunyanyisa mibvunzo yakapfava. Uyu unowanzova mufambiro wezuva riri rose waJimmy. Kunyange zvazvo kuri nyore kuti mubereki arangarire idzi hasha nepfundepfunde sedzakanangidzirwa kwaari, kunokosha kuziva kuti ava vana vanowanzorasikirwa nokunzwisisa (kurangarira) apo vanongosvika mwero wavo unobvumirwa wenhamo. Naizvozvo, kunokosha kuita nokunzwisisa. (Zvirevo 19:11) Muchakaitika chaJimmy, Susan aigona kuteramisa mumiriro wezvinhu kupfurikidza nokusapfuurira kutaura nokupa mwanakomana wake nguva yokuzvidzora amene, uye zvimwe gare gare vaigona kukurukura zviitiko zvezuva.

Vana Vakaneteswa Nenhamo

Mhuri yomunhu haina kutongotarisana nakare kose nezvinetso zvikuru zvakadai, dzvinyiriro, uye funganyo seizvo zviri kutambudza nyika yazvino. Mamiriro ezvinhu akasiyana, zvinodikanwa zvakanyanya zvikuru, uye zvakawanda zvinodikanwa zvavana. Pamusoro peiyi nhau, bhuku rinonzi Good Kids, Bad Behavior rinorondedzera, kuti: “Zvizhinji zvezvinetso izvo vana vanoratidzika kuva vari kuva nazvo zvingava zvichida zvinoparirwa kana kuti kupesvedzerwa nekariro dzinochinja dzefambidzano.” Nokuda kwavana vari ADD/ADHD, chikoro chinogona kuva funganyo. Sezvavanorwisa kugonana nokusakwana kwavo, vanomanikidzirwa kuchinjira kukuwedzera kwokufambira mberi kworuzivo rwokugadzirwa kwezvinhu uko kunopfuurira kuchinja nokukurumidza mumhoteredzo iyo inogona kuratidzika kuva zvose zviri zviviri ine utsinye neine ngozi, kuchiwedzera kufunganyo yavo. Mumirangariro, vana vachiri vaduku zvikuru zvokusagona kubata neizvi zvinetso zvose. Vanoda betsero yavabereki vavo.

Deredzai Rwisano

Kuti mugova navana vanofara, vane utano, kunokosha kugovera mhoteredzo yorunyararo nedzikamo. Muitiro unoshanda wokuderedza rwisano mumusha ungavamba nomuraramiro wakapfaviswa. Sezvo ava vana vachisundwa nesimba, vachitsauswa, uye vachinyanyisa muzviito, kuri madikanwa kuderedza tapuro yakashata yokunyanyonyandurwa. Deredzai uwandu hwezvokutambisa izvo vana vakadaro vanobvumidzwa kutamba nazvo panguva imwe chete. Edzai basa rimwe bedzi kana kuti gadziriro panguva kusvikira rapedzwa. Sezvo ava vana vachiwanzova vasina kurongeka vamene, kurongeka kunoderedza kangaidziko. Kana zvinhu zvikava zvishoma nezvinowanika zvikuru izvo zvavanofanira kubata nazvo, kuchava nyore kutarisira chiri chinokosha.

Imwe nzira inobudirira yokuderedza nayo nhamo mumusha kushandisa muitiro wakarongwa, usina rumano, unogovera vana pfungwa yokudzikama. Nguva yorudungwe haikoshe zvikuru senhevedzano, nhevedzano umo zviitiko zvinoitika namo. Ikoku kunogona kuwanwa kupfurikidza nokushandisa zvikarakadzo zvinoshanda zvakadai sezvinotevera. Goverai zvokudya zvinovaka muviri zvakakodzera nokudya kwakapfava kwakadzikama nezvokudya zvakareruka panguva dzakafanana. Itai miitiro yokundorara inofadza, yorudo, uye inozorodza. Nzendo dzokundotenga dzinogona kunyanyonyandura vana vanonyanyisa muzviito, naizvozvo rongai pachine nguva mberi uye edzai kusaenda kuzvitoro zvakanyanyowandisa. Uye pakuva parwendo rwokusava pamusha, tsanangurai kuti rudzii rwomufambiro rwamunokarira. Miitiro yakajeka inobetsera mwana ane zvinodikanwa chaizvo zvokudzora mufambiro wake amene wokusundwa nesimba. Kupfuurirazve, kunobetsera kutanga kudeya kuzivisa kwapachine nguva mberi kwoubereki.

Pamwe chete nepfungwa yokuvaka, kunobetsera kuita tsika yemirau uye kubatanidza migumisiro yokuputsa mitemo isingabvumiraniswi pane zvisina kufanira. Mitemo yakajeka iyo inowirirana, pamwe chete neinobvumiranwawo kuvakwanyina vose vari vaviri, inogadza miganhu yomufambiro unogamuchirika wavana—uyewo inodzidzisa kuzvidavirira. Namirai ndaza yemitemo munzvimbo inokurumidza kuonekwa, kana ichidikanwa (nokuda kwomubereki kuti ayeuke, pamwe chete nomwana). Kuva newirirano chinhu chinokosha kuchengeteko yemirangariro.

Kunzwisisa zvinodikanwa zvomwana, zvido zvake nezvaasingadi, uye kuchinjira kwazviri kunogona kuita zvakawanda kubvisa dzvinyiriro isiri madikanwa mumusha. Nemhaka yokuti musikirwo chaiwo waava vana unowanzova unochinja-chinja nowokusundwa, kusanzwanana kwavo navamwe vana kunogona kuva chinoitika chakaoma zvikuru. Kugoverana, zvikurukuru zvokutambisa, kungava nharaunda chaiyo yerwisano, naizvozvo vabereki vangabvumira vana vakadaro kusarudza zvinhu zvavanonyanyodisa izvo zvinogona kugoveranwa. Uyezve, kudzora mwero wavo wokunyanduka kupfurikidza nokuvagovera boka duku ravatambi biyavo nokuita mibato yokuita zvinhu iyo isati ichizovaita kuti vanyanye kufarisa zvingabetserawo kudzora kusvika mwero wavo wokunzwa.

Kunokosha nokuda kwavabereki kubvumira mwana mumwe nomumwe kukura munzira yake amene uye kudzivisa kumanikidzira kana kuti kuumba mwana wacho kuti awirirane zvisiri madikanwa. Kana mwana achivenga chokudya chakati kana kuti chipfeko, chibvisei. Iyi minzwa miduku yokushatiriswa haina kufanirwa nerwisano. Zvikurukuru, musaedza kudzora chinhu chiri chose. Ivai vakadzikama, asi apo zvisarudzo zvinoitwa pamusoro peicho chinogamuchirika kumhuri yechiKristu, namatirai kwazviri.

Kutarisirwa Kwomufambiro

Vana vasingagoni kufungidzirwa nezvavo vanokombamira kukuda mwero wakakwirira zvikuru wokutarisirwa. Somugumisiro, vabereki vazhinji vanotambudzwa nokuva nemhaka kana vachifanira kuwanzoranga. Kunokosha kucherekedza, zvisinei, musiyano uri pakati pechirango nokubata zvisina kufanira. Mukuwirirana nebhuku rinonzi A Fine Line—When Discipline Becomes Child Abuse, inonzi 21 muzana yokubata zvisina kufanira mumuviri kwose inoitika apo vana vanoratidzira mufambiro woukono. Naizvozvo, nzvero inogumisa kuti vana vari ADD/ADHD vari pa“ngozi huru yokubatwa zvisina kufanira mumuviri nokuregeredzwa.” Nomutoo usingarambiki, kurera vaduku avo vane zvinodikanwa chaizvo kunogona kuva kunotambudza, asi kutarisirwa kwavo kunofanira kuva kwakanaka nokwakadzikama. Sezvo ava vana vachiwanzova vakangwara zvikuru uye vanoita zvinhu zvikuru, vanopa denho kuvabereki vari kubata namamiriro ezvinhu ayo anoda kurangarira. Vana vakadaro vanowanzova nenzira yokuziva nayo zvikanganiso zviri mukuva nomufungo kukurusa kwavabereki. Musavarega! Chengetai chiremera somubereki.

Munzira youshamwari, asi yakasimba, pfupikisai tsananguro; nokumwe kutaura, musanyanyotsanangura, uye musabvumiranisa zvisina kufanira mitemo yemanikidziro. “Hungu” wenyu ngaareve hungu uye “kwete” wenyu areve kwete. (Enzanisa naMateo 5:37.) Vana havakwanisi kukurukura misiyano munzira yakaterama; pakupedzisira, kurukurirano navo dzinotungamirira kunharo, hasha, uye kangaidziko uye dzinogona kunyange kukura mukuva kuzhamba namasimba masimba. (VaEfeso 4:31) Nenzira yakafanana, dzivisai kunyevera zvakanyanyisa. Kana chirango chiri madikanwa, chinofanira kupiwa nokukurumidza. Bhuku rinonzi Raising Positive Kids in a Negative World rinokurudzira, kuti: “Kuterama, kuva nechivimbo, uye kuva nesimba—ndizvo zvinoreva chiremera.” Uyezve, cherekedza zvikarakadzo zvakanakisisa zviri muThe German Tribune, zvinoti: “Taurai nguva dzose kumwana nenzira yokubata ngwariro yake: wanzoshandisai zita rake, chengetai onano yamaziso uye shandisai mutauro wakapfava.”

Kubata zvisina kufanira kunoitika apo vabereki vanorasikirwa nokuzvidzora. Kana mubereki ari kuzhamba, atorasikirwa nokuzvidzora. Zvirevo ganhuro 15 inokurukura nhau yokurera mwana nechirango. Somuenzaniso, Zvirevo 15 ndima 4 inodudza, kuti: “Rurimi runyoro muti woupenyu; asi rune nhema runoputsa mweya”; Zvirevo 15 ndima 18, inoti: “Munhu, une hasha, unomutsa kukakavara; asi une mwoyo murefu unonyaradza gakava”; uye, pakupedzisira, Zvirevo 15 ndima 28, inoti: “Mwoyo wowakarurama unombofunga chaangapindura.” Nokudaro, kunokosha kuziva kwete bedzi izvo tinotaura asi mataurire atinozviitawo.

Rumbidzo, Kwete Shurikidzo

Nemhaka yokuti vana vakaoma kurera vane simba rokuita zvinhu, zvechienzi, kunyange zvoupengo, kuri nyore kuti vabereki vatendeukire kukutsvakira mhaka, kunyomba, kutuka, uye kurova muhasha. Zvisinei, maererano neToday’s English Version, Bhaibheri pana VaEfeso 6:4 rinorayiridza vabereki kurera vana ne“Chirango chechiKristu nomurayiridzo.” Jesu akaranga sei vaitadza? Jesu akashandisa chirango chairayiridza icho chakarovedza nokudzidzisa vanhu, achibata navo mukusasarura nokutsiga. Chirango muitiro, mutoo womurayiridzo, uyo, pakubata navana, unofanira kuwanzoitwa waitwazve.—Ona nyaya inoti “Murangariro weBhaibheri . . . ‘Shamhu yeChirango’—Ndeyechinyakare Here?,” muMukai! yaSeptember 8, 1992.

Chirango chakakodzera chinoita mhoteredzo yokuvimba, youshamwari, uye yedzikamo; naizvozvo, apo chirango chinenge chiri madikanwa, chinofanira kupiwa netsananguro. Hapana zvigadzikiso zvapakarepo pakurovedza vana, sezvo vana vachidzidza pashoma napashoma, munguva yakati. Kunoda kutarisira nokuda kukuru, nguva yakawanda nebasa, kurera zvakakodzera mwana upi noupi, zvikurukuru mwana akaoma kurera. Kutaura kuduku kunotevera kungava kunobetsera kuyeuka: “Taura zvaunoreva, reva zvaunotaura, uye ita zvaunotaura kuti uchaita.”

Rimwe ramativi anokangaidza echinetso chokubata navana vane mufambiro unonetsa chishuvo chavo chikuru chokuda ngwariro. Kazhinji kazhinji zvikuru ngwariro yavanogamuchira yakaipa panzvimbo pokuva yakanaka. Zvisinei, ivai vanokurumidza kucherekedza, kurumbidza, kana kuti kupa tuso nokuda kwomufambiro wakanaka kana kuti basa rasanoitwa. Ikoku kunokurudzira zvikuru kumwana. Pakutanga nhamburiko dzenyu dzingaratidzika sedzakanyanyisa, asi dzichava dzakafanira migumisiro yacho. Vana vanoda tuso duku asi dzapakarepo.

Chakaitika chaBaba naGreg

“Mwanakomana wedu Greg akaongororwa seane ADHD pazera ramakore mashanu, apo akanga ari muchikoro chavana vaduku. Panguva iyeyo takaona nyanzvi yokukura kwavana iyo yakasimbisa kuti Greg akanga ari ADHD pasina kupokana. Akatiudza, kuti: ‘Haisi mhosva yake, uye haisi mhosva yenyu. Hapana chaanogona kuita pamusoro pako, asi imi munogona.’

“Tinowanzofunga pamusoro pemashoko iwayo, nokuti anosanotijekesera kuti savabereki tine basa guru zvikuru rokubetsera mwanakomana wedu kugonana neADHD yake. Musi iwoyo chiremba akatiendesa kumba tine mabhuku okurava, uye tinodavira kuti zivo yatakawana mumakore matatu apfuura yave ichikosha zvikuru mukuzadzika mabasa edu oubereki kuna Greg.

“Kunokosha zvikuru mukurera mwana ane ADHD kusimbisa mufambiro wakakodzera uye kugovera nyevero uye, kana kuri madikanwa, chirango nokuda kwomufambiro wakashata. Kana mukava vakarongeka navanowirirana sezvamunogona kuva, muchaona migumisiro iri nani. Uku kutaura kwakapfava zvichida chinhu chinokosha mukurera mwana ane ADHD. Bva, nemhaka yokuti munoda kukuita kakawanda zvikuru pazuva, kuri nyore kukutaura kupfuura kukuita chaizvoizvo.

“Chishandiso chatakawana kuva chinobudirira zvikuru kutindika. Papi napapi patinoshandisa kutindika kuchinja mufambiro wakashata, tinotangawo gadziriro yokusimbisa kukurudzira mufambiro wakanaka zvikuru. Ichi chisimbiso chinogona kuva shoko rokutendera, kumbundira, kana kuti chipiwa kana kuti ropafadzo. Takaenda kuchitoro ndokutenga chati yamapepa anonamirwa. Takanyora pamusoro icho chiri mufambiro wakakodzera. Nguva imwe neimwe patinoona Greg ari mumufambiro wakakodzera, tinomupa pepa rinonamirwa kuti anamire pachati. Apo chati inenge yazara, somuenzaniso mapepa anonamirwa 20, anowana tuso. Ichi chinowanzova chimwe chinhu chaanofarikanya chaizvoizvo, zvakadai sokuenda kumunhanga. Kunobetsera nemhaka yokuti kunomusunda kuita zvakanaka. Anoisa mapepa anonamirwa uye anogona kuona maitire ake uye kuti ava pedyo sei netuso.

“Mumwe mutoo watakawana kuva unobudirira kupa Greg zvisarudzo. Panzvimbo pomurayiro wakananga, tinomupa chisarudzo. Zvichida anogona kuita mufambiro wakakodzera kana kuti anogona kuwana mugumisiro wakashata. Ikoku kunodzidzisa kuva akavimbika nokuitwa kwezvisarudzo zvakakodzera. Kana chiri chimwe chinhu chiri chinetso chinopfuurira, zvakadai sokushereketa muchitoro kana kuti nzvimbo yokudyira yavose, tinogona kushandisa chati yamapepa anonamirwa netuso. Nokudaro anoona betsero mumufambiro wakakodzera, uye tinoratidza kuziva kwedu vandudziko dzake.

“Vanhu vazhinji havazivi kuti ADHD inotapura mano omwana okudzora mufambiro wake nezviito. Vanhu vazhinji vanodavira kuti ava vana vanogona kudzora nhambo yavo yokupa ngwariro nomufambiro wavo kana vakaedza zvakaoma, uye apo vanokundikana, vabereki vanopiwa mhaka.

“Hakubviri mumuviri kuti mwana ane ADHD agare akadzikama kwamaawa maviri mumusangano weungano paHoro yoUmambo. Hatisati tichizotongokanganwa kuti Greg pazerawo zvaro ramakore mashanu okukura aiwanzochema sei musangano uri wose usati watanga ndokutibvunza kuti, ‘Uyu musangano wakareba here kana kuti mupfupi?’ Aichema zvikuru apo wakanga uri musangano wamaawa maviri nemhaka yokuti aiziva kuti aisakwanisa kugara akadzikama kwourefu ihwohwo. Taifanira kuita kubvumira nokuda kwevhiringidziko yacho neganhuriro dzainounza. Tinoziva kuti Jehovha anonzwisisa vhiringidziko yacho zviri nani kupfuura munhu upi noupi, uye ikoko manyuko enyaradzo. Pari zvino Greg haasi kurapwa uye ari kushanda somudzidzi pamwero wake wezera.

“Kuita Jehovha tariro yedu nokuchengeta maziso edu akanangidzirwa panyika itsva kunotitsigira. Tariro yedu inotoreva zvakawanda kuna Greg. Anofara zvikuru, kunyange nemisodzi mumaziso, apo anofunga mabvisire achaita Jehovha ADHD muParadhiso yapasi.”

[Bhokisi riri papeji 26]

Tuso dzinobvira dzomufambiro wakanaka:

1. RUMBIDZO—rumbidzo yamashoko nokuda kwebasa rasanoitwa; kuongwa kunoratidzirwa nokuda kwomufambiro wakanaka, kuchikumbanirwa norudo, kumbundira, uye ushamwari muratidziro dzechiso.

2. GADZIRIRO YECHATI—yakaratidzirwa zvinooneka nyore, namapepa anonamirwa anokwezva kana kuti mapepa anonamirwa ane nyeredzi kuti zvikurudzire mufambiro wakanaka.

3. NDAZA YEZVINHU ZVAKANAKA—yechinopedzwa chinogamuchirwa nezvinorumbidzwa. Nguva imwe neimwe mwana anoita chimwe chinhu zvakanaka, pasinei zvapo nokuti chingava chiduku sei pakutanga, chinyorei pasi, uye chiravirei mutezo wemhuri.

4. CHIRATIDZO CHOMUFAMBIRO—zvichitsamira pazera romwana, kuwedzera bhinzi kana kuti bhinzi dzejelly mumudziyo apo mwana anoita chimwe chinhu zvakanaka (kusimbisa kunooneka). Nharidzano ndeyokutanga muitiro wokuwana gadziriro yamapfundo nokuda kwokupa tuso iyo ingabatanidza chimwe chinhu icho mhuri yanga ichazoita zvisinei, zvakadai sokuenda kubhaisikopo, mutserendende, kana kuti kudya panzvimbo yokudyira yavose. Panzvimbo pokusimbisa kumwana, kuti: “Usakava nomufambiro wakanaka, hatiendi,” edzai, kuti: “Ukava nomufambiro wakanaka, tichaenda.” Chinokosha kuchinja kufunga kwakashata mukuva kufunga kwakanaka, nepo muchibvumira nguva ine mufungo nokuda kwokuti chinjo iitike.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Kurukurirano dzinogona pane dzimwe nguva kukura nomutoo wemirangariro

[Mufananidzo uri papeji 25]

Apo zvisarudzo zvinoitwa,zvitsanangurei, uye namatirai kwazviri

[Mufananidzo uri papeji 27]

Anowedzera pepa idzva rinonamirwa nenzira yokudada kuchati yake

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe