RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 12/8 pp. 28-29
  • Apo Zvakawanda Zvinenge Zvichidiwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Apo Zvakawanda Zvinenge Zvichidiwa
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nguva Yemberi
  • Kugonana Nedenho Yacho
    Mukai!—1997
  • Kurera Mwana Akaoma
    Mukai!—1994
  • “Terama Uteerere!”
    Mukai!—1997
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 12/8 pp. 28-29

Apo Zvakawanda Zvinenge Zvichidiwa

KUNYANGE zvazvo zvizhinji zvezvikarakadzo zviri munyaya dzapfuura zvichigona kuva zvinobetsera zvikuru, pane dzimwe nguva betsero yakawanda inodikanwa mumamirire ezvinhu akajeka. Fundo huru dzinobatanidza, somuenzaniso, mishumo yavana avo vasiri vanosundwa nesimba bedzi asi vane ngoziwo zvikuru. Ava vana, kunyange zvazvo vachitarisirwa nemhuri dzine rudo, vanoratidzira mufambiro wavo wokuparadza kupfurikidza nokuputsa zvinhu, kuzhambira vanhu, kutungidza mwoto, kupfura nepfuti, kubaya nemapanga (kana achiwanika), uye kukuvadza mhuka, vamwe vanhu, kana kuti ivo vamene, kana vakafunga kuita kudaro. Chaizvoizvo, vanoenzanisira nyongano.

Kuwana kana kuti kusawana betsero yokurapa, kuti vave netarisiro yakanakisisa yomwana wavo, chisarudzo chakavanzika chomunhu oga chokuita. Mhuri imwe neimwe inofanira kusarudza nzira yokusvitsa nayo zvinodikanwa zvomunhu oga zvakasiyana zvomwana wavo, vachirangarira vimbiso inonyaradza inopiwa kuvabereki pana Zvirevo 22:6.

Kumwe kwokurapa kuri kunoitiranwa gakava, panguva ino, ndiyo nhau yokurapwa. Murimo unowanzonyorerwa, Ritalin, wakava nemigumisiro yakavhengana. Mhuri zhinji dzave dzichisanofadzwa nefambiro mberi yomwana wavo apo anenge ari kushandisa Ritalin kana kuti mimwe mirimo inovandudza simba. Zvisinei, kurukurirano yazvino inopfuurira, kwete bedzi pamusoro pokushanda kweiyi mirimo asi pamusoro pokunyorerwa kwakanyanyisa kwayo. Kutaura idi, vamwe vanachiremba vanodenha kukosha kwayo chose, vachidudza, somuenzaniso, kuti Ritalin inoshandiswa kwenhambo refu inogona kuva netapuro zhinji dzakashata. Kunofanira kusimbiswazve, zvisinei, kuti mhuri dzakawanda navanachiremba vanodudza tapuro dzakashata shoma nomufambiro wakavandudzwa nefambiro mberi yedzidzo. Nenzira inofadza, vakuru vazhinji avo vakaongororwa savane ADD uye avo vari pari zvino pakurapwa vanofarawo nemigumisiro yacho. Kurapwa, naizvozvo, chisarudzo chakavanzika chakavakirwa panzvero yokungwarira nokuyera.

Nokuda kwaavo vakaedza kurapa vachiva nemigumisiro yakashata, pane mimwe mitoo yokurapa inotsiva. Mhuri zhinji dzakarava nokunyora pamusoro pemigumisiro yakanaka nokurapa kwamavhitamini nokwemishonga kana kuti mubatanidzwa wekwose kuri kuviri. Sezvacherekedzwa pakuvamba, ADD/ADHD ingaparirwa mune zvimwe zvinoitika nokusadzikama kwebiochemical muuropi uko uku kurapa kunodavirwa kuva kunobetsera kururamisa.

Mukuwedzera, pane zvimwe zvisakiso izvo vamwe vanodavira kuti zvinomutsa zvizhinji zvezvinetso zvinobatanidzwa neADD/ADHD. Dr. Doris Rapp, mubhuku rake rinonzi Is This Your Child?, anodudza kuti “vamwe vana vane chirwere chomuviri uye/kana kuti chemirangariro, chomufambiro, uye zvinetso zvokudzidza izvo zvinobatanidzwa murutivi kana kuti zvikuru nokutapurika kana kuti kuratidzirwa kumhoteredzo.” Uyewo, kuita kudhai, shuga, uye mibatanidzwa zvingatevedzera chaizvoizvo izvi zvinetso nehasha dzamasimba masimba, kuchinja kwakanyanyisa kwechimiro chendangariro, uye kusarara.

Mhuri zhinji dzakadzidza nzira yokuvandudza mufambiro wavana vadzo, bva kuita kwavo kwedzidzo kunogona kuita zvinetso zvokuwedzera. Nokuda kwavamwe, betsero chaidzo dzakadai savadzidzisi vomunhu oga, kupa zano, mapoka anotsigira, uye vadzidzisi chaivo dzingabetsera. Nemhaka yokuti ava vana vanokombamira kuita zviri nani mugadziriro yokuva nomunhu mumwe, dzimwe mhuri, pachikarakadzo chachiremba wadzo, dzakashuma budiriro nokudzidza kunoitirwa pamba.

Asingafaniri kufuratirwa ndiwo mabasa mazhinji matsva edzidzo, akadai seSchools Attuned yaDr. Mel Levine, iyo inosimudzira kusiyana kwomunhu nomusiyano wavana. Gadziriro yaDr. Levine inosimudzira kuita dzidzo muitiro wokusvitsa zvinodikanwa zvomwana ari wose. Kupi nokupi uko uku kusvika kwakasiyana kwokudzidza kwakashandiswa muUnited States, migumisiro inoratidzika kuva yave yakanaka.

Nguva Yemberi

Kurera vana kungafananidzwa nokutenga musha mutsva. Zvose zviri zviviri zvinoda ndyiko yenduramo; zvisinei, nemhaka yemamirire ezvinhu, vatengi vanokarirwa vangamanikidzirwa kugutsikana nezvishoma kupfuura izvo zvakakwana. Nenzira yakafanana, vabereki vasina kukwana vanorera vana vasina kukwana munyika yaSatani vanomanikidzirwa kugutsikana nokuda kwezvishoma kupfuura zvakakwana. Musha uchangobva kutengwa ungava namativi echienzi kana kuti asingadikanwi, asi kupfurikidza nebasa uye fungidziro duku, mativi mazhinji akashata anogona kuva anodokubviswa. Kunyange rutivi rwepurani rwakaoma rungava nokukurumidza nzvimbo yengwariro yomusha.

Nenzira yakafanana, kana vabereki vakachinjira kuzvinodikanwa zvomunhu oga zvomwana wavo wechienzi, iye achava rutivi rwakaisvonaka rwoupenyu hwavo. Mwana mumwe nomumwe anofanira kuongwa nokuda kwamavara ake amene. Naizvozvo, ipai ngwariro pazvakanaka. Panzvimbo pokudzvinyirira vana, kurudzirai kuita kwomumwe nomumwe, uye nzwisisai kuti munhu anokudzwa akafanirwa nechiremera norudo—chipo chinokosha chinobva kuna Jehovha Mwari.—Pisarema 127:3-5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe