Makaro—Ari Kutiitirei?
MAKARO ari kuparadza upenyu hwemamiriyoni. Ari kuita kuti vane makaro vasave nemavara eunhu nokuunza marwadzo nenhamo kuvanyajambwa vawo. Muupenyu hwako ungave uchisanonzwa tapuro dzemakaro. Kunyange kuba muchitoro kunowanzoitika kunowedzera mitengo yeizvo unotenga. Kana mari yako yaunotambira yakaderera uye usingagoni kutenga zvinhu zviri madikanwa zvezuva nezuva, sezvinobvira uri nyajambwa wemakaro emumwe munhuwo zvake.
Vane Nzara Nevari Kufa
Udyire hwenyika hwemakaro hunodzongonyedza nhamburiko dzehurumende pakubetsera varombo nenzira inobudirira. Shure zvikuru sa1952, wezvesayenzi uye nyanzvi yezvokuvakwa kwemuviri Sir John Boyd Orr akati: “Hurumende dzakagadzirira kubatanidza vanhu nepfuma nokuda kwehondo yenyika asi Masimba Makuru haana kugadzirira kubatana kuti abvise nzara nourombo munyika.”—Food Poverty & Power, rakanyorwa naAnne Buchanan.
Chokwadika, yamuro yokuedzesera inogoverwa. Asi ndechipi chiri chokwadi choupenyu nokuda kwavarombo, voruzhinji vevagari venyika vakaregeredzwa? Mushumo wenguva pfupi yapfuura iyi wakataura kuti pasinei zvapo nokugadzirwa kwezvokudya kwakawedzerwa mune dzimwe nharaunda, “nzara nokushaya zvokudya zvinovaka muviri zvichiri zvinoronda voruzhinji vevarombo venyika . . . Chikamu chimwe muzvishanu [vanopfuura bhiriyoni imwe] chevanhu venyika vanorarama nenzara zuva riri rose.” Mushumo wacho unopfuurira kuti: “Mukuwedzera, vanhu mabhiriyoni 2 vanotambura ne‘nzara yakavanzika’ nemhaka . . . yekusakwana kwe[zvokudya] uko kunogona kutungamirira kuhosha dzakakomba.” (Developed to Death—Rethinking Third World Development) Idzi nhamba dzinofanira zvirokwazvo kuva misoro mikuru yemapepanhau!
Vakaitwa Varanda
Masangano eutsotsi anozvipfumisa amene nokukuvadza vanyajambwa vawo uye vanhu vose zvavo. Mirimo, masimba masimba, uhure, uye kushandiswa kwoupfumi zvisina kufanira kunoita mamiriyoni varanda. Uyewo, Gordon Thomas mubhuku rake rinonzi Enslaved anoti: “Maererano neAnti-Slavery Society, kune varanda vanofungidzirwa vane mamiriyoni 200 munyika. Mamiriyoni 100 avo vana.” Chisakiso chikuru chii? Mushumo wacho unotsanangura kuti: “Kukurudzira kwokuita varanda kunoramba kuri rutivi rwakashata rwomunhu . . . [Uranda mu]gumisiro woruchiva, makaro uye kuda simba.”
Vane simba vanonyima vasina simba nevasina dziviriro ndokuuraya vazhinji. “PamaIndia ane mamiriyoni maviri ayo akanga achigara muBrazil apo vaRungu vakatanga kusvika, zvimwe ane zviuru zvine mazana maviri mapenyu pari zvino.” (The Naked Savage) Neiko? Chikonzero chikuru makaro.
Mukaha Unokura Pakati Pevapfumi Nevarombo
The New York Times yakashuma kuti James Gustave Speth, mutarisiri muUnited Nations Development Program, akataura kuti “boka rakatanhamara renyika yose riri kubuda . . . riri kuunganidza upfumi hwakawanda nesimba, nepo inopfuura hafu yorudzi rwomunhu vari varombo zvikuru.” Uyu mukaha une ngozi pakati pevapfumi nevarombo unoitwa unooneka zvikuru nemashoko ake anoti: “Tichine vanopfuura hafu yevanhu munyika vane mubhadharo uri pasi pe$19,20 pazuva—vanhu vanopfuura mabhiriyoni 3.” Akawedzera kuti: “Nokuda kwevarombo vari munyika ino yemapoka maviri, mamiriro ezvinhu anoparira kusava netariro, hasha, kukangaidzika.”
Uku kusava netariro kunowedzerwa neidi rokuti vazhinji vevapfumi vanoratidzika kuva vasina kururamisira kana kuti tsitsi dzipi nedzipi nokuda kwemamiriro ezvinhu akaipa evanhuwo zvavo vari varombo zvikuru nevane nzara.
Vanyajambwa vemakaro vari kwose kwose. Cherechedza, somuenzaniso, chitarisiko chokukangaidzika chiri mumaziso evapoteri vakabatwa pakati pokurwira simba muBosnia, Rwanda, uye Liberia. Ona kusuruvara kuri muzviso zvaavo vari kuziya nenzara pakati penyika ine zvakawanda. Chii chinozviparira zvose? Makaro—ezvimiro zvose!
Unogona sei kupona pakukomberedzwa nezvikara zvine makaro mumhoteredzo youtsinye yakadaro? Nyaya mbiri dzinotevera dzicharangarira uyu mubvunzo.