Fungidzira Nyika Isina Makaro
IWE unogona here kuisa muchiono nyika umo vanhu vanobatira pamwe panzvimbo pokukwikwidzana? Umo vanhu vanobata vamwe seizvo ivo vamene vangada kubatwa? Aya ndiwo mavara enyika isina makaro. Iyo ingava nyika yakadini! Ichazombouya here? Hungu, ichauya. Asi makaro anogona sei—akasimba kwazvo murudzi rwomunhu—kuparadzwa?
Kuti tiwane mhinduro, tinofanira kutanga kunzwisisa mavambo amakaro. Bhaibheri rinoratidzira kuti akanga asiri nguva dzose vara redzinza romunhu. Muporofita Mosesi anotiyeuchidza kuti hakuna hurema hwakadai samakaro hwakawanwa pakuvamba mumunhu wokutanga, chisiko chakakwana choMusiki asina makaro: “Dombo, mubato wake wakakwana, nokuti nzira dzake dzose iruramisiro.” Naizvozvo, ipapoka, makaro akabvepi? Vaviri vokutanga vohunhu vakaabvumira kukura mavari vamene—Evha mukariro yamakaro yeicho aizowana mukudya muchero Mwari akanga arambidza, Adhama mukusada nenzira yamakaro kurasikirwa nomudzimai wake akaisvonaka. Mosesi akawedzera, mumashoko akanga ari echokwadiwo nezvaAdhama naEvha, kuti: “Vakaitira zvakashata; havazi vana vake, ndiko kuremara kwavo.”—Dheuteronomio 32:4, 5, NW; 1 Timotio 2:14.
Pakasvika nguva yaMafashamo apasi pose ezuva raNoa, makaro noruchiva zvakanga zvakura kusvikira pamugariro wakadaro zvokuti “kushata kwomunhu kwakanga kwawanda mupasi uye kombamiro iri yose yemifungo yomwoyo wake yakanga yakashata bedzi nguva yose.”—Genesi 6:5, NW.
Ichi chimiro chikuru chamakaro mumunhu chakapfuurira kutozosvikira zvino, sezvinooneka chichisvika mugumo wacho muchaunga chanhasi chisingaongi nechamakaro.
Kuparadza Makaro Kupfurikidza Nedzidzo
Kungofanana namakaro pakati pavanhu akura, naizvozvo zvakapesana zvinobvira. Makaro anogona kukurirwa. Bva, kuti ikoku kuitike, dzidzo yakafanira nerovedzo zviri madikanwa, nenhungamiro dzorumano kana kuti mitemo yomufambiro ichiteverwa. Ikoku kunganzwika kuva kune mufungo, asi ndianiko angagona kugovera rudzi irworwo rwedzidzo ndokuva nechokwadi chokuti chinodzidzwa chinoshandiswa—kunyange kumanikidzirwa kushandiswa kana kuri madikanwa?
Dzidzo yakadaro inofanira kubva kumanyuko asina makaro amene. Hakufaniri kuva nevavariro dzipi nedzipi dzakavanzwa kana kuti kukarirwa kwechimwe chinhu nokuda kwerovedzo yakadaro. Mukuwedzera, ukoshi nokushanda kwokusava noudyire zvinofanira kudzidziswa ndokuratidzirwa. Munhu anodzidza anofanira kupwiswa kwete bedzi kuti nzira yakadaro youpenyu inobvira asi kuti ndiyo nzira inodikanwa, ine betsero kwaari amene nokuavo vakamupoteredza.
Mwari bedzi wedenga anogona kugovera rudzi urwu rwedzidzo, nokuti munhu akadini kana kuti sangano pasi pano raizova nezvikwaniriso noruzivo? Vanhu vose havakwaniriswi pahwaro hweiyi zvokwadi yeBhaibheri: “Vose vakatadza ndokukundikana kusvika mbiri yaMwari.”—VaRoma 3:23, NW.
Nomufaro, Jehovha, Mwari wedenga, anogovera dzidzo yakadaro mubhuku rake rinoshandiswa rakanyorwa, kana kuti bhuku remiraidzo, Bhaibheri Dzvene. Mwanakomana wake, Jesu Kristu, akatsigira rudzi urwu rwokudzidzisa apo akanga ari munhu pasi pano. Pakati peMharidzo yakakurumbira yaJesu yapaGomo, akataura nezvenzira youpenyu yakanzwika kuva yechienzi kuvazhinjisa vaavo vaiteerera, nokuti iyo yakabatanidza kusava noudyire kunyange kuvavengi vomunhu kana kuti vashori. Jesu akati: “Idai vavengi venyu, munyengeterere vanokutambudzai; kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kudenga; nokuti vanobudisira vakaipa navakanaka zuva ravo, nemvura vanoinisira vakarurama navasakarurama. Nokuti kana muchida vanokudai, muno mubairo weiko? Ko vateresi havaiti saizvozvowo here?”—Mateo 5:44-46.
Rutivi rwebasa raJesu pasi pano rwakanga rwuri rwokurovedza varaidzi vasina udyire kuti ivowo vagogona kudzidzisa vamwe muiyi nzira isina udyire youpenyu. Nguva yakati pashure porufu rwaJesu norumuko, muapostora Pauro akava mumwe wavaraidzi vakadaro. Mudzinoverengeka dzetsamba dzake dzakafuridzirwa, Pauro akakurudzira kuparadzwa kwamakaro. Somuenzaniso, iye akanyorera VaEfeso, kuti: “Upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene.”—VaEfeso 5:3.
Nenzira yakafanana nhasi, Zvapupu zvaJehovha zviri kudzidzisa varume navakadzi kudzvinyirira kombamiro dzamakaro. Pashure penguva yakati ivavawo vanova vakakwaniriswa kuenda ndokudzidzisa vamwe nzira dzakadaro dzoumwari.
Kushanda Kwezvokwadi dzeBhaibheri
Asi ungabvunza, kuti: ‘Ko vanhu vasina kukwana, vane makaro akasimba, vanogona chaizvoizvo here kuabvisa muhunhu hwavo?’ Hungu, vanogona. Kwete nenzira yakakwana, chokwadika, asi kusvikira patambanuko inoshamisa chose. Ngatirangarirei muenzaniso waikoku.
Mbavha yamakoko yaigara muSpain. Musha wake wakanga wakazara nezvinhu zvakabiwa. Ipapo iye akavamba fundo yeBhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Somuuyo, hana yake yakavamba kumutambudza, naizvozvo iye akasarudza kudzorera kuvene zvinhu zvaakanga aba. Iye akasvika aichimbova mushandirwi wake ndokureurura kuva akamubira muchina mutsva wokugeza nawo. Mushandirwi, aororwa kwazvo nechimiro chake chachinja, akasarudza kusaudza mapurisa asi akangobvumira yaichimbova mbavha kubhadhara mutengo womuchina wokugeza nawo.
Tevere, mbavha yakachinjwa yakasarudza kushanyira munhu ari wose zvake uyo iye akayeuka kuti akanga amubira ndokudzorera zvinhu zvakabiwa. Munhu ari wose waakashanyira akataura kushamiswa kuti nemhaka yokushandisa kwake nheyo dzeBhaibheri, akanga ava neiyi chinjo huru yechimiro.
Zvino chitambudzo chaichoicho chakatarisana naye. Akanga asingazivi vene vezvakawanda zvezvinhu zvaakanga achinazvo. Naizvozvo, pashure pokunyengetera kuna Jehovha, akaenda kudzimbahwe ramapurisa ndokupinza masiterio redhiyo matanhatu ayo akanga aba mumotokari. Mapurisa akashamiswa, sezvo iye aiva nechinyorwa chakachena nawo. Ivo vakasarudza kuti anongofanira zvake kubhadhara faindi ndokubatira nhambo pfupi yetorongo.
Iyi yaichimbova mbavha zvino ine hana yakachena, zvayakasiya nzira yayo yemhaka namakaro kuva rutivi rweungano yenyika yose yeZvapupu zvaJehovha.
Zviuru zvemienzaniso yakafanana zvingagona kupiwa nyore nyore. Kunyange zvazvo avo vakaita chinjo dzakadaro muupenyu hwavo vachiumba vorushoma vavagari vapasi, idi rokuti vazhinji vakaita saizvozvo rinoratidzira simba rezvakanaka rinobva mukuziva nokushandisa nheyo dzeBhaibheri.
Sezvo gore rimwe nerimwe rinopfuura, vanhu vazhinji zvikuru vanogamuchira iyi nzira youpenyu. Muraidzo weBhaibheri uri kupiwa muungano dzinopfuura 60 000 dzeZvapupu zvaJehovha mupasi rose. Zvapupu panguva ino hazvikariri kuchinja nyika yose zvayo, kuparadza makaro pakati pezviuru zvamamirioni zviri kurarama zvino. Kunyanguvezvo, uporofita hweBhaibheri hunoratidzira kuti nokukurumidza zvikuru zvino, nzira isina makaro youpenyu ichatekeshera mupasi rose!
Nyika Itsva Isina Makaro
Hakusati kuchizova nenzvimbo yamakaro noudyire munyika itsva iri kuuya. Muapostora Petro anotivimbisa kuti kururama kuchava chiratidzo kwete bedzi cha“matenga matsva” asiwo che“pasi idzva.” (2 Petro 3:13, NW) Makaro achava pakati pe“zvinhu zvekare” izvo zvichave zvapfuura, pamwe chete nechirwere, rusuruvaro, uye kunyange rufu.—Zvakazarurwa 21:4, NW.
Nokudaro, kana iwe uchitambudzwa namakaro anowedzera nenzira youdyire youpenyu zvinoonwa makatipoteredza mose nhasi, shinga! Vamba zvino kuraramira nyika itsva iri kuuya iyo ichakurumidza kuva chinhu chaichoicho. Nebetsero yaMwari, vavarira kuparadza makaro muupenyu hwako umene. Kumbanira mukubetsera vamwe kuona betsero idzo iko zvino dzinogona kufarikanywa nokurarama kwechiKristu. Isa kutenda kwako nechivimbo muchipikirwa chaJehovha Mwari chokuti makaro nokukurumidza zvikuru achava pakati pezvinhu zvakawanda zvisingafadzi izvo ‘zvisati zvichizoyeukwa, kana kuti kupinda mumwoyo yedu.’—Isaya 65:17.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Jesu akataura nezvenzira youpenyu inosimudzira kusava noudyire, kwete makaro
[Mufananidzo uri papeji 7]
Nokukurumidza—nyika isina makaro