RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 1/8 pp. 3-4
  • “Kuparadzwa Kwechisiko”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Kuparadzwa Kwechisiko”
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kushatisa Nyika
  • “Tisu Tinozviparira Nhamo”
  • Mwari Anovimbisa Kuti Nyika Haisi Kuzoparadzwa
    Mukai!—2023
  • Sumo
    Mukai!—2023
  • Pasi Redu Rinokuvadzwa Nyore Nyore Zvakadini Nenguva Yemberi?
    Mukai!—1996
  • Masango
    Mukai!—2023
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 1/8 pp. 3-4

“Kuparadzwa Kwechisiko”

YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUIRELAND

MAKARO ari kuisa musha wako mungozi. Ari kuparadza kukwanisa kwepasi kugovera zvokudya nepokugara izvo tose zvedu tinoda kuti tirarame. Pasina mubvunzo unotoziva nezvenzira iyo makaro ari kukuvadza nayo pasi, asi hezvino zviyeuchidzo zvishomanene.

Kushatisa Nyika

Shure muna 1962, Rachel Carson, mubhuku rake rinonzi Silent Spring, akanyevera pamusoro pokushatiswa kwenyika nemishonga inouraya zvinoparadza mbeu netsvina ine muchetura. The Naked Savage rinoti: “Rudzi rwomunhu rwakanga ruchishatisa mhoteredzo yarwo rwumene nokusvibisa musha warwo rwumene, zviri nyevero yokutsakatika kwemarudzi.” Vanhu vachiri kushatisa nyika nenzira yemakaro. “Vachitsvaka zvimuko zvikurusa munguva pfupi zvikurusa,” rinodaro World Hunger: Twelve Myths, “varimi vakuru vanodisa kunyanyoshandisa ivhu, mvura, uye kushandiswa kwemakemikoro pasina kurangarira kukukura ivhu, kuderedza zvikuru mvura yepasi pevhu, uye kushatisa mhoteredzo.”

Panzvimbo pokudzivirira masango akasvibira anonaya mvura zhinji anokosha zvikuru enyika—ayo anokosha kukupona kwepasi—vanhu vari kuaparadza nokukurumidza zvikuru kupfuura nakare kwose. “Masango mapenyu akasvibira anonaya mvura zhinji enyika dzinopisa zvikurusa,” vanodaro vanyori veFar From Paradise—The Story of Man’s Impact on the Environment (1986), “achave ava kuda kutsakatika mumakore makumi mashanu kana mwero wazvino wokushandiswa zvisina kufanira ukapfuurira usingachinjwi.”

Varedzi vasina kutendeseka vanoshandisa madharameti nemakemikoro echepfu kuti vabate hove mumacoral reef—ayo akarondedzerwa se“zvinhu zvomugungwa zvakaenzana nemasango akasvibira anonaya mvura zhinji enyika dzinopisa zvikurusa” nemhaka yokuwanda kwezvimiro zvoupenyu zvaanochengeta. Iyi mitoo yokuredza youtsinye pamwe nokushatisa kwemakemikoro kusina mufungo kwaka“paradza zvikuru” macoral mapenyu mazhinji.—The Toronto Star.

“Tisu Tinozviparira Nhamo”

Sir Shridath Ramphal, uyo akanga ari purezidhendi weIUCN-The World Conservation Union kubvira muna 1991 kusvikira kuna 1993, anorondedzera urwu rudzi rwokutadza kutarisira pfuma yepasi so“kuparadzwa kwechisiko.” Kwakashata zvikuru sei? Achidudza muenzaniso, Ramphal anonyora kuti: “Zhinjisa dzenzizi dzeIndia dzinopfuura zvikuru migero isina kuvharwa inotakura tsvina isina kuiswa mushonga inobva mumaguta nomumaruwa ichienda kugungwa.” Mhedziso yake ndeipi? “Tisu tinozviparira nhamo.”

Makaro akadzora nhau yomunhu kwemakumi emakore, asi kuisa mungozi kupona kwenyika nhasi kwawedzera. Neiko? Nemhaka yokuti kukwanisa kwomunhu kuparadza kwava kukuru zvikuru kwazvo zvino. “Mumakore makumi mashanu bedzi akapfuura,” inodaro Far From Paradise, “apo takava nemitoo yemakemikoro neyemichina yokuparadza nayo nenzira inobudirira zvimwe zvimiro zvoupenyu panyika yedu. . . . MuHomo sapiens [chiLatin, munhu akangwara], seizvo munhu anozvidana amene kudaro nenzira isina kudzikama, ane simba rinodokuva rakakwana uye akarega kushandisa kuzvidzora kupi nokupi.” Migumisiro youku kushayikwa kwokuzvidzora ine ngwavaira. Nguva pfupi yapfuura iyi sangano remhoteredzo reGreenpeace rakapa mhaka zvakasimba, richiti: “Munhu wazvino uno akaita [pasi] riri Paradhiso durunhuru . . . uye anomira zvino somucheche asina kungwara . . . pamuganhu wokuparadza nenzira inobudirira nzvimbo iyi yakanaka youpenyu.”

Asi makaro anoita zvinopfuura kuisa mungozi kariro dzenguva refu dzenyika. Anoisa mungozi mufaro wazvino nechengeteko zvako nemhuri yako. Ikoku kwakadaro sei? Rangarira nyaya inotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe