Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinofanira Kutamba Mitambo Yekombiyuta Kana Kuti Yevhidhiyo Here?
Vagari vokunze kwenyika vakupoteredza! Asi hausitongori asina betsero. Unopfura nepfuti dzako huru, uchiparadza muvengi wako segorosi. Chinetso chacho ndechekuti, kana ukapfura zvikuru, vavengi vakawanda vanooneka. Naizvozvo unongova nechinhu chimwe chokuita kana uchizopukunyuka—uraya chinhu chiri chose chauri kuona. Sezvaunopfura, vagari vokunze kwenyika vanoparara nokudeurwa kweropa . . .
“MUFARO unotyora musana, unobvambura nyama, kuputisa musoro”! Iyi yakanga iri nzira iyo mumwe munyori wemagazini akarondedzera nayo nembavarira rudzi rwazvino uno rwemutambo wekombiyuta wakakurumbira. Chaizvoizvo, iwoyu unongova chete mumwe werudzi rutsva rwemitambo yekombiyuta uye yevhidhiyo inobvumira mutambi kutamba zvinofadza. Mitambo yakabudiswa munguva yapfuura inoratidzika kuva isina simba kana ichienzaniswa neiyi mitambo ine ropa, kazhinji kazhinji ine masimba masimba outsinye.
Kunyange zvakadaro, mitambo yevhidhiyo ine masimba masimba neyekombiyuta yakakurumbira zvikuru pakati pavanhu vaduku. Uye nechinofungidzirwa kuva chikamu chimwe muzvitatu chemhuri dzose muUnited States chine rudzi rwakati rwemidziyo yemitambo yemagetsi, mamiriyoni epwere anogona kuiwana. Nokuda kwepwere dzine misha yadzo isina kushongedzerwa kwazvo, kungada kufamba kupfupi kuenda kuimba yeshamwari kana kuti kuarcade yomunzvimbomo yevhidhiyo kundotamba iyi mitambo.
Zvakadiniko newe? Wakaedzwa kutenga—kana kuti toti kuedza zvako—mimwe yeiyi mitambo mitsva umene here? Eya, pashure pokunzvera maidi ose, ungava nemimwe mirangariro pamusoro pokuita kudaro.
Haisiri Mitambo Yose Yakafanana!
Kutanga, ngatijekesei kuti haisiri mitambo yose yevhidhiyo kana kuti kombiyuta yakashata kana kuti ine masimba masimba. Mitambo yakawanda inodzidzisa; inodzidzisa zvidzidzo zvakadai sejogirafi, nhamba, uye kutaipa munzira mhenyu nedzinovaraidza. Mimwe mitambo inodenha kuita kwomuviri nokuedzesera yakadai sebasketball uye hockey. Kunewo mapuzzle ounyanzvi akaitwa anofadza nokudenha ndangariro.
Sezvinobvumwa, kunyange mitambo yakanakisisa inogona kupedza nguva yakawanda. Uye Bhaibheri rinokurudzira vaKristu ku‘tenga nguva,’ ndiko kuti, kushandisa nguva nokuchenjera muzvirondwa zvomudzimu. (VaEfeso 5:16) Zvisinei, Bhaibheri haridi kuti nguva iri yose unenge wakamuka ipedzerwe uchishanda kana kuti uchifunda. Mukupesana, rinotiyeuchidza kuti kune “nguva yokuseka . . . uye nguva yokupembera.” (Muparidzi 3:4) Ikachengetwa mumwero, mibato yemitambo inogona kuva inozorodza uye yakanaka.
Tinofanira kungwarira, kunyange zvakadaro, kuti yakawanda yemitambo iyoyi inoratidzika kuva yakagadzirirwa kuita kuti vatambi vapambadze nguva yakawandisa. Mumimwe yacho, maawa anopedzerwa mukugona mutambo wacho pamwero wakati, mutambi asati awana kuti mimwe mwero inoverengeka—isingadzivisiki yakaoma zvikuru inonetsa zvikuru—inofanira kuitwa usati wapedza! Kunewo mimwe mitambo inoratidzika kuva inopa betsero shomanene nokuda kwenhamburiko zhinji. Dan uye Sam, hama mbiri dzokunyama dzechiKristu, vakatamba nembavarira mumwe mutambo uyo wakavimbisa kuvabetsera kupedza zvinetso zvenhamba. Zvisinei, vakakurumidza kuziva kuti kwakavakurumidzira zvikuru kuita nhamba dzacho papepa kupfuura pasikirini!
Naizvozvo, kunyange nemitambo yekombiyuta uye yevhidhiyo yakanaka ine mufungo, pane dikanwo yokuva anosarudza. Dan naSam vanoti: “Kana ukaongorora nokungwarira zvakakwana, kazhinji kazhinji unogona kuwana mutambo wakanaka.” Kunongova bedzi kune mufungo, kunyange zvakadaro, kudzivisa kupedzera mari yakawanda pamitambo inoguma bedzi munhu akurumidza kufinhwa. Mumwe mubereki anokurudzira vanakomana vake kuzviganhurira vamene kumitambo ichavabetsera nezvidzidzo zvavari kufunda muchikoro.
Rutivi Rwakaipa
Nenzira isingafadzi, haisi mitambo yose yekombiyuta uye yevhidhiyo iri mufaro usingakuvadzi—isingadzidzisi zvikuru. Akawanda emapurogiramu ekombiyuta evaraidzo anhasi anonangidzira ngwariro paicho Bhaibheri rinodana kuti “mabasa enyama” miitiro iyo isina kuchena iyo Mwari anoshora. Pakati pe“mabasa” akadaro anoshorwa “muitiro wokudavira midzimu.” (VaGaratia 5:19-21, NW) Zvirokwazvo, kuna Jehovha Mwari muitiro wemashiripiti uno“nyangadza.”—Dheuteronomio 18:10-12.
Yakawanda yemitambo yanhasi, zvisinei, yakanyura mune zvokudavira midzimu uye mashiripiti! Mumumwe mutambo “mushinhiriro wamashiripiti” unofanira kushandiswa kuti ukunde. Vatambi vanorayirwa, kuti: “Apo unenge wagadzirira kushinhira, rova pane chinoratidzira mheni nechepakona repasi rokurudyi kwemenu, ipapo rova pachisikwa chaunoda kuuraya.” Mitambo yakadaro haingagoni kusakurira kuda kuziva kusina kunaka pamusoro pemasimba oudhimoni here?
Uye zvakadiniko nokuzviratidza umene kumwero mikuru yemasimba masimba anotyisa? U.S. News & World Report inotaura nezvemitambo miviri yakakurumbira inoratidzira “kubviswa kwemwoyo womukwikwidzi” uye “zvitunha zvine upenyuzve zvichiboora mwena muganda ravasikana vechiduku vasina kupfeka zvakakwana.” Nepo vamwe vangafuratira kubudiswa kweropa mukombiyuta sefungidziro isingakuvadzi, Bhaibheri rinonyevera paPisarema 11:5: “Jehovha unoidza vakarurama; asi mweya wake unovenga wakaipa nounomanikidza.”—Enzanisa naIsaya 2:4.
Kunobvirawo kuva nemifananidzo yezvevatano isingadhuri pasikirini yekombiyuta. Ushutu uye vatano yapachena zvazove zviono zvinozivikanwa navose zvokuti vagadziri vemitambo muUnited States vakagadzira muitiro wokusarura unonyevera vatengi nezvemitambo inonyangadza. Vatengesi vashomanene, kunyange zvakadaro, vanoratidzika kuva vanodisa kudzivisa kutengesa kuvaduku. “Musengwa wedu bedzi ndewokupa vatengi izvo vanoda,” anodaro mumwe mabharani wechimwe chitoro. Bva zvibvunze umene, ‘Ko kuratidzirwa kumifananidzo inonyandura vatano kunondibetsera kuchengeta ndangariro yangu iri pazvinhu “zvakarurama, zvakachena, zvinodikanwa, uye zvose zvinorumbidzwa” here?’—VaFiripi 4:8.
Kupindwa Muropa!
Chokwadi, nyanzvi dzinokurukura matapurire anoita mitambo yemukombiyuta chaizvoizvo kupwere. Imwe nzvero, yakashumwa mumagazini yeNew Scientist, yakagumisa nenzira ine tariro kuti mitambo yakadaro “haisi chisakiso chikuru chemufambiro wakaipa.” Kunyange zvakadaro, 97 muzana yevaduku vakanzverwa munzvero iyoyo “yakafunga kuti kwaibvira kuva anopindwa muropa nemitambo.” Pwere dzacho dzakataura kuti mitambo yemaarcade yakanga ichikuvadza zvikurukuru nemhaka yokuti “inokurudzira vatambi kushandisa mari yawanda.”
Ko mitambo iyoyi inogona kupinda muropa chaizvoizvo here? Kunoratidzika kuva kwakadaro, nokuda kwavamwe vatambi. Imwe pwere yakaudza Mukai!, kuti: “Zvose zvaunogona kufunga pamusoro pazvo kusvika kumugumo uye kuwina.” Murume muduku anoyeuka nenzira yakafanana, kuti: “Ndinopedza maawa ndichiedza kuwana nzira yokuuraya ari wose ndokusvika pamwero unotevera wemutambo.”
Ungafunga kuti haungatongogoni kunyanyobatanidzwa zvakadaro mumutambo. Asi rangarira nzira iyo zvinoratidzwa muTV uye mabhaisikopo zvinodzora nayo mirangariro yavanhu—kuchivachemedza, kuchivashatirisa, kana kuti kuchivafadza. Fungidzira, ipapoka, purogiramu isina gadziriro dzinofadza bedzi, vanhu vanoshamisa, uye kurira kukuru asi inokurega uchiva gamba guru. Kungave kuri nyore here kudzivisa kunyanyobatanidzwa zvikuru mairi? Naizvozvo, hakushamisi kuti vamwe vatambi vane chinetso chokuparadzanisa fungidziro nechokwadi. Imwe pwere inoyeuka, kuti: “Tapuro yokutamba mitambo yamasimba masimba yakanga yakaipa kwazvo zvokuti ndakatofungidzira kuti ruoko rwangu rwakanga ruri pfuti uye ndakarunongedza kuvanhu.”
Sarudza Nokuchenjera
Kana vabereki vasingaganhuriri kushandiswa kwemitambo yemukombiyuta kana kuti yomuvhidhiyo, pwere dzinofanira kurangarira zano riri pana Muparidzi 2:14: “Meso omunhu wakachenjera ari mumusoro wake.” Ikoko kunoreva kuti wakachenjera unotarira kwaari kuenda ndokuona chiri mberi. Chaizvoizvo, nyika yevaraidzo yemakombiyuta yatova nezvizhinji zvinopesana nokuziva Mwari. (Enzanisa na2 VaKorinte 10:5.) Uye ndiani anoziva kuti vanoronga makombiyuta vachatevera kuitei? Naizvozvo pwere ipi neipi isati yatenga, yatamba, kana kuti kurenda mutambo, inofanira kuzvibvunza imene, ‘Uri pamusoro pei? Zita racho harikarakadzi mirangariro yamashiripiti here? Ko mufananidzo uri pabutiro hauratidziri masimba masimba anotyisa here?’
Mumamirire ezvinhu akanakisisa, mitambo yezvinhu zvemagetsi inogona kugovera kufarikanya kwakanaka uye kudzidza. Asi yakafanira chaizvoizvo nokupedza yakawanda yenguva yako yakakosha here?” Sam ane makore gumi namana okukura, adudzwa pakuvamba, anorondedzera, kuti: “Baba vedu havasati vambotaura zvakananga kuti hatigoni kuva nemitambo yevhidhiyo. Asi vakabvunza, ‘Chii chinofadza kwazvo nokubaya bhatani uye kuona mumwe munhu ari kumhanya kana kuti achisvetuka pasikirini?’” “Uye ndiyo nzira yatinonzwa nayo,” anowedzera kudaro mukoma wake Dan.
Hungu, usakanganwa kuti kune dzimwe—zvichida dzinobudirira zviri nani—nzira dzokuzvifadza umene, zvakadai sokurava, kuita mifanikiso nokuumba zvinhu, kutora rutivi mumitambo inosimbisa muviri, kuimba, kana kuti kudzidza kuridza chiridzwa. Kunobetsera zvikuru kwazvo kupedza nguva “uchizvirovedza nokuzvipira kwoumwari sechinangwa chako.” (1 Timotio 4:7, NW) Kuita kudaro kuchava kwoukoshi hukuru kupfuura kutamba mutambo wemidziyo yamagetsi.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]
Makumi mapfumbamwe navanomwe muzana evaduku vakanzverwa mune imwe nzvero “vakafunga kuti kwaibvira kuva apindwa muropa nemitambo”
[Mufananidzo uri papeji 14]
Kutamba mitambo yevhidhiyo yamasimba masimba kunogona kukukuvadza chaizvoizvo here?