“Nhevedzo Yenyika Itsva”—Yakava Namavambo Akashata
YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! WOMUGERMANY
SEZVO 1991 akavamba, vanhu vakanga vane tariro. Rwisano Yepfugwa Dzakasiyana yakanga yapera. Chokwadika, pakanga pane chinetso cheKuwait, yakanga yavhozhokerwa neIraq August wakapfuura. Asi Mubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose wakanga waratidza simba rawo rokutonga ndokurayira Iraq kubuda panosvika January 15. Murayiro wacho wakanga uchitsigirwa nomubatanidzwa wemauto eUN enyika 28 enyika ayo akanga arongwa nokukurumidza uye akanga akagadzirira kumanikidzira Iraq kuzviisa pasi. Pakanga pane tariro huru yokuti chimiro chakasimba chakatorwa nenzanga yenyika chakaratidzira kuvamba kwenhambo itsva.
George Bush, ipapo purezidhendi weU.S. akataura pamusoro pe“bviro, nokuda kwedu timene uye nokuda kwezvizvarwa zvinouya, yokuumba munhevedzo itsva, nyika umo kutonga kwomutemo, uye kwete kwemakwikwi, unotonga mufambiro wenyika dzakawanda.”
Iraq pakupedzisira yakafuratira January 15, uye kubhombera mumhepo nokukandira zvombo zvinokandwa kunzvimbo dzamauto dzeIraq zvakaitika. Nenzira yakajeka, nzanga yenyika yakanga ichirevesa. Isingasviki mwedzi mitatu gare gare, pana April 11, UN yakazivisa kuti Hondo yeGulf yakaguma. Chipikirwa chenhevedzo yenyika itsva ine rugare, yakadzikama mune zveupfumi uye zvematongerwe enyika yakaratidzika kuva chaiyoiyo.
Hondo Yakadzikama Zvinotambudza
Pakati pa1991 marepabhuriki maviri, Slovenia neCroatia, akazivisa kuzvitonga kubva kuYugoslavia yenguva iyoyo, kuchitanga hondo yavagari vemo pakupedzisira iyo yakatungamirira kukutanga kwemarudzi akazvimirira anoverengeka. Risingasviki gore rimwe gare gare, muongorori wezvamatongerwe enyika wechiFrench Pierre Hassner akati: “Kufanana neEurope 1914 asati asvika, nhevedzo yenyika itsva yaGeorge Bush yakafa muSarajevo.” Kunyange zvakadaro, chitarisiko chorugare chakajeka apo hurukuro dzakazarurwa muDayton, Ohio, U.S.A, muna November 1995 uye chibvumirano chorugare chakasayinwa muParis pana December 14. Sezvo 1995 akaswedera kumugumo, tariro yakamutsidzirwa yokuti nhevedzo itsva zvichida yakanga isina kufa pashure pokurangarira zvose.
Marepabhuriki eUnion of the Soviet Socialist Repulic akanga achiparadzana. Muna 1991, Lithuania, Estonia, uye Latvia dzakanga dziri dzokutanga kuzivisa kuzvitonga kwadzo, dzikateverwa nokukurumidza nedzimwe. Boka risingadzorwi rinozivikanwa seCommonwealth of Indipendent States rakavambwa muna December, kunyange zvazvo yaichimbova mitezo yeSoviet Union yakaramba kukumbanira. Ipapo, pana December 25, Gorbachev akarega sapurezidhendi weSoviet.
Zvisinei, kunyange marepabhuriki mamwe namamwe akavamba kuparadzana. Somuenzaniso, Chechnya, rimwe dunhu duku rechiMuslim kuchamhembe kweCaucasus nharaunda yeRussia, rakanga richivavarira kuzvitonga. Nhamburiko dzayo dzokubuda pamugumo wa1994 dzakamutsa rwisano yenharo yakaitwa nemauto eRussia. Kunyange zvazvo hupenyu 30 000 hwakarasika kubvira pakuvamba kwenhambo yacho mukuvamba kwama1990, hondo yakapfuurira kusvika mugore irori.
Pakasvika October 1995, pakati perwisano 27 ne46—zvichitsamira pakuti dzinorongwa sei—dzakanga dzichipisa munyika yose.
Kudokubhuroka
Pakutanga kwama1990, nhevedzo yenyika itsva yakabvumikisa kuva kwete bedzi yakashata mune zvematongerwe enyika asiwo yakashata mune zveupfumi.
Muna 1991, Nicaragua yakaderedza ukoshi hwemari yayo, asi kunyange ipapo macordoba ane mamiriyoni 25 akanga ane ukoshi hwedhora rimwe bedzi rokuU.S. Munguvayo, Zaire yakanga ichiva nemwero wokukwira kwemitengo we850 muzana, uchimanikidza vagari vayo kutsungirira mumwe wemiraramiro yakaderera zvikurusa munyika. Mamiriro ezveupfumi eRussia akanga achitamburawo. Kukwira kwemitengo kwakanga kuchiva pa2 200 muzana pagore muna 1992, kuchiita kuti mari ive inodokuva isina maturo. Kunyange zvazvo zvinhu zvakavandudzika pakupedzisira, muna 1995 zvinetso zveupfumi zvakanga zvisina kutongopera.
Mhaka yezvemari yakaipa zvikurusa yezana rino ramakore yakaitika muna 1991 apo Bank of Credit & Commerce International rakabhuroka, rakaparadzwa neunyengeri nezviito zveumbavha. Vaisi vemari mumabhangi munyika 62 vakatambura kurasikirwa neanosvika kumabhiriyoni emadhora eU.S.
Dzaisava chete nyika dzisinokusimba mune zvoupfumi dzakanga dzichizununguka; Germany ine simba yakaremedzwa nemitengo yokubatanidza. Urovha hwakakwira sezvo vashandi vakarayira mazororo marefu zvikuru netarisirwo youtano irinani. Kurovha kukuru nokushandiswa zvisina kufanira kwakapararira kwesangano reWerofeya kwakaunza dzvinyiriro dzokuwedzera paupfumi.
MuUnited States, nhevedzano yengwavaira dzakakomba yakaparira njodzi pakati pekambani dzemainishuwarenzi, idzo dzakazviwana dzimene dzakaomerwa nemaenishuwarenzi. Uye muna 1993 bhuku rinonzi Bankruptcy 1995: The Coming Collapse of America and How to Stop It rakanyevera nezvengozi nezvekukwira kwezvikwereti zvehurumende uye perevedzo yemari inorongwa kushandiswa nehurumende. Kunyange dzikamo yeRock-of-Gibraltar yemupi wemainishuwarenzi weBritain Lloyd’s of London yakapanikirwawo. Yarovanywa nerasikirwo, yakanga ichimanikidzwa kufunga pamusoro pezvisingafungiki—kubhuroka kungabvira.
Rudzidziso, Isimba Rinodzikamisa Here?
Muna 1991 Frankfurter Allgemeine Zeitung yezuva nezuva yeGerman yakati: “Ichi chiono chenhevedzo yenyika itsva chakasima mugamuchidzanwa renguva refu remirangariro yenyika yeAmerica iyo yose yakava norutivi runokosha rworudzidziso uye yave ichitaurwa mumashoko echiKristu.”
Aya mamiriro ezvinhu orudzidziso, munhu angafunga kuti, aifanira kuve akawedzera dzikamo kunhevedzo yenyika itsva. Asi chaizvoizvo kusashivirira kworudzidziso uye gakava zvakatungamirira kukusagadzikana kwakapararira. Algeria neEgypt dzakanga dziri mbiri bedzi dzehurumende dzinoverengeka dzaisabvumirana nevasingadi kuchinja veIslam. Ugandanga hwakanyandurwa norudzidziso hwakarova nyika dzacho dzose dziri mbiri. Nyongori dzorudzidziso muIndia dzakabatanidza nhambo yamazuva mapfumbamwe emasimba masimba emasekete muBombay mukati ma1993 ayo akatora upenyu hunopfuura 550.
Kusanzwana kworudzidziso kwakaderedza kufambira mberi kwechinzwano chavaKristu muna 1994 apo Chechi yeAnglican yakagadza vakadzi 32 savaprista. Pope John Paul II akadana ikoku kuti “mhinganidzo huru kutariro iri yose yokubatanazve pakati peChechi yeKaturike nevatendi veAnglican.”
Pana April 19, 1993, nyanduko pakati pehurumende yeU.S. uye mitezo yesekete rorudzidziso, Branch Davidians—iyo yakatoguma nemakakatanwa pakomboni yesekete muWaco, Texas, uye kuurawa kwevakuru vakuru vana vehurumende uye inenge mitezo 75 yesekete. Makore maviri gare gare nzvero dzakanga dzichiitwa mubviro yokuti kubhomba kwemagandanga uko kwakauraya vanhu 168 pachimwe chivako chehurumende muOklahoma City ingave iri kudzorera nokuda kwekudenha Waco.
Nyika yakakatyamadzwa mukuvamba kwa1995 nokunzwa nezvekudenha kumukira kwemagandanga neutsi hune chefu muzvitima zvinofamba nepasi zveTokyo. Vanhu gumi vakafa, uye zvimwe zviuru zvizhinji zvakarwara. Nyika yakanga yakatokatyamadzwa zvikuru apo yakanga yakapiwa sekete reapokirifa rinonzi Aum Shinrikyo, kana kuti Aum Supreme Truth.
Misi Yegore Negore Inokosha Isina Zvakawanda Zvokupemberera
Muna 1492, Columbus akasvika asingakariri kuWestern Hemisphere. Kupembera kwa1992 kwemusi wegore negore kwechi500 kwechiitiko ichochi kwakanga kwakapoteredzwa nekakavadzano. Vazukuru vane mamiriyoni 40 vaIndia veAmerica akamukira nongedzero yokuti mugari weEurope “akawana” nyika umo madzitateguru avo akanga agara ndokuwanda kare kare kunyange iye asati aberekwa. Vamwe vakadana mupanguri wacho, kuti: “mutangi wekushandisa zvisina kufanira nekukunda.” Uye chokwadi, kusvika kwaColumbus muWestern Hemisphere kwakanga kuri ngwavaira zvikuru kupfuura chikomborero nokuda kwavagari vayo. Vainzi vakundi vechiKristu vakavatorera nyika yavo, uchangamire, chiremera uye upenyu.
Muna September 1995, Israel akavamba kupemberera kwakareba mwedzi 16 kwokuchengeta musi wechi3 000 kwegore negore wokukunda kwaMambo Dhavhidhi Jerusarema. Asi kuchengeta kwacho kwegore negore kwakava namavambo ane ngwavaira apo Mutungamiriri weHurumende Yitzhak Rabin akaurawa pana November 4 nemabara omupondi maminiti pashure pokutaura pamusangano worugare. Ikoku kwakashatisa kugadzirira rugare kuMiddle East, kuchiratidzira kuti misiyano yakakomba yorudzidziso iripo kwete bedzi pakati pevaJudha nevaPalestine kunyange pavaJudha vamene.
Kuchengeta musi wegore negore kunoverengeka kwegore rechi50 kwakapembererwa pakati pa1991 na1995 uye pamusoro peHondo Yenyika II—kudenha Pearl Harbor iyo yakatungamirira kukupinda kweUnited States muhondo; kuvhozhokerwa kweEurope nemaAlly; kusunungurwa kwemisasa yechibharo yechiNazi; rukundo rwemaAlly muEurope; uye kudonhedzwa kwebhomba rokutanga reatomu paJapan. Nemhaka yeropa nemisodzi zvakabatanidzwa neizvi zviitiko, vamwe vanhu vakabvunza kana zvaifanirwa chaizvoizvo nokupemberera.
Ikoku kwakatungamirira kukuchengeta kwemusi wegore negore unokosha wechimwe chiitiko, kutangwa kweSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose muna October 1945. Ipapo kariro dzakakura zvokuti mitoo yokuwana nayo rugare rwenyika pakupedzisira yakawanwa.
Mubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose, seizvo Boutros Boutros-Ghali, munyori wavo mukuru, munguva pfupi yakapfuura akataura mukuudzivirira, wakanga wawana rukundo rwakakwana. Asi usati wabudirira mukuita chinangwa chawo chikuru Chata, ndiko kuti ku“chengetedza rugare rwamarudzi akawanda uye chengeteko.” Kazhinji kazhinji mauto awo akaedza kuchengetedza rugare munzvimbo makanga musisina rugare rwokuchengeta. Pakasvika 1995, wakanga wakundikana kuponesa nhevedzo yenyika itsva yakashata.
Sezvo Nhevedzo Yetsika Itsva Yakakundikana, Ubati Ushe hwaMwari Hwechokwadi Hwakabudirira!
Nemhaka yekusadzikama kwezvematongerwe enyika, zveupfumi, uye kworudzidziso uko kwakaparira kariro dzavo dzenhevedzo yenyika itsva kuparara pamberi pameso avo pamene, vamwe vanhu vakavamba kutaura nezvenyongano yenyika itsva. Muuku kuitika Zvapupu zvaJehovha zvakaona chimwe chibvumikiso chokuti nyika itsva bedzi inotwa naMwari ichafarikanya gadzikano munzanga yavanhu.
Mudzimwe nyika, mugumo weRwisano Yepfungwa Dzakasiyana wakareva rusununguko zvikuru nokuda kweZvapupu zvaJehovha, kuchizvibvumira kuita kokorodzano dzamarudzi dzakawanda muBudapest, Kiev, Moscow, Prague, St. Petersburg, Warsaw, uye dzimwe nzvimbo. Idzodzi dzakasimbisa gadziriro yeungano yenyika yose yeZvapupu zvaJehovha uye dzakabetsera kukurumidzisa basa razvo rokuparidzira. Nokudaro, hakushamisi kuti nhamba yeZvapupu zvinoshingaira muimwe bedzi yeidzi nzvimbo yakakura kubva pa49 171 muna 1991 kusvika ku153 361 muna 1995. Mukati memakore mana mamwe chetewo, nhamba yeZvapupu munyika yose yakakura kubva pa4 278 820 kusvika ku5 199 895. Ubati ushe hwechokwadi huri kupfuurira kupfuura nakare kose!
Hungu, mamiriyoni avanhu zvino anovakira tariro yawo yeramangwana pachipikirwa chaJehovha Mwari che“denga idzva nenyika itsva” umo “muchagara kururama mazviri.” (2 Petro 3:10, 13) Kuchenjera zvikuru sei kupfuura pane kutarira kunhevedzo yenyika itsva yavanhu, iyo, yakava namavambo akashata, ichakurumidza kusavapo!—Dhanieri 2:44.