RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 8/8 pp. 15-18
  • Chikonzero Nei Akachinja Zvinhu Zvake Zvokutanga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikonzero Nei Akachinja Zvinhu Zvake Zvokutanga
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Denho Yokutanga
  • Ukoshi Hwenziyo Dzeshiri Nokudanidzira
  • Unyanzvi Hwokuona Shiri
  • Mbeu Nokukura
  • Kudikanwa Kwedzikamo
  • Zvinhu Zvokutanga Zvokutarisira
  • Ndingava Sei Shamwari yaMwari?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Shiri Ingadzidzisei Musungwa?
    Mukai!—2000
  • Nei Ndichifanira Kunyengetera?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Uchenjeri hwaMwari Hunoonekwa Mune Zvaakasika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Mukai!—1996
g96 8/8 pp. 15-18

Chikonzero Nei Akachinja Zvinhu Zvake Zvokutanga

YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUBRITAIN

Kutanga kwerwiyo kukuru kunofadza kwakazadza mhepo kamwe kamwe. Mumhanzi yakajeka yakabuda ichiyerera, ichiratidzika sokunge kuti haiperi. Ndakamira ndakaita sokunge ndatsingwa. “Inightingale!” akazevezera kudaro Jeremy. Zvishoma nezvishoma takatenderera nomumucheto mechisango chacho, tichiedza zvakaoma kuwana manyuko okurira ikoko kwakaisvonaka. Ipapo, takaona shiri yacho shava inonyara, isingakurumidzi kuoneka pakati chaipo pechisango chacho. “Kwanga kuchifadza kuiona,” akadaro Jeremy sezvatakaenda pakupedzisira. “Vanhu vashomanene vanoiona.”

NDAKANGA ndauya kuzopedza zuva racho naJeremy, muchengeti weMinsmere, nzvimbo inochengetedzwa yemahekita 800 yeRoyal Society for Protection of Birds (RSPB), iri pane imwe yenzvimbo dziri kumabvazuva zvikuru dzeEngland. Mukati mehondo yenyika yechipiri, urwu rutivi rwemhenderekedzo yeNorth Sea rwakafashamiswa kuti rudzivise kuvhozhokera kunobvira kweGermany. Somugumisiro, nzvimbo duku dzetsanga dzakatangwa uye shiri dzenzvimbo dzemachakwi dzakavamba kugara mumafuro acho akafashamiswa. Mufaro wakawedzera muna 1947 apo maavocet masere akaita masakira, sezvo urwu rudzi rwakanga rusina kubereka muBritain kwamakore anopfuura 100.

RSPB yakakurumidza kutora nzvimbo yacho, uye yava zvino nzvimbo yokuchengetedza yeukoshi hwenyika dzakawanda. Mukuwedzera kunzvimbo duku dzetsanga, nzvimbo dzokugara dzeshiri dzacho dzinobatanidza zvidziva zvemvura ine munyu neisina—chikurusa chacho chinonzi Scrape—twumabwe, mirwi yejecha, machakwi, nzvimbo dzouswa hupfupi hwakaenzana, gwenga, uye ose ari maviri masango emiti inodonhedza mashizha neemiti isingadonhedzi mashizha. Marudzi anopfuura 330 eshiri akashumwa, ane 100 awo kana kuti kupfuura achiberekera munzvimbo yacho inochengetedzwa. Iyi mhatsa huru yeshiri iri zvikurukuru nemhaka yenzira dzokutama nadzo dziri mumhenderekedzo yokumabvazuva yegungwa, asi kutarisira kweunyanzvi kwakaitawo rutivi rwako.

“Ndakauya pano muna 1975,” akandiudza kudaro Jeremy, “nemhaka yokuti Minsmere yaipa denho yechienzi. Kubvira muna 1966 avocet yakava chiratidzo, uye pakupedzisira kutaura kunozivisa, kweRSPB. Minsmere inoonekwa zvino navazhinji senzvimbo inochengetedzwa yakaisvonaka zvikurusa yeRSPB, inogamuchira vashanyi vanosvika ku80 000 gore rimwe nerimwe.”

Denho Yokutanga

“Fariro yangu yakanyandurwa pachikoro,” Jeremy akapfuurira kudaro sezvataipfuurira kufamba. “Ndakadzidza kuisa shiri maringi ikoko ndokufunda kutama kwadzo. Pakasvika kupera kwema’60, ndakanga ndava kuisa maringi shiri dziri pakati pe12 000 ne20 000 pagore sebasa rokuzvifadza. Ipapo, Chris Mead weBritish Trust for Ornithology akandikoka kuti ndikumbanire rwendo rwokuSpain rwokunoisa maringi shiri dzinotama-tama dzinopfuura nokuSahara. Neti inoshandiswa mambure matema akaisvonaka zvikuru, akasiyana kubva pamamita 6 kusvika ku18 mukureba, akarembedzwa zvisina kusimba uye akaiswa nenzira yekungwarira pamwe nemiti semhoteredzo zvokuti shiri dzacho hadziaoni. Shiri dzacho hadzikuvadzwi, uye sezvadzinobviswa muneti yacho, ringi duku rezivikano, rinowanzogadzirwa neMonel Metal, rinosungirirwa mugumbo.a Kuregedza shiri dzacho kunodawo unyanzvi. Anoisa shiri maringi haatongokandi shiri dzake mumhepo, sezvamunoona pane dzimwe nguva muterevhizheni. Anongodzirega kuti dziende apo dzinoda. Maswift, somuenzaniso, achasunyirira kuzvipfeko zvemunhu zveshinda ndokubhururuka bedzi apo anenge agadzirira.

“Ichocho chakanga chiri chiitiko chinofadza icho ndaifanira kutorera zororo revhiki nhanhatu—uye ndakarasikirwa nebasa rangu nemhaka yacho! Somugumisiro, ndakasarudza kumbomira ndokuronda basa iro ndaida—kuchengetedzwa kwechisiko, zvikurukuru shiri. Ndakafadzwa apo RSPB yakandikoka kuzovakumbanira muna 1967.”

Ukoshi Hwenziyo Dzeshiri Nokudanidzira

Unoziva sei shiri? Pane dzimwe nguva kupfurikidza nokuona, asi kuita kudaro nerwiyo, kana kuti kudanidzira kweshiri, kunobudirira zvikuru. Unyanzvi hwaJeremy muna ikoku hukuru. Nyanzvi yezvomusikirwo David Tomlinson akanyora nenzira yokuyemura kuti Jeremy “haangozivi bedzi shiri kupfurikidza nerwiyo rwadzo, asi ndinopika kuti anogona kudzisiyanisa nenzira yadzinodhodza nayo mhepo pakati pokudanidzira kwadzo kwenziyo!”

“Shiri dzinokurukurirana,” Jeremy akatsanangura kudaro. “Kudana kumwe nokumwe kunoreva chimwe chinhu chakasiyana. Somuenzaniso, apo kunenge kune muparadzi munharaunda, maavocet, malapwing, magull, uye maredshank dzose dzine mudanidziro wadzo wakasiyana, asi kudanidzira kumwe nokumwe kunoreva chinhu chimwe chetecho: ‘Kune gava riri pedyo!’ Ndinogona kumuka muhope huru ndokuziva pakarepo kuti gava rakanga riri kupi, kubva kurudzi rweshiri ruri kudanidzira. Asi usakanganwa kuti makava ane kunzwa kwakaisvonakawo. Takashamisika nei matern akanga asiri kubereka nenzira inobudirira rimwe gore ndokuwana kuti gava rakanga richiteerera manyana aidanidzira ari mukati memakekenya awo emazai kuchechenywa kusati kwaitika. Nokukurumidza sezvarakaawana, rakaadya!”

Unyanzvi Hwokuona Shiri

Muoni weshiri akanaka muBritain anogona kushuma marudzi akasiyana-siyana anosvika ku220 mugore. Vanofunda nezveshiri dzisingawanzooneki, vaoni vanodisa avo vanokwikwidza kushuma kuoneka kweshiri dzisingawanzooneki, vanogona kuona dzinosvika ku320.b Mashoko okuoneka achavafambisa munyika yacho kuti vazvionere vamene. Jeremy ave akagutsikana zvikuru. “Ndaisagona kutyaira anopfuura makiromita 16 kuti ndione rudzi rusingawanzooneki,” akadudza kudaro. “Kutaura idi, kunongova nematatu bedzi ayo ndati ndafamba kuti ndione: nutcracker, buff-breasted sandpiper, uye great bustard, ose ari mukati memamaira gumi. Kunyange zvazvo ndichisanoziva marudzi 500, ndinoziva kuti ndinongoziva mashomanene bedzi. Unoziva, kune marudzi eshiri 9 000 munyika yose!”

Sezvatakanangidzira mabhainokura edu kumachakwi acho, Jeremy akawedzera, achiti shuvei, kuti: “Ndaisagona kuva ndakafungidzira upenyu hunofadza zvikuru kana kuti hunobudirira zvikuru kupfuura ihwohwo, zvikurukuru makore angu 16 paMinsmere!” Ndakamutarira ndokuyeuka nyaya yakanga ichangobva kubuda muThe Times, pepanhau reLondon. Yakati: “Minsmere yakanga iri kubudirira kwokupedzisira kwake [kwaJeremy], basa roupenyu hwake.” Jeremy akanga achibva paMinsmere. Neiko?

Mbeu Nokukura

Pakuvamba-vamba muzuva racho, takanga tapupurira kuratidzirwa kwokuberekesana kunopfuura kwenguva dzose kwemaavocet. “Runako rwacho rukuru,” akanga aonesa kudaro Jeremy, “harugoni kunzi nderwerudzi rwakati rwokuvapo kwemhindumupindu. Asi ndinoyeuka ndichibvuma makore mashomanene akapfuura, apo ndakabvunzwa kana ndaidavira kuti kuna Mwari here, ndichiti: ‘Handizivi—uye handizivi nzira yokuziva nayo!’ Naizvozvo apo ndakakurudzirwa kunzvera muBhaibheri, ndakabvuma nokudisa. Ndaiziva zvishomanene pamusoro paro uye ndakarangarira kuti ndakanga ndisina chinhu chandaizorasikirwa nacho—uye zvimwe chimwe chinhu chokuwana. Zvino, somugumisiro wezvandakadzidza, ndiri kusiya Minsmere kuti ndive mushumiri wenguva yakazara.”

Kwamakore gumi Michael, mukoma waJeremy, akanga ave ari “piyona,” shoko rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha kurondedzera vaevhangeri vazvo venguva yakazara. Sezvatakagara pasi tichinwa tii yedu, Jeremy akavamba kurondedzera nokupfupikisa zvirongwa zvake zvokukumbanira mukoma wake. “Vashandi biyangu vanoremekedza vose chisarudzo chandakaita,” akatsanangura kudaro Jeremy. “VeRSPB vanofarira uye vanoitira hanya. Vakandipa tsigiro yavo izere uye vakatondirumbidza nokuda kwokufanirwa nomubayiro wenyika dzakawanda wokuita zvakanaka.”

Bva, ndaiziva kuti kwakanga kwave kune kutsoropodza kwakati.

Kudikanwa Kwedzikamo

“Vanhu vazhinjisa vave vachitsigira, asi vamwe, nenzira isingafadzi, vanoratidzika kuva vane murangariro usina kururama webasa rangu kuno,” akadudza kudaro Jeremy. “Vanorangarira kuti dziviriro hurusa kuumudzimu ndeyokuva pedyo nechisiko, kutarisira mhuka dzomusango—kushandira kuchengetedza. Vanondiudza kuti ikoku ndiko kuva pedyo zvikuru kwaunogona kuva kuparadhiso, naizvozvo kubvirei?

“Sezvinooneka, basa racho rine rutivi rwomudzimu, asi irworwo haruenzani neumudzimu. Umudzimu chinhu chomunhu oga, vara rinoda nguva kuti urisakurire. Rinobatanidza kudikanwa kwokusonganirana neungano yechiKristu nokuitarisira, kuvaka nokuvakwa. Pane dzimwe nguva ndakarangarira kuti ndave ndichiedza kuita izvo Jesu akataura kuti taisagona kuita—kubatira vatenzi vaviri. Ndinoziva zvino kuti mhoteredzo yakakotsekana zvikuru iri pakati chaipo peungano yechiKristu, uye nzira yokusvika nayo ipapo ndeyekupayona!”

Zvinhu Zvokutanga Zvokutarisira

“Musandinzwisisa zvisina kururama. Kutarisira somuchengeti chinhu chinofadza nechinotusa, kunyange kana kuchikangaidza pa- dzimwe nguva. Somuenzaniso, kusha- tiswa kunoitwa nePCB nemercury muiyi nzvimbo yokugara kuri pamwero mikuru zvikuru inoparira kunetseka—uye hatizivi chaizvoizvo chikonzero nei, kunyange zvazvo tichifungidzira kuti ngurusi ndidzo dziri kuiunza.c Asi chinhu chipi nechipi chandinogona kuita kuti ndiruramise dzikamo yacho chakaganhurirwa zvikuru. Hakuna munhu anonzi inyanzvi yeukama hwezvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo. Tiri kungoparapatika-parapatika, tichidzidza zvakanakisisa sezvatinogona. Tinoda nhungamiro. Musiki wedu bedzi anoziva nzira yatinofanira kurarama nayo nokutarisira pasi nemhatsa yaro huru zvikuru yeupenyu.”

Zvinyoronyoro, Jeremy akapfupikisa mirangariro yake, achiti: “Handina kutsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha kuti ndiponese mhuka dzomusango; anokwanisa nenzira yakakwana kutarisira ikoko amene. Kupfurikidza noUmambo hwake, achava nechokwadi chokuti mhuka dzomusango dzinotarisirwa nesu kwenguva yose munzira iyo anoda kuti kuitwe nayo. Kuparidza mashoko akanaka oUmambo kunofanira kuva nenzvimbo yokutanga zvino kana ndichizofanira kuita basa rangu rokutarisira munhu biyangu.”

Ndakasanganazve naJeremy nguva pfupi yapfuura. Akanga ave ari makore matatu kubvira apo takapedza zuva irero rinofadza pamwe chete munzvimbo inochengetedzwa. Anogara zvino makiromita masere kubva paMinsmere yake inodiwa, achipayona nomufaro nomukoma wake. Asi akandiudza kuti vamwe vanhu vanotaura kuti vachiri kukuwana kwakaoma kumunzwisisa. Unodaro here? Nokuda kwaJeremy, yaingova bedzi nhau yezvinhu zvokutanga.

[Mashoko Omuzasi]

a Monel Metal isimbi yekopa nenickel inogona kudhonzeka zvikuru, isingadyiwi nengura.

b MuUnited States, vanofunda nezveshiri dzisingawanzooneki vanozivikanwa zviri nani sevarongi.

c PCB ipolychlorinated biphenyl, tsvina yemaindasitiri.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 17]

Kuratidzirwa Kwomufaro

Munhu 1 bedzi mu10 achaona nightingale yavanonzwa, asi yangonzwika chete, rwiyo rwacho harukanganwiki. “Kuimba chaiko, chinhu chakazara nechakapedzwa,” akanyora kudaro Simon Jenkins muThe Times yeLondon. Shiri yacho inowanzoimba nenzira inopfuurira—imwe yakarekodwa ichiimba kwemaawa mashanu nemaminiti 25. Chii chinoita kuti rwiyo rwacho ruve rwakasiyana? Dokoriro renightingale rinogona kubudisa manotsi mana akasiyana-siyana panguva imwe chete, kubatanidza makodhi ayo akakwana mune zvokuimba. Uye ikoku inogona kukuita muromo wayo wakavharwa kana kuti mumuromo mayo makazara nezvokudya zvemanyana ayo. Neiko ichiimba zvikuru kwazvo? Nokuda kwomufaro wayo mukuru, vamwe vacherekedzi vanotaura kudaro. “Musikirwo wose une chisiko chinokatyamadza zvikuru kupfuura dokoriro renightingale here?” anogumisa kudaro Jenkins.

[Kwazvakatorwa]

Roger Wilmshurst/RSPB

[Mufananidzo uri papeji 15]

Scrape

[Kwazvakatorwa]

Courtesy Geoff Welch

[Mufananidzo uri papeji 16]

Black-headed gull

[Kwazvakatorwa]

Courtesy Hilary & Geoff Welch

[Mufananidzo uri papeji 16]

Avocet

[Mufananidzo uri papeji 18]

Sandwich tern

[Mufananidzo uri papeji 18]

Redshank

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe