Kutsvaka Nhevedzo Yenyika Itsva
“HAKUNA mepu dzokutitungamirira kwatiri kuenda, kunyika itsva iyoyi inoitwa nesu timene. Sezvo nyika inotarira shure kumakore makumi mapfumbamwe ehondo, ekakavadzano, enyumwiro, ngatitarirewo mberi—kuzana idzva ramakore, uye mireniyumu itsva, yorugare, rusununguko nebudiriro.”
Purezidhendi weU.S. George Bush akaita tsinhiro idzodzo pana January 1, 1990. Mushoko rakafanana, purezidhendi weSoviet Mikhail Gorbachev ipapo akakarakadza batira pamwe muma 1990 yokubvisa “nyika yorutyo nokusavimba, yezvombo zvisiri madikanwa, yemifungo yechinyakare yezvamatongerwe enyika nedzidziso dzehondo, uye mipingo yakaitwa iri pakati pavanhu nehurumende.” Yakashuma kudaro Mainichi Daily News yeJapan yaJanuary 3, 1990.
Sezviri pachena, kariro dzakanga dzichikura. Dzakanga dzichiri shure negore rimwe. Muhurukuro inopiwa naPurezidhendi weU.S. pakutanga kworusando rwenguva dzose rumwe norumwe rweCongress pana January 29, 1991, Purezidhendi Bush akanongedzera kuhondo yeGulf muPersia ndokuti: “Chiri mungozi chinopfuura nyika imwe duku [Kuwait], ipfungwa huru—nhevedzo yenyika itsva umo marudzi akasiana-siana anokweverwa pamwe chete munharidzano imwe cheteyo kuti awane zvishuvo zvapose pose zvorudzi rwomunhu: rugare nechengeteko, rusununguko nomugariro umo mutemo unotekeshera.”
Hakusi Kutsvaka Kusina Nhamo
Zvinetso zvakawanda zvinodzivisa munhu mukutsvaka kwake nhevedzo yenyika itsva. Rwisano dzakashongedzerwa nezvombo zvirokwazvo dzinodzivisa. Ichinongedzera kuutsinye hwakanga huri kuitika panguva iyeyo muIraq neKuwait, magazini yeTime yaJanuary 28, 1991, yakati: “Sezvo mabhomba aidonha nezvombo zvinokandwa zvaibhururuka, tariro dzenhevedzo yenyika itsva dzakatera kunyongano yakarovedzeka.” Magazini yacho yakawedzera, kuti: “Hakuna munhu anofanira kuva munhema dzipi nedzipi dzokuti nhevedzo yenyika itsva iri kuganzwa nayo zvikuru yavapo kana kuti yatosvika.”
Batira pamwe yamarudzi ose haisati yatongowanwa, uye ikoku kunodzivisa nhamburiko dzomunhu dzokutanga nhevedzo yenyika itsva. Mumushumo wakaoneka muchinyorwa chinonzi The World & I (January 1991), nyanzvi dzakanzvera “miitiro yenyika dzokumwe iri kutanga kuoneka yamasimba makuru nesimba rayo ringabvira panhevedzo yenyika itsva.” Mupepeti wacho akagumisa, kuti: “Nhau inokarakadza kuti mutsara uri pakati pehondo norugare wakaisvonaka pakushandiswa zvakanakisisa kwenguva. Batira pamwe yamarudzi ose, zvikurukuru pakati pamasimba makuru, inokosha kukuchinja kunobudirira kubva muUtsinye Hukuru pakati pamarudzi kuenda kukuva nhevedzo yenyika itsva.”
Zvinetso zvemhoteredzo zvinodzivisawo nhevedzo yenyika itsva iyo vakawanda vanoisa muchiono. MuState of the World 1991 (mushumo weWorldwatch Institute), Lester R. Brown akati: “Hapana munhu anogona kutaura nouchokwadi icho nhevedzo yenyika itsva ichafanana nacho. Asi kana tichizoumba nguva yemberi inovimbisa yechizvarwa chinotevera, ipapo nhamburiko huru inodikanwa kuchinja kushatiswa kwemhoteredzo yenyika kuchadzora nhau dzenyika kwamakumi amakore anouya.” Mushumo wacho wakataura kuti kushatiswa kwemhepo kwakanga “kwasvika pamwero inotyisidzira utano mumazana amaguta nemwero inokuvadza zvirimwa munyika dzakawanda.” Iwo wakawedzera, kuti: “Sezvo chiverengero chavanhu vari kugara munyika chinokwira, chiverengero chamarudzi emiti nemhuka chinoderera. Kuparadzwa kwemokugara neshatiswo zviri kuderedza mhatsa yezvinhu zvipenyu zvapasi. Kudziya kunowedzera nokuparadzwa kunopfuurira kweozone layer kungawedzera kurasikirwa.”
Nenzira yakajeka, ipapoka, kutsvaka nhevedzo yenyika itsva kwomunhu kwakazadzwa nezvinetso. Kutsvaka kwacho kuchabvumikisa kuva kunobudirira here? Kunogona kutaurwa here kuti nyika itsva yava pedyo? Kana zvakadaro, ichaparirwa sei?