Kurera Mwana Asiri Wako Ndinokurangarira Sei?
KURI pachena kuti zvinetso zvinogona kumuka kana vabereki vanorera mwana asiri wavo vakachatanura kana kuti mumwe mukwanyina akafa. Asi mwana anorerwa navabereki vasiri vake ndiye anganzwa dzvinyiriro huru zvikuru. Neiko?
Voruzhinji vedu tinoziva kuti vabereki vedu vokubereka ndivanaani. Kunyange kana takafirwa navo pakuvamba muupenyu, tine yeuko, kana kuti zvimwe mapikicha, okuti tipedzise batano yacho. Zvakadiniko, zvisinei, nezvomucheche anopiwa nokuda kwokurerwa navabereki vasiri vake nokukurumidza pashure pokuberekwa? Sangano rokureresa rinochengeta udzame hwaamai vacho, asi mashoko iwayo haawanzoitwa anowanika kutozosvikira mwana wacho asvika zera rinopiwa kodzero dzomugari wenyika. Mune zvimwe zviitiko, amai vacho vanonyoresa zita ravo vamene pagwaro rokuberekwa asi vanosiya rababa vacho. Vamwe vacheche vakanhongwa—vakawanikwa pashure pokunge vabereki vavo vasingazivikanwi vavasiya. Vana vose vari muaya mamiriro ezvinhu ose vanoshaya batano dzedzinza—vanganzwa vaparadzaniswa nekwavakabva kana kuti kwavakaberekerwa.
Vakadzikama Zvakadini?
Miti inoda midzi yakanaka kuti imire zvakasimba. Bazu idzva rakaiswa pahunde yakasvika ringasanokura, asi ringaomawo ndokukundikana kubereka zvibereko. Nenzira yakafanana, kunyange zvazvo vabereki vanorera mwana asiri wavo vangapa tarisiro yose nokuzvipira kworudo kunobvira, vamwe vana havatongonayi mukatyamadzo yokubviswa mubatano dzavo dzapakuvamba.
Rangarira chiitiko chaKate.a Aberekwa navabereki vokuWest Indies, somucheche Kate akarerwa nevaroorani vechichena vasiri vake vane rudo, vanoitira hanya, asi aisagona kudzidza kuwirirana nemhoteredzo yake itsva. Pazera ramakore 16, akabva pamusha, zvokusatongodzokazve. Kusafara kwakanga kwachinja kuva ruvengo rusina mufungo pakasvika nguva iyoyo. “Neiko amai vangu vakandipa kwamuri?” akabvunza kudaro. Nenzira inosuruvarisa, iyi mhuri yakanga isingakwanisi kuvhara mukaha wacho.
Mervyn akaiswa mutarisiro yechiremera chomunzvimbomo pakuberekwa uye ipapo navabereki vokurera. Apo akanga aine mwedzi mipfumbamwe yokukura, akarerwa navabereki vasiri vake. Mamiriro ake ezvinhu ekare apakuvamba asina kukotsekana, pamwe chete nepfundepfunde huru pakuva wedzinza rakasanganiswa, zvakakura kuva chimiro chendangariro chokupandukira kuchiunza nhamo huru paari norusuruvaro rukuru kuvabereki vake vokurera, avo vakamuitira zvakawanda zvikuru. “Kudai munhu upi noupi aizokumbira zano rangu pamusoro pokurera mwana asiri wako,” amai vake vakadaro, “Ndaizotaura zvino kuti, ‘Nyatsofunga pamusoro pako.’”
Mukupesana, rangarira chakaitika chaRobert naSylvia. Vakanga vane mwanakomana mumwe uye vakanga vasingakwanisi kuvazve navamwe vana vapi navapi. “Marangarira kurera mwana asiri wenyu worumwe rudzi here?” vakabvunzwa kudaro. Nokukurumidza vakanga vachirera Mak-Chai, mucheche wechisikana ane mwedzi mipfumbamwe yokukura wokuHong Kong. “Ndinowanzoshamisika kuti nei ndakasiyiwa,” anodaro Mak-Chai, “uye kana ndine hanzvadzi dzipi nedzipi navakoma. Asi ndinofunga kuti ndiri pedyo zvikuru naamai nababa vangu vokurera kupfuura zvakaita vana vazhinji vokubereka kuvabereki vavo. Kudai ndaiziva kuti vabereki vangu vokubereka ndivanaani, kwaisazoita musiyano mukuru, zvimwe kunze bedzi kwokuti ndaizonzwisisa zviri nani mashomanene amavara angu.” Vabereki vake vokurera vanorumbidza kurera mwana asiri wako here? “Hungu,” vanodaro, “nokuti nokuda kwedu chave chiri chiitiko chinoshamisa!”
Zvikonzero Zvokungwarira
Graham naRuth vakarera vana vaviri vasiri vavo savacheche, mukomana nomusikana, kuti vabatane nomwanakomana wavo vamene nomwanasikana. Vana vose vari vana vakarerwa semhuri imwe yakabatana mumhoteredzo inofadza. “Vana vedu vose vakabva pamusha makore akawanda akapfuura ndokunozviraramira. Tinochengeta onano yenguva dzose uye tinovada vose,” anodaro Ruth. Asi nenzira inosuruvarisa, vana vose vari vaviri vakarerwa navabereki vasiri vavo vakanga vane zvinetso zvakakomba. Neiko?
“Chiremba wedu akatiudza kuti mhoteredzo nokuda kwomwana inokosha zvikurusa,” anodaro Graham, uyo anorangarira zvino kuti mavara anogarwa nhaka chisakiso chikuru. Anowedzera, kuti: “Uyewo, zvakadiniko noutano hwaamai apo vakanga vaine pamuviri? Mirimo, chinwiwa chinodhaka, uye fodya, tinoziva zvino, zvinogona kutapura mwana asati aberekwa. Ndinorumbidza kuti nzvero huru iitwe yavabereki vose vari vaviri, uye kunyange yaambuya nasekuru kana kuchitongobvira, musati matanga kurera mwana asiri wenyu.”
Amai vaPeter vakaroorwazve, uye Peter akatambura kubatwa zvisina kufanira mumuviri nomundangariro nababa vake vokurera. Pazera ramakore matatu, akaendeswa nokuda kwokurerwa navabereki vasiri vake. “Ndakaramba vabereki vangu vokurera panguva apo ndakabuda mudare,” Peter akadaro. Akawedzera, kuti: “Ndakaparadza chinhu chiri chose chandaigona kubata. Apo ndairara, ndaiva nezviroto zvinotyisa zvikuru. Ndichitarira shure zvino, ndinogona kuona kuti ndakanga ndakavhiringidzwa zvikuru sei. Pashure pokunge vabereki vangu vokurera varambanawo, zvinhu zvakanyanya kundishatira—mirimo, kuba, kuparadza zvinhu, zvaiva mibato isingadzorwi yezuva nezuva.
“Pazera ramakore 27, ndaisagona kuona chikonzero chokupfuurira kurarama ndokufunga kuzviuraya. Ipapo rimwe zuva munhu wandisingazivi akandigashidza turakiti rakavakirwa paBhaibheri iro raitaura kuti nokukurumidza pasi rino richava paradhiso. Shoko racho rakandifadza zvikuru. Rakanga rine zvokwadi. Ndakatanga kurava nokufunda Bhaibheri ndokuvamba kuita chinjo muupenyu hwangu nounhu, asi ndaidzokera ndadzokerazve kunzira dzangu dzekare. Pashure pekurudziro huru nesonganiro yechiKristu inobetsera, ndinonzwa zvino ndichifara zvikuru uye ndakakotsekana zvikuru mukubatira Mwari kupfuura izvo ndaigona kunge ndakafungidzira makore mashomanene akapfuura. Ndakakwanisawo kumutsazve ukama hworudo naamai vangu, izvo zviri zvinofadza.”
Kunangana Nechokwadi
Pakunouya kukurera mwana asiri wako, mirangariro inova mikuru. Rudo rukuru nokuonga zvinoratidzirwa pamwe chete nokusafara uye kusaonga. Edgar Wallace, somuenzaniso, haana kutongokanganwira amai vake nokuda kwokumusiya, uko kuri nzira yaakarangarira nayo zviito zvavo. Vakaenda kunomuona mugore rokupedzisira roupenyu hwavo, vachitsvaka betsero yemari nokuzengurira, asi Edgar, kunyange zvazvo akanga akapfuma panguva iyeyo, akaramba kuvabetsera nenzira yakananga. Nokukurumidza pashure pacho, apo akaziva kuti amai vake vaizodai vakavigwa munzvimbo yamakuva avanhu vasingazivikanwi kudai wakanga usiri mutsa weshamwari idzo dzakaripira mariro avo, akademba zvikuru kusarangarira kwake.
Vanhu vari kurangarira kurera vana vasiri vavo vanofanira kuva vakagadzirira kunangana nezvinetso nedenho izvo zvingamuka nenzira yechokwadi. Vana havawanzoonga izvo vabereki vavo—vokurera kana kuti vokubereka—vanovaitira, kunyange mumamiriro ezvinhu akanakisisa. Bhaibheri, kutaura idi, rinotaura nezvavanhu vari muzuva redu se“vasina rudo chairwo” uye vachiva “vasingaongi” uye “[vasina kuvimbika, NW.]”—2 Timotio 3:1-5.
Kune rumwe rutivi, kuzarurira musha wako—nomwoyo wako—mwana anoda vabereki kunogona kuva chiitiko chakanaka, chinotusa. Cathy, somuenzaniso, anoonga zvikuru vabereki vake vokurera nokuda kwokumugovera musha wechiKristu nokutarisira zvinodikanwa zvake zvomuviri nezvomudzimu.—Ona bhokisi rinoti “Kwakabudirira Nokuda Kwedu,” peji 8.
Pakurondedzera nzira yavanonzwa nayo pamusoro pavanakomana navanasikana vavo vokurera, vabereki vevana vakadaro vangasanoyeuka mashoko owezvamapisarema, anoti: “Vana chipo chinobva kuna Ishe; chikomborero chaicho.”—Pisarema 127:3, Today’s English Version.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita akachinjwa kuitira kudzivirira kuzivikanwa.