Kurera Mwana Asiri Wako Neiko Uye Sei?
NEIKO nhamba yavana vanorerwa navabereki vasiri vavo muBritain yakaderera zvikuru mukati memakore 20 akapfuura? Zvikonzero zviviri zvakakarakadzwa—kuvapo kwokubvisa pamuviri kwapamutemo nokugamuchirwa kunowedzera kwaamai vanorera mwana wavo vasina murume. Kuva mhuri ine mubereki mumwe kunorangarirwa zvino sedenho inogona kusanganwa nayo nenzira inobudirira munzanga yazvino uno.
Zvisinei, mukati memakore 100 akapfuura chete, zvinhu zvakanga zvakasiyana. Apo Polly, amai vaEdgar Wallace, munyori wechiNgezi wemanovhero outsotsi, akaitiswa pamuviri nomwanakomana womushandirwi wake, akaenda ndokusununguka pachivande. Edgar akanga aine mazuva mapfumbamwe okukura apo muchingi wacho akaronga kuti mudzimai waGeorge Freeman, mutakuri wemidziyo pamusika wehove weBillingsgate weLondon, amutarisire. VokwaFreeman vakanga vachitova nevana gumi vavo vamene, uye Edgar akakura achizivikanwa saDick Freeman. Polly aiita miripo yenguva dzose kuti abetsere kutsigira mwana wake, uye baba vacho havana kutongoziva nezvokuvapo kwomwanakomana wavo.
Nhasi apo vacheche vanenge vasingadiwi, zviremera zvehurumende zvinowanzogamuchira mutoro nokuda kwavo. Vana vazhinji vanova vanotarisirwa nemhaka yokuti vanoda dziviriro mukubatwa zvisina kufanira kana kuti nemhaka yokuti vane urema mumuviri kana kuti mundangariro. Avo vakaitwa nherera nezvinotyisa zvehondo uye vacheche vakavapo nemhaka yokubatwa chibharo vanowedzera nguva dzose nhamba dzavana vanoda zvikuru rudo rwavabereki nedziviriro—mushoko rimwe chete, kurerwa.
Unofanira Kurera Kana Kuti Kusarera Mwana Asiri Wako Here?
Kurera mwana asiri wako hakusati kuchitongova kuri nyore, uye hakusati kuchitongova kuchenjera kuita chisarudzo chokukurumidza pakukurangarira. Kana wakafirwa nomucheche, kungava kwakanakisisa kumirira kuti vhiringidziko yacho kana kuti nhamo ipfuure usati waita chisarudzo chokupedzisira pamusoro pokurera mwana asiri wako. Zvimwe chetezvo zvingava zvechokwadi nokuda kwavaroorani avo vanoudzwa kuti havabereki.
Mwana ari wose anogara nhaka mavara anogarwa nhaka akasiyana. Vabereki vanowanzoshamiswa nezvinoda vana vavo vamene, asi kwakaoma kuziva bviro yendangariro neyemirangariro yomucheche kana dzinza rake risingazivikanwi.
Unoisa ukoshi hwakakwirira pakuwanwa kwedzidzo yakakwirira here? Kana zvakadaro, uchanzwa sei kana mwana wako wokurera asingasvitsi kariro dzako? Waizowana mwana akaremara mundangariro kana kuti mumuviri ari denho iyo ungagona kugonana nayo here?
Vashandi vakarovedzwa pamasangano okureresa vana vasina vabereki kana kuti vashandi vemagariro avanhu vehurumende vachakubvunza pamusoro peidzi nhau usati waita chisarudzo chokupedzisira. Itiro hanya yavo huru inofanira kuva yechengeteko nomufaro womwana wacho.
Kana Ukasarudza Kurera Mwana Asiri Wako . . .
Nyika imwe neimwe ine mitemo nemirau yayo imene yokureresa vana vasina vabereki iyo inofanira kufundwa. MuBritain mune zviuru zvemasangano okureresa vana navabereki vasiri vavo, uye anowanzoshanda pamwe nezviremera zvehurumende zvomunzvimbomo. Masangano ose ane mitemo yawo amene.
Akakurumbira zvikurukuru muBritain mapoka okureresa vana vasina vabereki, umo vabereki vakati vanokarirwa vanogona kusangana navana varipo vokurera, pasina dzvinyiriro yemirangariro iyo inogona kuvapo nokusangana nomwana mumwe. Mhoteredzo yakaterama inokuita kuti kuve nyore nokuda kwavabereki vanokarirwa kuramba uye kunokuita kunobvira zvishoma kuti vana vacho vachaodzwa mwoyo, sezvo pasina mwana mumwe anoparadzaniswa seanonangidzirwa ngwariro bedzi.
Ganhuriro dzezera dzinowanzoiswa nokuda kwaavo vanorera mwana asiri wavo, sezvinobvira paanenge makore 35 kana kuti 40 ezera—kunyange zvazvo ikoku kuchiwanzoshanda kukurerwa kwavacheche navabereki vasiri vavo, kwete zvikurukuru nezvevana vakura. Masangano okureresa vana navabereki vasiri vavo anotaura kuti ganhuriro dzezera dzine chokuita neurefu hwoupenyu hwavabereki vanokarirwa. Zvisinei, anoziva kuti ruzivo rwokuzviwanira runokosha runouya nezera.
Mumakore akapfuura kurera mwana asiri wako kwaigona kurongwa navaroorani bedzi. Nhasi, vanhu vasina kuroora kana kuti kuroorwa vanogona kukumbira nenzira inobudirira kuti varere vana vakati. Uyewo, urovha nourema hazvisati zviri zvikurukuru zvikonzero zvokuti vabereki vanokarirwa varambirwe. Mubvunzo mukuru ndewokuti, Gadziriro yacho inogona kupei mwana wacho?
Kunyange apo kurera mwana asiri wako kunotenderwa pakupedzisira, vabereki vacho vangawanzotariswa kuitira kuva nechokwadi chokuti zvinhu zviri kufamba zvakanaka.
Vanobva Kune Rumwe Rudzi Here?
Makore makumi matatu akapfuura vana vechitema muBritain vakanga vakaoma kureresa nemhuri dzechitema, uye somugumisiro, vazhinji vakarerwa navabereki vechichena. Kubvira muna 1989 wave uri muitiro wenyika muBritain kureresa vana navabereki vemhoteredzo imwe cheteyo yedzinza. Kunorangarirwa kuti muiyi nzira mwana achakurumidza zvikuru kuziva rudzi rwake netsika. Ikoku, zvisinei, kwakatungamirira kumamiriro ezvinhu okupokanidzana.
Munguva pfupi yapfuura The Sunday Times yakashuma kuti vamwe vabereki vechichena vaka“rongwazve sa‘vatema’” kuvagonesa kurera mwana wechitema. Hakusati kuri kwechienzi kuti vabereki vechichena varere mwana wechitema, uko kunoreva kuti vanomutarisira pahwaro hwechinguvana. Asi vakanyimwa gare gare kodzero dzokurera mwana iyeyo zvechigarire, mugumisiro wacho ikuvadziko yemirangariro nokuda kwavose vari vaviri mwana navabereki.
Varoorani vokuScotland, avo kwamakore matanhatu vakarera vana vaviri vechiIndia, munguva pfupi yapfuura vakatarisana nechinetso chaicho chokurera mwana asiri wavo kwamarudzi akasangana. Dare rakabvumira kurera kwacho pakunzwisisa kuti vabereki vacho “vanoshandisa nhamburiko dzavo dzakanakisisa kuti vave nechokwadi chokuti vana vacho vachaziviswa nezve[dzinza] ravo ndokukudzwa vaine nzwisiso yemavambo avo edzinza nemagamuchidzanwa,” inoshuma kudaro The Times. Muichi chiitiko vabereki vairera mwana asiri wavo vakanga vatove vachiita kudaro. Vana vacho vakanga vachidzidziswa mutauro wePunjab uye vaipfekedzwa pane dzimwe nguva zvipfeko zvekwavakaberekerwa.
Vazhinji vachabvumirana necherechedzo dzomumiririri wechikadzi wemabasa amagariro avanhu weBritain uyo akataura kuti kurera mwana asiri wako kwamarudzi akasangana kunofanira kubvumirwa nenzira yakasununguka zvikuru. “Tinorarama munzanga yetsika dzakawanda,” akadaro, “uye kutarisira nokurera mwana asiri wako kunofanira kuratidzira ikoko.”
Vanobva Kudzimwe Nyika?
Kurerwa kwavana vanobva kune dzimwe nyika i‘basa rinowedzera zvikuru,’ mukuwirirana nepepanhau reThe Independent. Kunyange zvazvo mishumo ichiratidza kuti kumwe kwokuita kwacho kungava kusiri kwapamutemo, Eastern Europe manyuko makuru okugovera eBritain.
Somuenzaniso, vamwe vana vakaberekwa somugumisiro wokubatwa chibharo mukati mokuparadzana kweyaichimbova Yugoslavia vakasiyiwa. Vamwe, kunotaurwa kuti, vaizodai vakaurawa vasati vaberekwa kudai kwaisava kupindira kwe“vatengesi vevana,” avo vakavimbisa kurera kana mwana wacho akasvitswa nguva yokuzvarwa. Hurumende dzenyika dzokuMadokero, zvisinei, dziri kunetseka pamusoro pemiripo inoitwa kuitira kuwana kumwe kwouku kurera mwana asiri wako.
Chisakiso chokunetseka kukuru zvikuru chine chokuita nokuitwa kwezvinyorwa zvenhema navanachiremba panguva yokuberekwa. Pepanhau rinonzi The European rakashuma pomero yokuti vamwe vanaamai muUkraine vakaudzwa kuti vacheche vavo vakaberekwa vakafa. Kwakataurwawo kuti ava vacheche vakatengeswa pakupedzisira. Vamwe vanaamai vangave vakaudzwa kuti vana vavo vakanga vakaremara mundangariro. Mudzvinyiriro yakadaro, vanaamai vavhiringidzwa mundangariro vanonyengetedzwa nyore nyore kupa nenzira yapamutemo vana vavo nokuda kwokurererwa. Bva vamwe vana vangave vasina kutongosvika nzvimbo dzinochengetwa nherera uko vakatumirwa asi vangave vakaendeswa kune dzimwe nyika.
Kusafara kunotangisa kuoneka munyika dzichiri kusumukira. Dzinotaura kuti nyika dzokuMadokero dzakapfuma dzinofanira kuva dzichiita zvakawanda kubetsera mhuri dzomunyikamo kutarisira vana vadzo mumhoteredzo yomumusha mavo panzvimbo pokuvatora nokuda kwokurererwa mutsika yokumwe.
Nyika dzokuMadokero dzinofanirawo kunzwisisa gamuchidzanwa rekare remhuri dzehama dzokunyama, musimboti wenzanga mutsika zhinji. Mwana haasati achizorega kazhinji kazhinji kupiwa tarisiro pakurarama mumapoka edzinza, kunyange kana vabereki vakafa. Kunze kwemitezo yapedyo yemhuri, yakadai saambuya nasekuru, mhuri yakatambanudzwa yavanatete navanababamudiki icharangarira mwana wacho sewayo, uye kukarakadza kupi nokupi kwokureresa kunoitwa navokunze kunogona kunzwisiswa zvisakarurama ndokurangarirwa sokupindira kusingagamuchirwi.a
Kuronga kurera mwana asiri wako hakusi nyore, uye kunyange apo kunenge kwatenderwa, basa rakaoma riri madikanwa kukuita kuti kuve kunobudirira. Asi sezvatichaona, kunewo mifaro mikuru.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwokukurukurwa kune udzame kwomuitiro wokuronzesa vana kune mimwe mitezo yemhuri, ona Nharireyomurindi yaSeptember 1, 1988, mapeji 28-30, yakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
[Bhokisi riri papeji 21]
Mwanakomana Wangu Achanditsvaka Here?
VABEREKI vangu vakachatanura apo ndaiva nemakore 11 okukura. Ndaida rudo zvikuru. Apo ndakanga ndiri mukoreji, ndakabatanidzwa muushamwaridzani hworudo rwenyengano; yakanga iri nzira yangu yokuwana nayo rudo. Ipapo ndakaziva kukuodzwa mwoyo kwangu kuti ndakanga ndine pamuviri. Kwakanga kuchishoresa zvikuru. Mudzidzi biyangu neni takanga tiri vaduku zvikuru. Ndakanga ndisati ndamboshandisa mirimo, chinwiwa chinodhaka, kana kuti fodya, asi mukomana wangu akanga akakuvadzwa zvikuru kubvira panguva yaaishandisa LSD (lysergic acid diethylamide).
Ndakapiwa zano rokubvisa pamuviri, asi baba vangu vakandinyengetedza kusaita kudaro. Ndakanga ndisingadi kuva napamuviri, asi ndakanga ndisingadiwo kuparadza upenyu. Apo mwanakomana wangu akaberekwa muna 1978, ndakasarudza kusaisa zita rababa vake pagwaro rokuberekwa kuti ndigova nechokwadi chokuti baba vacho vaisazogona kumuwana. Kutaura idi, ndakabvuma kuti mucheche wacho arerwe navabereki vasiri vake kubva pakuberekwa; naizvozvo akatorwa kwandiri pakarepo ndokuiswa mutarisiro yechinguvana. Handina kutongomuona. Asi zvino ndakachinja murangariro wangu. Ndakabudisa mucheche wangu mutarisiro ndokuedza nokupererwa nezano rose kumurera pachangu. Asi ndaisagona, uye ndakada kuva nevhiringidziko yendangariro.
Mwanakomana wangu akanga aine inenge mwedzi mitanhatu apo gadziriro yokurerwa navabereki vasiri vake yakabvumirwa uye ndaifanira kumuendesa. Ndinoyeuka ndichinzwa sokunge kuti mumwe munhu akanga andibaya nebanga. Ndakafa mumirangariro. Ndakakwanisa kuvaka ukama hune revo kubvira bedzi apo ndakagamuchira zano renyanzvi mukati memakore maviri apfuura. Ndaisagona kutambudzika—mwanakomana wangu akanga asina kufa. Asi ndaisagona kufunga pamusoro pakewo—ndakaramba kuzvibvumira ndimene kuita kudaro. Kwakanga kwakaipa zvikuru.
Chinorwadza zvikurusa ndiko kunzwa vanhu vachitaura, kuti: “Ukapa mwana wako nokuda kwokurerwa navabereki vasiri vake, haudi mwana wako.” Asi ikoko kwakanga kusiri kwechokwadi muchiitiko changu! Kwakanga kuri nemhaka yokuti ndakanga ndichida mwanakomana wangu kuti ndakamuendesa! Kusvika paminiti yokupedzisira, ndakaramba ndichizvibvunza ndimene, kuti: ‘Chii chandichazomboita pasi pano? Chii chandinogona kuita?’ Pakanga pasina imwe nzira ipi neipi. Ndaiziva kuti ndaisatongogona kugonana nenzira inobudirira uye kuti mucheche wangu aizotambura kudai ndakaedza kumuchengeta.
MuEngland, nzanga zvino inogamuchira mhuri dzomubereki mumwe—asi kwete pandakasununguka. Ndinoshuva kuti ndingadai ndakatarisira mwanakomana wangu nenzira yakafanira. Nhungamiro younyanzvi yandakagamuchira nguva pfupi yapfuura ingadai yakabetsera, ndinofunga kudaro, asi kwava kunyanyononoka zvino. Mwanakomana wangu achiri mupenyu here? Akura kuva mukomana worudzii? Pazera ramakore 18, vana vanorerwa navabereki vasiri vavo vanobvumidzwa nenzira yapamutemo kutsvaka vabereki vavo. Ndinowanzoshamisika kana mwanakomana wangu achizonditsvaka.—Yakagoverwa.
[Bhokisi riri papeji 24]
Kwakabudirira Nokuda Kwedu
NEVAKOMANA vechiduku vaviri vedu timene, takanga tiri mhuri inogutsikana, yakabatana yeEngland. Mufungo wokuva nomwanasikana—uye worudzi rwakasiyana—wakanga usina kutongofungwa mundangariro dzedu. Ipapo Cathy akapinda muupenyu hwedu. Cathy akaberekerwa muLondon, England. Akarerwa somuRoma Katurike, asi somwana muduku, akapinda pamwe chete naamai vake misangano mishomanene paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha. Pazera ramakore 10, zvisinei, akaiswa mumusha unochengeterwa vana.
Kunyange zvazvo zvinhu zvakanga zvakamuomera zvikuru imomo, akanga achiri anokwanisa ari oga kupinda misangano paHoro yoUmambo, uko kwatakasangana naye. Cathy akanga ari musikana ane mufungo. Apo mudzimai wangu neni takamushanyira pamusha wacho wevana, takacherekedza kuti madziro ari pedyo nomubhedha wake akanga akafukidzwa nemifananidzo yemhuka nezviono zvenyika, mukusafanana nemifananidzo yenyanzvi dzakakurumbira dzenziyo iyo vamwe vasikana vakanamira.
Pane imwe nguva gare gare Cathy aifanira kuoneka pamberi pedare rinonzvera, iro rakamubvunza kana aizoda kubva mumusha wacho ndokurarama nemhuri panzvimbo pezvo. “Nemhuri yeZvapupu zvaJehovha bedzi!” akapindura kudaro. Apo Cathy akatiudza pamusoro paikoku uye zvaakanga ataura, kwakatipa chimwe chinhu chokufunga pamusoro pacho. Takanga tine imba yokurara yaisashandiswa. Taigona kutora urwu rudzi rwomutoro here? Semhuri, takakurukura ndokunyengetera pamusoro pako. Kwakanga kuchingova gare gare zvikuru apo takaziva kuti uku kusvika—kukumbira murangariro womwana—kwakanga kuri mutoo mutsva kumasangano ezvevashandi vemagariro avanhu, kuedza kwaibvumikiswa panguva iyeyo.
Masangano ezvemagariro avanhu akabvunza pamusoro pemamiriro edu ezvinhu ekare namapurisa uye chiremba wedu ndokuwana zvikwaniriso zvomunhu oga. Nokukurumidza chibvumirano chakaitwa. Takaudzwa kuti taigona kuva naCathy pahwaro hwokuedza uye kuti taigona kumudzosera kana takanga tisingamudi! Ikoku kwakatityisa, uye takanga takatsunga zvikuru mukutaura kuti taisazotongoita izvozvo. Cathy akanga aine makore 13 okukura apo takamupinza mumusha wedu nenzira yapamutemo.
Chisungo chorudo chechienzi pakati pedu tose chinopfuurira kuva chakasimba zvikuru. Cathy ari zvino kubatira sapiyona (muevhangeri wenguva yakazara) neungano yechiFrench yeZvapupu zvaJehovha iri kuchamhembe kweLondon. Gore raakabva pamusha kuti andopayona, akatinyorera tsamba pfupi inoorora, inoti: “Kune kutaura kwokuti ‘haugoni kusarudza mhuri yako.’ Zvisinei, ndingada kukuongai zvapachokwadi nokuda kwokundisarudza.”
Tinofara zvikuru kuti Cathy akatikumbanira! Kumuita rutivi rwemhuri yedu kwakanakisa upenyu hwedu. Kwakabudirira nokuda kwedu!—Yakagoverwa.
[Mufananidzo]
Cathy navabereki vake vokurera nehanzvadzi
[Mufananidzo uri papeji 23]
Vana vazhinji vanoda zvikuru rudo nedziviriro zvavabereki