RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 1/8 pp. 28-29
  • Chikoro Chinobudirira Chiri Munyika Yose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikoro Chinobudirira Chiri Munyika Yose
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinodikanwa
  • Madzidzisire Nezvinodzidziswa
  • Kubatsira Mamiriyoni
  • Chikoro Chinotishongedzera Zvinhu Zvinokosha Zvikuru
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari Chinounza Betsero
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kunyoresa Muchikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Kubatsirwa Kwatinoitwa Nechikoro chaMwari Choushumiri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 1/8 pp. 28-29

Chikoro Chinobudirira Chiri Munyika Yose

ICHI hachisiri chikoro chakati chinodhura chevanhu kana kuti yunivhesiti ine mukurumbira iyo vakasarudzwa vashomanene vanogona kupinda. Aiwa, ichi chikoro chinoshanda pasina muripo kuvadzidzi vacho. Zvidzidzo zvacho sezvingabvira zviri kuitwa panzvimbo iri pedyo newe. Chinonzi Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, uye chinoitiswa panzvimbo dzemisangano dzeZvapupu zvaJehovha. Vanhu vanenge mamiriyoni mashanu munyika yose vanopinda chikoro ichi.

Ungashamisika, ‘Zvii zvinodikanwa zvokunyoresa? Chii chinodzidziswa muchikoro chacho? Chinoitiswa sei? Uye vanhu vari kubetserwa sei nacho?’

Zvinodikanwa

Nepo vanhu vose vachigamuchirwa nomufaro kuti vapinde Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, avo vanonyoresa vanofanira kuva vanobvumirana nedzidziso dzebhuku guru rechikoro chacho, Bhaibheri. Vanodikanirwa kurarama upenyu hunosvitsa zvinodikanwa zvetsika zveBhaibheri. Naizvozvo vadzidzi havagoni kuva vachirarama upenyu hwounzenza. Havagoni kuva mbavha, zvidhakwa, zvifeve, vashandisi vefodya, zvichingodaro.—1 VaKorinte 6:9-11.

Zvikoro zvizhinji nhasi zvakasiya mitemo yemupfekero, asi vadzidzi vanonyoreswa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari vanokarirwa kuva vakapfeka mbatya dzakachena zvine mwero. (1 Timotio 2:9, 10) Hapana chinodikanwa chezera nokuda kwechikoro ichi. Vana vaduku sezera ramakore mana kana kuti mashanu vanogona kurava vanonyoreswa uye vanoita migove nguva dzose, sezvinoita varume nevakadzi vari mumakore avo okuma90.

Madzidzisire Nezvinodzidziswa

Kuita kuti kupinda kuve nyore, marusando emaminiti 45 eChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari anenge anogaroitwa pamadekwana epakati pevhiki. Pashure petsinhiro pfupi dzokugamuchira nomufaro dzinoitwa nomurayiridzi wechikoro, mukurukuri wokutanga wemadekwana acho anopa hurukuro yemaminiti 10 kusvikira ku12 yakavakirwa parimwe ramabhuku echikoro. Ipapo, kazhinji kazhinji anoitisa hwirudzuro yokutaura yemaminiti matatu kusvikira kumashanu yemashoko aafukidza.

Tevere, mudzidzisi akakwaniriswa anofukidza mapfundo makuru emugove wokuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki, uyo kazhinji kazhinji unoumbwa nemaganhuro maviri kusvikira kumana ari muBhaibheri. Maminiti matanhatu anobvumirwa nokuda kwehwirudzuro iyi. Vadzidzi vanoenderana nomugove wevhiki nevhiki webasa rinoitirwa kumba iri vacharava Bhaibheri rose mukati menhambo yenguva.

Pashure pemapfundo makuru eBhaibheri, mharidzo nhatu dzevadzidzi dzinopiwa, imwe neimwe yadzo yakaganhurirwa kumaminiti mashanu. Imwe ndeyokuverenga Bhaibheri muchikamu chemugove webasa rinoitirwa kumba. Dzimwe mharidzo mbiri dzakavakirwa pamashoko emagwaro echikoro ayo vadzidzi vose vanokurudzirwa kurava mukugadzirira kirasi. Pashure pemugove mumwe nomumwe wemudzidzi, murayiridzi wechikoro anopa rumbidzo uye, kazhinji kazhinji, zvikarakadzo nokuda kwokuvandudza.

Zano romurayiridzi wechikoro rakavakirwa pachinyorwa chinonzi Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari, iro mudzidzi mumwe nomumwe anokarirwa kufunda nokungwarira. Kuti avandudze pavara rokutaura rakati nokuda kwemugove wake unotevera, mudzidzi angakumbirwa kuhwirudzura ganhuro romubhuku rinotungamirira, rakadai sero“KuTarisa vanzwi, Shandiswo yeZvinonyorwa,” “Mienzaniso yakaKodzera,” “Shandiswo yoRudzokororo uye Majangariko,” uye “Simbiswo yePfungwa uye Siyaniswo ye’Nzwi.”

Mune dzimwe nzanga Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari chine wedzero yekirasi yokuvandudza kunyora nokurava. Makumi ezviuru akadzidza kurava kana kuti kuvandudza kurava kwawo mumakirasi ekurava nokunyora akadaro. Somenzaniso, muMexico pakati pa1946 na1994, vanopfuura 127 000 vakabetserwa kuti vave vanogona kurava nokunyora.

Kubatsira Mamiriyoni

Munyika yose Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari chiri kutsigira nhamburiko dzevabereki dzokugovera vana vavo dzidzo yakanaka. Moriah ane makore gumi nematanhatu okukura akati: “Ndakadzidza kutsvaka mashoko uye kurovedza mharidzo dzangu. Zvino mugove uri wose wandinowana muchikoro chepamusoro uri nyore.”

Matthew ane makore gumi nemashanu okukura, uyo akanyoresa muChikoro Choushumiri pazera ramakore manomwe, akati: “Ndine betsero huru kupfuura vaenzani vangu pakunouya kukubudirira mudzidzo. Ndakawana mano okufunda nokuteerera uye kukwanisa kupa hurukuro nokubudirira.” Mukoma wake ane makore 17, Phil, akawedzera, kuti: “Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari chakandiita kuti ndive ane chivimbo zvikuru. Ndinoziva kuti kana ndikapiwa mugove, ndinogona kuuita.”

Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari chakadzidzisawo vanhu vakuru. Michael, uyo akasvika nharidzano dzakadai sokupa mharidzo kuvakuru vakuru vebasa, akatsanangura, kuti: “Ndaitya zvikurusa apo ndakakumbanira Chikoro Choushumiri. Handichanyari. Chikoro chakagovera mhoteredzo yakakotsekana, zivo, mano, uye kurudziro yomunhu oga yandaida kuti ndikurire kunyara kwangu.” Mumwe mubereki akati: “Ndinofunga kuti ndakatsiva mikana yandakapotsa yokudzidza sepwere.”

Mune mumwe musha muduku weLatin America, mitezo yeBato Redzidzo yakapinda Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Pashure pokuteerera mukurukuri womunzvimbomo, mumwe wevashanyi vacho, mukuru wechikoro, akakuwa nenzwi guru, achiti: “Hazvibviri kuti murume uyu watakagara tichiziva seasingagoni kurava nokunyora anokwanisa kukurukura nechiSpanish [panzvimbo pemutauro wake wevagari vemo], zvinotopfuura zvikuru kutaura kuvateereri, asi zvino ari kudaro.”

Zvirokwazvo, Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari ndechimwe chezvikoro zvakaisvonaka zvikurusa munyika! Chinogona kubetsera vose vari vaviri vaduku nevakura kuwana dzidzo yakanaka. Imwe pwere yakati, “Ndaizorumbidza kuti munhu upi noupi ari kurangarira kukumbanira chikoro akumbanire nokukurumidza.”

[Mufananidzo uri papeji 29]

Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari chiri kubetsera mamiriyoni kuwana dzidzo yakanaka

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe