Zvinokosha Kudzidzo Yakanaka
MUNGUVA pfupi yapfuura The New York Times yakabudisa nyaya yepapeji rokutanga pamusoro paLatoya, mumwe mudzidzi wepachikoro chepamusoro ane makore 16 okukura. Akanga ane makore 11, iye akadaro, apo baba vake vakavamba kumurova nokumuchinya muvatano. Amai vake, avo vaishandisa mirimo, vakanga vasiya mhuri. “Musha,” pepanhau racho rakashuma kudaro, “wakanga uri furati rakasiyiwa risina chimbudzi, kana kuti kamuri umo aitya zvokusagona kurara.” Zvisinei, Latoya akanga akasiyana. Pasinei zvapo neizvi zvose, pakuvamba gore rino Latoya akanga ari purezidhendi weNational Honor Society pachikoro chake chapamusoro uye aigarowana avhareji yeB mumakirasi evanogona.
Chii chinogona kubatsira mwana kunyange anobva mumhoteredzo yakaipa kuita zvakanaka muchikoro? Kazhinji kazhinji, chinokosha kudzidzo yakanaka kuva nomunhu mukuru anotarisira—zvikurukuru mumwe kana kuti vose vari vaviri vabereki vamene vemwana—anotsigira uye anobatanidzwa zvikuru mudzidzo yemwana. Mumwe mudzidzi wemugore rokupedzisira pachikoro chapamusoro akafunga kuti ikoku kwakanga kwakakosha kwazvo zvokuti akasundwa kutaura, kuti: “Vana vanogona kupfuurira kuita zvakanaka muchikoro bedzi netsigiro yevabereki.”
Vadzidzisi vazhinjisa vanobvuma. Mumwe mudzidzisi weNew York City akati: “Nokuda kwomudzidzi ari wose anoita zvakanaka ndokupedza gadziriro yedzidzo—uye kune vazhinji—kune mubereki akanga achitsigira nguva dzose.”
Tsigiro Yevabereki, Chinokosha Chikuru
Reader’s Digest gore rakapera yakanzvera mubvunzo wokuti, “Nei vamwe vadzidzi vachiita zviri nani kupfuura vamwe?” Imwe yemhedziso yakanga iri yokuti “mhuri dzakasimba dzinopa vana betsero muchikoro.” Vabereki vemhuri dzakadaro vanogovera vana vavo tarisiro yorudo uye vanovapa zvinokosha zvakafanira nenharidzano. Asi mumwe mubereki akati: “Haugoni kupa nhungamiro yakafanira kana usingazivi zviri kuitika kuchikoro.”
Nzira yakanaka yokuziva nayo kushanya. Vamwe amai vanoita shanyo vakanyora, kuti: “Apo ndinofamba nomumikoto yechikoro chomukunda wangu, ndinonzwa mutauro wakaora, wakashata. Vana vari kutsvodana nokupurudzirana kwose kwose—kudai raiva bhaisikopo, raizoiswa muboka rinonzi vaduku havabvumirwi.” Shanyo dzakadaro dzingakubetsera kunzwisisa kuti kwakaomera vana sei nhasi kuwana dzidzo yakanaka, pamwe chete nokurarama upenyu hune tsika dzakanaka.
Nenzira inokosha, chinyorwa chinonzi The American Teacher 1994 chakati: “Vadzidzi vakave vanyajambwa vemasimba masimba sezvingabvira zvikuru vanoti vabereki vavo vane kurukurirano isiri yenguva dzose nechikoro, zvakadai semisangano yomunhu oga nevadzidzisi, misangano yevabereki kana kuti yeboka, kana kuti shanyo kuchikoro chacho.”
Vamwe amai vanoitira hanya vakazivisa icho vabereki vanofanira kuita. “Shanyira chikoro chacho!” vakadaro. “Ita kuti vatungamiriri vechikoro vazive kuti unofarira izvo mwana wako ari kudzidza. Ndinoshanyira chikoro kazhinji kazhinji ndokugara somuenzi pazvidzidzo.” Vamwe amai vakasimbisa ukoshi hwokuva mubetseri wemwana. Vakatsanangura, kuti: “Vana vangu vakaenda kuhofisi kuti vataure kumupi wezano ndokufuratirwa chaizvoizvo. Apo mwana wangu akauya neni muzuva racho raitevera, vakazvipa nomwoyo wose kuti vandibetsere—nemwana wangu.”
Amai ava vevakomana vana vakasimbisawo ukoshi hwokuva nefariro mumibato yechikoro inotapura dzidzo yemwana wako zvakananga. “Pinda misangano yevabereki nevadzidzisi, shoo yesayenzi—chinhu chipi nechipi icho vana vako vangave vari kuita icho vabereki vanokokerwa,” vakadaro. “Uku kunokupa mikana yokusangana nevadzidzisi vemwana wako. Vanofanira kuziva kuti unorangarira dzidzo yemwana wako sorutivi runokosha zvikuru rwoupenyu hwake. Apo vadzidzisi vanoziva ikoku, vanoda zvikuru kupa nguva yomuraudzo nenhamburiko kumwana wako.”
Batira Pamwe Nevadzidzisi
Vamwe vabereki vangafunga kuti vane zvinhu zvinokosha zvikuru zvokuita pamanheru apo zvikoro zvinoronga nhambo chaidzo nokuda kwavabereki kuti vasangane nevadzidzisi. Bva, chaizvoizvo, chii chinokosha zvikuru kupfuura kuzviita umene anowanika kune avo vari kuedza kubetsera vana vako kuwana dzidzo yakanaka? Batira Pamwe yakanaka yemubereki nomudzidzisi inokosha!
MuRussia mune gadziriro yakaisvonaka yokutsigira batira pamwe yomubereki nomudzidzisi. Migove yechikoro yose inonyorwa mune inonzi Dnievnik—chinyorwa chomubato wezuva nezuva chinobatanidzwa nekarenda. Mudzidzi anofanira kuuya neDnievnik yake kukirasi imwe neimwe ndokuiita kuti ive inowanika kumudzidzisi pakukumbirwa. Vadzidzi vanofanirawo kuratidza Dnievnik yacho kuvabereki vavo, avo vanokumbirwa kuisaina vhiki imwe neimwe. Victor Lobachov, baba vevana vezera rokuchikoro vekuMoscow, vakati, “mashoko aya anobetsera vabereki kuramba vakarovedzana nemigove uye mamakisi zvevana vavo.”
Vadzidzisi nhasi, zvisinei, kazhinji kazhinji vanonyunyuta kuti vabereki vanokundikana kufarira dzidzo yevana vavo. Mumwe mudzidzisi wepachikoro-chepamusoro muUnited States akataura kuti akambotumira tsamba 63 kuvabereki achivazivisa nezvekusaita zvakanaka kwevana vavo mudzidzo. Vabereki vatatu bedzi vakaita chimwe chinhu kupfurikidza nokuonana naye!
Zvirokwazvo, ikoko kunosuruvarisa! Vabereki vanofanira kuva vanobatanidzwa zvikuru mudzidzo yemwana wavo, iyo iri zvikurukuru mutoro wavo. Mumwe mudzidzisi akataura nhau yacho zvakarurama apo akati: “Chinangwa chikuru chedzidzo yenguva dzose ndechokutsigira vabereki mukubudisa vanhu vaduku vakavimbika.”
Nokudaro, vabereki vanofanira kutanga kuziva vadzidzisi vemwana wavo. Seizvo mumwe mubereki akati, “vadzidzisi vanofanira kunzwa vakasununguka kukufonera panguva ipi neipi.” Uye vabereki vanofanira kubvumira—kunyange kukurudzira—vadzidzisi kutaura vakasununguka pamusoro pemwana wavo. Vabereki vanofanira kubvunza mibvunzo yakananga yakadai sokuti: Muri kuva nezvinetso zvipi nezvipi nemwana wangu here? Anoremekedza here? Anopinda makirasi ose here? Anosvika nenguva here?
Zvakadini kana mudzidzisi akataura chimwe chinhu pamusoro pemwana wako chisingafadzi? Usafungidzira kuti hachisi chokwadi. Sezvineiwo, pwere zhinji dzinoratidzika kuva dziri kurarama upenyu hunoremekedzeka pamba kana kuti panzvimbo yadzo yokunamatira dziri chaizvoizvo kurarama upenyu huviri. Naizvozvo teerera mudzidzisi nokuremekedza, ndokunzvera zvaanotaura.
Apo Mwana Wako Anouya Kumba
Iwe somubereki unonzwa sei apo unodzoka kumba uchibva kubasa? Waodzwa mwoyo here? Wakangaidzika here? Mwana wako angatonzwa zvakaipa zvikuru apo anouya kumba achibva kuchikoro. Naizvozvo vamwe baba vakakurudzira, kuti: “Ita kuti kuuya kumba kuve chinhu chakaisvonaka chokuita. Zvimwe vave vane zuva rakaoma zvikuru.”
Apo kunenge kuchibvira, kunoshuviwa zvirokwazvo kuti mubereki ave pamba apo mwana anosvika. Vamwe amai vakati, “vana havagoni kukuudza zviri kuitika kana usipo kuti utaure navo. Naizvozvo ndinoita nhamburiko chaiyo yokuvapo apo vana vanosvika pamba.” Mubereki anofanira kuziva kwete bedzi chiri kuita mwana wake asiwo zvaari kufunga nezvaari kunzwa. Kuwana ikoku kunobatanidza nguva yakawanda, nhamburiko, uye kubvunza kunyoro. (Zvirevo 20:5) Kurukurirano yezuva nezuva inokosha.
Mumwe mudzidzisi wechikoro-chepuraimari muNew York City akati: “Pazuva ripi neripi rakati, nheyo dzetsika dzegadziriro yechikoro chiri munjodzi dzingave dzapiwa mwana wako.” Naizvozvo akakurudzira, kuti: “Iva akangwarira kune zviri kukudziridzwa mumwoyo wemwana wako. Wana nguva, pasinei zvapo nokuti ungave wakaneta sei, yokumuita kuti ataure akasununguka ndokutsiva nheyo dzetsika dzisina kururama dzipi nedzipi nedzakarurama.”—Zvirevo 1:5.
Nenzira yakafanana, mumwe mudzidzisi wepachikoro-chepamusoro wenguva refu akapa zano, achiti: “Panzvimbo pokungobvunzawo zvako zvaitika muchikoro, kwaizova kunobetsera kubvunza mibvunzo yakananga pamusoro pezuva nemibato yaro. Uku hakufaniri kuitwa nomutoo worumano kana kuti wokubvunzurudza asi nomutoo wenhaurirano yekurukurirano yenguva dzose nemwana.”
Richard W. Riley, munyori wedzidzo weU.S., akakurudzira, kuti: “Taura zvakananga kumwana wako, zvikurukuru vechiduku vako, pamusoro pengozi dzemirimo nezvinodhaka uye nheyo dzinokosha dzaunoda kuti vana vako vave nadzo. Hurukuro dzomunhu oga dzakadaro, hazvinei hazvo nokuti dzinokuita kuti usanzwe zvakanaka sei, dzingaponesa upenyu hwavo.”
Mubereki haatongofaniri, zvikurukuru uyo ane mitoro muungano yechiKristu, kuratidza kuti akanyanyobatikana zvokusagona kuteerera vana vake. Kunyange zvazvo kungave kuchikangaidza kunzwa zvavanotaura, ita kuti vazive kupfurikidza nechitarisiko chako chouso nemuitiro kuti unofara kuti vari kutaura newe vakasununguka. Mumwe mudzidzi akapa zano, kuti: “Usavhunduswa apo mwana wako anotaura nezvemirimo kana kuti vatano zviri kuchikoro.”
Nemhaka yokuputsika muupenyu hwemhuri, kune vakawanda nhasi vanganongedzerwa kwavari se“nherera.” (Jobho 24:3; 29:12; Pisarema 146:9) Mukati meungano yechiKristu, kazhinji kazhinji mune mumwe munhu anogona kubatsira muduku anoda betsero. Uri mumwe anogona here?
Tsigira Fundo Nemutoro
Vanhu vaduku vazhinjisa havana kuzvipira kubasa rechikoro sezvakaita Latoya, adudzwa musumo. Voruzhinji vanoda kurudziro yakawanda kuti vafunde. Pamusoro pevana vake amene, aichimbova mukuru wechikoro chokuNew York City Joseph Fernandez akati: “Taive nenhambo dzefundo yokumanikidzira mumusha. Takaita kuti mabhuku ave anowanika, takakurudzira nzendo dzokuenda kuraibhurari, uye takaita kuti kupinda chikoro nokubatanidzwa zvizere kuve nenzvimbo yokutanga.”
Mumwe mutungamiriri wechikoro akati: “Tinofanira kupoteredza vana vedu nemabhuku nenyaya munzira yatinovapoteredza nayo zvino neterevhizheni, mabhaisikopo, mavhidhiyo uye zvitoro.” Apo vana vanenge vachiita basa rinoitirwa kumba, vabereki vangakwanisa kuronga kuva pedyo vachiita fundo yomunhu oga yakati kana kuti kurava. Vana vako vanogona kuona nenzira iyoyo kuti unokoshesa dzidzo.
Mudzimba zhinji terevhizheni ndiyo denho hurusa kukufunda. “Pavanosvika zera ramakore 18,” mumwe mudzidzisi akadaro, “vanhu vaduku vanenge vapedzera maawa 11 000 vari mukamuri rokudzidzira uye 22 000 vachiona terevhizheni.” Vabereki vangafanira kuganhurira kuona TV kwavana vavo, zvichida vachiiona panhambo nenhambo bedzi ivo vamene. Mukuwedzera, zvipirei mumene kudzidza chimwe chinhu nevana venyu. Ravai pamwe chete. Rongai nguva yezuva nezuva yokunzvera basa rinoitirwa kumba.
Muchikoro vana vako vachagamuchira migove yakawanda yokugadzirira. Vachaita iyoyi here? Zvimwe vachaita kana wakavadzidzisa kutarisira mitoro pamba. Nzira inokosha yokuita nayo ikoku kuvagovera mabasa ezuva nezuva. Ipapo rayira kuti vaite iwayo maererano norudungwe chairwo. Chokwadi, kurovedza kwakadaro kuchada nhamburiko yako yakawanda, asi kuchadzidzisa vana vako pfungwa yemutoro iyo vanoda kuitira kuti vabudirire muchikoro uye gare gare muupenyu.
Kuzvipira Kwomudzidzi, Chinokosha Chikuru
Mupi wezano wenhungamiro Arthur Kirson akazivisa chimwe chinokosha kudzidzo yakanaka apo akati pamusoro paLatoya, adudzwa pakuvamba: “Nguva yokutanga yandakasangana naye yakanga iri pashure pechimwe chezviitiko zvikuru pamba. Heuno mwana akagara ane kumeso kwakamariwa [nokwakanzi kubatwa zvisina kufanira kwakatamburwa kuchibva kuna baba vake]. Uye chinhu bedzi chandati ndamboona achishushikana pamusoro pacho ibasa rake rokuchikoro.”
Hungu, chinokosha chikuru kudzidzo yakanaka kuzvipira kukuru kwomwana kukudzidza. Imwe pwere yeNew York City yakati: “Muzvikoro mazuvano kuri chose chose kuvadzidzi kuti vakudziridze kuzvisunda nokuzviranga kuitira kuti vabetserwe.”
Somuenzaniso, vamwe amai vaiitira hanya dzidzo yemwana wavo vakaudzwa nomumwe mudzidzisi, kuti: “Musashushikana Amai Smith. Justin anogona kwazvo, haasati achizoda kuziva nzira yokupereta nayo. Achava nomunyori wokumuitira ikoko.” Pasinei zvapo nokuti mwana anogona sei, kuziva mano okurava nokunyora—kubatanidza rondedzero yakajeka, kunyora kunoverengeka, uye zviperengo zvakarurama—zvinokosha.
Nenzira inoshamisa, vamwe vadzidzisi vakakundikana kuramba apo nyanzvi yokushanda kwendangariro yakakurumbira Carl Rogers yakati: “Hapana munhu anofanira kumboedza kudzidza chimwe chinhu icho munhu asingaoni ukoshi hwacho.” Chii chisina kururama nokutaura uku? Sezvinofanira kuva pachena, mwana kazhinji kazhinji haagoni kufanoona ukoshi hwamangwana hweizvo anokumbirwa kudzidza. Muzvinoitika zvizhinji ukoshi hwako hauzivikanwi kutozosvikira gare gare muupenyu. Nenzira yakajeka, mwana nhasi anoda kuzvipira kwomunhu oga kuti awane dzidzo yakanaka!
Cindy, ari mugiredhi rechipfumbamwe ane makore 14 okukura, muenzaniso wakanaka wepwere anoratidzira kuzvipira kwakadaro. Akatsanangura, kuti: “Ndinosara pashure pechikoro ndokutaura kuvadzidzisi ndokusvika pakuvaziva. Ndinoedza kuwana zvavanoda kuvadzidzi vavo.” Anopawo ngwariro mukirasi uye anopa basa rake rinoitirwa kumba nzvimbo yokutanga. Pakuteerera mukirasi kana kuti pakurava, vadzidzi vanobudirira vanokuita muitiro kuita kudaro nepenzura nepepa pedyo kuti vagogona kunyora zvinonyorwa zvakanaka.
Chinokoshawo kukuwana dzidzo yakanaka kuzvipira kudzivisa songaniro dzakaipa. Cindy akarondedzera, kuti: “Ndinogara ndichingotsvaka mumwe munhu ane tsika dzakanaka. Somuenzaniso, ndinobvunza vokuchikoro biyangu zvavanofunga pamusoro pokushandisa mirimo kwanhingi kana kuti kuita utere hwevatano. Kana vakataura chimwe chinhu chakafanana nokuti, ‘Chii chakaipa nako?’ Ndinobva ndaziva kuti havasi vasonganiri vakanaka. Asi kana mumwe munhu akaratidza kusemeswa chaikoiko nomufambiro wakadaro uye anoti anoda kuva akasiyana, ipapo ndichamusarudza kugara pedyo naye panhambo yezvokudya zvamasikati.”
Nenzira yakajeka kune denho dzakawanda kukuwana dzidzo yakanaka nhasi. Asi dzidzo yakadaro inobvira kana vose vari vaviri vadzidzi nevabereki vakashandisa zvinokosha zvacho. Tevere ticharangarira imwe gadziriro inogona kukubatsira zvikurusa mukuwana dzidzo yakanaka.
[Bhokisi riri papeji 23]
Kuregerera Kana Kuti Chirango Chorudo?
Bhaibheri rinoyambira kuti kuregerera vanhu vaduku kunotungamirira kungwavaira. (Zvirevo 29:21) Mukubvumirana, Albert Shanker, purezidhendi weAmerican Federation of Teachers, akati: “Kune vabereki vanofunga kuti vari kuitira vana vavo chinhu chiri chose zvakarurama kana vakaita chinhu chiri chose nenzira iyo vana vanovada kuti vachiite nayo. Uye tinoziva kuti ikoko hakuna kururama.”
Kunyange vanhu vaduku vazhinji vanoziva kuti kuregerera kwakadaro hakuna kururama. Pakuvamba gore rino rimwe pepanhau reMassachusetts rakashuma, kuti: “Kunzverwa kwevadzidzi 1572 vokuWest Springfield vemagiredhi echitanhatu kusvikira kugumi nemaviri kwakawana kuti ‘madiro evabereki’ uye kwete dzvinyiriro yevaenzani ndeimwe pesvedzero huru zvikuru inotungamirira kukushandiswa kwemirimo nezvinodhaka pakati pevana vari muzera iri.”
Kuregererwa kwevanhu vaduku kwakadaro kwakaparirawo murakatira wekusazvibata muvatano. Zvirokwazvo, seizvo Bhaibheri rinotaura, kukundikana kugovera chirango kunotungamirira kukunyadziswa kwemhuri.—Zvirevo 29:15.
[Mabhokisi ari papeji 26]
Izvo Vabereki Vanogona Kuita
✔ Svikai pakuziva chikoro chemwana wenyu, zvinangwa zvacho, uye murangariro wacho kunheyo dzinokosha nezvitendero zvenyu.
✔ Ivai vakarovedzana nevadzidzisi vemwana wenyu, uye edzai kuvaka ukama hwakanaka hwokushanda navo.
✔ Ivai nefariro huru mubasa rinoitirwa kumba remwana wenyu. Ravai pamwe naye nguva zhinji.
✔ Dzorai izvo mwana wenyu anoona muTV uye kuti anotarisa zvakawanda sei.
✔ Cherekedzai miitiro yokudya yemwana wenyu. Zvokudya zvisingavaki muviri zvinogona kuva netapuro yakaipa pakukwanisa kwake kufungisisa.
✔ Ivai nechokwadi chokuti mwana anorara zvakakwana. Vana vakaneta havadzidzi zvakanaka.
✔ Edzai kubetsera mwana wenyu kusarudza shamwari dzinovaka.
✔ Ivai shamwari yakanakisisa yemwana wenyu. Anoda shamwari dzakakura dzose dzaanogona kuwana.
Izvo Vana Vanogona Kuita
✔ Nebetsero yevabereki venyu, wanai nharidzano dzedzidzo uye nzira dzokudzisvika nadzo. Kurukurai nharidzano idzi nevadzidzisi venyu.
✔ Sarudzai zvidzidzo zvenyu nokungwarira nebetsero yevadzidzisi venyu nevabereki. Zvimwe zvidzidzo zvokusarudza zviri nyore kazhinji kazhinji hazvisi zvakanakisisa.
✔ Edzai kuvaka ukama hwakanaka nevadzidzisi venyu. Wanai zvavanokarira kwamuri. Kurukurai fambiro mberi nezvinetso zvenyu navo.
✔ Ipai ngwariro yakanaka mukirasi. Usakweverwa mumufambiro unoparadza.
✔ Sarudzai shamwari dzenyu nokuchenjera. Dzinogona kubetsera kana kuti kuvhiringidza fambiro mberi yenyu muchikoro.
✔ Itai basa renyu rinoitirwa kumba nemigove zvakanaka sezvamunogona. Zvipei nguva yakanakisisa. Kumbirai betsero kuvabereki venyu kana kuti mumwe munhu mukuru kana muchiida.
[Mufananidzo uri papeji 24]
Teerera nenzira yokuremekedza kana mudzidzisi achinyunyuta pamusoro pemwana wako
[Mufananidzo uri papeji 25]
Bvunza mwana wako nezvechikoro zuva riri rose