RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 1/8 pp. 30-31
  • Maria Ndi“mai vaMwari Here”?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Maria Ndi“mai vaMwari Here”?
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Maria—“Akadiwa Zvikuru Kwazvo” naMwari
  • ‘Namata Nenzira Yakafanirwa Navanhu Vanofunga’
  • Mariya Ndiamai vaMwari Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mariya (Amai vaJesu)
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • “Tarirai! Murandasikana waJehovha!”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • “Tarirai! Murandasikana waJehovha!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 1/8 pp. 30-31

Murangariro weBhaibheri

Maria Ndi“mai vaMwari Here”?

“TINOTSVAKA HUTIZIRO MUDZIVIRIRWO YENGONI DZENYU, HAIWA MAI VAMWARI; MUSARAMBA MUKUMBIRO WEDU MUKUSHAYIWA ASI TIPONESEI MUKUPARADZWA, HAIWA IMI MOGA MAKAKOMBORERWA.”

MUNYENGETERO wakadaro unopfupikisa mirangariro yemamiriyoni evarume nevakadzi vakazvipira kuna Maria, mai vaJesu Kristu. Mumaonere avo ndimai vanetsitsi vanogona kuvareverera kuna Mwari uye nenzira yakati kupfupikisa rutongeso rwake kwavari.

Zvisinei, Maria ndi“Mai vaMwari” chaizvoizvo here?

Maria—“Akadiwa Zvikuru Kwazvo” naMwari

Maria pasina panikiro “akadiwa zvikuru kwazvo”—akadiwa zvikuru, kutaura idi, kupfuura mumwe mukadzi upi noupi ati amborarama. (Ruka 1:28, The Jerusalem Bible) Ngirozi Gabrieri yakaoneka kwaari ndokutsanangura kuti aizoropafadzwa sei chaizvo. “Teerera!” iyo yakadaro. “Uchava nemimba ndokubereka mwanakomana, uye unofanira kumutumidza kuti Jesu. Iye uchava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusoro-soro.” Chiitiko ichi chinoshamisa chakabvira sei? Gabrieri anopfuurira, kuti: “Mweya mutsvene uchauya pamusoro pako, . . . uye nesimba roWokumusoro-soro richakufukidza nomumvuri waro. Uye naizvozvo mwana achava mutsvene uye achanzi Mwanakomana waMwari.”—Ruka 1:31, 32, 35, JB.

“‘Ndiri mubatiri waShe,’ Maria akadaro, ‘ndiitirwe hangu zvamataura.’” (Ruka 1:38, JB) Nokudaro Maria akabvuma nenzira yokuzvininipisa iyi nhungamiro youmwari uye pashure penguva yakati akabereka Jesu.

Mukati memazana amakore anoverengeka akatevera, zvisinei, vazvipiri vake vakamukwidziridza kubva pakuva “mubatiri waShe” anozvininipisa kunzvimbo ya“mai mambokadzi” ane pesvedzero huru mumatenga. Vatungamiriri veChechi vakamuzivisa nenzira yapamutemo kuti “Mai vaMwari” muna 431 C.E. padare reEfeso. Chii chakaparira chinjo iyoyi? Pope John Paul II anotsanangura chikonzero chimwe: “Kuzvipira kwechokwadi kuna Mai vaMwari . . .  kwakasimbiswa zvikuru kwazvo muChakavanzika choUtatu Hwakakomborerwa.”—Crossing the Threshold of Hope.

Naizvozvo, kubvuma Maria sa“Mai vaMwari” kunotsamira pakudavira Utatu. Zvisinei, ko Utatu idzidziso yeBhaibheri here?a Nzvera, tapota, icho muapostora Petro akanyora muBhaibheri. Akanyevera kuti “vadzidzisi venhema . . . vachapinza nenzira yamanomano dzidziso dzine ngozi [uye] vachaedza kukunyengeraiwo nezvibvumikiso zvavo zvenhema.” (2 Petro 2:1, 3, The New Testament in Modern English, rakashandurwa naJ. B. Phillips) Imwe dzidziso yakadaro yakanga iri kudzidziswa kwoUtatu. Apo iyoyo yakagamuchirwa bedzi, pfungwa yokuti Maria akanga ari “Mai vaMwari” (chiGiriki: Theotokos, kureva “mubereki-waMwari”) yakanga ine mufungo zvikuru. Mubhuku rake The Virgin, Geoffrey Ashe anotaura kuti “Kudai Kristu akanga ari Mwari, Munhu weChipiri weUtatu,” seizvo vezvoUtatu vakarangarira, “ipapo mai vake mukuratidzwa kwake kwounhu akanga ari Mai vaMwari.

Kudai Jesu akanga ari “Mwari wose uye akakwana,” sokutaura kunoita Catechism of the Catholic Church itsva, ipapo Maria nenzira yakarurama aigona kunzi “Mai vaMwari”. Kunofanira kutaurwa, kunyange zvazvo zvakadaro, kuti vezvoUtatu vazhinji vapakuvamba vakakuwana kwakaoma kubvuma dzidziso iyi apo yakatanga kukarakadzwa—sezvinoita vaPurotesitendi vezvoUtatu nhasi. Yakanzi “chakavanzika chokuzvipira, ‘uyo matenga aisagona kukwana akakwana mudumbu rake.’” (The Virgin)—Enzanisa na1 Madzimambo 8:27.

Asi Jesu Kristu ndi“Mwari wose uye akakwana” chaizvoizvo here? Aiwa, iye haana kutongotaura izvozvo. Panzvimbo pezvo, iye nguva dzose aibvuma nzvimbo yake yakaderera kuna Baba vake.—Ona Mateo 26:39; Marko 13:32; Johane 14:28; 1 VaKorinte 15:27, 28.

‘Namata Nenzira Yakafanirwa Navanhu Vanofunga’

Bhaibheri, zvisinei, rinokurudzira VaKristu kushandisa simba ravo rokurangarira mukunamata. Hatikumbirwi kuti tingotenda chakavanzika sechakavanzika. Panzvimbo pezvo, anodaro muapostora Pauro, tinofanira ku‘namata nenzira yakafanirwa navanhu vanofunga.’—VaRoma 12:1, JB.

“Hatina kutongokurudzirwa kufunga nezvaikoku,” anodaro Anne, uyo akarerwa somuKaturike. “Hatina kutongokupanikira. Taingodavira kuti Jesu akanga ari Mwari, naizvozvo Maria akanga ari ‘Mai vaMwari’—chakanga chiri chinhu chechienzi zvikurusa!” Yeuka, Catechisim of the Catholic Church inotaura kuti mutezo mumwe nomumwe we“Mubatanidzwa waMwari” ndi“Mwari wose uye akakwana.” Inotaura kuti hakuna vamwari vatatu vakaparadzana. Tinofanira kudavira here, ipapoka, kuti sezvo masero mapenyu mudumbu raMaria akakamuka ndokukamukazve, “Mwari wose uye akakwana” akanga ari mukati memwana asati akwaniswa uyo mukati memwedzi wokutanga wepamuviri pake akakura kusvika isingasviki chikamu chimwe chezvina cheinji muurefu uye akanga ane maziso nenzeve zvisati zvakwaniswa bedzi?

Rangarira kuti ngirozi Gabrieri yakaudza Maria kuti mwana wake akanga achizonzi “Mwanakomana woWokumusoro-soro” uye “Mwanakomana waMwari,” kwete “Mwari Mwanakomana.” Kudai, kutaura idi, Jesu akanga ari Mwari Wamasimba Ose, neiko ngirozi Gabrieri isina kushandisa kutaura kumweko nokunoshandiswa nevezvoUtatu nhasi—“Mwari Mwanakomana”? Gabrieri haana kushandisa kutaura kwacho nemhaka yokuti dzidziso yacho haiwaniki muBhaibheri.

Takaganhurirwa, chokwadika, mukunzwisisa kwedu mabasa aMwari. Asi nzwisiswo yakafanira yaMagwaro inotibetsera kudavira kuti Mwari Wamasimba Ose, Musiki Weupenyu hwose, akanga ane simba rokutamisira nenzira inoshamisa upenyu hweMwanakomana wake anodiwa, Jesu Kristu, mudumbu raMaria uye ipapo kudzivirira kukura kwahwo nesimba Rake rinobata basa, kana kuti mudzimu mutsvene, kutozosvikira Maria ava mai vaJesu—Mwanakomana waMwari.

Hungu, Maria akakomborerwa zvikuru kwazvo samai wouyo akava Kristu. Hakusati kuri kusamuremekedza kubvuma kuti kudzidzisa kwakajeka kweBhaibheri—kubatanidza chinyorwa chokuzvininipisa kwaMaria amene—chinobvisa kumupa zita rokuremekedza “Mai vaMwari”.

[Mashoko Omuzasi]

a Tapota ona Unofanira Kudavira Utatu Here? rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennyslvania.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 30]

Museo del Prado, Madrid

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe