RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/02 pp. 3-4
  • Chikoro Chinotishongedzera Zvinhu Zvinokosha Zvikuru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikoro Chinotishongedzera Zvinhu Zvinokosha Zvikuru
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari Chinounza Betsero
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Mirayiridzo Yevatariri Vechikoro
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Chikoro Chinobudirira Chiri Munyika Yose
    Mukai!—1996
  • Kubatsirwa Kwatinoitwa Nechikoro chaMwari Choushumiri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 11/02 pp. 3-4

Chikoro Chinotishongedzera Zvinhu Zvinokosha Zvikuru

1 Vanhu vanoenda kuchikoro kuti vawane murayiridzo uchavabatsira kuita zvavanovavarira muupenyu. Zvisinei, ivavariro ipi ingakosha zvikuru kudarika yokurumbidza Mupi chaiye woupenyu uye yokubatsira vamwe kudzidza zvinangwa zvake uye nzira dzake? Hapana. Chinangwa cheChikoro chaMwari Choushumiri ndechokutigadzirira kudzidzisa vamwe kutenda kwedu. Saka, sezvatinopinda chikoro vhiki imwe neimwe, tiri kuwana unyanzvi hunotishongedzera mabasa anokosha zvikuru muupenyu.

2 Purogiramu ye“Chikoro chaMwari Choushumiri ya2003” yaiva muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwomwedzi wapera. Purogiramu yacho inosanganisira mashoko ane chokuita nokuitiswa kuchaitwa chikoro. Uchaona zvichibatsira kuchengeta purogiramu yacho mubhuku rako raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, iro raunofanira kuuya naro kuChikoro chaMwari Choushumiri vhiki imwe neimwe. Hezvino zvimwe zvezvikamu zveChikoro chaMwari Choushumiri cha2003.

3 Unyanzvi Hwokutaura: Kutanga muna January, musangano mumwe nomumwe uchatanga nehurukuro yemaminitsi mashanu pamusoro pounyanzvi hwokutaura kana kuti chikamu chokuverenga, kudzidza, kana kudzidzisa. Mutariri wechikoro achapa hurukuro dzokutanga idzi, kana kuti angapa mumwe mukuru anokwanisa kuti ape hurukuro iyi. Mukurukuri wacho angakurukura rondedzero uye kukosha kwounyanzvi hwokutaura. Zvadaro anofanira kuwedzera mashoko acho nokukurukura mienzaniso yeMagwaro uye kuratidza kushandiswa kungaitwa unyanzvi hwacho hwokutaura, achisimbisa zvikuru kuti kuita kudaro kungavandudza sei ushumiri hwedu hwomumunda.

4 Hurukuro Nha. 1: Hama dzinopiwa hurukuro yokurayira dzinonyeverwazve “kusimbisa kushanda kunoita mashoko ari kukurukurwa.” Izvi zvinoreva kuratidza ungano mashandisirwo angaitwa mashoko acho. Kana ukapiwa hurukuro iyi, ona mapeji 48-9 ebhuku reChikoro Choushumiri nokuda kwemazano okugadzirira kwaungaita, uye kudzidza mashoko okunongedzera ari paindekisi yebhuku racho pasi pomusoro wakanzi “Kubatsira kwacho.”

5 Purogiramu Yokuverenga Bhaibheri: Nguva yakapfuura, kana usina kukwanisa kuomerera pakuverenga Bhaibheri vhiki nevhiki, wadii kusarudza kuomerera papurogiramu yacho gore rino? Vaya vanodaro vachapedza Magwaro echiKristu echiGiriki panopera gore. Zvinobatsira zvinobva pakutanga purogiramu yokuverenga Bhaibheri neMagwaro echiKristu echiGiriki zvinokurukurwa papeji 10, ndima 4, yebhuku reChikoro Choushumiri.

6 Pfungwa Huru Dzinobva Mukuverenga Bhaibheri: Hurukuro iyi yakawedzerwa kusvika kumaminitsi gumi kuitira kuti vateereri vagone kupa tsanangudzo dzezvakaverengwa vhiki yacho. Vaya vanopa hurukuro iyi havafaniri kudarika nguva yakagoverwa. Ichapiwa vhiki imwe neimwe, kusanganisira vhiki yokudzokorora. Sezvaunoverenga zvitsauko zvakagoverwa, tarira pfungwa dzichakubatsira muchidzidzo chako chemhuri, muushumiri hwako, kana kuti mumararamiro ako. Unhu hwaMwari hupi hwakaratidzwa mukubata kwake nevanhu uye marudzi? Wakadzidzei chakasimbisa kutenda kwako ndokuwedzera kuonga kwaunoita Jehovha? Inzwa wakasununguka kutaura pfungwa dziri pandima chero ipi iri muzvitsauko zvakagoverwa, kunyange mundima dzichaverengwa muHurukuro Nha. 2, nokuti hama ichaverenga hurukuro yacho haizotsananguri ndima dzacho.

7 Hurukuro Nha. 2: Hurukuro yevadzidzi yokutanga vhiki imwe neimwe ichava yokuverengera vanhu. Kuverenga Bhaibheri kwose kuchabva pakuverenga kwevhiki nevhiki kusiya kwekuya kwokupedzisira kwomwedzi mumwe nomumwe. Kuverenga kwokupedzisira kwomwedzi kuchabva muNharireyomurindi. Mudzidzi achafanira kuverenga ndima dzakagoverwa asingapi sumo kana mhedziso. Nokuita kudai, angaisa pfungwa dzake zvikurukuru paunyanzvi hwake hwokuverenga.—1 Tim. 4:13.

8 Hurukuro Nha. 3 neNha. 4: Dzimwe dzehurukuro idzi dzine mashoko okutsanangudza akawanda anobva mubhuku raKurangarira kupfuura dzimwe; dzimwe dzinongova nomusoro chete. Vaya vanopiwa hurukuro ine mashoko mashoma okutsanangudza kana kuti inongova nomusoro vachava nomukana wokutsvakurudza mashoko mumabhuku edu echiKristu. Izvi zvichaita kuti zvive nyore kuti hanzvadzi dzigadzirire tsanangudzo zvinoenderana nevabatsiri vadzo.

9 Marongero: Sezvakaratidzwa papeji 45 yebhuku reChikoro Choushumiri, mutariri wechikoro angapa marongero. Kana asina, ipapo hanzvadzi dzingasarudza marongero pane ari papeji 82. Kana hanzvadzi ichipa hurukuro imwe mumwedzi miviri yoga yoga, marongero acho 30 achakwana kuti ironge zvakasiyana-siyana kwemakore mashanu. Hanzvadzi dzinosarudza Nha. 30. inoti, “Mamwe marongero akakodzera nharaunda yenyu,” dzinofanira kunyora marongero acho pazasi kana kuti kuseri kwesiripi yadzo yehurukuro (S-89). Mutariri wechikoro achanyora musi wehurukuro yomudzidzi wacho papeji 82 yebhuku romudzidzi wacho pamberi pemarongero aashandisa. Angaita izvi panguva yaanomaka fomu rounyanzvi hwokutaura romudzidzi wacho.

10 Fomu Rounyanzvi Hwokutaura: Fomu rako rounyanzvi hwokutaura riri mubhuku rako. Riri pamapeji 79-81. Saka, unofanira kupa mutariri wechikoro bhuku rako wapedza kupa hurukuro imwe neimwe. Mutariri wechikoro achada kuramba ane chinyorwa chemazano ari kushandirwa nomudzidzi wacho.

11 Kudzokorora: Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri kuchaitwa vanhu vachiita zvokutaura. Kuchaitwa kamwe pamwedzi miviri yoga yoga uye kuchaitwa kwemaminitsi 30. Mibvunzo inofanira kukurukurwa pakudzokorora kwacho icharamba ichibuda muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kana mukava negungano redunhu kana kuti mutariri wedunhu achishanya pavhiki yakarongwa kudzokorora, ipapo munofanira kukurukura hurukuro dzevhiki inotevera yacho uye kudzokorora kwamaifanira kuita mozokuita vhiki inotevera yacho.

12 Makirasi Okuwedzera: Muungano dzine vakanyoresa chikoro vanodarika 50, vakuru vangafunga kushandisa makirasi okuwedzera. “Urongwa uhwu hungaitwa pahurukuro dzose dzevadzidzi kana kuti pane mbiri chete dzokupedzisira.” (Chikoro Choushumiri, p. 285) Zano riri pamusoro rinoitwa kuitira ungano dzine hanzvadzi dzakawanda asi dziine hama shomanana chete kuti dzipe hurukuro dzokuverenga. Vakuru vachafanira kusarudza hama dzinokwanisa kuti dziitise makirasi aya.

13 Mupi Wezano Wechipiri: Sezvakaratidzwa muPurogiramu yeChikoro chaMwari Choushumiri, mupi wezano wechipiri anofanira kusarudzwa nedare revakuru kuti ape mazano pasiri paruzhinji kuvakuru nevashumiri vanoshumira vanopa pfungwa huru dzinobva mukuverenga Bhaibheri uye hurukuro dzokurayira. Hama inogoverwa kuita izvi inofanira kuva nounyanzvi, hama ine mazano acharemekedzwa nevamwe vakuru. Mazano ake anofanira kukurudzira, achirumbidza kutaura kwakanaka uye unyanzvi hwokudzidzisa uye achataura pfungwa imwe kana mbiri dzingada kuvandudzwa. Haafaniri kupa zano pashure pehurukuro imwe neimwe inenge yapiwa nehama inogara ichitaura. Zvisinei, hama yakagoverwa kubatsira kupa zano inofanira kuva nenjere uye ichinzwisisa kuti kunyange hama dzinopa hurukuro dzavose iye zvino dzingabatsirwa kuti dzifambire mberi zvekare.—1 Tim. 4:15.

14 Zvokuteerera: Chii chingabatsira mupi wezano kuongorora hurukuro? Muzvizhinji zvezvitsauko 53 zvine manhamba zviri mubhuku reChikoro Choushumiri mubhokisi rechitatu, munowanikwa muchidimbu zvinofanira kuteererwa. Mutariri wechikoro anofanirawo kucherechedza zvimwe zviyeuchidzo kana mazano ari mubhuku racho achamubatsira kukurumidza kuona kukurukurwa kunoenderana uye kunaka kwehurukuro yacho. Somuenzaniso, ona mibvunzo inotevedzana iri pamusoro papeji 55 uye pfungwa dziri mundima yokupedzisira papeji 163.

15 Zadzisa Musina Kunyorwa: Kuwedzera kumicheto yaro yakakura, bhuku reChikoro Choushumiri rine nzvimbo dzisina kunyorwa dzakawanda dzakagadzirirwa kuti iwe unyore zvaunoda paunenge uchidzidza woga uye paunopinda Chikoro chaMwari Choushumiri. (Ona mapeji 77, 92, 165, 243, 246, uye 250.) Iva nechokwadi chokuuya nebhuku rako vhiki imwe neimwe. Fambirana nomukurukuri muhurukuro yokutanga. Ramba wakarizarura kusvika chikoro chapera. Cherechedza mazano anopiwa nomutariri wechikoro. Nyatsoteerera nzira dzokudzidzisa, mibvunzo, mienzaniso, madimikira, mifananidzo, zvinhu zvinooneka, uye kusiyanisa zvinhu kunoshandiswa nevakurukuri. Ukanyora zvinhu zvinobatsira, uchakwanisa kuyeuka uye woshandisa pfungwa dzakawanda dzakaisvonaka dzinowanikwa muchikoro.

16 Jesu Kristu aiziva kuti kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari iropafadzo huru zvikuru inogona kuwanikwa nomunhu wose. Raiva basa rake rinokosha. (Mako 1:38) Akati: ‘Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari, nokuti ndakatumirwa izvozvi.’ (Ruka 4:43) Sevaya vakabvuma kukokwa kuti vamutevere, isuwo takabatikana zvikuru nokuparidza mashoko akanaka, uye nguva dzose tiri kuedza kuvandudza rudzi rwe“chibayiro [chedu] chokurumbidza.” (VaH. 13:15) Kuti tidaro, ngatitsungei kuitawo chimwe chinhu muChikoro chaMwari Choushumiri nguva dzose, chikoro icho chichabatsira kutigadzirira kuita zvinhu zvinokosha zvikuru muupenyu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe