Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Neiko Baba Vakafa?
MUNHU ari wose akashamiswa apo baba vaAl, murume aizivikanwa nokuda kwokuva akasimba nokuva noutano, vakanyoresa muchipatara. Kunyange zvakadaro, Al akanga ane chivimbo chokuti baba vake vaizova vadzoka kumba nokukurumidza. Asi mugariro wavo wakachinja kamwe kamwe kuva wakaipa, uye vakafa. “Ndakaramba kudavira kuti mumwe munhu akanga akasimba zvikuru aigona kuva akanga afa,” akachema kudaro Al.
Baba vaKim vakanga vari murume wechiKristu ane rudo. Vakanga vamboiswa muchipatara nokuda kwechinetso choutano chenguva refu, asi vairatidzika kuva vakanga vachiita zviri nani. Ipapo rimwe zuva vakadonha mukamuri rokushambira. “Ndakaziva kuti vakanga vafa miniti yandakavaona,” anoyeuka kudaro Kim. “Amai nehanzvadzi yangu vakaedza nomutoo wokupererwa nezano rose kuvanunura kupfurikidza nokuedza kuita kuti vafemezve kworudzi rweCPR. Ndakamhanyira mukamuri rangu ndokunyengetera, kuti: ‘Jehovha, musarega uku kuchiitika. Ndapota varegei vararame!’ Asi havana kutongowanazve kuziva.”
Rufu ndichinoitika chaichoicho chinorwadza munyika ino. Bhaibheri rinoti: “Chinhu chimwe nechimwe chine musi wacho, . . . Nguva yokuberekwa, nenguva yokufa.” (Muparidzi 3:1, 2) Kana wakarerwa somuKristu, unoziva dzidziso dzeBhaibheri pachikonzero nei vanhu vachifa, mugariro wavakafa, uye tariro yorumuko.a
Zvisinei, ungakurirwa nokurasikirwa nomubereki wako. Ndechimwe chezvinoitika zvakaoma zvikuru munduramo. Chinogona kukuita kuti unzwe wasiyiwa uye usina dziviriro. Uchiri kukura, mose muri muviri munyama nomumurangariro, uye nepo ungave wakagadza mwero wakati wokuzvimirira, munzira zhinji uchiri anoda vabereki vako.b
Nomutoo usingashamisi, ipapoka, imwe nzvero yakaratidza kuti rutyo rukurusa rwowechiduku kurasikirwa navabereki vake. Imwe pwere yakabvuma, kuti: “Vabereki vangu marwadzo chaiwoiwo nguva zhinji, asi ndichiri aizokuvenga kana chinhu chipi nechipi chikaitika kwavari. Ndinonetseka pamusoro paikoko.”—The Private Life of the American Teenager.
Hakushamisi, ipapoka, kuti kana mumwe chete wavabereki vako akafa, ungava anokatyamadzwa mumurangariro. Chokwadi, panenge pakutanga, unganzwa wakati rukutu zvikuru zvokuti haungagoni kunyange kuchema. Ikoku hakusi kwechienzi. Pakuva mudzvinyiriro huru, wezvamapisarema akazivisa, kuti: “Ndakati rukutu, ndavhunika kwazvo.” (Pisarema 38:8) Bhuku rinonzi Death and Grief in the Family rinoti: “Munhu anowana ronda guru rokutemwa kana kuti anovhunika pfupa anova mukatyamadzo yomuviri. Iyi katyamadzo rudzi rwedziviriro inodzivisa ukuru hwamarwadzo kurova [pakarepo]. Nhamo inoshanda munzira imwe cheteyo.” Chii chingaitika, kunyanguvezvo, apo katyamadzo yokutanga inopera?
‘Ndinonzwa Ndakashatirwa Zvikuru’
Pana Ruka 8:52, tinorava kuti pashure porufu rwomusikana muduku, “vose vakanga vachichema, vachimuririra.” Hungu, apo runotora mudikani, kunongova bedzi kwomuzvarirwo kunzwa chiverengero chikuru chemirangariro yakasimba, kubatanidza rusuruvaro, kuva nemhaka, rutyo—kunyange hasha.
Neiko hasha? Nemhaka yokuti vabereki vedu vanotiita kuti tinzwe takakotsekana, takachengeteka. Apo mumwe wavo anofa, ndokwomuzvarirwo kunzwa uchityiswa nokusiyiwa. Kwete kuti mubereki wako akakusiya noune. Asi rufu muvengi wedu. (1 VaKorinte 15:26) Apo rufu runotora mudikani, kurasikirwa kwacho kuri chokwadi zvikuru uye kunorwadza nomutoo usingarambiki. Cherekedza kutaura kwaWendy ane makore 18 okukura: “Ndakanzwa ndiri ndoga munyika uye ndichitya pashure porufu rwababa vangu. Nguva dzakawanda zvikuru ndaishuva kuti kudai baba vangu vakanga vaneni kuti vagone kundibetsera.” Apo unofunga pamusoro peizvo wakarasikirwa nazvo—rudo, tsigiro, murayiridzo—ungava akashatirwa nomutoo unonzwisisika.
Debbie muduku, somuenzaniso, akanga ari pedyo zvikuru nasekuru vake (hanzvadzi yaamai). Pashure porufu rwavo akanyora, kuti: “Hakuna bedzi kuratidzika kuva kwakarurama kuti munhu upi noupi akanaka, anosanodiwa, uye uyo aida Jehovha zvikuru kwazvo anofanira kutambura ndokufa nomutoo unorwadza sezvavakaita. Kunyange zvazvo ndakarerwa somuKristu uye ndichiziva chikonzero nei vanhu vachikwegura ndokufa uye chikonzero nei vanhu vakanaka vachitambura, ndakanga ndisina kugadzirira nokuda kwokunzwa kwehasha kwandakava nako.”
Vamwe vanonzwa kunyange mwero wakati wokushatirirwa mubereki akafa. Victoria muduku anobvuma, kuti: “Sekuru vangu vakafa gore rakapera. Ndakavashatirirwa zvikuru nokuda kwokufa, uye ipapo apo hasha dzacho dzakanga dzapera, ndakasuruvara zvikuru.” Zvamazvirokwazvo, vamwe vakaedzwa kunangidzira hasha dzavo kudenga. “Ndinopengera Mwari,” anobvuma kudaro Terri ane makore 14 okukura, uyo akarasikirwa nababa vake nemhaka yehosha yomwoyo yakamwe kamwe. “Neiko baba vangu vakafa zvisinei, apo ndaivada nokuvademba zvikuru?”
‘Ndinonzwa Ndine Mhaka Zvikuru Zvino’
Kuva nemhaka ndikumwe kuita kwakarovedzeka kurufu rwomubereki. “Vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari,” rinodaro Bhaibheri. (VaRoma 3:23) Somugumisiro, vachiri kuyaruka vakawanda vanobonderana navabereki vavo nguva nenguva. Asi apo mubereki anofa, yeuko dzebonderano idzodzo dzakare nenharo zvinogona kuva manyuko enhamo huru.
Kungabetsera kuyeuka kuti kunyange vanhu avo vanodanana havabvumirani zvakasimba padzimwe nguva. “Ndaida amai vangu,” anobvuma kudaro Elisa muduku, “uye ndinoziva kuti vaindida, asi kwemwedzi mishomanene vasati varwara, takanga tichiva nezvinetso. Ndaivashatirirwa—nokuda kwezvinhu izvo zvinoratidzika kuva zvisina revo zvino—asi izvo zvakanga zvichikosha kwandiri panguva iyeyo. Kamwe chete, apo ndakanga ndakavashatirirwa zvikuru, ndinoyeuka ndichimhanyira mukamuri rangu ndokushuva pachivande kuti kudai vaizofa. Apo amai vakarwara ndokufa kamwe kamwe, pakanga paine kunzwa uku kwose kusina kugadzikiswa uko takava nako nomumwe nomumwe. Ndinonzwa ndine mhaka zvikuru zvino.” Pasinei zvapo neizvo ungave wakataura kana kuti kunzwa, hauna kuparira rufu rwomubereki wako. Yakanga isiri mhaka yako.
Marwadzo Enhamo
Kunyange zvakadaro, ungave uchinzwa rusuruvaro nenhamo zvikuru. Wana nyaradzo mukuziva kuti varume navakadzi vokutenda vomunguva dzeBhaibheri vakavawo nokunzwa kwadaro. Apo Josefa akarasikirwa nababa vake vanodiwa murufu, “akawira pamusoro pechiso chababa vake, akachema pamusoro pake, akamusveta.” (Genesi 50:1) Uyewo, Jesu Kristu “akachema misodzi” pamusoro porufu rweshamwari yake Razaro.—Johane 11:35.
Eya, apo munhu anenge achichema rufu rwomubereki, ndokwomuzvarirwo kunzwa wakurirwa padzimwe nguva norusuruvaro. Mukuedza kurondedzera nhamo yake, wezvamapisarema akazvienzanisa amene no“munhu anochema amai. Ndasuruvariswa, ndakakotamira pasi.” (Pisarema 35:14, NW) Wakurirwa norusuruvaro, ungatova “asingarari nenhamo.” (Pisarema 119:28, NW) Ungarega kudya kana kuti kuva nechinetso kamwe kamwe mukupa ngwariro muchikoro. Ungatova akaora mwoyo.
Zvakatoipisisa zvikuru, mubereki wako navana vasara vangavawo vakakurirwa norusuruvaro rwavo vamene zvokusagona kuva vebetsero netsigiro kwauri. Kim anoyeuka, kuti: “Pashure pokuviga baba vangu, takaedza kudzokera kuupenyu hwedu hwenguva dzose. Amai zvino vakava musoro wemba. Asi pakanga pane nguva apo vairasikirwa nokuzvidzora vochema pakati chaipo pefundo yedu yeBhaibheri yemhuri. Ndaigona kuvanzwa vachichema pakati pousiku, vachidana zita rababa vangu.”
Kuwana Nyaradzo
Muporofita Jeremia akamboti: “Nhamo isingapedzeki yakandipinda. Mwoyo wangu unorwara.” (Jeremia 8:18, NW) Unganzwawo sokunge kuti marwadzo acho haasati achizotongopera. Asi cherekedza mashoko omuapostora Pauro: “Mwari ngaaongwe, . . . Mwari wokunyaradza kwose; iye unotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.” (2 VaKorinte 1:3, 4) Mwari anogovera iyi nyaradzo zvikurukuru kupfurikidza namapeji eShoko rake rakanyorwa, Bhaibheri. Kupfuurirazve, mudzimu wake unogona kusunda shamwari nemitezo yemhuri kupa betsero inodikanwa netsigiro.
Usabvumira hasha dzakanangidzirwa pasiripo kukudzivisa kutsvaka nyaradzo youmwari. Jobho akarurama akaita chikanganiso chokupomera Mwari nokuda kwokurasikirwa kwake kunorwadza. Akazivisa nokukasharara, kuti: “Ndakanga ndichigara murugare, asi Mwari akandibata nomumutsipa akandibhonda nokundiputsanya.” (Jobho 16:12, 13, Today’s English Version) Asi Jobho akanga asina kururama. Satani, kwete Mwari, akanga ari manyuko amatambudziko ose aJobho. Erihu muduku aitofanira kuyeuchidza Jobho kuti “Mwari haangaiti zvakaipa, wamasimba ose haangakanganisi pakutonga.” Jobho gare gare akadzora zvizere kutaura kwake kwokukurumidzira.—Jobho 34:12; 42:6.
Munzira yakafanana, ungada mumwe munhu kuti akubetsere kuona nhau muchimiro chendangariro chakadzikama zvikuru. Kim anoyeuka, kuti: “Murume mukuru wechiKristu akura akatiyeuchidza nezvetariro yorumuko, achigoverana nesu magwaro akadai saJohane 5:28, 29 na 1 VaKorinte 15:20. Akataura, kuti: ‘Baba vako vachadzoka, asi unofanira kuramba wakatendeka kana uchizovaona muParadhiso.’ Handisati ndichitongokanganwa izvozvo! Akataurawo kuti rufu rwakanga rwusiri chinangwa chaMwari nokuda kwomunhu. Ndakaziva kuti Mwari akanga asina chokuita norufu rwababa vangu.”
Kurangarira nhau nenzira yapaMagwaro hakuna kubvisa pakarepo marwadzo aKim, asi akanga ari mavambo. Iwewo unogona kuvamba kugonana namarwadzo nenhamo. Nomutoo wakananga nzira yaunogona kuita nayo kudaro ichava musoro wenyaya yedu inotevera muiyi nhevedzano.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwamamwe mashoko, ona bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Iyi kurukurirano inobatanidza pwere idzo dzakarasikirwa nedzimwe dzehama dzadzo dzokunyama, dzakadai savanasekuru, vanatete, uye vanababamukuru, avo vavakanga vachifarikanya navo zvikurukuru ukama hwapedyo.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Rufu rwomubereki runogona kuva chimwe chezvakaitika zvakaoma zvoupenyu