Kuchengeta Dzidzo Iri Munzvimbo Yayo
MUNYORI wemifananidzo ane unyanzvi anoziva maitirwe emufananidzo. Mativi ari munzvimbo yapamberi anopiwa utanhamari hukuru kupfuura ayo ari munzvimbo yapakati uye munzvimbo yomushure. Kwakafanana nezvinhu zvedu zvokutanga muupenyu. Zvimwe zvazvo zvakafanirwa noutanhamari hukuru kupfuura zvimwe.
Jesu Kristu akati: “Vakaropafadzwa varombo pamweya; nokuti ushe hwokudenga ndohwavo.” (Mateo 5:3) Nokudaro, mipimo yomudzimu inofanira kuva pamberi chaipo. Mukupesana, zvinhu zvokunyama zvinofanira kuva zvisingakoshi.
Dzidzo inokosha sei mukuwirirana nezvimwe zvinhu? Haisati iri rutivi rusingakoshi kumuKristu. Uwandu hwakati hwedzidzo yokunyika hunowanzova huri madikanwa kuita musengwa wapaMagwaro wakapiwa nomuapostora Pauro: “Kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.” (1 Timotio 5:8) Kupfuurirazve, basa iro Jesu akapa vateveri vake, kuita vadzidzi, ku“vadzidzis[a] kuchengeta zvose zva[akavarayira],” rinoda kuti munhu ‘apinze zivo’ ipapo ndokurayiridza vamwe nenzira inobudirira.—Mateo 28:19, 20; Johane 17:3; Mabasa 17:11; 1 Timotio 4:13.
Bva, dzidzo inofanira kuchengetwa iri munzvimbo yayo. Haifaniri kurondwa bedzi nokuda kwokukwirira muunyanzvi kana kuti kuwana madhigirii anoorora. Kupa kurondwa kwedzidzo utanhamari husina kufanira kunoguma nevhiringidziko. Sezvinobvumwa, ingagovera betsero dzakati dzechinguvana dzezvinhu zvokunyama. Asi seizvo Mambo akachenjera Soromoni akacherekedza: “Unoshandira chimwe chinhu nouchenjeri hwako hwose, zivo, uye unyanzvi, uye ipapo unotofanira kuchisiyira chose mumwe munhu asina kutongochishandira.”—Muparidzi 2:21, Today’s English Version.
Zvapupu zvaJehovha zvinofarira dzidzo, kwete nokuda kwokungoiwana bedzi, asi kuti zviwedzere kuva kwazvo zvinobetsera mubasa raMwari uye kuzvitsigira zvimene. Sezvo ushumiri hwazvo huri basa risina mhindu, zvizhinji zvinofanira kutsamira pabasa rokunyika kuti zviwane chokurarama nacho. Ikoku kunogona kuva kunodenha zvikurukuru nokuda kwavashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha, vanonzi mapiyona. Vanofanira kuchengeta rudungwe rukuru muushumiri nepo vachiita gadziriro yakaringanira nokuda kwavo vamene nemhuri dzavo kana vakachata.a—Zvirevo 10:4.
Pashure pokurangarira zvinhu zvakasiyana-siyana zvinobatanidzwa, vamwe veZvapupu zvaJehovha vakasarudza kuita dzidzo yokuwedzera. Chokwadika, vaitofanira kungwarira kuti vachengete dzidzo iri munzvimbo yayo. Chii chakavabetsera mukuita kudaro? “Zvinhu zvinoverengeka zvakandibetsera,” anodaro John muduku wokuBrazil. Kunyange apo ndaifanira kufunda usiku, handina kupotsa misangano yechiKristu. Ndakakujekesawo kuvomukirasi biyangu kubva pamavambo kuti ndakanga ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha.”
Eric, wokuBrazilwo, akashandisa mikana kutaura kuvamwe pamusoro pezvitendero zvake apo aifutunura dzidzo yake. “Ndakarangarira chikoro kuva ndima yangu chaiyo,” anodaro. “Ndakakwanisa kuitisa fundo dzeBhaibheri vadzidzisi navadzidzi vanoverengeka, vashanu vavo zvino vakabhapatidzwa, vaviri vavo vachibatira savakuru.”
Richard akadzokera kuchikoro kwenguva isina kuzara kuti agamuchire dhigirii mukunyora mapurani edzimba. “Kufunda kwangu kwakandibetsera kuwana basa kuti ndizvitsigire ndimene nomudzimai wangu,” anodaro, “asi kwakagoverawo mukana. Sezvandakafamba kuenda kumabasa okuvakwa kweHoro dzoUmambo nomutoo wokukurumidza ndokutaura kuavo vaitarisira, ndakaziva kuti pakanga pane kudikanwa kwavanhu vanonyora mapurani.b Dzidzo yangu iri kushandiswa zvino zvakanaka muaya mabasa. Mukuwedzera, mudzimai wangu neni tinokarira pakupedzisira kushanda zvichida padzimbahwe renyika kana kuti mumabasa okuvaka enyika yose eZvapupu zvaJehovha.”
Panguva imwe cheteyo, vazhinji veZvapupu zvaJehovha vakasangana nedenho yokuzvigovera vamene nemhuri dzavo pasina kufunda kwokuwedzera. “Ndinozvitsigira ndimene kupfurikidza nokuita basa romumba mazuva maviri pavhiki,” anotsanangura kudaro Mary. “Nomutoo unosetsa, ndinowana mari yakawanda paawa kupfuura vamwe vavanhu vandinoshandira. Asi ndinorangarira basa rangu somutoo wokuwana nawo mari. Rinondichengeta ndiri mubasa roupiyona, uye handizvidembi.”
Steve anonzwa nomutoo wakafanana. “Apo ndakavamba kupayona,” anodaro, “vamwe vakati kwandiri: ‘Uchaita sei kana ukachata ndokuva nemhuri? Uchakwanisa here kuwana mari yakaringanira kuti urarame?’ Sezvakwakabvumikisa kuva kwechokwadi, ndakaita marudzi mazhinji akasiyana-siyana zvikuru ebasa andine ruzivo rwokuzviwanira nawo muchinenge chinhu chiri chose chaunogona kufunga. Zvino sezvo ndine mudzimai wokutsigira, ndinowana kuti ndiri kutambira miripo yakawanda kupfuura vamwe vakapedza kufunda pakoreji avo vanoshanda pabazu redu.”
Madzibaba asingatendi angave akada kuti vana vaduku vaite dzidzo yokuwedzera, uye vane chiremera chapaMagwaro chokuita ikoku. Zvisinei, muzvinoitika zvakadaro, uye mukuwirirana naMateo 6:33, pwere dzingaita makosi ayo achadzibetsera kuva dzinobetsera zvikuru mubasa raJehovha kana kuti kunyange kudzibvumira kupinda muushumiri hwenguva yakazara panguva imwe cheteyo sapakupinda chikoro.
Dzidzo Hurusa
Vose veZvapupu zvaJehovha, pasinei zvapo nomugariro wavo wedzidzo, vane chinhu chimwe chete chakafanana. Vanoziva kuti dzidzo inokosha zvikuru inowanika nhasi ine mavambo ayo muShoko raMwari, Bhaibheri. Johane 17:3 inoti: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.” Pasinei zvapo nokuti muKristu anowana dzidzo yenyika yakadini, kupinza zivo yaJehovha neyoMwanakomana wake, Jesu, kunofanira kuva kwokutanga.
Uyu muitiro wakagadzwa navaKristu vomuzana rokutanga ramakore. Manaeni aka“dzidziswa naHerodhe mubati woruwa,” bva akanga aripo uye achishingaira pakati pavaporofita navadzidzisi veungano yeAntiokia. (Mabasa 13:1, NW) Nomutoo wakafanana, Pauro akagamuchira iyo yaizoenzaniswa nhasi nedzidzo yeyunivhesiti. Kunyanguvezvo, pashure pokuva muKristu, akachengeta rovedzo yake iri munzvimbo yayo. Panzvimbo pokuishandisa kutyisidzira vamwe, akashandisa zivo yake younyanzvi hwemagariro avanhu, mutemo, uye nhau kuparidzira kuvanhu vamarudzi ose.—Mabasa 16:37-40; 22:3; 25:11, 12; 1 VaKorinte 9:19-23; VaFiripi 1:7.
VaKristu vomuzana rokutanga ramakore vaisazivikanwa zvikurukuru nokuda kwomugariro wavo wedzidzo. Vazhinji vakanga “vasina kudzidza, vasingazivi chinhu,” vachiva vakanga vasina kurovedzwa muzvikoro zvavanarabhi. Asi ikoku hakurevi kuti vakanga vasina kudzidza. Mukupesana, ava varume navakadzi vakanga vakashongedzerwa kudzivirira kutenda kwavo—mano ayo akapa ufakazi hwakavakirwa zvakasimba pakudzidza.—Mabasa 4:13.
Naizvozvo, vaKristu vose vanofarira zvikuru dzidzo. Panguva imwe cheteyo, vanoedza ku“va nechokwadi chezvinhu zvinokosha zvikuru,” vachichengeta dzidzo—nokuedza kumwe kupi nokupi—zviri munzvimbo yazvo yakakodzera.—VaFiripi 1:9, 10, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Kunokosha zvikuru kucherekedza kuti muapostora Pauro akadzidza zvikuru akasarudza kuzvitsigira amene muushumiri kupfurikidza nokugadzira matende, basa iro akadzidza sezvinobvira kuna baba vake. Kugadzira matende raisava basa riri nyore. Mucheka wemvere dzembudzi waishandiswa, unonzi cilicium, wakanga wakakokonyara uye wakaoma, kuchiuita wakaoma kucheka nokusona.—Mabasa 18:1-3; 22:3; VaFiripi 3:7, 8.
b Kutaura kwokuti “kuvakwa nomutoo wokukurumidza” kunonongedzera kumutoo wakarongeka zvikuru wokuvaka wakatangwa neZvapupu zvaJehovha. Vazvipiri vanoshanda paaya mabasa havaripirwi; vanopa nguva nepfuma yavo pachena. Gore rimwe nerimwe muUnited States Horo dzoUmambo itsva dzinenge 200 dzinovakwa, uye dzimwe 200 dzinogadziridzwa pachishandiswa uyu mutoo.
[Bhokisi riri papeji 23]
Rumbidzo Yakasanowanwa
Gore rimwe asati apedza kufunda kwake pachikoro chapamusoro, Matthew akafunga zvakakomba pamusoro penzira iyo aigona kuzvitsigira nayo nepo achironda basa somushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha. Pashure pokurangarira nhau yacho mumunyengetero, Matthew navabereki vake vakanzwa kuti dzidzo yokuwedzera yaizova chinhu chinokosha kukusvika nharidzano yake. Nokudaro, akakumbira mari yokutsigira kudzidza kwake. Mupi wezano wokuchikoro waMatthew akawedzera tsamba yerumbidzo, achidudza, kuti:
“Mukati mamakore maviri nehafu apfuura, wave uri mufaro wangu kuva mupizano neshamwari yaMatt. Matt munhu akatsiga . . . Ane kutenda kukuru uye kupwiswa kwakasimba, uko kwakapararira muukama hwake nezviito.
“Mukati mamakore apfuura, Matthew ave achirovedza nokuda kwoushumiri. Mushumiri wokutenda kwake haagamuchiri mubhadharo wemari. Ibasa rorudo zvirokwazvo. Murume muduku asina udyire, Matt ane mufungo uye anorangarira. Iyi mari yokutsigira kudzidza kwake inogona kugovera mutoo wetsigiro nokuda kwouyu murume wokutenda kupfuuridzira rovedzo yake nebasa rokuzvipira.
“Tichitaura nezvebasa rokuzvipira nebasa renzanga, Matt akapedza maawa asingaverengeki okuparidzira paimba neimba pakupera kwamavhiki napashure pechikoro nomukati memazhezha. Anoshanda munzanga uye nemhatsa yakafara yavanhu. Matt akaratidzira mano nounyanzvi zvake zvokutungamirira mukuitisa fundo dzeBhaibheri navose vari vaviri vaduku navakuru zvakafanana. . . . Anogona kupesvedzera vanhu ndokuvabetsera kuziva kukwanisa kwavo kwechokwadi. Mukirasi, vadzidzisi vakatsinhira kuti ipesvedzero yakanaka nguva dzose. Anotungamirira kurukurirano dzekirasi uye mukurukuri anokwanisa. . . .
“Matt ndimumwe wavarume vaduku vakaisvonaka avo vandakava nomufaro kupa zano. Anosanodiwa nokuremekedzwa nevezera rake navadzidzisi. Perero yake ndeiyo yomwero wakaisvonaka nounokosha.”
[Mifananidzo iri papeji 24]
Zvapupu zvaJehovha zvinofarira dzidzo zvikurukuru kuti zvigova vabatiri vanobudirira zvikuru vaMwari