RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 May pp. 14-19
  • Kuita Zvisarudzo Zvakanaka Panyaya Yekuwedzera Dzidzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuita Zvisarudzo Zvakanaka Panyaya Yekuwedzera Dzidzo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • UNOFANIRA KUWEDZERA DZIDZO HERE?
  • ONGORORA KUTI NEI URI KUDA KUWEDZERA DZIDZO YAKO
  • ONGORORA ZVAURI KUDA KUDZIDZA ZVACHO
  • Ramba Uri Pedyo naJehovha Paunenge Uchiwedzera Dzidzo Yako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Bhaibheri Rinoshora Dzidzo Here?
    Mukai!—1998
  • Dzidzo—Ishandise Kurumbidza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Dzidzo Ine Donzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 May pp. 14-19

JULY 20-26, 2026

RWIYO 133 Namatai Jehovha Muchiri Vadiki

Kuita Zvisarudzo Zvakanaka Panyaya Yekuwedzera Dzidzo

“Munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.”—ZVIR. 14:15.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza zvinhu zvatinofanira kufunga nezvazvo patinenge tichisarudza kuti towedzera dzidzo yedu here. Uye tichaonawo kuti Bhaibheri ringatibatsira sei kusarudza zvakanaka.

1-2. (a) Vechidiki vanofanira kusarudzei? (b) Patiri kuti “kuwedzera dzidzo,” tiri kurevei? (Ona “Kutsanangurwa Kwemashoko.”)

KANA uchiri mudiki unogona kubvunzwa kakawanda mubvunzo wekuti, “Unoda kuzoita basa rei kana wakura?” Pamabasa ese, hapana rinopfuura kushumira Jehovha mubasa renguva yakazara. Asi kuti uite basa iroro, unodawo chinokuraramisa. (2 VaT. 3:10) Pamwe unogona kunge wakatofunga kuti uri kuda kuzoita basa rei kana wakura.

2 Kuti vazowana mabasa, vamwe vechidiki vanogona kusarudza kuti vachawedzera dzidzo yavo kana vapedza sekondari.a Asi vanowanzotanga vakurukura nevabereki vavo nezvenyaya yacho. Pamwe newewo wakatombofungawo nezvekuwedzera dzidzo yako. Kana uri kufunga kuwedzera, pamwe uri kunetseka kuti woita zvipi zvacho. Munyaya ino tichakurukura zvinhu zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kukubatsira kuti uite chisarudzo chakanaka panyaya yekuwedzera dzidzo. Kunyange zvazvo nyaya ino yakanyorerwa vechidiki, inogona kubatsira vaKristu vese pasinei nezera ravo kana vari kufunga nezvekuwedzera dzidzo yavo. Mazano ari munyaya ino anogona kushandiswawo nevabereki kuti vabatsire vana vavo kuita zvisarudzo zvakanaka panyaya yekuwedzera dzidzo.

UNOFANIRA KUWEDZERA DZIDZO HERE?

3. Nei vamwe vaKristu vachisarudza kuwedzera dzidzo?

3 Mune dzimwe nzvimbo, kana munhu akapedza sekondari anokwanisa kutowana basa rinomuraramisa. Asiwo mune dzimwe, munhu anenge achifanira kuwedzera dzidzo yake kuti awane basa rinobhadhara kana kuti rinomupawo nguva yekuita zvimwe zvinhu. Kana ari muKristu, izvi zvinogona kuita kuti atowana nguva yekuita ushumiri kana kuti mamwe mabasa ekunamata. Asi kana munhu akasarudza kuwedzera dzidzo yake, zvichadawo nguva, simba, nemari. Anewo zvimwe zvisarudzo zvinokosha zvaanenge achifanira kuita.

4. Ndiani ane mutoro wekuita chisarudzo panyaya yekuwedzera dzidzo? (Onawo mashoko emuzasi.)

4 Bhaibheri rinoti: “Mumwe nemumwe achatakura mutoro wake.” (VaG. 6:5) Saka muKristu wese anenge akura, anofanira kuzvisarudzira ega kuti owedzera dzidzo yake here kana kuti orega.b Asi kana achiri mudiki, vabereki ndivo vane basa rekuita zvisarudzo zvine chekuita nedzidzo yevana vavo. (VaEf. 6:1) Vana pavanenge vachikura, vabereki vanogona kuvabatsira kuti vakwanise kuzoita zvisarudzo zvakanaka panyaya yekuti vowedzera dzidzo yavo here kana kuti vorega.—Zvir. 22:6.

5. Munhu anofanira kutanga kufunga nezvekuwedzera dzidzo yake riini, uye nei achifanira kudaro? (Onawo mufananidzo.)

5 Kazhinji munhu paanenge achiri mudiki, anofanira kufunga kuti achawedzera dzidzo yake here kana apedza chikoro. Asi zvinokosha kuti ataure nevabereki vake asati asarudza kuti achaitei nekuti izvi zvinoita kuti vabatsirane kufunga kuti zvii zvaangaita. Vabereki vanogona kuronga nemwana wavo kuti ndehupi unyanzvi hwaanogona kutotanga kuwana iye zvino hunogona kuzomubatsira kuti awane basa kana kuti azowedzera dzidzo yake. Asi vanofanira kubva vatoita chisarudzo asati apedza chikoro here? Aiwa. (Zvir. 21:5) Vamwe vechidiki vanotanga vatopedza chikoro, vowana basa, votanga kupayona vachifunga kuti vowedzera dzidzo yavo here kana kuti vorega. Vamwe vanotozosarudza pava paya muupenyu.

Vabereki vari kutaura nemwanasikana wavo nezvenyaya yekuwedzera dzidzo. Vari kutarisa tumapepa twekuzvikoro zvakasiyana-siyana. Vakavhurawo vhidhiyo iri paJW Broadcasting uye vane Bhaibheri.

Vabereki vanoda Jehovha vanobatsira mwana wavo kuti aite zvisarudzo zvakanaka panyaya yekuwedzera dzidzo (Ona ndima 5)


6. Chii chinogona kubatsira munhu kuti asarudze zvakanaka panyaya yekuwedzera dzidzo?

6 Chii chinogona kukubatsira kuti usarudze zvakanaka panyaya yekuti wowedzera dzidzo yako here kana kuti worega? Unofanira kunyengetera nezvenyaya yacho. (Jak. 1:5) Uyewo, pane zvinhu zviviri zvaunofanira kufunga nezvazvo. Chekutanga, ongorora kuti nei uri kuda kuwedzera dzidzo yako. (Pis. 26:2) Chechipiri, ongororawo dzidzo yacho yauri kuda kuenda kunoita. (Zvir. 14:15) Ngatikurukurei zvinhu izvi.

ONGORORA KUTI NEI URI KUDA KUWEDZERA DZIDZO YAKO

7. MuKristu anofanira kufungei kana ari kuronga kuwedzera dzidzo yake?

7 Kana uri kufunga kuwedzera dzidzo yako, unofanira kuzvibvunza mubvunzo uyu unokosha wekuti, ‘Nei ndiri kuda kumbowedzera dzidzo yangu?’ Vanhu vakawanda vanowedzera dzidzo yavo nekuti vanenge vachida kuwana basa ravanofarira kana kuti basa rinobhadhara. Hapana hapo chakaipa nezvinhu izvi. (1 Tim. 5:8) Asi Bhaibheri rinotiyambira kuti tisanyanya kukoshesa mari muupenyu hwedu kana kufunga kuti mari chete ndiyo ichaita kuti tive neupenyu hwakanaka. (Zvir. 23:​4, 5; 1 Tim. 6:​8-10; 1 Joh. 2:17) Kana chinangwa chako chiri chekupfuma kana kuti chekuva nemukurumbira, izvi hazvisi kuzomboita kuti ufare asi zvinogona kutokanganisa ushamwari hwako naJehovha.

8-9. (a) VaKristu vanofanira kuona sei nyaya yekudzidza? (Mateu 6:33) (b) Unodzidzei kubva pane zvakataurwa naJosefina, Morine naIris?

8 Saka unofanira kuona sei nyaya iyi yekudzidza? Hakuna chinhu chinofanira kukosha kwatiri kupfuura kushumira Jehovha. (Mat. 22:​37, 38; VaF. 3:8) Saka chinangwa chako chekudzidza chinofanira kunge chiri chekuti uzokwanisa kuwana basa rinokubatsira kushumira Jehovha nemwoyo wako wese.—Verenga Mateu 6:33.

9 Chii chakabatsira vamwe vechidiki kuti vave nemaonero akafanana neaJehovha panyaya yekuwedzera dzidzo? Josefina wekuChile, akataura kuti: “Ndakasarudza kuwedzera dzidzo yangu kuitira kuti ndiwane basa raizoita kuti ndiwane nguva yakawanda pakushumira Jehovha. Pandaienda kuchikoro, handina kuchibvumira kuti chikanganise ushamwari hwangu naJehovha nekuti ndihwo hunonyanya kukosha muupenyu.” Imwe hanzvadzi inonzi Morine yakasarudza kuita kosi yegore rimwe chete yekugadzira musoro. Nei akasarudza kosi iyoyo? Morine akati: “Chinangwa changu chaiva chekunoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Saka ndakatsvaga kosi yaizondibatsira kuti ndizadzise chinangwa changu. Pandakapedza kosi yacho, ndakawana basa rekugadzira musoro uye ndakaunganidza mari yekuti ndiende kunodiwa vaparidzi vakawanda. Uye pandakanga ndava kunodiwa vaparidzi vakawanda, kosi iyoyo yakandibatsira kuti ndiwane basa.” Imwe hanzvadzi inonzi Iris yakadzidzira kuva chiremba wemazino. Yakataura kuti: “Kuwedzera dzidzo kune zvakunobatsira, asi hakusiriko kuchaita kuti unyatsofara muupenyu. Kana tichida kunyatsofara muupenyu, tinofanira kuyeuka kuti: Kana tikaisa Jehovha pekutanga muupenyu hwedu, ndiye achaita kuti tinyatsofara uye achatipa zvese zvatinoda kuti tirarame.” Saka, kana tichikoshesa ushamwari hwedu naJehovha kupfuura zvimwe zvinhu zvese muupenyu, tichaita zvisarudzo zvichaita kuti tifare nekusingaperi.

ONGORORA ZVAURI KUDA KUDZIDZA ZVACHO

10. Dheuteronomi 32:29 inogona kukubatsira sei pakusarudza kuti wowedzera dzidzo here kana kuti worega?

10 Unogona kunge uine kosi yaunoda kuita. Asi fungawo nezvemamwe makosi aunogona kuitawo. Mamwe acho anogona kunge achienderana neyauri kuda kuita kana kuti akatosiyana zvachose. (Enzanisa naZvirevo 18:17.) Mazuva ano, pane nzira dzakasiyana-siyana dzekuti munhu awedzere dzidzo yake. Kwava nemakosi ekuti munhu anogona kutoita ari paindaneti. Uyewo unogona kufungawo kuti haukwanise here kutowana basa rinokuraramisa usina kuwedzera dzidzo yako. Izvi ndizvo zvakaitwa naJohanna wekuFinland. Haana kuwedzera dzidzo yake. Akataura kuti: “Pandakapedza chikoro, ndakatanga kuenda kubasa uye ndakatanga kupayona. Ndakaita mabasa akasiyana-siyana uye ndakaona kuti Jehovha anozadzisa zvaakavimbisa zvekuti achatipa zvatinoda.” Yeuka kuti zvauchasarudza panyaya yekuwedzera dzidzo zvine zvazvakanakira asiwo zvine zvazvakaipira. Saka unofanira kuenzanisa kuti zviri nani ndezvipi. (Verenga Dheuteronomi 32:29; 1 VaK. 10:23) Ngatimboongororai zvimwe zvinhu zvekufunga nezvazvo.

11. Nei zvichikosha kuti uongorore kuti zvichakutorera maawa akawanda sei vhiki rega rega uchiita kosi yako? (Onawo mifananidzo.)

11 Zvinotora maawa akawanda sei pavhiki? Funga kuti vhiki rega rega zvichakutorera maawa akawanda sei uchienda kuchikoro, uchidzidzira maitirwo ebasa racho uyewo uchiita zvimwe zvinhu zvavanokuti uite kana wava kumba. Zvichakusiya uine nguva yekuitawo zvimwe zvinhu zvekunamata here uyewo mabasa aunotarisirwa kuita pamba? (VaF. 1:10) Zvichaita kuti usare waneta zvekuti unenge usisina simba rekugadzirira misangano kana kuti rekuverenga uye kudzidza Bhaibheri here? Chimbofunga zvakaitika kune imwe hama yekuIndia inonzi Jeroz. Yakataura kuti: “Zvakanga zvakandiomera kuti ndigare ndichiita basa rekuparidza uye kuti ndinyatsoteerera pamisangano. Pamwe pacho ndaitorovha misangano. Ndinoona sekuti ndakatambisa nguva yangu pandaiita kosi iyoyo.” Asiwo kune mamwe makosi asingatore nguva yakawanda. Mamwe acho anongoitwa kwemaawa mashomanana, uye haana zvinhu zvakawanda zvekuti munhu anenge achifanira kuzoita ava kumba. Chimbofunga nezvaRabeca wekuMozambique. Haadembi zvaakasarudza panyaya yedzidzo. Akataura kuti: “Kosi yacho yaingoitwa kwemaawa maviri pazuva. Izvi zvakaita kuti ndirambe ndiri piyona wenguva dzese.”

Mifananidzo: Hama iri kufunga kuti kana ikawedzera dzidzo ichakwanisa here kuramba ichiita zvinhu zvainotarisirwa kuita. 1. Ichifambisa mamaikorofoni pamisangano. 2. Ichiita basa rekuparidza paimba neimba. 3. Ichishanda munotengeswa kofi. 4. Iri kuchikoro.

Kana uri kufunga kuwedzera dzidzo, iva nechokwadi chekuti haizokutadzisi kuwana nguva yekuita zvekunamata uye mamwe mabasa anokosha aunotarisirwa kuita (Ona ndima 11)


12. Mibvunzo ipi yaunofanira kuzvibvunza ichakubatsira kuti ushandise nguva yako nekuchenjera? (Muparidzi 12:1)

12 Zvichatora nguva yakareba sei kuti upedze kosi yacho? Unofanira kufunga kuti zvichakutorera mwedzi yakawanda sei kana kuti makore akawanda sei kuti upedze kosi yaunoda kuzoita. Kana ukaita kosi iyoyo, unofunga kuti unenge uchishandisa nguva yako nekuchenjera here? (VaEf. 5:​15-17) Kana ukasarudza kuita kosi iyoyo, zvichakupa mukana wekushumira Jehovha uchiri mudiki pamwe uchitoita basa renguva yakazara here? (Verenga Muparidzi 12:1.) Hauna here imwe kosi inotora nguva pfupi yaunogona kuita yakafanana neyauri kuda kuita? Semuenzaniso, kune zvimwe zvikoro kana kuti mamwe makambani anogona kutokudzidzisa zvinoenderana nekosi yawanga uchida kuita asi zvichitora nguva shoma uye zvakatochipa kupfuura kuyunivhesiti. Imwe hama yekuChile inonzi Mario yakati: “Ndakaita kosi yemakore 2 yakanga yakachipa kupfuura yaiitiswa kuyunivhesiti. Ndaienda kuchikoro mazuva 4 pavhiki uye izvi zvaitoita kuti ndikwanise kupayona.”

13. Chii chinogona kuitika kana ukaenda kunodzidza kure nekumba?

13 Uchaiitira kupi? Unogona kusarudza kuita kosi yaunoziva kuti inoitirwa pedyo nekwaunogara. Asi ngatitii kosi yauri kuda kuita inoitirwa kune rimwe guta. Kana kuti ngatitii unenge uchitofanira kugara pachikoro pacho. Unofanira kungwarira kuti kana ukagara kure nevanhu vekumba kwenyu zvinogona kukanganisa ushamwari hwako naJehovha, kunyanya kana uchizogara nemumwe munhu asiri Chapupu. (Zvir. 22:3; 1 VaK. 15:33) Matias wekuMozambique akaita imwe kosi yegore rimwe chete yakanga isinganyanyi hayo kudhura asi anodemba zvaakasarudza. Nemhaka yei? Akataura kuti: “Ndaifanira kugara pachikoro ndiri kure nekumba. Zuva rega rega ndaipinda pamuedzo wekuda kuita zvakaipa. Ndinoti hangu zviri nani kuti munhu asarudze kuita kosi isingamuparadzanisi nevanhu vekumba kwavo.” Imwe hanzvadzi yekuRussia yakati: “Handina kupinda pamuedzo wekuda kuita zvakaipa nekuti ndaisagara kuchikoro asi ndaigara nevabereki vangu.” Kana kuti unogona kutosarudza kuita kosi yacho paindaneti.

14. Mashoko akataurwa naJesu ari pana Ruka 14:28 anogona kukubatsira sei kuti usarudze zvakanaka panyaya yekuwedzera dzidzo?

14 Zvichada mari yakawanda sei? Mune dzimwe nyika, mamwe makosi haadhuri kana kuti anogona kunge achitobhadharwa nehurumende. Saka unogona kutoita kosi yaunoda usina kumbobhadhara mari yakawanda. Asi mune dzimwewo, zvinodhura kuti munhu awedzere dzidzo. Uyewo pamwe pacho, mwana anenge achifanira kutsvagirwa munhu anomudzidzisa kana kuendeswa kuchikoro chinodhura kuti azokwanisa kupasa, owana nzvimbo pachikoro chaanenge achida kuenda kunowedzera dzidzo. Mamwe makosi anosiya munhu anyura muzvikwereti. Adilson wekuMozambique, anodemba kosi yaakasarudza kuita. Anoti: “Vanhu vekumba kwedu vaisara vasina mari yekutenga zvekudya nezvimwe zvinhu zvavaida vachingoitira kuti vandibhadharire kosi yandaiita yemakore 4.” Paunenge uchiongorora kuti woita kosi ipi, zvibvunze kuti: ‘Zvichada mari yakawanda sei? Tinokwanisa kuwana mari yacho here? Hapana here imwe kosi yakachipa’ (Verenga Ruka 14:28.) ‘Kana ukapinda muchikwereti, zvichakutorera nguva yakareba sei kuti uchibhadhare? Basa rauchazoita richakuwanisa mari inokwana kuti uzviriritire uye kuti ubhadhare chikwereti chacho here?’—Zvir. 22:7.

15. Nei uchifanira kutanga wafunga kuti basa racho unozoriwana here usati wasarudza kuti uri kuda kudzidza nezvei?

15 Basa racho uchariwana here? Unofanira kufunga kuti ndeapi mabasa anowanika kunzvimbo yaunogara kana kuti kwaunoda kuzogara. Kosi yauri kuda kuita ichakubatsira kuti uwane basa here? Mamwe makosi haakubatsiri kuti uve neunyanzvi hwauchada kuti uzowana basa. Anongopa vanhu ruzivo kwete kuvadzidzisa kuti basa racho rinonyatsoitwa sei. (VaK. 2:8) Imwe hanzvadzi yekuIndia yakati: “Kosi yandakaita haina kumbondibatsira kuti ndive neunyanzvi hwaizondibatsira kuita basa randaida. Saka izvi zvakaita kuti ndishaye mabasa aienderana nezvandakadzidza.” Pane mamwewo makosi ekuti ukaaita, mabasa acho anonetsa kuwana. Imwe hama yekuCentral African Republic inonzi Sublime yakaita imwe kosi yekugadzira midziyo inoita kuti mumba mutonhorere. Asi yakataura kuti: “Kwandinogara, vanhu vakawanda vajaira kugadzira zvinhu zvavo vega kana zvikafa, saka zvakaoma kuwana basa.”

16. Nei zvichikosha kuti ufunge kuti kosi yauri kuita ichazoita kuti uite basa rakaita sei?

16 Funga kuti ibasa rakaita sei raunogona kuzowana kana wapedza chikoro chacho. Ucharifarira here? (Mup. 3:​12, 13) Uchange uchishandira kupi uye nevanhu vakaita sei? Basa racho rinogona kuisa upenyu hwako pangozi here? Rinenge rakawandisa zvekuti unoshaya nguva yekufema here? Kazhinji vanhu vanoita basa iroro vanowanzotambiriswa mari yakawanda sei? Inokwana here kuti uzozviriritira? Unenge uchifanira kuzoramba uchienda kuchikoro here kuti urambe uri pabasa? Uyewo chinotokosha ndechekuti, basa iroro richakubvumira kuti urambe uchiisa Umambo pekutanga muupenyu hwako here? (Mup. 12:13) Ndizvo hazvo kuti kana mabasa achinetsa, tinogona kusawana basa chairo chairo ratinenge tichida. Asi kana ukasarudza zvakanaka kosi yaunoda kuita, zvinogona kukubatsira kuti uzowana basa. Tabitha wekuIndia akasarudza kuita kosi yemwedzi 6 yekudzidzira kusona. Akataura kuti: “Ndakaona kuti kana ndikadzidzira kusona zvaizondibatsira kuti ndipayone. Mabasa ekusona haamboperi uye basa racho rinondipa mukana wekuti ndironge nguva yangu uye hazvimbodi mari yakawanda kuti nditange bhizinesi rekusona.” Kosi yakaitwa naTabitha yakamubatsira kuti azowana basa rinomuraramisa paari kupayona.

17. (a) Zvii zvinogona kuitwa nemuKristu kuti awane mamwe mashoko achamubatsira kusarudza zvakanaka panyaya yekuwedzera dzidzo? (b) Ndeapi mamwe mavhesi anogona kukubatsira kusarudza zvakanaka? (Ona bhokisi rakanzi “Mavhesi Anotibatsira Kunzwisisa Mafungiro aMwari.”)

17 Takurukura zvinhu zvakawanda zvekufunga nezvazvo panyaya yekuwedzera dzidzo. Ndekupi kwaunogona kuwana mashoko anogona kukubatsira kuita chisarudzo chakanaka? Kana uine kosi yauri kufunga kuita, unogona kunobvunza mamwe mashoko pachikoro chacho kana kuenda pawebsite yavo. Unogona kutsvagawo kuti kana ukaita kosi iyoyo, mabasa acho anowanika here. Uyewo unogona kubvunza vaya vakatoita kosi iyoyo kana kuti vari kutoita basa raunoda kuzoita. (Zvir. 13:10) Vabvunze kuti, “Ndezvipi zvakanakira kana kuti zvakaipira kuita kosi yauri kuda kuita kana kuti basa raunoda kuzoita?” Taurawo nevamwe vari kushumira Jehovha vachifara. (Zvir. 15:22) Ndeapi makosi kana kuti mabasa avanofunga kuti anogona kukubatsira? Vanogona kutotaura nezverimwe basa rawanga usina kumbofunga nezvaro.

Mavhesi Anotibatsira Kunzwisisa Mafungiro aMwari

  • Nei ndiri kuda kuwedzera dzidzo yangu? (Mat. 6:33; 1 Tim. 6:​8-10)

  • Vhiki rega rega zvichada maawa akawanda sei ndichiita zvechikoro? (VaF. 1:10)

  • Ndichaita makore akawanda sei ndichidzidza? (VaEf. 5:​15-17)

  • Ndichange ndichigara kupi? (1 VaK. 15:33)

  • Zvinoda mari yakawanda sei? (Ruka 14:28)

  • Kosi yandiri kuita iyi ichandibatsira kuti ndiwane basa rinoita kuti ndizviraramise uye kuti ndikwanise kunyatsoshumira Jehovha nemwoyo wese here? (Mup. 12:13)

18. Zvii zvatinofanira kuyeuka?

18 Kubva pane zvatakurukura, kuwedzera dzidzo kune zvakwakanakira uyewo kune zvakwakaipira. Saka nyatsonyengetera uchifunga kuti wosarudza zvipi. Yeuka kuti kana ukawedzera dzidzo, zvinogona kuita kuti ukwanisewo kuwana mari yekuti uzviraramise, asi kuva neushamwari naJehovha ndiko chete kunoita kuti munhu anyatsofara zvechokwadi. (Pis. 16:​9, 11) Yeukawo kuti Jehovha agara achingochengeta vanhu vake pasinei nekuti vakadzidza kusvika papi. (VaH. 13:5) Asi ngatitii wasarudza kuti unoda kuwedzera dzidzo yako, zvii zvichakubatsira kuti urambe uri pedyo naJehovha paunenge uri kuchikoro? Izvi ndizvo zvatichakurukura munyaya inotevera.

UCHIRI KUYEUKA HERE?

  • Maererano naVaGaratiya 6:​5, ndiani anofanira kuita chisarudzo panyaya yekuwedzera dzidzo?

  • VaKristu vanofanira kuona sei nyaya yekuwedzera dzidzo?

  • Zvii zvinofanira kufungwa nemuKristu paanenge achifunga kuti owedzera dzidzo yake here?

RWIYO 45 Kufungisisa Kwemwoyo Wangu

a KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Munyaya ino neinotevera, patiri kuti “dzidzo yekuwedzera” tiri kureva dzidzo inoitwa nemunhu paanopedza sekondari. Izvi zvinosanganisira zvinhu zvakadai semakosi mapfupi kana kuti marefu anoitwa pamayunivhesiti, anoitwa kumakoreji, kumabasa, kana kuti kune dzimwewo nzvimbo dzinodzidzisa vanhu mabasa emaoko.

b Kare, mabhuku edu akanga asingakurudziri Zvapupu kuti zviende kuyunivhesiti. Semuenzaniso, Nharireyomurindi yaOctober 1, 2005, yaiva nenyaya ine musoro unoti “Vabereki—Munoda Kuti Vana Venyu Vave Neramangwana Rakaita Sei?” Yakataura kuti munhu anogona kukanganiswa sei akaita dzidzo yepamusoro. Kunyange zvazvo zvinhu zvinogona kumukanganisa zvichiripo, nyaya yekusarudza kuwedzera dzidzo inyaya yekuti munhu anozvisarudzira ega. MuKristu mumwe nemumwe anofanira kunyatsonyengetera nezvenyaya iyi, otsvaga mazano ari muBhaibheri anogona kumubatsira uyewo onyatsofunga kuti zvii zvinodiwa kuti azopedza kosi yacho. Kana mwana achiri mudiki, mubereki anofanira kutanga aitawo zvinhu izvi asati asarudzira mwana wake. Hapana muKristu, kunyange mukuru, anofanira kutonga mumwe muKristu kana akasarudza kuwedzera dzidzo yake.—Jak. 4:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe