RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 9/8 pp. 20-22
  • Kufunda Kwokuwedzera Here kana kuti Kwete?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufunda Kwokuwedzera Here kana kuti Kwete?
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Murangariro Wakadzikama
  • Kudzokera Kuchikoro Neiko?
    Mukai!—1994
  • Dzidzo Ine Donzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Bhaibheri Rinoshora Dzidzo Here?
    Mukai!—1998
  • Vabereki—Munoda Kuti Vana Venyu Vave Neramangwana Rakaita Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 9/8 pp. 20-22

Kufunda Kwokuwedzera Here kana kuti Kwete?

IDZIDZO yakadini iri madikanwa kuti ugorarama? Mhinduro yacho inosiyana nyika nenyika. Kunoratidzika munyika zhinji kuti mwero wokufunda kunodikanwa kuzvitsigira umene wakakwirira zvikuru kupfuura zvazvakanga zvakaita makore mashomanene akapfuura. Mune zvimwe zvinoitika kufunda kwakaderera kunodikanwa nomutemo hakuna kukwana.

Pasina panikiro ichi ndicho chikonzero nei chiverengero chinowedzera chavanopedza kufunda chiri kudzokera kuchikoro panzvimbo pokuenda kunzvimbo yebasa. Zvamazvirokwazvo, tuso dzacho dzinoratidzika kuva dzinokwezva. The New York Times inodudza mushumo weEconomic Policy Institute uyo wakawana kuti “varume vanoshanda namadhipuroma echikoro chapamusoro bedzi vakatambura kuderera kwe 7,4 muzana muukoshi hwemibayiro yavo kubva muna 1979 kusvika muna 1987, nepo mibayiro yavanhurume vakapedza kufunda pakoreji yakawedzera ne 7 muzana.”

Vakapedza kufunda pakoreji vanotambira madhigirii ayo anogona kuzarurira suo kumikana yebasa. William B. Johnston, munzveri ane nzvimbo yapamusoro paHudson Institute, anoti: “Dhigirii rekoreji, kana kuti kunyange ufakazi hwokuva wakatora rutivi mukoreji, zvava chimiro chikuru chechipupuriro chikuru chebasa.

Kuno rumwe rutivi, kunofanira kubvumwa kuti vakapedza kufunda pakoreji vazhinji vanotamburira kuwana basa, uye havasati vari vasingatapurwi nokubudiswa basa. “Vazhinji veshamwari dzangu avo vakapedza kufunda neni havana mabasa,” anodaro Karl ane makore 22 okukura. Jim, ane makore 55, akapedza kufunda nokubudirira kwedzidzo payunivhesiti ine mukurumbira asi akabudiswa basa muna February 1992. Dhipuroma rake harina kumudzivirira, uyewo harina kumubetsera kutsvaka basa rakadzikama. “Nheyo yako inochinja kuva jecha,” anodaro.

Kufanana naJim, vazhinji vakapedza kufunda pakoreji vakazviwana vamene vari muicho U.S. News & World Report inodana kuti “purigatori yomuhofisi”—kuva muduku zvikuru zvokusagona kurega basa, kuva akura zvikuru zvokusagona kupinzwa basa neimwe kambani.

Naizvozvo, nepo koreji ingava nebetsero, nenzira yakajeka haisati iri mushonga. Uyewo haisati iri chisarudzo bedzi. Herbert Kohl anonyora muThe Question Is College, kuti: “Pane vanhu vazhinji vanobudirira vasina kuenda kukoreji namabasa mazhinji akaringanira ayo asingadi madhigirii ekoreji.” Rimwe sangano, somuenzaniso, rinopinza vanhu vasina kuenda kukoreji basa nokuda kwenzvimbo dzinowanzobatwa navakapedza kufunda pakoreji. Panzvimbo pokutsvaka madhigirii, kambani yacho inotsvaka vakumbiri vanoratidzira mano okubudirira. “Tikangowana munhu iyeyo bedzi,” anodaro mutauriri, “tinodavira kuti tinogona ku[mu]dzidzisa unyanzvi hwebasa hwakananga.”

Hungu, vazhinji vakasanozvigovera vamene nemhuri dzavo pasina betsero yedhigirii rekoreji. Vamwe vaava vakatora makosi pazvikoro zvamabasa, zvikoro zvokudzidzira mabasa, kana kuti makoreji asingagoveri pokugara, pakushandiswa kwakaderera kwenguva nemari.a Vamwe vakatanga bhizimisi kana kuti shopu yokugadziridzwa kwezvinhu pasitongorina rudzi rupi kana rupi rwerovedzo chaiyoiyo. Nomukurumbira wokuzvimirira, vakakwanisa kuchengeta basa rakatsiga.

Murangariro Wakadzikama

Chokwadika, hapana rudzi rwokufunda—kubatanidza koreji kana kuti imwe dzidzo ipi neipi yokuwedzera—runogovera vimbiso yebudiriro. Uyezve, Bhaibheri nomutoo wakarurama rinoti “chiono chenyika ino chiri kuchinja.” (1 VaKorinte 7:31, NW) Chiri chinodikanwa nhasi chingava chisina basa mangwana.

Nokudaro, munhu ari kurangarira dzidzo yokuwedzera angaita zvakanaka kurangarira betsero nedzisiri betsero. ‘Ndinogona kukwanisa ndyiko dzacho here? Imhoteredzoi navasonganiri zvandingaratidzirwa kwazviri? Makosi acho angaroverera rovedzo inoshanda iyo ichazondibetsera kuzvitsigira ndimene here? Ingandibetsera kugovera mhuri kana ndikachata pakupedzisira here?’ Vabereki vanotsigira vangava vanokwanisa kugovera zano rinokosha mukuwirirana nomutoro uyo Bhaibheri rinoisa pavari. (Dheuteronomio 4:10; 6:4-9; 11:18-21; Zvirevo 4:1, 2) Kana uri kurangarira betsero dzezvemari dzedzidzo yokuwedzera kana kuti rumwe rutivi rupi norupi rwayo, mashoko aJesu akakodzera: “Ndiani kwamuri, kana achida kuvaka svingo, usingatangi kugara pasi, akaverenga kukosha kwayo, kuona kana ane mari yokuipedzisa nayo?”—Ruka 14:28.

Zvamazvirokwazvo, kuronda dzidzo yokuwedzera kana kuti kwete chisarudzo chinofanira kusanorangarirwa. MuKristu nguva dzose anoyeuka mashoko aJesu ari pana Mateo 6:33: “Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama [kwaBaba venyu vokudenga]; izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.” Pakati pavaKristu vechokwadi, avo vasina dzidzo yokuwedzera havazvidzwi kana kuti kubatwa savakaderera, uyewo avo vane dzidzo yakatambanudzwa havarambwi kana kuti kudzingwa savane mipimo yakakwirira yetsika. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe munhu mhosva? Iye unomira kana unowa pamberi paShe wake. Uchamiswa hake, nokuti Ishe une simba rokumumisa.”—VaRoma 14:4.

Jesu akaratidzira uyu murangariro wakadzikama. Haana kuzvidza avo vakanga “vasina kudzidza, vasingazivi chinhu,” uyewo haana kudzivisa kusarudza Pauro akadzidza zvikuru kuti aite basa rokuparidza evhangeri ine simba. (Mabasa 4:13, 9:10-16) Muchinoitika chimwe nechimwe dzidzo inofanira kuchengetwa iri munzvimbo yayo, seizvo nyaya inotevera icharatidza.

[Mashoko Omuzasi]

a Gadziriro dzedzidzo yokuwedzera dzinosiyana munzvimbo nenzvimbo. Zvikoro, maraibhurari, uye mabasa ehurumende okupinza mabasa manyuko anokosha mukuwana inowanika munharaunda yenyu.

[Bhokisi riri papeji 22]

Dzidzo Yokuwedzera

Nharireyomurindi yaNovember 1, 1992, yakati pamusoro peZvapupu zvaJehovha noushumiri hwenguva yakazara: “Kombamiro yavose munyika dzakawanda ndeyokuti mwero wokufunda unodikanwa kuwana miripo yakanaka zvino wakwirira zvikuru kupfuura zvawakanga wakaita makore mashomanene apfuura. . . . Kwakaoma kuwana mabasa ane miripo yakanaka pashure pokupedza chete kufunda kuduku kunodikanwa nomutemo . . .

“Chii chinorehwa ne‘miripo yakanaka’? . . . Miripo yavo inganzi ‘yakakwana,’ kana kuti ‘inogutsa,’ kana chavanowana chichivabvumira kurarama zvakanaka chichivasiyira nguva yakakwana nesimba kuti vaite ushumiri hwavo hwechiKristu.”

Naizvozvo Nharireyomurindi yacho yakati: “Hapana mitemo yorumano inofanira kuitwa mukutsigira kana kuti zvimwe kurwisana nedzidzo yokuwedzera.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe