Nzou Ishamwari Here kana kuti Vavengi?
YAKANYORWA NOMUNYORI WAMUKAI! MUSOUTH AFRICA
NZOU dzinokosheswa nokuda kwezvikonzero zvakasiana-siana uye dzinovengwa nokuda kwezvimwe. Kuna vamwe idzo vashandi vanokosheswa, vane unyanzvi pakusimudza matanda mahombe uye kuaisa mumitsara yakanaka. Vamwe vanokoshesa nzou nokuda kwenyanga dzadzo, ganda, uye nyama. Vamwe vanongodziona bedzi setyisidziro kunyika yavo nezvirimwa.
Vanzveri vakawanda, kunyanguvezvo, vanokoshesa nzou nokuda kwenzira dzadzo dzinovaraidza. Cynthia Moss akapedza makore 13 achifunda nzou mumunhanga wemhuka weKenya weAmboseli. Mubhuku rake rinonzi Elephant Memories, anonyora, kuti: “Ndakaona nzoukadzi dzine chiremera dzinobatira savatungamiriri dzichitungamirira nokudzivirira mhuri dzadzo uye ndakadzionawo dzichirasikirwa nechiremera chose ndokumhanya-mhanya mukutamba miswe yadzo yakagonyanisirwa pamisana yadzo nokubwaira kwoupengo mumeso adzo.”
Daphne Sheldrick weKenya akapfuya nzou dzakaitwa nherera dzakawanda ndokudzidzorera musango. Mubvunzurudzo namagazini yeGetaway, akatsanangura, kuti: “Nzou duku dzose dzinopinda muno dzine mavara akasiana-siana, kungofanana nezvinoita vana vohunhu. . . . Dzinokwikwidzana zvishoma, dzinoita godo uye paunodziranga dzingatsamwa. . . . Dzimwe dzadzo dzingaita misikanzwa noune kana kuti kusateerera. Tinotofanira kudziranga, kungofanana nokuranga kwaunoita vana vohunhu.”
Kunze kwokuva dzinovaraidza, nzou dzinoita basa rinoshanda muchisiko. Chiverengero chine mwero munzvimbo yakaganhurirwa chinowedzera mhatsa nohuwandu zvamarudzi ezvinomera. Bhuku rinonzi Elephants, Economics and Ivory rinoronga mimwe mibato inokosha, yakadai sokuzarura mabani matsva, kuparadzira mbeu, uye kuderedza “chinoitika chemhesvi.” “Nzou,” vanogumisa kudaro vanyori, “dzine basa rinokosha rewirirano yezvisikwa mumabani anopisa eAfrica namasango.”
Zvisinei, kana kune nzou dzakanyanyowanda dzinoparira kuvadziko kuzvinomera. Ndipo apo dzinova muvengi wavanhu vakati. Nemhaka yaikoku, vezvokuchengetedza vanogarouraya dzomuraudzo kana kuti dzine utera kuderedza chiverengero chenzou munzvimbo dzakati dzakaganhurirwa. Muna mamwe mativi eAfrica umo nzou dzichine nzvimbo yakakura, kuuraya dzomuraudzo kana kuti dzine utera kuderedza chiverengero hakuna kutendeukirwa kwakuri. Ikoku kune betsero. “Mumunhanga wemhuka weKenya weAmboseli,” inotsanangura kudaro magazini yeNew Scientist, “uko kwave kusina kuuraya dzomuraudzo kana kuti dzine utera kuderedza chiverengero, nzou dzinofamba norusununguko pakati pavanhu uye hadziratidziri kuvatya.”
Nyanzvi dzesayenzi dziri kushandira pamitoo inotsiva yokuderedza mwero wokuberekwa kwenzou. Munguvayi, sezvo munhu achidzidza zvakawanda pamusoro penzou, pasina panikiro achawana zvikonzero zvakawanda zvokudzirangarira seshamwari.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]
Animals/Jim Harter/Dover Publications, Inc.