Parwendo muGhana
NOMUNYORI WEMUKAI! MUGHANA
RIMA nemhute zvazvinopera zvinokonzera chiedza chemangwanani, zvishoma nezvishoma tinofamba makiromita 80 mumugwagwa usina tara unoenda kuMole National Park iri kuRuwa Rwokuchamhembe kweGhana. Nzvimbo dzakapoteredza dzakanyanya kuzara uswa, makwenzi, uye miti mipfupi. Apo neapo tinopfuura musha muduku une dzimba dzakavakwa nevhu uye dzakapfirirwa netsanga.
Zvakasiyana zvikuru patinosvika muDamongo, dhorobha romumusha rakabatikana rine zvitoro, migwagwa ine tara, uye motokari dzakawanda! Vana vakapfeka yunifomu dzakaita gireyi uye shava vari kuenda kuchikoro. Vakadzi vakapfeka mbatya dzine mavara mavara vakatsiga zvinhu zvakasiyana-siyana pamisoro yavo—huni, zvokudya, uye migomo yakazara nemvura. Motokari nematirakita zviri kudhuruma, uye vatyairi vemabhasikoro vari kupfuura. Tasarirwa nemakiromita 20 kuti tisvike.
PaMole National Park
Pakupedzisira tinosvika papaki yacho. Maererano neaitiratidza nzvimbo, Zechariah, Nzvimbo Yokuchengetera Mhuka yeMole yakatangwa muna 1971 uye inofukidza nharaunda inosvika masikweya kiromita 4 840. Mupaki yacho mune marudzi 93 emhuka dzinoyamwisa, uye 9 anogara mumvura nokunze, uye marudzi 33 emhuka dzinokambaira. Idzi dzinosanganisira shumba, ingwe, mapere, zvidembo, nzou, mbizi, nyati, njiri, madhumukwa, mhembwe, tsimba, hwira-nondo, hovo, makudo, tsoko dzakasiyana-siyana, ngwarati, nungu, ngwena, uye nyoka kusanganisira shato. Uyezve, marudzi eshiri anodarika 300 ave achionekwa muno.
Tinofamba nomuuswa hunosvika mumabvi tichidzinga nhunzi nemaoko uye tinosvika pedyo neboka remhembwe nenguva isipi. Pakutanga, zvakaoma kudziona, sezvo ruvara rwadzo rwakafanana nezvakadzipoteredza. Patiri kudzitarira, dziri kutitarirawo zvokuti musiyano pakati pevashanyi nevashanyirwa unotadza kuoneka. Sezvatinotora mifananidzo, tinoshamiswa nokurira kunonzwika nechokurudyi rwedu. Uchiratidza kuti hauna kufarira kuvhiringidza kwatauita, mukono muhombe wedhumukwa unomhanyira muchisango chiri mberi.
Zvadaro, tinoona nzou hombe ina dziri pasi pomuti. Dzinodhonzera mapazi pasi nemisinga yadzo uye dzinotsenga mashizha akapfava. Tinoswedera pedyo, uye tava mamita 10 chete kubva padziri, Zechariah anotikurudzira kutora mifananidzo. Anorova kumashure kwepfuti yake, iyo inobudisa ruzha runoita kuti nzou dzacho dzibve pasi pomuti uye tinowana mukana wokutora mifananidzo inotova nani. Kusiri kure zvikuru, nzou dzacho dzinowana nzvimbo ine madhaka uye dzinoumburuka imomo. Zechariah anotsanangura kuti ruvara rwenzou dzacho runochinja—kubva pakuva nhema dzichiva tsvuku kana shava—zvichienderana noruvara rwedhaka radzinoumburuka mariri.
Tinofamba zvishoma uye tinonyatsoona zvakaita paki yacho. Zvinomera zvayo zvinosanganisira miti yemibayamhondoro nemishea yakaisvonaka. Pakudzoka, tinofamba nenzira yafamba nenzou dzacho. Dzichiri mamita anoverengeka kubva patiri, asi nzou huru pane dziri muboka racho inosimudza nzeve dzayo, inomira seinoda kurwisa, uye inouya kwatiri. Icharwisa here?
Zechariah anotiudza kuti tisatya, asi panguva imwe chete iyoyo, anobvisa pfuti yake pafudzi rake uye anotitungamirira kubva munzira yasarudzwa nenzou dzacho. Tinoramba tichifamba, muratidzi wenzvimbo nepfuti yake—uye isu nekamera dzedu—zvakagadzirira kushandiswa. Nenguva isipi nzou dzacho hadzichationi.
Zechariah anotsanangura kuti nzou dziri mupaki yacho dzakajairana nevanhu uye kuti dzimwe dzinotosvika pedyo. Nzou dzacho padzinoramba dzichionekwa, vanoratidza nzvimbo vanotanga kudzipa mazita. Imwe vakaiti Knobby nokuti yaiva nembonje hombe paganda rayo. Imwe nzou vakaipa zita rokuti Action nokuti yaimbovhundutsira vashanyi.
Zvadaro tinosangana nemakudo akati wandei. Tinoatarisa achizeya mumiti kana kumhanya pasi. Mutungamiriri wedu anotiratidza mai vegudo vakatakura vana vaviri, mumwe kumusana uye mumwe pachifuva. Mapatya, anotsanangura kudaro.
Zvechokwadi, taona mhuka dzomusango dzakati kuti nhasi. Zechariah anotiudza kuti mumwaka usiri wokunaya—pakati paApril naJune—munhu anotofanira kumirira patsime kuti aone mhuka nokuti mhuka dzacho dzinouya mumapoka makuru kuti dzinwe mvura. Anotiwo munhu anogona kuona dzimwe mhuka dzakawanda, kusanganisira nyati neshumba nokutyaira achipinda mupaki yacho nemotokari inodhonza nemavhiri mana.
Zvino yava nguva yokudya kwemasikati. Patiri kudya, gudo guru rinogara pamotokari yakapakwa pedyo neyedu uye rinonyatsotarisisa zvokudya zvangu. Mamwe makudo anopfuura nepedyo, pamwe nemhembwe uye nenjiri, uye pakupedzisira tinoona nzou ina pamusoro pekachikomo kari pedyo. Zvimwe tawana nzira iri nyore yokutora mifananidzo yemhuka idzi!
Pamusika
Nguva yatapedzera paMole National Park ishoma zvikuru, asi zvino tinotyaira kwemaawa maviri nomumigwagwa isina tara takananga kuSawla, dhorobha romumusha rinogarwa nevaLobi, dzinza revarimi. Vakadzi vedzinza iri vane tsika inoshamisa yokukudza miromo yavo. Kunyange zvazvo mazuva ano tsika yacho iri kupera zvishoma nezvishoma sezvo vasikana vaduku vari kuchinjwa nemararamiro emazuva ano, vakadzi vakawanda vachiri kudada noukuru hwemiromo yavo. Zvechokwadi, zvinoonekwa sokutuka kuudza mukadzi wechiLobi kuti ane miromo mipfupi seyomurume.
Tinosvika pane mumwe musha uye tinopinda mumusika. Matumba acho akavakwa nemapazi emiti uye ane matenga akapfirirwa. Pane murungu wechirume akamira mumusika wacho pakati pevanhu vatema vomuAfrica. Tinoenda kwaari uye tinowana kuti akauya kuno munguva ichangopfuura kuti ashandure Bhaibheri muchiLobi. Anogara mumusha uri pedyo pakati chaipo pevaLobi kuitira kuti agone kudzidza kutaura mutauro wavo zvakatsetseka. Zvinondiyeuchidza Robert Moffat, akatanga musha wevafundisi pakati pevanhu vokuchamhembe kweAfrica vanotaura chiTswana muzana remakore rechi19, ndokushandura Bhaibheri mumutauro wavo.
Mumwe mukadzi akura wechiLobi ane miromo yakakudzwa akagara pabhenji mune rimwe rematumba epamusika wacho. Zvimiti zviviri zvakacheneruka zvakakura senzara yechigunwe chikuru, zvakaiswa mumiromo yake. Ndinoda kumutora mufananidzo, asi pandinongosimudza kamera yangu, anotarisa kurutivi. Mumwe weshamwari dzangu anotsanangura kuti vaLobi vekare vaidavira kuti mweya wavo unogona kukanganiswa kwazvo kana mumwe munhu akavatora mufananidzo.
Pakudzoka kwedu kuSawla, kwatichanorara, ndinofunga nezvouchenjeri hwaMwari uye zvakasiyana-siyana zvataona muzvisikwa zvake. Akagadzira mhuka uye vanhu nounyanzvi. Zvakangoita sokudanidzira kwakaita munyori wepisarema kuti: “Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Makaaita ose nenjere; pasi pazere nepfuma yenyu.”—Pisarema 104:24.
[Mepu iri papeji 24, 25]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
GHANA
[Mufananidzo uri papeji 24]
Njiri
[Mufananidzo uri papeji 24]
Bere
[Mufananidzo uri papeji 25]
Boka remhembwe
[Mufananidzo uri papeji 25]
Nzou
[Mufananidzo uri papeji 25]
Mvuu
[Mufananidzo uri papeji 26]
Mai vegudo vakatakura vana vaviri
[Mufananidzo uri papeji 27]
Hwira-nondo
[Mufananidzo uri papeji 27]
Musika