‘Mudzidzisi Wangu Akakumbira Mamwe Mabhuku 20’
DANIEL ane makore gumi namanomwe okukura akapiwa mugove pachikoro chake chapamusoro muBoston, Massachusetts, U.S.A., kuti agadzirire mashoko pamusoro porudzidziso rweAsia. Anoti: “Mudzidzisi akatikurudzira kuenda kuraibhurari nokuda kwokunzvera. Ini ndaiziva kuti bhuku rinonzi Mankind’s Search for God, rakabudiswa neWatch Tower Society, raizova betsero huru. Ndakaenda naro kuchikoro ndokuriratidza kumudzidzisi. Akaororwa zvikuru nokuva kwaro risina kwarakarerekera, ururami uye kunyorwa kwemibvunzo nemhinduro zvokuti akaodha makopi 20 nokuda kwekirasi yose. Zvino ava zvinhu zvechikoro uye anoshandiswa nokuda kwekirasi imwe neimwe inotevera. Mupiro we [Z$350,00] wakapiwa kuti ubetsere basa redu redzidzo renyika yose.”
Mankind’s Search for God ibhuku ramapeji 384 rinoronda kutsvaka Mwari kworudzi rwomunhu kupfurikidza namarudzidziso makuru enyika. Rakashandurwa mumitauro 34, uye anopfuura makopi ana mamirioni 15 akagoverwa. Kana mungada kurava ichi chinyorwa chinokwezva, tapota onanai neZvapupu zvaJehovha paHoro yoUmambo iri pedyo nemi kana kuti nyorerai kero iri pedyo zvikurusa inowanwa papeji 5.