RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 3/8 pp. 29-30
  • Betsero Nokuda Kwenhamo Yako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Betsero Nokuda Kwenhamo Yako
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zivo yaMwari Nesimba Zvakadzikama
  • Shoko raMwari Rinotsanangura Chikonzero Nei Vanhu Vachifa
  • Nzira Yokukunaya
  • “Chemai Nevanhu Vanochema”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Kutsungirira Kusuruvara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Ndinogona Sei Kugara Nenhamo Yangu?
    Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa
  • Rufu—Chinhu Chinotyisa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 3/8 pp. 29-30

Murangariro weBhaibheri

Betsero Nokuda Kwenhamo Yako

“RUSURUVARO RUNOTIITAZVE TOSE VANA—RUNOPARADZA MISIANO YOSE YOKURANGARIRA. AKACHENJERA ZVIKURUSA HAPANA CHAANOZIVA.”—RALPH WALDO EMERSON, MUNYORI WENHETEMBO NOWENHAUWEAMERICA WEZANA RAMAKORE RECHI 19.

KUTAMBUDZA kworufu hakurwadzi bedzi asi kunopedza simba vazhinjisa vasara—murume, mudzimai, baba, amai, mwanakomana, mwanasikana, kana kuti shamwari. Akachenjera angabvunza mibvunzo asi ndokusanzwa mhinduro dzinozorodza, uye akasimba angachema mukuremerwa nenhamo asi ndokusawana nyaradzo. Varavi veBhaibheri vangayeuchidzwa nezvokuchema kwaDhavhidhi pakuurawa kwaAbsaromi anonyengera: “Mwana wangu Absaromi, mwana wangu, mwana wangu Absaromi! Ndingadai ndakafa hangu panzvimbo yako, haiwa Absaromi, mwana wangu, mwana wangu!” (2 Samueri 18:33) Uku kwaisava kuchema kwamambo pamusoro pomunyengeri; kwaiva kuchema kwababa nokuda kwomwanakomana wake afa. Kungava kuti iwewo wakava nokunzwa kwakafanana apo wakarasikirwa nomudiwa murufu.

Mukati menhamo huru, mibvunzo inonetsa ingauya kundangariro. ‘Neiko kwaifanira kuitika? Mwari aiziva here kuti ikoku kwaizoitika? Kana aiziva, neiko asina kukudzivisa?’ Kunyange zvazvo munhu angava achisanoziva Bhaibheri uye achiziva kuti vakafa vachamutswa, mibvunzo inotambudza ingada kufungisisa kukuru nokuda kwenyaradzo.

Mhinduro dzisina kururama hadziunzi gutsikano yechokwadi, inyaradzo yenhema bedzi. Kuudzwa kuti ‘Mwari aida mudikani wako’ kazhinji kazhinji kunosakisa kutsauka kubva kuna Mwari mushungu. Zvokwadi, seiri muBhaibheri, inopindura mibvunzo pamusoro penhamo ndokuswededza munhu pedyo naJehovha Mwari, panzvimbo pokumusundira kure naye. Tinovimbiswa pana 2 VaKorinte 1:3, 4 kuti ndiye Baba vengoni uye Mwari wokunyaradza kwose.

Zivo yaMwari Nesimba Zvakadzikama

Jehovha, Wamasimba ose, anoziva zvose zvinoitika muchisiko chake chikuru. Pisarema 11:4 inotivimbisa, kuti: “Jehovha, chigaro chake choushe chiri kudenga; meso ake anotarira, mafungiro ameso ake anoidza vana vavanhu.” Pana VaHebheru 4:13 muapostora Pauro akanyora, kuti: “Hakune chisikwa chisingaonekwi naye.” Mwari haangozivi bedzi asi anoitira hanya! Jesu akati: “Ko shiri duku mbiri hadzitengeswi nehafu yepeni here? Asi imwe yadzo haingawiri pasi kunze kwaBaba venyu. . . . Munopfuura shiri zhinji.”—Mateo 10:29, 31.

Mwari aigona kuve akadzivisa rufu rusingakarirwi rwomudiwa uye nhamo yakatevera here? Hongu, aigona. “Zvinhu zvose zvinobvira naMwari,” akadudza kudaro Jesu. (Marko 10:27, NW) Kare kare, Jehovha akanzwa munyengetero waHezekia ari kufa ndokumuporesa uye kuwedzera makore kuupenyu hwake. (Isaya 38:2-5) Hapana panikiro pamusoro pamano aJehovha okuita zvose izvo anoda, asi tinofanira kunzwisisa zvakawanda pamusoro pokuda kwake. Isu tose takatorava nhauro dzavanhu vakakuvadzwa zvakakomba kana kuti kurwara, bva vakararama. Jehovha akapindira mukuvamiririra here?

Vamwe vanhu vane masimba asiri enguva dzose okunaya uye chido chakasimba chokurarama. Ikoku kungatsanangura kunoratidzika kuva kunaya kwavo kwenenji. Kana kuti kumwe kurapa kutsva kungave kwakabvumikisa kuva kunobudirira. Nokudaro, hatifaniri kungoerekana tagumisa kuti Jehovha akapindira.—VaFiripi 4:13.

Shoko raMwari Rinotsanangura Chikonzero Nei Vanhu Vachifa

Pana VaRoma 5:12, muapostora Pauro anotsanangura nomutoo wakapfava zvikuru kuti tateguru wedu Adhama akapandukira Musiki wake uye akatongerwa nomutoo wakarurama kurufu. Sezvo tiri vazukuru vake, tiri vatadzi uye tinofa panguva ipi neipi. Hatina simbiso yokuramba tichirarama. Mambo Soromoni akachenjera wakare anokujekesa kuti nguva nezvinoitika zvisingadeyi kuonwa zvinogona kuwira munhu upi noupi panguva ipi neipi, ingava njodzi inouraya kana kuti kurwara kwakamwe kamwe kunouraya. Kana kuti mumwe anogona kuberekwa aine hurema hwokuberekwa nahwo uhwo hunopfupikisa upenyu hwake. Soromoni anotsanangurawo kuti naMwari kune nguva nomwaka nokuda kwechinhu chiri chose. Mwari akagadza nguva yokuporesa, kwete mumwe bedzi kana kuti vashomanene, asi rudzi rwose rwomunhu runotenda mukati mokutonga kwaKristu Jesu.—Muparidzi 3:1; 9:11; 1 VaKorinte 15:25, 26.

Rangarira uyu mufungo unozorodza: MaKristu haahesvurwi pangwavaira dzinotambudza rudzi rwomunhu uye nokudaro havana dziviriro kuzvinoitika zvakarovedzeka kurudzi rwomunhu. “Hakuno muedzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose.”—1 VaKorinte 10:13.

Nzira Yokukunaya

Rufu inguva yemisodzi yakasangana nouchokwadi hukurusa mukutsvaka Jehovha, Munzwi womunyengetero. Zvino kupfuura nakare kose, swedera pedyo naMwari. Zvino kupfuura nakare kose, dururira mwoyo wako mumukumbiro nokuda kwenzwisiso, nokuda kwesimba rokugadziridza. Bhaibheri rinotikurudzira kuita izvozvo bedzi. Petro anoti: “Kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuchengetai.” (1 Petro 5:7) Anozorodza sei mashoko aMwari ari pana Isaya 57:15: “Nokuti zvanzi noWakakwirira Uri kumusoro, unogara mukusingaperi, une zita rinonzi Dzvene: ndinogara pakakwirira napanzvimbo tsvene, uye nounomweya wakapwanyika unozvininipisa.” Akapwanywa anonamatira kuna Baba; pane ukama hukuru kupfuura nakare kose. “Swederai kuna Mwari, iye agoswedera kwamuri,” anonyora kudaro Jakobho. (Jakobho 4:8) Jakobho anotivimbisa kuti Mwari anoda kutipa uchenjeri nesimba zviri madikanwa nokuda kwokunaya.

Mukuwedzera, uchawana kuti uchava munhu anonzwira tsitsi pamusoro pemiedzo nenhamo zvavamwe, anonzwira urombo zvikuru. Uchaziva zvakawanda pamusoro penzira iyo vamwe vanhu vanonzwa nayo uye nzira yokupa nayo mashoko enyaradzo netariro. Ungave uchikwanisa kuyamura ari kutambura murusuruvaro rwake. Hongu, uchava nokunzwira urombo kukuru nokuda kwavamwe munhamo.—VaFiripi 2:1.

Kurasikirwa nomudiwa kunogona kuva kunotambudza uye kunorwadza kwenguva yakati, zvimwe kwenguva yakareba. Bva, pakupedzisira, kungapa chiono chakajeka chetariro iri mberi, tariro yokubatira Mwari pasina zvinoitika zvinorwadza. Tinogona kuva kunyange vakasimba zvikuru muhunhu hwedu hwechiKristu.—1 Petro 1:6, 7.

Naizvozvo pasinei hapo nokurwadza kwenhamo, usatongoregedza! Ngakuve kutsunga kwako kupfuurira kubatira Mwari nokutendeka nokuvimbika, kumbiri yake norukudzo uye kuruponeso rwako rusingaperi.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 29]

The Day Before Parting naJozef Israels:Chipo chaAlice N. Lincoln, Courtesy, Museum of Fine Arts, Boston

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe