Mutauro Wemhuka Dzomusango—Chiri Seri Kwokukurukurirana Kwadzo
NOMUNYORI WEMUKAI! MUKENYA
CHOKWADI, chimwe chezvipo zvinokosha zvikuru zvakapiwa vanhu ndicho chokugona kukurukurirana. Nokukurukurirana tinopfuuridzira mashoko anokosha kune mumwe nomumwe zvichida nemanzwi kana kuti pasina manzwi, zvakadai sokushandisa nhengo dzomuviri. Chaizvoizvo, rusununguko rwokutaura zvaunoda inhau inoitiranwa nharo zvikuru pasi pose. Naizvozvo, vamwe vakasvika pakuti kukurukurirana kunoitwa nevanhu chete.
Asi, kutsvakurudza ruzivo kunoratidza kuti mhuka dzinotaurirana kakawanda nenzira dzakaoma dzinotadza kunzwisiswa nevanhu. Chokwadi, ‘dzinotaura,’ kwete nemashoko, asi nezviratidzo zvinooneka zvakadai sokupinimidza miswe, kuzunguza nzeve, kana kubhabhama mapapiro. Dzimwe nzira dzokukurukura dzingasanganisira kushandisa inzwi, zvakadai sokuhukura, kuomba, kuhon’a, kana kuti rwiyo rweshiri. Mimwe ‘yemitauro’ yacho inozivikanwa nevanhu, nepo mimwe yacho ichida kudzidza kwesayenzi kwakanyanya kuti izivikanwe.
Zvikara!
Pakati paJuly. MuSerengeti National Park hombe yomuTanzania, zviuru nezviuru zvemvumba zviri kuenda kumusoro zvakananga kuMasai Mara Game Reserve muKenya zvichitsvaka mafuro manyoro. Nyika yakati sandara inotinhira noruzha rwomutsindo wadzo mukutama kwegore negore uku. Zvisinei, zvikara zvakavandira munzira. Nzira yacho izere zvikara, zvakadai seshumba, madindingwe, mapere, neingwe. Mvumba dzacho dzinoyambuka Rwizi rweMara kunyange zvazvo rwakazara makarwe. Mvumba dzinodzinga sei zvikara?
Kuti ivhiringidze muvengi, mvumba yacho inomhanya zvakanyanya kwedaro pfupi yotendeuka kuti itarisane nomuvengi, nguva dzose ichidzungudza musoro wayo. Inosvetuka-svetuka zvisinganzwisisiki, ichiita zvinosetsa. Kunyange chikara chinorura chingatombomira kuti chione kutamba uku kusinganzwisisiki. Kana chikara chacho chikada kuramba chichiuya, mvumba yacho inotamba zvekare. Izvi zvinovhiringidza chikara chacho zvokuti chinorega mvumba ichienda kana yapedza kutamba. Kutamba kwacho kusina nomusoro wose kwakaita kuti mvumba ive mhuka inovaraidza dzimwe mumasango.
Mhara, dzimwewo dzakada kufanana nemvumba, dzinozivikanwa nokuda kwokusvetuka kwadzo kukuru. Kune vakawanda, kusvetuka uku kunogona kuratidza unyanzvi hwokutomuka uye kumhanya zvikuru. Zvisinei, munguva dzenhamo, mhuka iyi inoshandisa unyanzvi hwayo hwokusvetuka kuti zviomere chikara kuibata nokuruma makumbo. Kusvetuka kwacho kungasvika mamita 9 pakureba, kunoudza chikara chacho mashoko ari pachena okuti, “Tevera kana uchifunga kuti unondibata.” Zvikara zvakawanda hazvidi kutevera kuti zvibate mhara inenge isingadi kubatwa!
Nguva Yokudya
Musango, zvikara zvakawanda zvinofanira kudzidzira unyanzvi hwazvo hwokuvhima kuitira kuti zvigone kunyatsovhima. Zvikara zviduku zvinofanira kunyatsoongorora apo vabereki vazvo vanozviratidza zvinoitwa pakuvhima. Mune rimwe sango rinochengetwa mhuka romuAfrica, dindingwe rinonzi Saba rakaonekwa richipa vana varo zvidzidzo zvinokosha zvokugona kurarama musango. Ranyangira tsinza kweinopfuura awa, rakasvetukira kumberi richibva raibata ndokudzipa mhuka iyi—asi harina kuiuraya. Gare gare, dindingwe iri rinonzi Saba rakadonhedzera mhuka yakanga yava nedzungu kuvana varo, uye zvaishamisa nokuti vaisada kumhanyira pamhuka yacho. Tuvana twedindingwe utwu twakanzwisisa kuti nei Amai vacho vakanga vatuunzira mhuka mhenyu. Vaida kuti vana vacho vadzidze kuuraya mhuka iyi. Mhuka yacho pose payaiedza kumuka kuti itize, vana vacho vakanga vave kunakidzwa chaizvo vaiiumburudzira pasi. Yaneta, mhuka yacho yakarega kurwisa kuti ipukunyuke. Achitarira ari chinhambwe, Saba akagutsikana nezvakanga zvaitwa nevana vacho.
Dzimwe mhuka dzine musambo wokuita ruzha padzinenge dzichitsvaka zvokudya. Boka remapere ane mavara rinoomba, kupfepfedza, nokuseka parinenge richitandanisa mhuka. Kana auraya mhuka, mamwe mapere anokokwa kuzodya nyama ‘nokuseka’ kwebere kunotyisa. Zvisinei, mapere haavhimi nguva dzose. Musango ndiwo shasha dzokutorera dzimwe mhuka nyama—achishandisa marudzi ose okutyisidzira kuti awane mhuka yaurayiwa. Anotozivikanwa kuti anotandanisa shumba panyama yadzo! Anozviita sei izvozvo? Noundururani hwawo, anoita ruzha seanopenga kuti avhiringidze shumba dzinenge dzichidya. Kana shumba dzacho dzikasasuduruka, mapere acho anotonyanya kuita musarinya oratidza chivindi. Dzavhiringidzwa, shumba dzacho kakawanda dzinosiya mhuka yadzauraya dzobva panzvimbo yacho.
Kana dziri nyuchi pakutsvaka zvokudya apa panoitwa basa rakaoma. Zvidzidzo zvesayenzi zvakaoma zvakaratidza kuti nokutamba, nyuchi inoudza dzimwe dziri mumukoko nezvenzvimbo, rudzi, uye kunyange zvakaita zvokudya zvayawana. Nyuchi inotakura rudzi rwezvokudya pamuviri wayo, zvakadai somuto kana kuti mukume wemaruva kuenda nazvo kune dzimwe nyuchi dzasara kumukoko. Ichibhururuka ichitenderera, inogona kuratidza dzimwe kune zvokudya uyewo kuti rwendo rwacho rwakareba sei. Uchenjere! Nyuchi iri kutenderera pauri inogona kunge iri kuunganidza mashoko anokosha okuenda nawo kumukoko. Ingafunga kuti pefiyumu yako iri kunhuwira inogona kuva chokudya chayo chinotevera!
Kuramba Dzichikurukurirana
Ruzha rushoma chete runoshamisa sokudzvova kunoita shumba muusiku hwakanyarara. Zvikonzero zvakawanda zvakataurwa nokuda kwokukurukurirana uku. Kudzvova kukuru kwomukono weshumba inyevero kune zvinhu zvose kuti iyo iri pedyo; kana uchida kudyiwa uya. Zvisinei, semhuka inoda kugara iine dzimwe, shumba inodzvovawo kuti irambe ichiziva kune dzimwe dzomuboka rayo. Kazhinji uku kungodzvova zvinyoronyoro, kusiri kwokutyisidzira. Humwe usiku shumba yainzwika ichidzvova kwemaminitsi 15 oga oga kusvikira imwe yayo yadavira nechokure zvishoma. Dzakaramba ‘dzichitaurirana’ kwemamwe maminitsi 15 kusvikira dzasangana. Dzakabva dzarega kudzvova.
Kusangana kwakadaro hakungoiti kuti pave noushamwari hwakanaka chete asi kunoitawo kuti dzichengeteke pamamiriro okunze akaipa zvikuru. Huku inokekedza zvakasiyana-siyana zvinopa mashoko akasiyana-siyana kunhiyo dzayo. Zvisinei, kwakanyanya kusiyana nokumwe ndokuya kwakakura kwainoita zuva rovira, ichiratidza kuti yauya kumba kuzorara. Dzichinzwa kudana kwaAmai, nhiyo dzakapararira dzinoungana pasi pemapapiro avo kuti dzirare usiku.—Mateu 23:37.
Kutsvaka Shamwari
Wakambomiswa pane zvawaiita nerwiyo rweshiri runonakidza here? Hauomeswi mate mukanwa nokugona kuimba kwadzo nziyo here? Asi, waizviziva here kuti dzinenge dzisiri kuda kukufadza? Nziyo dzadzo inzira yokutaurirana zvinhu zvinokosha. Kunyange zvazvo pane dzimwe nguva kuimba iri nzira yokuratidza nzvimbo yayo, kunoshandiswawo chaizvo pakukwezva jongwe kana sheshe. Maererano neThe New Book of Knowledge, “kuimba kwacho kunoderera nezvikamu 90 kubva muzana” kana jongwe nesheshe zvawanana.
Zvisinei, dzimwe nguva zvinoda zvinopfuura kungoimba rwiyo rwakanaka kuti iwane shamwari. Dzimwe sheshe dzinoda kuti “roora” ribhadharwe dzisati dzada jongwe. Saka, jongwe rejesa rinotofanira kuratidza unyanzvi hwokugona kuvaka dendere risati rambotanga kutsvetsva. Machongwe orumwe rudzi anoratidza kugona kwawo kugovera zvokudya nokutopa zvokudya kune sheshe.
Nzira dzakaoma kunzwisisa idzo mhuka dzinokurukurirana nadzo hadzingoshandi pazvinhu zvadzinoda pachadzo asi dzinobatsirawo pakuderedza kurwisana uye dzinoita kuti musango muve norugare. Nokutsvakurudza kwakawanda kuri kuitwa pakukurukurirana kwemhuka, tichafanira kunzwa zvakare kumwe “kutaura kwemhuka dzomusango” kwokupedzisira. Kunyange zvazvo tingasakunzwisisa zvizere—kunopa rumbidzo kune akakutanga, Jehovha Mwari.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 26, 27]
“Ruzha Rwakanyarara” rweNzou
Mumasikati anopisa muAmboseli National Park hombe iri muKenya, boka guru reNzou rinoita serisingavhiringidzwi nokupindirwa madzinogara. Asi, mhepo yakazara no“kutaura kwenzou,” kunobvira pakurira kuri pasi pasi kusvika pakuchema, kudzvova, kukuma, uye kupfepfedza kunoenda kure zvikuru. Kumwe kurira kwacho kwakaderera zvisingagoni kunzwiwa nevanhu asi kwakasimba zvokuti kunogona kunzwika neimwe nzou iri kure nemakiromita anoverengeka.
Nyanzvi dzemaitiro emhuka dzinoramba dzichishamiswa nenzira dzakaoma kunzwisisa idzo nzou dzinofambisa nadzo mashoko anokosha. Joyce Poole akapedza makore 20 achidzidza kukurukurirana kwenzou dzomuAfrica. Akasvika pakugumisa kuti zvisikwa zvikuru izvi, zvinozivikanwa nokuda kwenyanga dzazvo dzinodiwa zvikuru, zvinoratidza kunzwa kunowanikwa mumhuka shoma. “Zvakaoma kuona maitiro enzou anoshamisa apo dzinenge dzichisangana nenhengo dzemhuri yadzo kana dzimwe dzadzinowirirana nadzo kana kuti panozvarwa imwe mhuru . . . ukasafunga kuti dzine manzwiro akasimba anganyatsotsanangurwa nemashoko akadai somufaro, rudo, ushamwari, kuchangamuka, kunakidzwa, mafaro, tsitsi, rubatsiro, uye ruremekedzo,” anodaro Poole.
Padzinoungana pashure pokunge dzaparadzana kwenguva yakareba, kukwazisana kwadzo kunova kwokumhanyidzana, sezvo nhengo dzemhuri dzacho dzinomhanyirana misoro yakasimudzwa uye nzeve dzakapetwa uye dzichizunzwa. Dzimwe nguva, nzou ingatoisa chitamba chayo mumuromo meimwe. Kukwazisana uku kunoita sokunopa nzou dzacho mufaro mukuru, sokunge dzinenge dzichiti, “Heyi shamwari! Zvinofadza kusangana newe zvakare!” Ushamwari hwakadaro hunomutsiridza mubatanidzwa wadzo unokosha kuti dzirarame.
Nzou dzinoitawo sedzinoita nyambo. Poole anotaura nezvokuona nzou dzichidhonza makaperera miromo yadzo munzira yaaiti kunyemwerera, dzichizunguzira misoro yadzo munzira inoratidza kunakidzwa. Pane imwe nguva akatanga mutambo uyo mhuka dzacho dzaitambawo, uye kwemaminitsi 15 dzaiita zvisina musoro. Makore maviri gare gare, dzimwe dzaakatamba nadzo dzakaita sedziri “kumunyemwerera” zvekare, zvichida dzichiyeuka kutamba kwaakaita nadzo. Nzou hadzingonakidzi dzimwe pakutamba asi dzinotevedzera ruzha rwezvimwe zvinhu. Mune chimwe chirongwa chokutsvakurudza ruzivo, Poole akanzwa ruzha rwakasiyana norunoitwa nenzou chairwo. Pakuongorora, zvakafungwa kuti nzou dzacho dzakanga dziri kutevedzera ruzha rwaiitwa nemarori aipfuura nepanzvimbo yacho. Uye zviri pachena kuti dzaingoitira kunakidzwa! Zvinoita sokuti nzou dzinongotsvaka mukana wose kuti dzinakidzwe.
Zvakawanda zvakataurwa nezvenzira iyo nzou dzinoita sedzinochema kana imwe yemhuri yadzo yawirwa nenhamo. Poole pane imwe nguva akacherechedza imwe hadzi yakamira yakachengeta mwana wayo wayakanga yasvodza kwemazuva matatu ndokuzvitsanangura nenzira iyi: “chiso chayo” chaiita “sechomunhu awirwa nenhamo, akaora mwoyo: musoro wayo nenzeve zvakarembera, yakarembedza makaperera miromo yayo.”
Vaya vanouraya nzou kuti vawane nyanga dzadzo havambofungi ‘nezvokunetseka mupfungwa’ kwenherera dzingadaro dzakaona kuurayiwa kwaamai vadzo. Mhuru idzodzi dzinopedza mazuva mashoma okutanga dziri panochengetwa vana vemhuka dzakafirwa nevabereki dzichiedza kukurira “nhamo” yacho. Mumwe anodzichengeta akashuma nezvedzimwe dzakafirwa nevabereki vadzo dzainzwika ‘dzichichema’ mangwanani. Kukanganiswa kwacho kunogona kuonekwa makore akawanda pashure pokunge dzafirwa naamai vadzo. Poole anotaura kuti nzou dzinofanira kunge dzinoziva kuti kutambura kwadzo kuri kukonzerwa nevanhu. Tinotarira kunguva iyo vanhu nemhuka zvichagarisana murugare.—Isaya 11:6-9.
[Mufananidzo uri papeji 24, 25]
Madhakisi omumvura achikwazisana
[Mufananidzo uri papeji 25]
Mvumba iri kutamba kuti ivhiringidze muvengi
[Mufananidzo uri papeji 25]
“Kuseka” kwebere kunotyisa
[Kwazvakatorwa]
© Joe McDonald
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kutamba kwenyuchi