Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kuchinjira Kukutama Kwedu?
MHURI yenyu yakatama mazuva achangobva kupfuura aya here? Ipapo zvimwe unobvuma kuti zvinoitika zvishomanene muupenyu zvakaita sokunetesa—kana kuti sokurwadza. Uye pashure pokunge bhokisi rokupedzisira rabviswa zvinhu uye zvinhu zvomumba zvokupedzisira zvaiswa munzvimbo yazvo, ungave uchiri kunzwa kuora mwoyo, kusuruvara, kana kufunganya. Hazvinei kuti musha wenyu mutsva kana furati yakanaka kana kuti yakaderera nomutoo unoodza mwoyo kuyaichimbova imba yenyu. Uchiri kurasikirwa neyaichimbova imba yenyu, chikoro chako chakare, uye zvikurukuru shamwari dzako dzekare.
Chokwadika, ndokwomuzvarirwo bedzi kunzwa mumwe achirwarira musha wake wakare. Asi Bhaibheri rinopa zano, kuti: “Usati: Mazuva ekare anopfuura azvino nokunaka neiko? Nokuti haungabvunzi saizvozvo nouchenjeri.” (Muparidzi 7:10) Uchenjeri hunokubatsira kurangarira zvinhu nomutoo chaiwoiwo. Zvomenemene, ‘mazuva akare’ muyaichimbova imba yenyu akanga asina kukwana chaizvoizvo—zvichida kwete kutombosvika pedyo nokukwana. Sezvo kusati kuchiparadza chose chose upenyu hwako, kutama kungakupa mabanza matsva nebetsero. Kunyange zvakadaro, kuchinjira kukutama hakusi nyore. Chii, ipapo, chinogona kukubetsera mukuita kudaro?
Inzwa Wakasununguka
Mune zvokwadi zhinji mumashoko erwiyo rwakare rwaiti: “Kunzvimbo ipi neipi yandinonzwa ndakasununguka inogutsa kwandiri.” Hungu, panzvimbo pokugurukuta pamusoro penzvimbo dzawakasiya shure, kuregererei kushanda pakuita nzvimbo yako itsva musha wako? The Teenager’s Survival Guide to Moving rinokarakadza, kuti: “Nokukurumidza sezvaunotamiramo, edza kuita kamuri rako rinofadza uye rakarovedzeka.” Somuenzaniso, unganakisa kamuri rako nezvinhu zvakarovedzeka nemifananidzo. Kana uchigara mukamuri nomunun’una, edzai kukuita mushandirapamwe.
Munguva dzeBhaibheri wezvamapisarema akakurudzira vanhu vaMwari kuzvirovedzanisa vamene nedzimbahwe ravo, achiti: “Poteredzai Zioni, mupote naro, muverenge shongwe dzaro. . . . Fambai pakati pedzimba dzaro dzamambo.” (Pisarema 48:12, 13) Munzira yakafanana, ziva nharaunda yako. Wana kune nzvimbo dzezvitoro, chikoro chako chitsva, raibhurari yomunzvimbomo, uye kune zvimwe zvivako. Ikoku kuchakubetsera kunzwa wakasununguka zvikuru.
Pasina panikiro waiva nomuitiro wakagadzwa, kana kuti nzira yokuita nayo zvinhu, mumusha wako wakare. Kana ukadzokera nokukurumidza mumuitiro iwoyo wakare, uchakurumidza kunzwa wakasununguka. Zvikurukuru unofanira “kuramba uchifamba nomutoo une nhevedzano mumuitiro mumwe chetewo” pakureva nezvezvinhu zvomudzimu zvakadai semisangano yechiKristu nefundo yeBhaibheri.—VaFiripi 3:16, NW.
Mazuva Echikoro
Kuchinjira kuchikoro chitsva idenho makuri kumene, zvikuru kana wakatama pakati pegore rechikoro. Mune dzimwe nyika rudungwe rwezvidzidzo zvechikoro runorongwa munzvimbomo, uye rungava rwakasiana zvikuru nekosi yefundo yawaiva nawo muchikoro chako chakare. Ungazviwana umene uri shure nomutoo wakati kwavadzidzi muchikoro chako chitsva; ungatodikanirwa kudzoserwa kugiredhi riri pasi.
Kunyange zvazvo kungaraitidzika sokunoderedza panguva iyoyo, usaodzwa mwoyo; kusara shure mune zvedzidzo muuyo wakarovedzeka wokutama. Panzvimbo pezvo, kunyange zvazvo zvikoro munharaunda yako zvingava norudungwe rwezvidzidzo runogamuchirwa, kufunganya kwokutama nokuchinjira kuvanhu vakasiana, migariro, uye tsika, dzvinyiriro yokuedza kuyeuka mazita matsva akawanda—zvinhu izvi zvose zvinogona kubatana kuti zvipedze masimba ako okupa ngwariro. Chii chiri chigadzikiso? Edza kuzvipa nguva yokuwedzera nokuda kwebasa rinoitirwa kumba, uye pedza nguva shoma uchitarira TV. Sezvinobvira pashure penguva yakati kugona kwako muzvidzidzo kuchavandudzika.
Kuita Shamwari Itsva
“Kuita shamwari itsva kwaiva chaizvoizvo chinhu chinokosha [kukuchinja],” inodaro imwe pwere inonzi Brian ine mhuri yayo yakatamira kurutivi rwokumaodzanyemba kweUnited States. “Pashure pokunge ndawana shamwari shomanene dzezera rangu idzo dzaiva nefariro dzakafanana nedzangu, chinhu chiri chosewo zvacho chakava nyore. Chinhu chimwe bedzi ndichiri kurasikirwa nacho chaizvoizvo pamusoro pomusha wangu wakare kutamba ice hockey.” Somumwe weZvapupu zvaJehovha, Brian akatsvaka shamwari nenzira yokuchenjera pakati pepwere dzinotya Mwari dzinopinda muHoro yoUmambo yomunzvimbomo. Kana uchida nomutoo wakafanana shamwari dzine mipimo yakakwirira yetsika uye dzinoitira hanya chaizvoizvo pamusoro pako somunhu, Horo yenyu yoUmambo ndiyo nzvimbo yakaisvonaka kutarira.—Zvirevo 13:20.
Chokwadika, hautongoiti shamwari kupfurikidza nokufundumwara kana kuti kuzviparadzanisa umene. (Enzanisa naZvirevo 18:1) “Nzira yandakaita nayo shamwari itsva,” anodaro Anita, “yaiva kupfurikidza nokuita rutivi rwangu uye kuzvisuma ndimene. Ndakawanawo kuti kupfurikidza nokuva nechimiro chendangariro chakanaka—kungonyemwerera bedzi uye kutaridzika kuva anofara—vanhu vachauya ndokuzvisuma vamene.” Hongu, vanhu vachakweverwa kwauri kana iwe ukavapa chimwe chinhu chakanaka—nyemwerero youshamwari uye chimiro chendangariro chokufara! Uye iva anoshivirira. Ushamwari hunotora nguva kuvaka.
Pane dzimwe nguva unogona kuwana mavambo akanaka pakuvaka ushamwari, kunyanguvezvo, kupfurikidza nokushanyira musha wenyu mutsva unokarirwa pamberi pokutama kwako. Laura ane makore gumi namatatu okukura anoti: “Ndakatsamwa zvikuru apo ndakatanga kuziva kuti takanga tichizotama nokukurumidza. Asi ndave ndichikwanisa kupedza nguva ndichiedza kuziva vamwe vavana uko tiri kuenda uye ikoko kwandibetsera chaizvoizvo kunzwa zviri nani pamusoro pokutama.”
Ushamwari Hwakanaka Hunorwisana Noushamwari Hwakashata
Unoti pane here songaniro duku yakanaka inowanikwa pakati pavanhu vaduku muguta rako idzva? Ipapo “kudziridza” ushamwaridzani hwako. (2 VaKorinte 6:11-13) Pashure pazvose, humwe hwoushamwari hwomwoyo wose hwakanyorwa muBhaibheri hwakanga huri pakati pavanhu vane misiano ine mwero yezera—zvakadai saDhavhidhi naJonatani, uye Pauro naTimotio. (1 Samueri 18:1; 1 VaKorinte 4:17) Naizvozvo kuganhurirei ushamwari hwako kuvaenzani? Muungano yechiKristu mune vakura vane songaniro yaungafarikanya chaizvoizvo.
Sezvinobvumwa, vakadaro vangasakwanisa kuchengeta nhanho yako mumutambo wenhabvu. Uyewo vangasakwanisa kuteerera nziyo dzako dzaunofarira zvikuru. Kunyanguvezvo, vangava nezvakawanda zvokupa munzira yokuvaka ushamwaridzani. Sezvo nzira yakaisvonaka yokuva neshamwari iri kuva shamwari, ungatanga kupfurikidza nokuita chimwe chinhu chinobetsera nokuda kwaava vakura. Kana kuti kuregererei kungobvunza bedzi kana kwaizova kwakanaka kuti uite shanyo isina kurongwa? Ushamwari hunogutsa hungakura.
Kuno rumwe rutivi, kana waizongogara woga mukamuri rako ndokuzvinzwira urombo umene, waizogona kusatana kuva ane ukata uye akaora mwoyo. Ikoku kwaizokusiya usina dziviriro kuzvinogoverwa zvorudzi rwakashata zveshamwari. Mapoka avachiri kuyaruka, somuenzaniso, chinetso chakakomba munzvimbo zhinji. Anopikira pwere dzine ukata ushamwaridzani uye kunzwa kwokuva rutivi. Asi somunguva dzeBhaibheri, vanhu vaduku vakadaro vangaedzawo kukubatanidza mukuita chakashata, vachiti: “Uya . . . Ngatidenhei vanhu vasina mhaka nokuda kwokufara!” Asi Mambo Soromoni akachenjera akanyevera, kuti: “Mwanakomana, usaenda navanhu vakadaro. Gara kure navo. Havagoni kumira kuita chimwe chinhu chakaipa.”—Zvirevo 1:10-16, Today’s English Version.a
Nangidzira Ngwariro Pana Vamwe
Imwe nzira yechokwadi yokubvisa ndangariro dzako kubva pakuva noukata kutsvaka nzira dzokukurudzira vamwe—zvikurukuru mitezo yemhuri yako umene. “Kutama hakusi basa riri nyore kunyange nokuda kwavabereki vako,” inoyeuchidza kudaro magazini inonzi Current Health, “uye vanogona kushandisa tsigiro yose yavanogona kuwana.” Amai kana kuti baba vose vari vaviri vangava vari kuchinjira kumabasa matsva. Imba itsva kana kuti furati ingasava iri yakanaka kana kuti inofadza seyekare. Uye kana une vakoma kana kuti hanzvadzi, zvichida vari kuva nenhambo dzavo vamene dzoukata nokuodzwa mwoyo. Kuregererei kuva nechaungaita kuti ubetsere? Bvunza vabereki vako kana pane mabasa akati okuwedzera aungagona kuita. Kana vanun’una vako vachiratidzika kuva vane ukata, karakadza kupedza nguva yakati navo. Yeuka “rudo runosimbisa” vose vari vaviri vagamuchiri varwo navari kururatidza.—1 VaKorinte 8:1.
Mukukamuranisa kwokupedzisira, ipapo, hazvinei kuti unoda here kana kuti haudi musha wenyu mutsva kuchatsamira zvikuru pauri. Tinoyeuchidzwa nezvenhau yomurume akwegura akachenjera akasvikwa nemotokari mbiri dzakazara navaeni. “Tiri kufunga zvokutamira kuno,” yakadaro mhuri yaiva mumotokari yokutanga. “Vanhu vacho vakadini?” Mukweguru akapindura, kuti: “Vanhu vakadini kwamunobva?” Mhuri yakapindura, kuti: “Tinobva mutaundi rine ushamwari. Vanhu vane rupo uye vane mutsa uye vanofarira zvikuru vaenzi.” Mukweguru akanyemwerera. “Ndinofunga mungakuda kuno,” akadaro. “Vanhu kuno vakangofanana.”
Mukweguru akabvunza mhuri yaiva mumotokari yechipiri mubvunzo mumwe chetewo. Vakapindura, kuti: “Tinobva muguta duku rine tsvina. Vanhu ikoko vane usimbe uye vane ruzha uye vanyeyi vanonyanyisa.” Mukweguru akafinyanisa pachiso. “Handifungi kuti mungava vanofara kuno,” akadaro. “Vanhu kuno vakangofanana.”
Chii chiri donzo renhau yacho? Vanhu vanodokungova vakafanana kunzvimbo iri yose. Uye kana uchifarikanya kana kuti uchizvidza songaniro yavo kunotsamira zvikuru pazvimiro zvako umene zvendangariro, mifungo, uye nzira dzokubata nadzo navamwe. Naizvozvo chengeta chimiro chendangariro chakanaka! Ita chisarudzo chokuti uchaita kutama kwenyu kuve kunobetsera nokuda kwako. Aiwa, zvinhu hazvingatongovi zvakafanana. Asi nechiito neshiviriro, unogona kuita zvinhu zvive zviri nani kupfuura nakare. Chero bedzi une avo vanokuda chaizvoizvo, nzvimbo ipi neipi inogona kuva musha zvirokwazvo.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Ndinofanira Kupinda muChikwata Here?” iri muchinyorwa chaMukai! wechiNgezi, chaJune 8, 1991.
[Mufananidzo uri papeji 14]
Tanga kuita shamwari itsva