Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Neiko Tichifanira Kutama?
Unouya kumba kubva kuchikoro uzerwe nerongedzero zhinji nokuda kwokupera kwevhiki—zuva pamhenderekedzo yegungwa, mutambo webhora, madekwana akanyarara anopedzerwa mukurava kuti kurava kwakati kupere. Asi apo Amai vanosvika pamba vachibva kubasa, chiso chavo chinokuudza kuti chimwe chinhu hachina kururama. ‘Vandipa chisarudzo nhasi chiri pakati pokuchinja basa kana kuti kuburitswa basa,’ vanodaro. ‘Ndinofunga kuti mhedziso ndeyokuti tinofanira kutama.’ Kamwe kamwe unoodzwa mwoyo.
KANA mhuri yenyu yodokutama, hamusimi moga. Munyika dzakabudirira, kutama kwava chinoitika chakarovedzeka muupenyu nokuda kwemhuri zhinji. MuUnited States, somuenzaniso, Bureau of the Census inofungidzira kuti muAmericawo zvake achachinja pokugara ka 12 mukati menguva yenduramo yake. Chokwadika, gore riri rose dzinodokuva pwere dzina mamirioni 12 dzeAmerica dzinotapurwa nefunganyo dzokutama! Zviverengero zvakadaro zvingava zvenyaradzo duku, kunyanguvezvo, apo inenge iri mhuri yenyu iyo iri kutama. Unganzwa wakurirwa bedzi nekariro yacho. ‘Neiko tichifanira kutama?’ ungabvunza nomutoo wakakasharara.
Mhuri Dziri Kutama
Kazhinji kazhinji mhuri ine chisarudzo chiduku munhau yacho. Munguva dzeBhaibheri mhuri yaErimereki naNaomi yakamanikidzirwa kutizira kunyika iri pedyo yaMoabi apo nzara yakaparadza Israeri. (Rute 1:1, 2) Vabereki vazhinji nhasi vanozviwana vamene vari mumigariro yakafanana. Munyika dziri kubudirira, kusanaya kwemvura nokuregeredzwa kwemhoteredzo zvakamanikidza mamirioni kutamira kumaguta akatsvikinyidzana uye nzvimbo dzeyamuro—kana kuti kudzimwe nyika. Munyika dzokuMadokero, kuderera kwezvemari kwakakonzera mafekitari asingaverengeki namabhizimisi kuvhara. Dzaichimbova nyika dzokurima dzinobudirira dzakava dzisina mhindu. Mabasa akava anoshaika. Naizvozvo vabereki vako vangava vasina chisarudzo chokuita kunze kwokutamira kunzvimbo yakabudirira zvikuru.
Zvisinei, hadzisi mhuri dzose dzinotama kutiza urombo. Kukwidziridzwa pabasa, kuchinja kwenzvimbo yebasa yomubereki, kuputsika kweroorano, utano husina kutsarukana, mugariro wakashata zvikuru wokunze—zvose zvaizvozvi zvikonzero zvakarovedzeka nei mhuri dzakati dzichitama. Nyanzvi yamagariro avanhu John D. Kasarda anocherechedza chimwe chikonzero chakakurumbira: “Pane mufungo wokuti maguta akashata zvikuru nhasi. Mirimo, zvikurukuru, yakatungamirira kuwedzero inokurumidza zvikuru muubhinya kuvanhu vamwe navamwe nezvinhu.” Vamwe vanofunga kuti kwaizova kwakakotsekana kurarama mumasabhabhu kana kuti taundi duku.
Munguva dzeBhaibheri, Abrahama akatama kubva mumusha wake unofadza muUri kuti abatire fariro dzaMwari. (Genesi 12:1; VaHebheru 11:8) Nomutoo wakafanana nhasi, mhuri dzakati pakati peZvapupu zvaJehovha dzakatamira kunharaunda uko kune dikanwo yavaparidzi vakawanda veshoko roUmambo. (Mateo 24:14) Vamwe vakavamba kupinda muungano iri pedyo uko kune dikanwo yavatariri kana kuti vabatiri vanoshumira. Nepo kutama kwakadaro kungasabatanidza kuchinja pokugara, kunoreva kuchinjira kuboka idzva ravanhu nemigariro.
Chipi kana chipi chingava chikonzero chokutama kwemhuri yenyu, zvichida kwakanga kusiri pfungwa yako. Nomutoo unonzwisisika, ungasava anofara chose chose pamusoro pako.
Mirangariro Yakavhengana
Hakusi kuti kutama kwose kwakashata. Justin ane makore gumi namaviri okukura anofinyama apo anoyeuka musha wake womunguva yakapfuura muguta guru. “Kwaityisa kwazvo,” anodaro. “Makanga mune masimba masimba akawanda zvikuru munharaunda yedu. Waisagona kufamba mamita 50 kubva pamba pasina kuzvidya mwoyo pamusoro pezvikwata. Vanhu vaigara vakazvivharira mudzimba dzavo. Ndaikuvenga. Apo ndakaziva kuti takanga tichitama kuenda kumaruwa, ndakafara zvikuru.”
Kunyanguvezvo, mufungo wokusiya shamwari dzako nezvakapoteredza zvakarovedzeka ungakusiya nokunzwa kwakavhengana. Anita muduku akava nokunzwa kwakadaro apo akaziva kuti mhuri yake yakanga ichitama. “Ndakanga ndararama zvikurukuru pamuzinda wamauto eUnited States muEngland,” anoyeuka kudaro. “Ndakazvirangarira ndimene kuva wokuBritain zvikuru kupfuura kuva wokuAmerica. Apo ndaiva namakore gumi, ndakaziva kuti baba vangu vakanga vari kuchinjirwazve kuUnited States, kuNew Mexico—gwenga! Pakutanga handina kuziva chokufunga. Ndakafadzwa zvikuru asi ndaitya. Ndakanga ndisingadi kusiya shamwari dzangu. Ndirwo rwakanga ruri rutivi rwakashata zvikuru rwokutama.”
Nei Kutama Kuchirwadza
Nhasi, vanhu vaduku vanoratidzika kuva zvikurukuru vasina dziviriro kufunganyo dzokutama. Reader’s Digest, rinoti: “Nyanzvi dzezvoutano hwepfungwa dzinotiudza kuti kunyange kutama kwakanaka ndichinoitika chinorwadza,chinofunganyisa mumurangariro.”
Kutanga, manyemwe nekariro zvokutama zvinofunganyisa mazviri zvimene. Kunonozeka kusingadzivisiki nemhinganidzo zvinogona kukuchidzira funganyo yacho. Bhaibheri rinoti: “Tariro kana ichinonoka, inoodza mwoyo.” (Zvirevo 13:12) Kunyange apo munhu ari wose anotarira mberi kwakuri, “kutama kunogona kumutsa kusuruvara nefunganyo zvine mwero mumitezo yemhuri,” inodaro magazine inonzi Parents. “Ikoku imhaka yokuti chiito chokuonekana chinomutsa kunzwa kwokurasikirwa nokusava nechokwadi pamusoro pezvisingazivikanwi.” Naizvozvo hakusi kwechienzi kupinda nomumuedzo wokunzwa—katyamadzo, kushatirwa, kukangaidzika, zvimwe chetezvo nokuora mwoyo.
The Teenager’s Survival Guide to Moving rinoti: “Kutama kunoreva zvinopfuura kungochinja pokugara bedzi. Kunoreva kuchinja kwamativi mazhinji oupenyu hwako—chikoro chako, vadzidzisi vako, mibato yako, shamwari dzako. Uye chinjo yakaoma nguva dzose, kunyange kana chinjo iri vandudziko.” Mushandi wezvamagariro avanhu Myra Herbert anotaura kuti kutama kwakawanda kungaguma ne“kundikano nokusafara.” Kutanga, vana vanotama kakawanda “vanochinja purogiramu dzechikoro nguva dzose uye zvikurukuru kana kufunda kwakaoma nokuda kwavo, vanorega pane imwe nhambo mukutama kwacho.” Kusiya shamwari, anodaro, “kwakaoma zvikurukuru” nokuda kwepwere.
Kugonana Nokutama
Kuri nyore kuona, ipapoka, chikonzero nei kariro yokutama ingakuita akatsamwa, ane pfundepfunde, kana kuti akashatirwa. Kunyange zvakadaro, kufunga nguva dzose kunzwa kwakashata kuchaomesa bedzi zvinhu zvikuru. Zviri nani zvikuru kuedza kusakurira murangariro wakanaka. Mirangariro yakashata, yakadai sefunganyo kana kuti kusuruvara, yakarovedzeka zvikuru pasi peiyi migariro. Kazhinji kazhinji kunzwa kunopera pashure penguva yakati. Munguvayi, edza kunangidzira pabetsero dzokutama.
Anita, adudzwa pakuvamba, zvino ava namakore 15 uye chibviro chokutama kwavo kwokupedzisira haana kutongotamazve. “Apo ndakatama, ndakasuruvara zvikuru,” anoyeuka kudaro. “Asi ipapo ndakatarira kurutivi rwakanaka—kuti ndaizosangana navanhu vatsva ndokuenda kunzvimbo dzinofadza.” Anofara uye akachinjira zvakanaka mumusha wake mutsva.
Pane dzimwe nguva, pasinei zvapo nenhamburiko dzako dzakanakisisa, mirangariro yakashata inopfuurira. Kana zvakadaro, usaifuratira. Pashure pazvose, “mweya wakaputsika” unogona kukukuvadza mumuviri. (Zvirevo 17:22) Zvimwe unoda kupa ngwariro yakawanda kudikanwo yako nokuda kwokuzorora, kurovedza muviri, kana kuti kudya kunovaka kwakakodzera. Panguva imwe cheteyo, ungafanira kutaura pamusoro pokunzwa kwako, zvikurukuru navabereki vako. (Zvirevo 23:26) Ngavazive rutyo rwako neitiro hanya.
Somuenzaniso, unotambudzika here pakubviswa kwezvinhu zvinokosheswa nemhaka ‘yokushaikwa kwenzvimbo’? Kana kuti unonzwa here kuti kutama kuri pedyo zvikuru nebvunzo dzako dzechikoro uye kuti unonyanyodzvinyirirwa zvikuru? Ipi neipi ingava nyunyuto yako, Zvirevo 13:10 inotiyeuchidza, kuti: “Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara; asi uchenjeri huri kuna vanotenda kurairwa.” Vabereki vako vangabvuma kuita bvumiro dzakati. Kana zvisizvo, zvisinei, vangakupa kunzwira urombo kwavo, tsigiro, uye vimbiso.
Usabvumira runyerekupe nenhau dzinotyisa pamusoro pomusha wenyu mutsva kuti zvinetese nhamburiko dzako dzokuchengeta chimiro chendangariro chakanaka. Zvirevo 14:15 inoti: “Usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.” Tsvaka maidi chaiwo nokuda kwako. Anita anoti: “Ndakaenda kuraibhurari ndokunzvera magariro netsika zvenzvimbo dzatakatamira kwadziri.” Zvimwe unogona kushanyira musha wenyu mutsva pachine nguva mberi kana musiri kutamira kure zvikuru. Ikoku kunogona kuita zvakawanda kugadzikisa kupanikira kwako ndokugadzirira pfungwa dzako nokuda kwokutama.
Sezvinobvumwa, kubva hakusati kuchizova nyore. “Usati watama,” rinokarakadza kudaro The Teenager’s Survival Guide to Moving, “ita shanyo imwe yokupedzisira kunzvimbo dzako dzaunoda zvikuru . . . , uye ingoti sarai zvakanaka bedzi kwadziri.” Ungada kuita arubhamu yemifananidzo kana kuti bhuku rokunamatidza mifananidzo yamapepanhau kuchengetedza yeuko dzako. Chinokosha zvikuru, iva nenguva yokuti sarai zvakanaka kushamwari dzako. Dzivimbise kuti ukama hwako hahuna kuguma. Muapostora Johane akashandisa “nwadhi neingi” kuramba achikurukurirana naavo aida, uye unogona kuita zvimwe chetezvo! (2 Johane 12) Nokutsunga nenhamburiko, kunyange ushamwari hwedaro rakareba hunogona kukura.
Pashure penguva yakati misodzi yako yeonekano ichaoma, uye uchatarisana nedenho yokuchinjira kumusha wako mutsva—musoro wenyaya iri muchinyorwa chedu chinotevera.
[Mufananidzo uri papeji 11]
Kuregererei kunzvera pachine nguva mberi ndokudzidza pamusoro pomusha wako mutsva?