Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Nziyo Dzinogona Kundikuvadza Zvomenemene Here?
TOM akanga ari wamakore 14 okukura wenguva dzose—mudzidzi akanaka zvikuru aida kuitira zvakanaka vavakidzani vake. Asi pashure pokutenga sitiriyo inodhura, akavamba kuteerera kunziyo dzeheavy metal.
Tom akava zindoga wenguva dzose mukamuri rake. Baba vake vanoyeuka, kuti: “Ndaiti, ‘Haungagoni kugara mukamuri rako nguva dzose ndokuteerera sitiriyo yako.’” Asi Tom akaramba achiteerera. Ipapo, rimwe zuva muchando, akabaya amai vake kusvikira vafa ndokuzviuraya. “Udzai vabereki kuongorora rudzi rwenziyo idzo vana vavo vanoteerera,” vanonyevera kudaro baba vakarwadziswa vaTom. Mazuva apamberi pokuuraya, Tom akanga aimba aimbazve nziyo pamusoro “peropa nokuuraya amai vako.”
Chinoitika chokunyanyisa here? Zvamazvirokwazvo. Uye nepo zvimwe zvinhu pasina panikiro zvakaita rutivi mune iyi ngwavaira, kunopa ufakazi hwechimwe chinhu icho pwere dzakawanda dzinokombamira kurerutsa: Nziyo dzinogona kukupesvedzera! Ungasava anofarira nziyo dzeheavy metal, kana kuti sezvingabvira anoenda kumitambo yamasimba masimba. Zvakare, nziyo dzinogona kukutapura munzira dzaungasatoziva.
Simba Renziyo
Nziyo dzine simba. Zvamazvirokwazvo, dzinogona kuparira chinjo yose yemirangariro yavanhu—kubvira pakusafara nokunzwira tsitsi kusvikira kurudo nomufaro. Nziyo dzinogona kusakisa mumwe kuterama uye kunyandurira mumwe kutsamwa. Dzinogona kukurudzira kuzvipira uye kukudziridza kuderera. Hakushamisi, ipapoka, kuti kubvira munguva dzakare, nziyo dzave dziri chishandiswa chikuru cha“mwari wetsika ino yezvinhu,” Satani Dhiabhorosi.—2 VaKorinte 4:4, NW.
Kuenzanisira: Nokukurumidza pashure pokunge vaIsraeri vanunurwa muuranda muEgipita, vakasiya kunamatwa kwaJehovha nokuda kwouko kwemhuru yendarama. Chii chakaperekedza mufambiro wavo unozvidza? Nziyo dzakashata nedzoutere! (Eksodho 32:1-6, 17, 18) Uye apo Mambo anozvikudza Nebhukadnezari akaraira vadzorwi vake kunamata mufananidzo wechihedheni, akatsvaka sei kunyandura tsigiro yenyika neyorudzidziso zvavanhu vake? Kupfurikidza nokushandisa nziyo dzinonyandura!—Dhanieri 3:1-7.
Tinofanira, naizvozvo, kukarira Satani kushandisa nziyo kutsausa vanhu nhasi. Iye ndiye “muchinda wesimba redenga, [mudzimu, NW] unobata zvino muvana vokusateerera.” (VaEfeso 2:2) Dzakawanda dzenziyo dzanhasi dzinoratidzira mudzimu waSatani wokupandukira. Uye hakushamisi, sezvo kuri nokuda kworutivi rukurusa rwakanyorwa naavo Bhaibheri rinoti vari ‘kufamba mukusava namaturo kwendangariro dzavo, uye vari murima mundangariro, uye vakabviswa kuupenyu hwaMwari.’ Zvamazvirokwazvo, kutonga nemitoo yavo youpenyu, vaimbi vazhinji vakakurumbira, vaimbi venziyo, uye vaiti venziyo vaka“fambawo noupenzi hwokurangarira kwavo.”—VaEfeso 4:17-19.
Kuteerera kunziyo dzavo nokudaro kunogona kuisa ngozi chaidzoidzo kupwere dzechiKristu. Hakurevi kuti nziyo dzose dzakakurumbira dzakashata kana kuti nziyo dzerock ndidzo nziyo bedzi dzaunofanira kungwarira pamusoro padzo.a Nziyo dzisina kunaka dzinogona kuwanwa pakati penziyo dzisina mashoko uyewo nziyo dzamashoko. Asi nepo munguva dzakapfuura nziyo dzakati dzakadudza kana kuti kukarakadza utere, zhinji dzenziyo dzanhasi dzinosimudzira utere noushingi husingaenzaniswi.
Hadzina Kukodzera Nzeve Namaziso
Rangarira nziyo dzeheavy metal—zvikurukuru zvimiro zvakashata zvomutinhimira werock izvo kazhinji kazhinji zvinoridzwa pakuvhuriswa kwomutinhimira kunokuvadza nzeve. Mabhendi eheavy metal zvikurukuru anoshandisa mazita akadai sePoison, Skid Row, Guns N’ Roses, uye Slayer. Magazini yeTime yakati: “Mazita amabhendi oga anoratidzira mifananidzo yamasimba masimba, kutambudza uye rufu.” Zvimwe chetezvo zvinogona kutaurwa nezvebasa rounyanzvi rinotyisa rinoumba zvifukidziro zvamaarabhamu uye kazhinji kazhinji zvinorondedzera zviratidziro zvoushati.
Asi zvakadiniko nenziyo idzo dzimene? Dzinoratidzira misoro yakadai sokuti “Nyama Neropa” uye “Chishuvo Chokuparadza” uye dzine mashoko enziyo anorumbidza kushusha kwavarume vane simba, kubata chibharo, uye kuponda. Naizvozvo hakushamisi kuti bhuku renziyo dzeheavy metal rinonzi Stairway to Hell rinoidza heavy metal kuva “rukundo nokutaura kwakashata, kukurumidza, kutaura kwakananga, kusakendenga kwamasimba masimba.” Nziyo dzeheavy metal dzabatanidzwazve nokushandisa zvisina kufanira mirimo, ushati, uye kuzviuraya pakati pavateereri. Bva, mukuwirirana nemishumo yenhepfenyuro, heavy metal iri kugamuchirwa navanhu vazhinjisa.
Dzakawanda dzenziyo dzerap (kana kuti, hip-hop) nenzira yakafanana dzinopfuura ushati hwakanyanyisa.b Time magazini inoti: “Vadetembedzi verap . . . vanoraira simba rehondo mukurwisana namapurisa kana kuti kudisa chaikoiko . . . vatano.” Nenzira yakajeka, mashoko enziyo dzakawanda dzerap akanyanyoshata zvokusagona kuanokora mashoko pano. Tichinongedzera kune imwe yenziyo dzakadaro, mumwe musikana achiri kuyaruka akati: “Shoko rokutanga rakaimbwa—uye ndakakatyamadzwa!”
Zvisinei, dzakawanda dzenziyo dzinopesvedzera dzerock hadzina kukodzera nzeve dzomuKristu. Nepo nziyo 40 dzakakurumbira zvikurusa dzisingazvidzi kakawanda senziyo dzerap kana kuti heavy metal, vazhinji vachiri nokunyengera—kana kuti pachena—kusimudzira utere hwevatano uye mimwe miitiro isiri yechiKristu. Mavhidhiyo enziyo, akakurumbira zvikurusa pakati pepwere, anowedzera simba renziyo kupfurikidza nokuwedzera mifananidzo ine simba yokuona. Mune kumwe kunzvera kwamavhidhiyo enziyo, 57 muzana akawanwa kuva ane masimba masimba, uye 75 muzana akanga ane zviono zvoutere hwevatano. Kupfeka kwokunyandura uye kutamba kwoutere zvakawanwawo kuva zvinoratidzirwa nguva dzose mumavhidhiyo enziyo.
Dzinogona Kukuvadza Here?
Panzvimbo pokuva dzinokurudzira nedzinovaka, zhinji dzenziyo dziri kusimudzirwa nhasi nenzira yakajeka nde“dzenyika, dzoushati, dzoudhemoni.” (Jakobho 3:15, NW) Nenzira inoshamisa, kunyange zvakadaro, hadzisati dziri pwere dzose dzechiKristu dzinoona chinetso chipi nechipi nokuteerera nziyo dzakadaro kana kuti kutarira mavhidhiyo. “Haufaniri kunetseka pamusoro pamashoko enziyo munziyo dzerap,” anotaura kudaro mumwe musikana muduku. “Haugoni kudzinzwisisa zvisinei!” Munhu upi noupi akaedza kuongorora mashoko enziyo dzerap angabvuma kuti pane chokwadi muna ikoku.
Pwere hadzisati dzichiwana revo yakavanzika nguva dzose yenziyo dzakakurumbira. Mune kumwe kunzvera, vachiri kuyaruka vakaudzwa kurondedzera zviri mukati zvenziyo dzakati dzakakurumbira. Pwere zhinjisa hadzina kunzwisisa misoro inonyengera yevatano, masimba masimba, mirimo, uye ushati izvo zvakapinda munziyo dzavo. The Journal of the American Medical Association nokudaro yakagumisa, kuti: “Hakuna ufakazi hwokuti idzi nziyo dzine tapuro ipi neipi [inokuvadza] pamufambiro wavechiduku.”
Bhaibheri rinoratidzira neimwe nzira, kunyange zvakadaro. Kutanga, rinotiudza kuti “songaniro dzakashata dzinoshatisa miitiro inobetsera.” (1 VaKorinte 15:33, NW) Zvino, ungapedzera here maawa uchisonganirana kana kuti kuteerera kune mumwe munhu anoshandisa mutauro wakashata zvikuru, anokukurudzira kushandisa mirimo, anotsigira kunamatwa kwaSatani, kana kuti anorondedzera vatano isiri yapamutemo noudzame? Chokwadika kwete! Ipapo neiko kutaura kwakadaro kungava kunokuvadza zvishoma nemhaka bedzi yokuti kuri munziyo kana kuti kunotaurwa mukuimba? Apo misoro inozvidza yakadaro inoridzwa yaridzwazve, haisati ichizobetsera asi ichakutapura zvirokwazvo! “Ko munhu ungaisa mwoto muchipfuva chake, nguvo dzake dzikasatsva here?” inobvunza kudaro Zvirevo 6:27.
Nokuda kweichi chikonzero Bhaibheri rinotipangira kusatongodudza zvinhu zvoutere, kutaura nokuzvidzokorora wazvidzokorora zvakare. (VaEfeso 5:3-5; VaFiripi 4:8) Munhu anofuratira iyi nheyo ane chokwadi choku“cheka kuora.” (VaGaratia 6:8) “Nziyo dzinokuita kuti ufunge,” inobvuma kudaro imwe pwere inonzi Jodie. “Apo zvishuvo zvakashata zvinouya, dzinowedzera zvishuvo zvako zvakashata.” Pashure pokuteerera kunziyo yerap inorondedzera zvakashata vatano isiri yapamutemo, imwe pwere yakabvuma, kuti: “Ndaisagona kukukanganwa.”
Uye zvakadiniko nokuteerera nziyo dzeheavy metal dzinotaura nezverufu, mirimo, kana kuti ushati? Imwe pwere yechiKristu yakavamba kuteerera kunziyo dzeheavy metal uye nokukurumidza akanangana norufu. Kupfurikidza bedzi nenhamburiko dzakasimba dzavabereki vake neshamwari yakakura mumudzimu yechiKristu akakwanisa kunzvenga kuparadzwa kwomudzimu nokwenyama.
Pane dzimwe nguva, mifungo inochinja kuva chiito. (Jakobho 1:14, 15) Uye zhinji dzenziyo dzanhasi dzakarongwa nokungwarira kuti dzizadze ndangariro yako nemifungo yakaipa. Chokwadi, kana wakarerwa mukuwirirana nemipimo yeBhaibheri, hausati sezvingabvira uchizoponda kana kuti kuita utere hwevatano nemhaka bedzi yokuti wakanzwa pamusoro pako munziyo. Asi kune dzimwe nzira dzaunogona kupesvedzerwa nenzira yakashata. Pwere dzakati dzechiKristu dzakatanga kupfeka zvipfeko zvisina mwero nokugerwa bvudzi kunoratidzirwa nenyanzvi dzerock nerap. Mutauro, zviito, uye chimiro chendangariro zvepwere dzakadaro zvinoratidza zvakajeka kuti dziri kupesvedzerwa nezvavanonzwa.
“Pwere dzinotaura kuti nziyo hadzisati dzichivatapura,” anodaro mumwe mukomana wokuSouth Africa. “Asi dzinopa Satani nzira yokupinda nayo muupenyu hwako—kuhudzora.” Anoziva ikoku kubva muruzivo rwokuzviwanira rwomunhu oga, sezvaanotsanangura, kuti: “Nziyo dzandakateerera dzakanga dziri pamusoro pemidzimu, mirimo, uye vatano.” Akasunungurwa sei patapuro dzinokuvadza dzenziyo dzinoshatsa?
“Ndakarasa marekodhi angu ose. Yakanga iri chinjo huru kugara mukamuri rakanyarara. Asi kwakandiita munhu ari nani zvikuru.” Unoda kuita nhano dzakafanana here—kwete zvako kurasa marekodhi ako ose, asi zvimwe kuzvidzora umene pamarekodhi anozvidza sezviri pachena?—Enzanisa naMabasa 19:19.
Ikoku kunoreva, kwete kurega nziyo, asi kudzidza kuva anosarudza! Nzira yokuita nayo kudaro ichava nhau yenyaya yomunguva yemberi.
[Mashoko Omuzasi]
a Shoko rokuti “nziyo dzerock” rinoshandiswa muno nokuda kworudzi rupi norupi rwenziyo dzakakurumbira pakati pavanhu vaduku.
b Ona “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Chii Chakashata Nenziyo Dzangu?” muchinyorwa chaFebruary 8, 1993.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Kuzadza musoro wako namashoko orufu, okuparadza, uye okuzvidzwa kwevatano kunokubetsera kana kuti kukuvadza here?