RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 3/8 pp. 12-13
  • Mai Vanoberekera Vamwe Mwana ndokwemaKristu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mai Vanoberekera Vamwe Mwana ndokwemaKristu Here?
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chiri Mai Vanoberekera Vamwe Mwana?
  • Zvinetso Zvokubereka Mwana Nokuda Kwomumwe Mukadzi
  • Mai Vanoberekera Vamwe Mwana Vanokudza Roorano Here?
  • Zvisarudzo Zviripo, Mibvunzo Yazvinomutsa
    Mukai!—2004
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2002
  • Kuzvarwa Kwevana Vakawanda Pachishandiswa Zvinobatsira Kubata Pamuviri
    Mukai!—2004
  • Upenyu Pashure Pezuva Remuchato
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 3/8 pp. 12-13

Murangariro weBhaibheri

Mai Vanoberekera Vamwe Mwana ndokwemaKristu Here?

MUDETEMBEDZI wekare weRoma Horace hapana chaaiziva nezvamai vanoberekera vamwe mai mwana apo akanyora, kuti: “Hakukoshi kuti munhu anoberekwa navabereki vakadini, chero bedzi ari munhu akanaka.” Chirevo chomunyori wechiFrench wezana ramakore rechi 17, “Kuberekwa hakusi chinhu kana pasina runako,” chakanyorwawo kare kare mufungo wokuberekera vamwe mai mwana usati wava rwisano yapamutemo. Asi, sokushuma kwakaita Mary Thom mumagazini yeMs., noruzivo rutsva rwokubereka, “kushanda kwamanyuko ezai, incubator yorushiye ruri kuva mwana, uye mutarisiri womwana akamboberekwa” kungakamuraniswa pakati pa“vanamai” vaviri kana kuti vatatu. Nhau yo“runako” no“ukoshi” yazova zvose zviri zviviri youngandiveni neyakaoma.

Muitiro wokushandisa mai vanoberekera vamwe mwana wakakurumidza kupararira munyika mukati mepakati pama 1970, kuchimutsa zvinetso zvenzanga, zvetsika, uye zvapamutemo zvisina kumbonanganwa nazvo kare. Vamwe vanyakuroorana vasingabereki vakanga vachidisa kushandisa uyu muitiro usiri wamagamuchidzanwa wokubereka. Pane rumwe rutivi, vanachiremba, magweta, uye vaiti vomutemo vakarwisa kuvambirana nouzivi hworuzvaro munhamburiko yokutanga nhungamiro inosuma mibvunzo yemararamiro netsika yakamutswa.

Chii Chiri Mai Vanoberekera Vamwe Mwana?

Mai vanoberekera vamwe mwana, kana kuti chibvumirano, kuita kuti mukadzi aberekeswe mwana kupfurikidza nokuisirwa mbeu yomurume kusiri kwomuzvarirwo kuti agobereka mwana nokuda kwomumwe mukadzi. Kunonzi kuberekera mwana nokuda kwomumwe mukadzi kwegamuchidzanwa kunoitika apo mai vanoberekera mumwe mukadzi mwana vanonambiswa pamuviri kupfurikidza nokuisirwa urume hwomurume kusiri kwomuzvarirwo nourume hunobva kumurume wavaviri vakabvumirana naye. Anoberekera mumwe mukadzi mwana nokudaro ndiye mai vomwana vane mavara anogarwa nhaka. Kuva napamuviri pokuberekera mwana nokuda kwomumwe mukadzi kunoreva kuti zai romudzimai nourume hwomurume zvinobatanidzwa kunze kwedumbu mumutoo unozivikanwa sein-vitro (test-tube) fertilization, uye muviri uchigere kukwaniswa unovapo unoiswa mudumbu reanoberekera mumwe mukadzi mwana munguva yokuva napamuviri.

Neiko pane wedzero muumai hwokuberekera mumwe mukadzi mwana? Kutanga, sayenzi youzivi hwakakwirira yakawana nzira dzinoverengeka dzokubetsera nadzo vakadzi kuva navacheche. Vanyakuroorana vangashuva zvikuru mwana, bva nemhaka yokusabereka, kusakwanisa, kana kuti vacheche vashomanene zvikuru vane utano hwakanaka nokuda kwokurera, havagoni kuva nomumwe. Naizvozvo vanorenda muviri womumwe munhu kuti vave nomucheche. Sezvo zvitsama zvikuru zvemari zvichibatanidzwa, kubereka mwana nokuda kwomumwe mukadzi kwakarondedzerwa mumashoko asiri erumbidzo, akadai sokuti “basa rokumanikidzirwa nouranda” uye “kuparadza ruzvaro rwavarombo.”

MuUnited States, Dare Rapamusoro reNew Jersey rakaziva bviro yokuti vapfumi vashandise zvisina kufanira varombo munhau yokubereka mwana nokuda kwomumwe mukadzi rakati: “Mukugumisa, kune mipimo iyo chaunga chinorangarira kuva inokosha zvikuru kupfuura kupa kupfuma chipi nechipi chainogona kutenga, ringava basa, rudo, kana kuti upenyu.” Dare Rapamusoro reFrance rakataura kuti umai hwokuberekera vamwe mai mwana hunokanganisa muviri womukadzi uye kuti “muviri womunhu haufaniri kurendwa, haurendeswi, hautengeswi.”

Zvinetso Zvokubereka Mwana Nokuda Kwomumwe Mukadzi

Kuberekera mwana mumwe mukadzi kunounza chiverengero chezvinetso. Chimwe ibviro yerwisano dzisingafadzi dzapamutemo kana mukadzi anobereka achida kuchengeta mucheche wacho. Iye mucheche waani, mukadzi anobereka kana kuti mukadzi anogovera zai? Naizvozvo kuberekwa kwomwana, kazhinji kazhinji nguva yokufara, pane dzimwe nguva kunotungamirira kurwisano yapamutemo. Chimwe chinetso: Vamwe vakadzi vanobvuma kuva vanamai vanoberekera vamwe vakadzi vana vanowana kunzwa kwavo kuchichinja nokukura nokuberekwa kwomwana wechibvumirano. Chibvumirano chacho chakabvumiranwa pachiri mwedzi yakati gare gare chinova chakaoma zvikuru kugamuchira. Ukama hwakasimba hwokubatanidzwa huri kuumbwa pakati pamai nomwana ari mukati mavo. Vamwe mai vakaberekera vamwe mwana, vasingakariri uyu mubatanidzwa, vanotsanangura kunzwa kwavo pamusoro pokupa mwana: “Kwakanga kwakaita sokunge kuti mumwe munhu akanga afa. Muviri wangu wakanga uchichemera mwanasikana wangu.”

Uyezve, itapuroi dzenguva refu dzingava nokubereka kwakadaro pavamwe vana vamai vokuberekera mumwe, mhuri inogamuchira mucheche wacho, nomwana iye amene? Kana kuti chii chichaitika kana mwana anozvarwa namai vokuberekera mumwe akava nourema hwokuzvarwa nahwo? Baba vanosungirwa kutora mucheche here? Kana zvisina kudaro, ndiani anobhadhara tsigiro yomwana? Uye mubvunzo unotokosha zvikuru, Chii chiri murangariro waMwari pamusoro pamai vanoberekera mumwe mwana?

Mai Vanoberekera Vamwe Mwana Vanokudza Roorano Here?

Shoko raMwari rinotiudza kuti iye anotarira roorano sechimwe chinhu chinoyera. Somuenzaniso, VaHebheru 13:4 inoti: “Kuwanana ngakukudzwe navose, nenhovo ngairege kuva nemhosva; nokuti Mwari uchatongesa mhombwe navanofeva.”a Mwari anokarira maKristu ose kurangarira roorano seinokudzwa uye kuichengeta nenzira iyeyo. Chii chinosvibisa roorano? Ufeve, uhwo hunogona kusaremekedza roorano pachine nguva mberi, uye upombwe, uhwo hunozvidza roorano pashure pokunge yapindwa mairi.

Amai vanoberekera mumwe mwana vanokudza roorano nokuchengeta huvato hweroorano husina kusvibiswa here? Kukataurwa nenzira yakapfava, kwete. Kuberekera mumwe mwana kwegamuchidzanwa kunoda kuiswa kwourume kumukadzi kupfurikidza naanopa urume hwacho. Murangariro weBhaibheri ungawanwa pana Revhitiko 18:20, iyo inoti: “Usavata nomukadzi wowokwako kuti uzvisvibise naye.” Hapana hwaro hweBhaibheri hwokuita musiano pakati pokuiswa kwourume kupfurikidza nevatano kana kuti kuiswa navanhu kupfurikidza nokuiswa kunogoverwa nomupi. Naizvozvo, muchinoitika chipi kana chipi, ufeve kana kuti upombwe hunoitwa apo kuiswa kwourume kunoitwa nomurume asiri murume wapamutemo womukadzi wacho.

Zvakadiniko nokuva napamuviri pokuberekera mumwe mwana? Ikokuwo kunosvibisa huvato hweroorano. Chokwadi, zai rakaberekeswa raizova kusangana kwomurume nomudzimai wake, asi pashure pacho rinoiswa mudumbu romumwe mukadzi uye, kutaura idi, rinoita kuti ave napamuviri. Uku kuva napamuviri hakusati kuri muuyo wevatano pakati pamai vanoberekera vamwe nomurume wavo amene. Nokudaro, mitezo yake yokubereka zvino iri kushandiswa nomumwe munhu asiri mukwanyina wake amene. Ikoku kunopesana nenheyo dzeBhaibheri dzokuzvibata dzokuti mukadzi abereke mwana nokuda kwomurume wake amene. (Enzanisa naDheuteronomio 23:2.) Kwaisazova kwakafanira kuti mumwe murume asiri murume amene wamai vanoberekera mumwe mwana ashandise mitezo yake yokubereka nayo. Kushandiswa kusina kufanira kwohuvato hweroorano. Nokudaro, kuberekera mumwe mwana hakusati kuri kwechiKristu.

[Mashoko Omuzasi]

a Bhuku renongedzero rinonzi New Testament Word Studies rinoratidza kuti “huvato hweroorano” hwaVaHebheru 13:4 hunoreva kuti hausati uri mugariro bedzi asi kushandiswa kweroorano kusingafaniri kusvibiswa.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 12]

Pastel rakanyorwa naMary Cassatt, The Metropolitan Museum of Art,Gift of Mrs. Ralph J. Hines, 1960. (60.181)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe