Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinofanira Kuenda kuProm Here?
“Usiku hweprom kazhinji kazhinji inguva yokutangawo apo vabereki vako vanoti kwauri, ‘Mudikani, farikanya. Tichakuona mangwanani.’”
“Ndinoyeuka ndichienda kukudzana kwechikoro uko kwakanga kuchingova bedzi navatarisiri vaviri, uye vakanga vasingatongopi ngwariro kuvana.”
VOMUCHIKORO biyako vave vari kutaura pamusoro payo kwemwedzi yakati. Pashure pokurangarira zvose, prom yechikoroa chapamusoro ndichinoitika chakamwe chete muupenyu. Uye sezvo uchave uri kuonekana nevomuchikoro biyako vawakaziva kwamakore, nenzira yomuzvarirwo ungada kuvapo. “Chibviro chechikoro chapakuvamba,” anodaro musikana wamakore 18 okukura, “ndave ndichida kupinda prom.”
Mune dzimwe nyika prom yavakura—mutambo unotangira kupedza kufunda pachikoro chapamusoro (sekondari)—ndichinokosha chaichoicho nokuda kwepwere. Kupfuura chinoitika chamadyo chenzanga, prom inguva inokudzwa yetsika inoratidzira kupinda muukuru. Magazini inonzi Seventeen, inoti: “Madekwana eprom kazhinji kazhinji inguva yokutangawo apo vabereki vako vanoti kwauri, ‘Mudikani, farikanya. Tichakuona mangwanani.’ Kusava pamba usiku hwose hakusati kuchingobvumidzwa bedzi—ndiko kwaunokarirwa kuita.”
Hakusati kuri kuti pwere dzose dzinoronga marusando ousiku hwose okuzvibata kusingadzorwi. Panzvimbo pakwo, vazhinji vangotarira zvavo mberi kuchinoitika chenyengano chakaisvonaka—banza rokuva Cinderella kana kuti Prince Charming wazvino uno! “Kwakafanana nefungidziro,” anodaro Darcey wamakore 19 okukura. “Vanobuda mumota dzavo dzakanaka dzokuhaya, vanotora mifananidzo, uye vanozviratidzira pamberi peshamwari dzavo. Inguva yavo yokuva vanowana ngwariro yavose.”
Zvinofadza zvishoma mumuitiro, asi zvakakurumbirawo, ndiko kudzana kwechikoro. “Nguva yose, unoda kuungana kungoti bedzi ufare,” anodaro Jamey wamakore 15 okukura. Asi kana kuratidzira kwacho kuri kudzana, kuenda kunodya, kana kuti kupfeka zvakanakisisa, pwere zhinjisa dzinonzwa kuti kuenda kuzvinoitika zvakadaro musengwa unokosha. Itiro hanya dzavo bedzi ndedzevavachaenda navo, zvavachapfeka, uye nzira yavachawana nayo mari yokubhadhara nokuda kwamanheru. Asi kune zvimwe zvinhu zvaungada kurangarira.
Kutarira Zvinopfuura Zvinooneka
Jesu Kristu amene akanga ari mumwe akapinda kuungana kwenzanga kunoremekedzwa. (Enzanisa naRuka 5:29; Johane 2:1, 2.) Asi “mitambo yokuzvifadza,” kana kuti “mitambo yakashata,” inoshurikidzwa muBhaibheri. (VaGaratia 5:21; Byington) Muzana rokutanga ramakore, mitambo yakashata iyo vahedheni vaipinda mairi pamhene mu“kufamba noutere, nokuchiva, nokunwa waini, nokutamba kwakaipa, namabira, nokunamata zvifananidzo zvisakafanira” yakanga yakarovedzeka. MaKristu naizvozvo akanyeverwa kusapinda izvi zvinoitika zvokusazvidzora.—1 Petro 4:3, 4.
Zvakadiniko namaprom nokudzana kwechikoro? Vamwe vangava vakasanorongwa uye vanotarisirwa, nokudaro zvinoitika zvinodzorwa nenzira ine mwero. Mufambiro usingadzorwi ungashorwa ndokubatwa nawo nokukurumidza kana ukavapo. Asi pasingaoneki zvizhinji zvinoitika—kana zvisiri zvizhinjisa—maprom, anowanzoshatisa mudzimu womutambo.b “Kune utere hwevatano hwakawanda nokunwa,” imwe pwere yakaudza Mukai! Zvinwiwa zvinodhakisa nenzira yapamutemo zvingadarika miganhu. Asi kunwa kwakanyanyisa kungaitika muzvimbudzi, mikoto, uye nzvimbo dzokupaka.
Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Waini mudadi, doro mupopoti.” (Zvirevo 20:1) Wedzera zvino nziyo dzakashata kana kuti dzokunyandura, kutamba kusingadzorwi, kudzimwa kwamagetsi, uye boka repwere dzingave nenzwisiso shoma yenheyo dzeBhaibheri, uye unova nezvinoumba mutambo wokuzvifadza. Unogona kutsamira pavatarisiri kudzora zvinhu here? Kwete nguva dzose. Imwe pwere inonzi Charles inoti nenzira yakajeka: “Vatarisiri hapana chavanoita.” Hazvina kururama here? Kwete mukuwirirana naDarcey muduku, uyo akati: “Ndinoyeuka ndichienda kukudzana kwechikoro uko kwaingova navatarisiri vaviri bedzi, uye vakanga vasiri kutombopa ngwariro kuvana.”
Kunofanira kubvumwa kuti kunyange vatarisiri vanoitira hanya zvikurusa vangakuwana kusingabviri zvikurusa muhoro ine rima kana kuti imba yemitambo kudzora boka repwere dzakatsunga ‘kufara.’ Somuuyo, mufungo wamadekwana efungidziro unogona kuguma nokukurumidza wava chiroto. “Kune kurovana kwakawanda,” anodaro mumwe musikana achiri kuyaruka.
Migariro Inobvumiranisa Pane Zvisina Kufanira
Sezvinobvumwa, haasati ari maprom ose kana kuti kudzana kwechikoro zvinochinja kuva masimba masimba. Zvisinei, kune ngozi chaiyoiyo yokuti ungagona kupinzwa sezvinobvira mumugariro unobvumiranisa pane zvisina kufanira. Mumwe mukadzi muduku anoyeuka, kuti: “Apo munenge muchitamba makatarisana navakomana, maoko avo anotanga kukubata-bata. Vanokukarira kukubvuma!” Haungagoni kudzivisa chinetso chakadaro kupfurikidza bedzi nokuparadzana navamwe here? Zvimwe. Asi ikoko kunowanzova nyore kutaura kupfuura kuita.
Zvichida unoenda usina muperekedzi kana kuti unoenda neboka reshamwari. Imwe pwere inotiyeuchidza, kuti: “Vakomana vakati varipo vari voga, uye vanoedza kuronda vasikana vakawanda sevavangagona.” Pangavawo nechiverengero chine mufungo chavasikana vanokurumidza kugamuchira ikoko. Pwere inoenda yoga inogona nenzira iri nyore kuva chipfuro chengwariro isingadiwi.
Pane rumwe rutivi, kuva nomutendi biyako somuperekedzi kunogona kutanga dzimwezve bonderano. Pashure pokurangarira zvose, kuronga misi yokuvhakacha kunorangarirwa zvakakomba neZvapupu zvaJehovha nhasi.c Uye kunyange kana une chokwadi chokuti muperekedzi wako haana fariro yenyengano mauri, anogona kubatira sedziviriro kusvika kutambanukoi? Lora wamakore 19 okukura anoti: “Chii chichadzivisa vamwe kuchinjana vokutamba navo sezvamunotamba—kana kuti kukukumbira kuenda kunovhakacha navo? Chii ipapoka chinoitika?” Mugariro wakakomba, wakashata unogona kutanga nenzira iri nyore.
Isingafaniri kufuratirwawo ingozi yokuregeredza mipimo yako yetsika uye kubatanidzwa mumudzimu womugariro wacho iwe umene. Songaniro dzakashata dzino“shatisa miitiro inobetsera.” (1 VaKorinte 15:33, NW) Wamakore 18 okukura anonzi Nick anobvuma kudaro: “Kunyange kana vaviri veZvapupu zvaJehovha vakaenda pamwe chete, vanogona nyore nyore kupesvedzerwa kuita icho munhu ari wosewo zvake ari kuita.”
Apo Mutambo Unenge Wapera
Nguva zhinji, kunyange zvakadaro, zvinetso chaizvoizvo zvinomuka pashure pomutambo. “Vamwe vanoenda kuhotera kana kuti kumba kwomumwe munhu,” anodaro Tanya muduku. Yolanda anowedzera, kuti: “Unofanira kugara ikoko usiku hwose. Ndirwo rutivi rwegamuchidzanwa.” Mirimo, zvinodhakisa, uye vatano zvinogonawo kuva rutivi rwegamuchidzanwa reprom. Mangwanani apashure pacho, zvisinei, anogona kusiya pwere nehana inonetseka, kuzviremekedza kwakaderedzwa, uye rutyo chairwoirwo rwokuva napamuviri—kana kuti AIDS.
Kazhinji kazhinji, ipapo, maprom nokudzana kwechikoro zvinokundikana kuchengeta zvipikirwa zvazvo zvenyengano nomufaro wakadzikama uye zvinochinjira kumapati akashata, mitambo yokuzvifadza. Tinoyeuchidzwa kuti muporofita Isaya muzuva rake akataura kusatendera kwaMwari kuungana kwaka“swerera kusvikira usiku.” Mapati akapedzisirwa nezvinwiwa zvinodhakisa nenziyo—“rudimbwa, nembira, nengoma, nenyere.” Kufara here? Pasina panikiro. Asi Isaya akati nezvavaendi kupati: “Havane hanya nebasa raJehovha, havarangariri zvakaitwa namaoko ake.”—Isaya 5:11, 12.
Hungu, kupinda mumhoteredzo yepati nepwere dzisinganzwisisi murangariro weBhaibheri kunogona kuparira ngozi dzakakomba. Chokwadi, handi zvinhu zvose zvakadaro zvinoguma zvava mitambo yokuzvifadza, uye migariro inosiana munyika yose. Naizvozvo iwe navabereki vako munofanira kusarudza kana kwakafanira kuti iwe upinde. “Kwakaoma,” akabvuma kudaro mumwe musikana muduku, “nemhaka yokuti maprom anokwezva, uye anoedza zvikuru. Inhau inotaurwa gore rose!”
Asi kutaura nhau navabereki vako kana kuti muKristu akakura mumudzimu kunogona kubetsera kujekesa zvinhu. Rangarira: Ndiani achave achienda kunodzana? Itarisiro yorudzii ichavako? Zvinwiwa zvinodhakisa zvichagoverwa here? Rudzii rwenziyo dzicharidzwa? Kwakave nezvinetso mumakore akapfuura here? Kuva rutivi rwechinoitika chakadaro kungarangarirwa sei navamwe—zvikurukuru maKristu biyako? Kupinda kungagumbura vamwe here?—1 VaKorinte 10:23, 24, 32.
Nemhaka yezvinetso zvose zvakabatanidzwa namaprom nokudzana kwechikoro, pwere dzechiKristu dzaizobvunza vabereki vadzo uye sezvinobvira ndokusarudza kusaenda. Asi kupedza kufunda kwako hakusati kuri chinopedzwa chokudada nacho here? Chokwadika! Sezvinobvira, kunyange zvakadaro, unogona kuwana nzira iri nani yokuchengeta, zvimwe kupfurikidza nokugoverana mufaro wako neZvapupu biyako. Somuenzaniso, mhuri yenyu ingasarudza kuronga kuungana kune mwero kana kuti pati yezvokudya. Apo kuungana kwakadaro kunochengetwa kuukuru hune mwero uye kunosanorongwa, zvinetso zvakakomba hazviwanzomuka.d
Kuungana kwakadaro kungashaya runako noukoshi zveprom yechikoro yenguva dzose. Asi kunogona zvakare kuva nhambo inokosha—uye kusina misungo iyo prom kana kuti kudzana kwechikoro zvingapa. Kupfuura zvose, uchava mutsinhirano namashoko aPauro ari pana 1 VaKorinte 10:31, anoti: “Kana muchidya, kana muchinwa, kana muchiita chinhu chipi nechipi, itai zvose kuti Mwari akudzwe.”
[Mashoko Omuzasi]
a “Mutambo wenguva dzose unoitwa nokuda kwekirasi yechikoro chapamusoro kana kuti koreji zvikurukuru pamugumo kana kuti pedyo nomugumo wegore redzidzo. [Kudimburira kwaPROMENADE.]”—The American Heritage Dictionary of the English Language.
b “Mutambo wokuzvifadza” unorondedzerwa somutambo usina kuzvidzora kana kuti wokufara.
c Ona ganhuro 30 rebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
d Ona nyaya ine musoro unoti “Nhandaro—Farikanya Betsero, Dzivisa Misungo” muchinyorwa chaAugust 15, 1992, cheNharireyomurindi.
[Mufananidzo uri papeji 18]
Vatarisiri vanokuwana kusingabviri zvikuru kudzora mufambiro wavose varipo