RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 9/8 pp. 11-15
  • Kugonana Nechinetso cheCFS

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kugonana Nechinetso cheCFS
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kunzwisisa Uye Rudo Zvinodikanwa
  • Chiratidzo Chaicho—Asi Ngozi
  • Icho Vatamburi Vanogona Kuita
  • Zvakadiniko Nokurapa?
  • CFS Ihosha Chaiyoiyo Here?
    Mukai!—1992
  • Chirwere Chisingazivikanwi Chinozivikanwa
    Mukai!—1992
  • Kutsvaka Chisakiso
    Mukai!—1992
  • Kubetsera Avo Vane Vhiringidziko Dzokudya
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 9/8 pp. 11-15

Kugonana Nechinetso cheCFS

VANACHIREMBA vapahurukuro yokusiirana vakanga vachikurukura kurapwa kweCFS (chronic fatigue syndrome) mukati mokutepfenyura neterevhizheni apo mumwe wavo akataura, kuti: “Ava varwere vose vanoratidzika vanoutano somunhu ari wose ari paboka rino.” Nemhaka yokuti varwere vakadaro havaratidziki kuva vanorwara, vanowanzorapwa nenzira inowedzera nhamo yavo.

Patricia mutamburi weCFS womuTexas, akati: “Padzimwe nguva ndakanzwa saJobho, ane shamwari dzakanga dzisingabetseri nguva dzose.” Somuenzaniso, mumwe mushanyi akambomuudza, kuti: “Unoratidzika kuva ane utano kwandiri! Ndaifunga kuti wairwara chaizvoizvo. Iwe navamwene vako munoratidzika kuva muri wadi mose. Vanozvidyawo mwoyo pamusoro pezvirwere zvokufungidzirwa zvomuviri.”

Tsinhiro dzakadaro dzinogona kuva dzinopedza simba, uye dzinoumba chinetso chikuru cheCFS. “Kurwadziwa ndangariro kwokutsoropodzwa nokuda kwokusa‘edza’ hakurondedzereki,” akatsanangura kudaro Betty, murwere weCFS muUtah, “uye ndirwo rutivi rwakaipisisa rwokutambura rwunounzwa neCFS.”

Kunzwisisa Uye Rudo Zvinodikanwa

Betty akaratidzira kunzwa zvimwe kwomutamburi weCFS ari wose apo iye akati: “Hatidi kunzwirwa tsitsi. Hatidi kunzwirwa urombo. Asi, maiwe-e, tingagona zvakadini kushandisa kunzwisisa! Mwari anoziva zvinetso zvedu norusuruvaro, uye ikoko kunokosha zvikurusa. Asi kunokoshawo kuti tiwane tsigiro yorudo inobva kuhama dzedu nehanzvadzi dzechiKristu.”

Zvisinei, kuna vanhu vazhinji CFS inoramba yakaoma kunzwisiswa, sokutaura kwakaita mumwe mutamburi muduku wokuWashington State pamisi ichangobva kupfuura iyi. “Chinhu chimwe chandinoshuva kuti kudai vanhu vaiva nechakawanda chacho ndiko kuzvipinza munzvimbo yomumwe munhu,” akadaro, “kwete kunzwira urombo, asi kuzvipinza munzvimbo yomumwe munhu. Uye ikoko hakubviri nokuti handi vanhu vazhinji vakambobata nechirwere chakadai.”

Bva, hakufaniri kuva kusingabviri kunzwisisa vatamburi veCFS. Ichokwadi, mugariro wavo womuviri ungava usinganzwisiswi nesu. Asi tinogona kuziva pamusoro pechirwere chavo kutozosvikira tanzwisisa kuti vari kurwara sei zvomenemene. Mukusafanana neAIDS, inouraya, mumwe murwere akatsanangura, CFS “inokuita kuti ushuve dai wafa hako.” Deborah, uyo akarwara muna 1986, anobvuma, kuti: “Kwenguva refu, ndakanyengetera usiku huri hwose kuna Mwari kuti andibvumire kuti ndife hangu.”—Enzanisa naJobho 14:13.

Chokwadika, tinoda kuva vanokurudzira, kubetsera vatamburi kugadzikisa chinetso cheCFS, asi sezvineiwo tsinhiro dzedu dzingaita musiano. Somuenzaniso, mumwe mushanyi ane vavariro dzakanaka akakarakadzira mutamburi weCFS, kuti: “Chaunoda ndiko kunwa mukaka unodziya usiku. Uchakubetsera kuti urare, uye uchanaya hako mumazuva mashomanene.” Tsinhiro iyeyo yakazivisa kusanzwisiswa chose chose kweCFS. Yakakuvadza mutamburi kupfuura kubetsera kwayakaita.

Varwere vangawanzosakwanisa kuita zvinhu zvakadai sokupinda misangano yechiKristu. Apo vanouya, nhamburiko inobatanidzwa ingasanzwisiswa nesu. Naizvozvo panzvimbo pokurereudzira ngwariro kukusavapo kwavo kwekare, tingangoti hedu: “Kwakaisvonaka kukuona. Ndinoziva kuti hakusiri nyore nguva dzose kwauri kuti uve pano, asika tinofara kukuona madeko ano.”—Ona bhokisi riri pamwe chete nenhau ino.

Gadziriro yetsinga yavatamburi veCFS inowanzotapurwa, kuchitoita kuti kuitirana zvinhu kwenguva dzose navanhu kuve kwakaoma. “Tinodikanirwa kuva taviridziro pakati pavo navamwe,” akatsanangura kudaro Jennifer, ane murume ane CFS. “Tinofanira kuvabetsera kupfurikidza nokuvapa nzvimbo iri yoga, kupfurikidza nokusatongovashatirirwa, uye kupfurikidza nokuvabetsera kudzivisa rudzi rupi norupi rwebonderano.”

Jennifer akabvuma kuti chirwere chavatamburi chinogona kuva chinoremedza pamitezo yemhuri, iyo ingava inoneta nokuvaitira chinhu chiri chose. Asi sokucherekedza kwaakaita, kana varwere vasingabvumirwi kuti vazorore, kunaya kwavo sezvinobvira kuchanonozeka, nokudaro munhu ari wose pakupedzisira achatambura. Nomufaro, sezvinooneka chirwere chacho hachisati chichitongotapukira, kunyange zvazvo kusati kuchiratidzika kuva pane kombamiro yokugara nhaka denda racho.

Tottie, mutamburi weCFS uye mudzimai womutariri anofambira weZvapupu zvaJehovha, akataura kuti kwamakore murume wake akamubetsera kugonana nechinetso chechirwere chacho. Anoita kuti azive nezvekuonga kwake asi akati: “Shamwari dzinowanzobvunza pamusoro pangu nomugariro wangu, asi Ken anoda kurudzirowo.”

Chiratidzo Chaicho—Asi Ngozi

CFS haitongourayi. Zivo iyeyo ingakubetsera kugonana nechinetso. Vazhinjisa vanova vari nani mukufambira mberi kwenguva, uye vazhinji vanonaya. Dr. Anthony Komaroff akati: “Hakuna murwere mumwe watakaona pamazana atakanzvera akanga atova nokurwarisa kusingaperi, kunofambira mberi umo vakanga vanyanyorwarisisa mukufamba kwenguva. Hapana mumwe akanga ava naikoko. Naizvozvo mukusafanana nezvimwe zvirwere zvinoenderera mberi nomutoo usingagumi, ichi chirwere chakasiana chaizvo.”

Mukusimbisa, Dr. Andrew Lloyd, munzveri mukuru weCFS womuAustralia, akati: “Apo kunaya kunoitika, uye tinodavira kuti ikoko kunowanzoitika, kunaya ikoko kwakakwana. . . . Naizvozvo, ikoko kunoratidzira kuti upi kana upi ungava uyu muitiro unoparira uyu mugariro woruneto unoshandurika chose chose.” Sezvinooneka varwere havana kuvadziko inooneka pamitezo yomuviri pashure pokunaya.

Deborah, uyo akanga anyengetera nguva dzose kuti afe hake nemhaka yokuti ainzwa achirwara zvikuru, pakupedzisira akavandudzika. Anonzwa sezvaaiveri asati arwara uye akataura pamisi ichangobva kupfuura iyi kuti iye anorongedzera kukumbanira murume wake muushumiri hwenguva yakazara. Vamwe vakava nokunaya kwakafanana. Bva, pane dikanwo yokungwarira. Neiko?

Keith, uyo akatambura kurwarazve, anonyevera, kuti: “Kuziva ukombi hwechirwere chacho kunokosha zvikuru, kwete kukurumidza kufunga kuti chapfuura.” Pakunzwazve zvakanaka, Keith akapindazve muushumiri hwenguva yakazara uye akavambazve mubato wake wokumhanya, achimhanya nguva dzose uye achisimudza matare anorema. Asi, nomutoo unosuruvarisa, chirwerecho chakadzokera, uye akava pahuvato zvokusagona kumuka!

Uyu mugariro unonyengera wechirwere; kutapurwazve kunozivikanwa. Bva, kwakaoma kudzivisa. Sokutsanangura kwakaita Elizabeth: “Kwakaoma zvikuru kusaedza kutsiva nguva yakarasika apo unovamba kunzwa zviri nani. Unoda zvikuru kwazvo kukanganwa chirwere—unoda kuita zvinhu.”

Nokuda kwechikonzero ichecho kunoda nhamburiko huru norushiviro kuti ugadzikise chinetso cheCFS.

Icho Vatamburi Vanogona Kuita

Kunokosha kuti vatamburi vagadziridze mundangariro kuchirwere chisingaperi chine enderero mberi isingadeyi kuonwa. Beverly, mutamburi wenguva refu, akatsanangura, kuti: “Kana ndikatanga kudavira kuti ndava nani zvomenemene mukati mamavhiki angu kana kuti mwedzi, ndinonzwa ndichirwara zvakakomba mumuviri. Naizvozvo nguva dzose ndinoshandira kubvuma ganhuriro dzangu.” Keith akati: “Rushiviro zvimwe ndicho chinhu chinoisvokosha.”

Vatamburi veCFS vanodikanirwa kuchengeta simba ravo ndokubvumidza miviri yavo kuti ipore. Nokudaro, avo vari kugonana nomutoo unobudirira neCFS vanosimbisa ukoshi hweicho chinonzi mutoo wokuzorora zvikuru kwazvo. Ikoku kunoreva zvikuru kwazvo zvinoitika zvinouya kupfurikidza nokuwana zororo romuraudzo pachine nguva mberi. Somuuyo, vatamburi veCFS vangakwanisa kupinda magungano echiKristu kana kuti zvimwe zvinoitika chaizvo vasingatamburi zvisina kufanira pashure pacho nemhaka yokuzvishandisa nesimba.

Chinokoshawo, ndiko kuchengeta mudzimu wakaterama, munyoro, sezvo kuremedzwa kwendangariro kana kuti pfungwa kuchigona kuparira kurwarazve nomutoo uri nyore sezvinogona kuita kushanda nesimba kwokunyanyisa kwomuviri. Naizvozvo pangiro yakanaka ndeiyi: “Usapambadza simba rako uchizvidzivirira.” Hungu, dzivisa kuedza kutsanangurira mugariro wako vapanikiri vasinganzwisisi.

Kana ukatambura neCFS, unodikanirwa kuyeuka kuti hachisati chiri icho vamwe vangafunga nezvako chinokosha asi icho Musiki wedu, Jehovha Mwari, anofunga. Uye anonzwisisa mugariro wako uye anokuda zvirokwazvo nokuda kwechipi kana chipi chaunoita kuti umubatire. Unogona kuvimba kuti Jehovha nengirozi vanoona, kwete zvibereko zvako, asi, sokuna Jobho, chimiro chako chendangariro, tsungiriro, uye kutendeka.

Susan, uyo ave ari pahuvato zvokusagona kumuka neCFS kwamativi amakore maviri, akataura kuti rimwe ramativi anoisvopedza simba eCFS nderokuti munhu anogona kunzwa sokunge kuti kwakanga kusina donzo roupenyu. Naizvozvo anorumbidza, kuti: “Wana zvinhu zvinokuunzira mufaro negutsikano. Ndine zvirimwa zvitatu zvemaAfrican violet, uye ndinotarira izvozvi zuva riri rose nokuda kwokutumbuka kutsva.” Asi chinokosha zvikurusa, anodaro, ndiko “kutsamira pana Jehovha kupfurikidza nomunyengetero uye kuita kuti umudzimu hwako huve chinhu chokutanga.”

Vatamburi vazhinji vanotaura kuti ivo vanokuwana kuchibetsera kuteerera matepi eBhaibheri neemagazini yeNharireyomurindi naMukai! Nomutoo une revo, Priscilla, adudzwa munyaya yechipiri, akatsinhira kuti kana munhu angosvika papfundo apo iye anorega kufungisisa pane zvaave achirasikirwa nazvo, “CFS haisati ichizoremedzazve zvikuru.” Akataura, kuti: “Kuti ndizvidzivise kufunga kuti uyu mugariro uchagara nokusingaperi, ndakaisa magwaro anokurudzira munzvimbo dziri pamhene mukamuri rangu.”

Zvakadiniko Nokurapa?

Munguva ino zvakati wandei zvinogona kuitwa mukurapa kupfuura kurapa zviratidzo. Pakanga pane tariro huru nokuda kwomurimo wokunzvera nawo weAmpligen. Vazhinji vanoshandisa murimo wacho vakaratidzika kuva vanovandudzika, asi miuyo yakashata yakawanwa navamwe yakasakisa U.S. Food and Drug Administration kudzivisa kushandiswazve kwawo.

Kusakwanisa kurara, kubatanidza kusava nehope, zvinozivikanwa paCFS. Nomutoo unofadza, mushonga unodzivisa kupera mwoyo—padzimwe nguva chikamu chimwe chezvine zana zvomushonga unoshandiswa nokuda kwokupera mwoyo—unobetsera vamwe, asi kwete vose, varwere vanorara zviri nani nokudaro ndokuvandudzika. Beverly akarega mirimo yakadaro kwamakore asi akaedza mumwe. “Ini ndakabetserwa zvikuru kwazvo,” akadaro, “ndinongoshuva bedzi kuti kudai ndakanga ndatanga nokukurumidza zvikuru.”

“Mimwe mitoo mizhinji [kubatanidza “kurapa kwokutsiva nokuda kwechinjo” uko vamwe varwere vanowana kuchifadza apo mwero yenguva dzose inokundikana] yakaedzwa nokuda kwokurapa CFS,” yakadaro The Female Patient. “Iyoyi inobatanidza mhatsa yemishonga, kurapwa kwomuviri, . . . acupuncture, homeopathy, naturopathy, kurapa kweanticandidal, uye ayurvedism, pakati pokumwe.”

Iyi magazini yezvokurapa yakati: “Pasinei hapo nezvitendero zvomunhu oga zvachiremba, chiremba anofanira kuva nezivo yakati kuti yo[kurapa] kwakadaro kuti anzwisise zviri nani ndokupa zano murwere. Varwere vazhinji vanoonga bedzi kuwana chiremba anovateerera ndokurangarira zvakakomba ndaza yavo yezvichemo. . . . Varwere vazhinjisa veCFS vanogona kubetserwa kuti vanzwe zviri nani—kunyange kana vachivimbiswa bedzi kuti chiremba ndiye mubetseri wavo—uye vazhinji vanogona kuvandudzika zvikurukuru.”

Sezvo kusina mushonga, vamwe vanopanikira ukoshi hwokuenda kuna chiremba. Betsero inokosha yokutsvaka betsero yakadaro ndeyokuti kunzvera kunogona kubvisa dzimwe hosha dzingave dzine zviratidzo zvakafanana, zvakadai sekenza, multiple sclerosis, lupus, uye hosha yeLyme. Kana idzodzi dzikaoneka pamwero wokutanga, kurapa kunokosha kunogona kupiwa. Emergency Medicine inorumbidza kuna vanachiremba, kuti: “Kana wangowana CFS, chiito chako chakanakisisa ndechokunongedzera murwere kuchipatara chinonzvera chronic fatigue syndrome.”

Kuzorora ndiko kunozivikanwa sokurapa kwakanakisisa, asi dzikamo yokungwarira inofanira kusimbiswa. Naizvozvo pangiro yakanakisisa ndeiyi: Dzidza kuva nomwero iwe umene. Ziva ganhuriro dzako, uye shandira madziri, zuva nezuva, vhiki nevhiki, mwedzi nomwedzi. Kurovedza muviri kunyoro, kwakadai sokufamba kana kuti kushambira mudziva rine mvura inodziya, kunogona kuva kunobetsera chero bedzi kusingasvitswi kumwero woruneto rwomuviri kana kuti zvimwe rwendangariro. Zvokudya zvinoumba utano zvinobetsera kusimbisa gadziriro yamasero inoparadza utachiona zvinokoshawo.

Kusava netariro kungava pamwe chete neiyi hosha, sezvakaenzanisirwa nomutoo wakakomba nomumwe mutamburi anonzi Tracy uyo akapererwa nezano rose ndokuzviuraya. Asi rufu harusati ruri mhinduro. Sokutaura kwakaita shamwari yakafirwa: “Ndinoziva izvo Tracy aida zvomenemene. Akanga asingadi kufa. Aida kurarama—asi kurarama kusina kutambura. Uye ikoko kunofanira kuva nharidzano yedu.” Hungu, inharidzano yakaisvonaka. Naizvozvo rereudzira tariro dzako, kwete pakufa, asi pakurarama kuti usvike nharidzano iyeyo, pari pose painosvika.

CFS ndichimwe chezvirwere zvizhinji zvechienzi chokuwedzera kundaza yanhenda dzinoonesa nhamo rudzi rwomunhu rwazvino uno. Enderero mberi ipi kana ipi ingaitwa nesayenzi yezvokurapa, ichada zvinopfuura unyanzvi hwokurapa kuti izvirape zvose. Chiremba Mukuru, Jehovha Mwari, anorangarira zvakawanda—kurapwa kwenyika yose kwezvirwere zvose—kupfurikidza netarisiro yorudo yehurumende yake yoUmambo. Panguva iyeyo “hakuna mugariwemo achataura, kuti: ‘Ndinorwara.’” Ichecho chipikirwa chakadini chechokwadi chaMwari!—Isaya 33:24, NW.

[Box on pages 12,13]

Mabetserere Anogona Kuita Vamwe

Zvokusataura Nezvokusaita

◆ “Unoratidzika kuva ari nani zvechokwadi” kana kuti, “Hauratidziki kuva anorwara.” Kutaura zvinhu zvakadaro kunoita kuti mutamburi anzwe sokunge kuti haudaviri kukomba kwezviratidzo zvake.

◆ “Ndinonzwa ndakanetawo.” Iyi tsinhiro inodukupisa kutambura. CFS inobatanidza zvakawanda zvinopfuura kuva akaneta bedzi. Chirwere chinorwadza, chinoitisa utera.

◆ “Ndakaneta. Ndinofunga kuti ini ndingabatirawo CFS.” Ikoku kungataurwawo mukuita musere, asika hapana chinhu chokuita musere nacho pamusoro peCFS.

◆ “Ndinoshuva kuti kudai ini ndaitora mazuva mashomanene kuti ndisvitse zororo rangu.” Varwere veCFS havasiri pazororo.

◆ “Wainyanyoshanda nesimba. Ndokusaka wakarwara.” Ikoku kungaratidzira kumutamburi kuti anofanira kushorwa nokuda kwechakaitika.

◆ “Wakadiniko?” Usabvunza kutoti uchida zvomenemene kuziva. Nomutoo wakajeka, mutamburi anowanzonzwa achirwadziwa zvikuru asi angasada kunyunyuta hake.

◆ “Nyakuti ane CFS, uye akangorwara bedzi kwegore rimwe.” Chirwere chimwe nechimwe cheCFS chakasiana munhambo noukombi, uye kunongedzera kukunaya kunokurumidza kwomumwe kunogona kuva kunoodza mwoyo kune munhu anotambura kwenguva refu.

◆ Usapa pangiro yezvokurapa kutoti bedzi wakumbirwa nokuda kwayo uye uchikwaniriswa kuipa.

◆ Usaratidzira varwere veCFS kuti kana vakarwarazve, kunofanira kuva nemhaka yechimwe chinhu chavakaita.

Zvokutaura uye Zvokuita

◆ Ratidza kuti unodavira kuti vari kurwara zvomenemene.

◆ Ridza runhare, kana kuti shanya. Kuridza runhare pakutanga kunowanzova pfungwa yakanaka.

◆ Remekedza ganhuriro dzipi nedzipi pamusoro pavashanyi kana kuti kuridza runhare.

◆ Kana munhu asingagoni kuva navashanyi, tumira kadhi kana kuti tsamba. Varwere vanowanzotarisira mberi kuvhura tsamba zuva rimwe nerimwe.

◆ Iva anonzwira urombo. Padzimwe nguva ikoku kunoreva bedzi kubvuma icho munhu anorwara ari kutambura.

◆ Govera kuvaitira mabasa, kuvatengera girosari, kuvaendesa kuna chiremba, zvichingodaro.

◆ Ungangoti bedzi: “Kwakanaka zvikuru kukuona. Jehovha anonzwisisa zvomenemene tsunguriro yako yokutendeka.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe