Kutsvaka Chisakiso
KUWANA icho chakanga chichikangaidza gadziriro yamasero anoparadza utachiona yavarwere veAIDS kwakada makore, asi kuri kutoda nguva refu kuzivisa icho chiri kuparira ngozi kumiviri nouropi hwaavo vane CFS (chronic fatigue syndrome). Kunyange zvazvo chisakiso chisati chazivikanwa, vanachiremba vanokwanisa kupa ufakazi hunopwisa hwomugariro wechienzi womuviri uri muvarwere. Kureva idi, ufakazi hwakadaro hwave huchishandiswa mudare.
Medical Post yeCanada yakashuma kuti mumhaka yokumhangarira, nyanzvi dzokurapa dzakapa chipupuriro chokutsigira kutaura kwedziviriro kwokuti kukwanisa kwomurwere kuita zvisarudzo kwakakuvadzwa nechirwere chake. Mutongi William G. N. Egbert nokudaro akasundwa kutaura, kuti: “Chirwere chacho chinotapura rutivi rwuri rwose rwechisarudzo. . . . Mativi maduku ouropi anokuvadzwa.”
Ikoku ichokwadi here?
Mugariro Wechienzi Wouropi
Kunzvera kwavanachiremba kunotsigira kakavaro yokuti uropi hwavarwere veCFS hunotapurwa. The New York Times yaJanuary 16, 1992, yaiva nomusoro unoti: “Fundo Inowana Mugariro Wechienzi Wouropi Muvarwere Vane Chronic Fatigue.” Nyaya yacho, yakavakirwa pamushumo wakabudiswa nezuro muAnnals of Internal Medicine, wakati:
“Imwezve fundo hurusa yechronic fatigue syndrome yakawana ufakazi hwokuzvimba muuropi hwavarwere, rugwaro rwoufakazi rwokutanga rwomugariro wechienzi wechirwere chetsinga dzokunzwa dzakabatana nechirwere chisingazivikanwi.” Nyayayo yakawedzera, kuti: “Fundo yacho ndeyazvino uno yenhevedzano yemisi ichangobva kupfuura iyi inoratidzira musiano wegadziriro yamasero anoparadza utachiona nemisiano yehormone pakati paavo vane chirwere navanhu vane utano.”
Imwe fundo yakawana ngwariro huru yakashumwa muchinyorwa chaDecember 1991 cheJournal of Clinical Endocrinology and Metabolism. Yakawana zviratidzo zveperevedzo yehormone mushwanu dzeendocrine nomuuropi hwavanhu vane CFS. Nokudaro fundo yacho yakawedzera kuufakazi hwokuti zvinhu zvipenyu nezvinhu zvinoparadza utachiona zvinobudisa zviratidzo zveCFS.
Dr. Walter Gunn, achingunobatira paCDC (U.S. Centers for Disease Control), akatarisira fundo zhinji dzavarwere veCFS. Akacherekedza kuti “dzimwe nyanzvi dzesayenzi dzakanaka dzava kuvamba kubatanidzwa mukunzvera CFS.” Kunyange zvazvo kuwana kwavanzveri kuchiwanzonongedzera kuzvisakiso zvinobvira zvakasiana, Dr. Gunn akasimbisa, kuti: “Chinhu chimwe chinowirirana ndechokuti hakuna munhu ari kushuma kuti hakuna migariro yechienzi.”
Chinhui kana kuti zvinhui zvinobvira zvinoparira CFS? Utachiona hunobatanidzwa here, kana kuti utachiona hwakawanda? Kana zvakadaro, munziraiko? Ko gadziriro yamasero anoparadza utachiona inotapurwa zvikuru zvakadini? Ko kusashanda zvakanaka kwayo kungaparira sei zviratidzo kuti zvioneke muvarwere veCFS?
Zvisakiso Zvinobvira
Kunzvera kunoratidzira kuti utachiona hunobatanidzwa. Asika hutachionai? Huzhinji hwakabatanidzwa navanzveri. “Retroviruses, spuma kana kuti utachiona hwa‘mafuro anopupuma,’ utachiona hwomuura, utachiona hweEpstein-Barr, utachiona hwechirwere cheherpes chorudzi 6 hwose huri pakati pezvisakiso zvose zvinobvira zvikuru zveCFS,” yakadaro The Journal of the American Medical Association muna November akapfuura.
Utachiona hungaparira CFS munzirai? Ikoko hakuzivikanwi. Zvisinei, Dr. Anthony L. Komaroff, munzveri mukuru weCFS, akati: “Mutoo uri kubuda igadziriro yamasero anoparadza utachiona inokuchidzirwa nomutoo usingaperi, gadziriro yamasero anoparadza utachiona inoshandiswa murudzi rwakati rwehondo isingaperi mukurwisana norudzi rwakati kuti rwechinhu rwainorangarira sechokumwe.”
Gadziriro yamasero anoparadza utachiona inoita chiito kuutachiona hwomuvengi, kana kuti utachiona hwakawanda, kupfurikidza nokubudisa makemikari, anonzi kemikari rinoparadza utachiona, kuti arwise vavhojokeri. Zvisinei, apo mugariro wakashata unotarisirwa, kubudiswa kwamakemikari anoparadza utachiona kunowanzoguma. Asika muvarwere veCFS gadziriro yamasero anoparadza utachiona sezvinooneka inokundikana kupfiga. Nomutoo une revo, kuwana kunowirirana muvanhu vane chirwere cheCFS ndiko kubudiswa kwakawedzerwa kwamakemikari anoparadza utachiona.
Ikoku kunokosha, sezvo husati huri utachiona hunoita kuti munhu anzwe achirwara apo hunovhojokera muviri wake. Anonzwa achirwara nokuti masero ake omuviri ari kubudisa makemikari anoparadza utachiona, uko kunoparira fivhiri, kudzimbwa, uye runeto. Dr. William Carter, chiremba weU.S., akati: “Makemikari anoparadza utachiona anoramba aripo ndokuvamba kukuvadza munhuyo kutozosvikira pakupedzisira tinoona murwere asingamuki pahuvato chose chose uyo asingatongogoni kufamba.”
Zvisinei, chii chinoparira gadziriro yamasero anoparadza utachiona kuramba ichibudisa makemikari anoparadza utachiona apo iyo inofanira kuguma kubudisa? “Utachiona hwakavandika hunokuchidzirwa norudzi rwakati kuti rwechizhendenguro,” mukuwirirana naDr. Jay A. Goldstein, “uko kunoita kuti masero egadziriro inoparadza utachiona abudise [makemikari anoparadza utachiona] muzvitsama zvechienzi.”
Mukuwedzera, kunooneka kuti masero anouraya omusikirwo namacrophage, ayo ari zvidziviriro zvapamberi mukurwisa zvinhu zvinovhojokera, anotapudzwa muchiverengero kana kuti mukushanda muvarwere veCFS, kuchipfuurira kupedza simba gadziriro yamasero anoparadza utachiona. Chinhu chinokosha ndechokuti gadziriro yamasero anoparadza utachiona yavarwere veCFS inoratidzika kuva inoshanda zvisina kunaka, kunyange zvazvo mifungo ichisiana pamusoro pechikonzero nei ichidaro.
Sezvacherekedzwa munyaya yapfuura, vanachiremba vanowanzocherekedza kuti muvarwere vazhinji kupera mwoyo hakusati kuri chisakiso cheCFS. Zvisinei, muna vamwe varwere vamwe vanachiremba vanorangarira kuti zvinetso zvendangariro, zvakadai sokupera mwoyo, zvingava chisakiso. Nomutoo unofadza, kunzvera kwakazivisa kuti kupera mwoyo kunogona kukuvadza gadziriro yamasero inoparadza utachiona. “Dambudziko rendangariro iro rimene rinogona kuparira vhiringidziko mukushanda kweneurohormone negadziriro yamasero inoparadza utachiona,” anonyora kudaro Dr. Kurt Kroenke, weWalter Reed Army Medical Center muWashington, D.C.
Nokudaro, mune zvimwe zvinoitika kupera mwoyo kungazhendengura chinjo dziri mugadziriro yamasero anoparadza utachiona uko kungaparira CFS. Bva, zvimwe zvikonzero zvizhinji zvingagona kupedza simba gadziriro yamasero anoparadza utachiona zvimwe zvinobatanidzwawo.
Zvikonzero Zvisingaverengeki
Vafeyifeyi vazhinjisa vanobvuma kuti hakubviri zvikuru kuti chinhu chimwe chinoparira CFS. “Panzvimbo pakwo, CFS zvimwe chirwere chinoitika mumunhu anotapurika uyo maari kupera mwoyo, [rusemo], hosha dzoutachiona, kana kuti zvimwe zvisakiso zvakava somuuyo mumwero wakati kuti wekuvadziko yegadziriro yamasero inodzivirira utachiona,” yakatsanangura kudaro magazini inonzi Cortlandt Forum.
Mumwe chiremba, achinyora muMedical Post yeCanada akati: “Pangava netapuriko yakagarwa nhaka inodikanwa uye muviri wakanyanyoshandiswa ungava imwe tapuro. Ipapo chinoitika chakakomba, kazhinji kazhinji zvikuru hosha yakakomba youtachiona, inotapura munhu ane muviri wakanyanyoshandiswa. Mubatanidzwa weizvi zvisakiso zvose zvimwe unoparira kuvadziko kugadziriro yamasero anoparadza utachiona.”
“Nhamo ndiimwe yezvizhendenguriso zvikurusa zvatinoona,” akadaro Dr. Charles Lapp. “Padzimwe nguva takaona mamwe makemikari achiita basa. . . . Uye nomutoo unoshamisa chiverengero chakati kuti chavarwere vangu (kunyange zvazvo tisati tatongoita nzvero) vakadudza kuti mishonga inouraya zvipukanana, pendi, uye zvizoro zvinoratidzika kuve zvakabatanidzwa apo hosha yavo yakazhendengurwa.”
Munhau vanhu havana kutongoratidzirwa kudenho huru zvikuru pamiviri yavo kupfurikidza neshatiswo yemhoteredzo. Kupindwa muropa nokudya zvokudya uye nemirimo kungakuvadzawo muviri ndokutapura nomutoo wakashata gadziriro yamasero anoparadza utachiona. Vamwe vanachiremba vanototaura kuti nhevedzano refu yokushandisa mishonga inoderedza gadziriro yamasero anoparadza utachiona.
Zvimwe zvikonzero zvingavawo zvinobatanidzwa mukutambura kunooneka muzviuru zvavarwere veCFS. Asi nepo kune nzira dzinoyevedza nebviro dzinofadza, chisakiso cheCFS chichiri chisingazivikanwi.
Chiratidzo Chamazuva Okupedzisira
Muuporofita hwake hukuru pamusoro pamazuva okupedzisira etsika yenyika, Jesu Kristu akadeya kutaura, kuti: “Nhenda dzichavapo . . . munzvimbo nenzvimbo.” (Ruka 21:11, NW) Ikoku ndokwechokwadi sei munguva yedu! Hosha zhinji dzanhasi hadzina chisakiso chinozivikanwa, bva ikoku hakusati kuchitongodziita dzakaderera chose kana kuti kudziita dzive dzisina simba.
CFS sezvinooneka inongovawo zvayo chimwe chirwere chinoumba rutivi rwechiratidzo chakataurwa naJesu kuti chaizoratidzira mazuva okupedzisira. Asi kuziva ikoku hakusati kuchitongoita kuti upenyu huve nyore zvikuru kuna avo vari kutambura. Ko varwere veCFS vanogona sei kubata nenhamo yavo?