RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 9/8 pp. 5-9
  • CFS Ihosha Chaiyoiyo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • CFS Ihosha Chaiyoiyo Here?
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rondedzerwo yeCFS
  • CFS Ingava Kupera Mwoyo Here?
  • Ukoshi Hwoufakazi Hwazvino Uno
  • Zvakadiniko Kana CFS Iri Hosha Chaiyoiyo?
  • Ukoshi Hwokubvuma Chirwere
  • Kugonana Nechinetso cheCFS
    Mukai!—1992
  • Chirwere Chisingazivikanwi Chinozivikanwa
    Mukai!—1992
  • Kutsvaka Chisakiso
    Mukai!—1992
  • Kubatsira Vechidiki Vane Chirwere cheDepression
    Mukai!—2017
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 9/8 pp. 5-9

CFS Ihosha Chaiyoiyo Here?

“NDAKAENDA kuna vanachiremba vakawanda,” akatsanangura kudaro Priscilla, mutamburi weCFS (chronic fatigue syndrome) wokuWashington State, U.S.A. “Ndakanzverwa ropa uye ndakabvunzwa pamusoro pamararamire angu. Vakataura kuti hapana chinhu chakanga chakashata chaizvoizvo kwandiri uye vakakarakadza kuti nditsvake zano rokushanda kwendangariro. Hapana navamwe vavanachiremba vaidisa kurangarira kuti zviratidzo zvangu zvakanga zviri chaizvoizvo.”

Ndirumwe rudzi rwezvinoitika. Mumwe chiremba anonyora muJAMA (Journal of the American Medical Association) gore rakapfuura akati: “Murwerewo zvake weCFS akanga abvunza vanachiremba vakasiana 16. Vazhinji vakaudzwa kuti vakanga vane utano hwakanaka, kuti vakanga vachipera mwoyo, kana kuti vakanga vachitambura nhamo huru. Vazhinji vakatumirwa kunyanzvi dzoruzivo rwendangariro. Mugariro uri nani nhasi, asi uri nani zvishoma bedzi.”

CFS inomutsa zvinetso zvechienzi, sokucherekedza kunoita The American Journal of Medicine, kuti: “Nhamo yokubata nechirwere umo munhu anoratidzika kuva ari wadi mumuviri, ane kunzverwa kwomuviri kwenguva dzose, nemiuyo yokunzverwa yerabhorotari yenguva dzose ine dzvinyiriro hurusa mukubata nomugariro wakadaro. Kazhinji kazhinji chirwere chinobatana noukama husina kunaka pakati pavakwanyina, dzimwe hama dzokunyama, vashandirwi, vadzidzisi, vanachiremba voutano, uye makambani amainishuwarenzi.”

Chinetso kuna vanachiremba ndechokuti runeto chiratidzo chakadaro chinozivikanwa. “Kudai chiremba aiva ne[Z$5] nokuda kwomurwere ari wose aichema nouneto, iye aizopfuma uye aisazotofanirazve kushanda sachiremba,” mupepeti wenhau wezvokurapa akanyora kudaro. Asi, sezvinooneka, vashomanene vanochema noruneto vane CFS. Zvakusina kunzverwa kwokurapa nokuda kwechirwere chacho, chiremba anogona sei kuchinzvera?

Rondedzerwo yeCFS

Muna March 1988 CDC (U.S. Centers for Disease Control) yakabudisa muAnnals of Internal Medicine boka rezvipangidzo nezviratidzo izvo seboka zvairatidzira CFS. (Ona bhokisi riri pamwe chete nenhauyi.)

Mupimo chaiwoiwo zvikuru wokunzvera nawo CFS (1) idenho itsva yokutanga yoruneto inogara nguva refu inopfuura mwedzi mitanhatu uye inoderedza mwero womunhu womubato ne 50 muzana uye (2) kubviswa kwekumwe kurapa kana kuti migariro yendangariro inogona kuparira zviratidzo. Zvisinei, kuti agonzverwa CFS, murwere anofanira kutamburawo nezviratidzo 8 zve 11 zviri pandaza yomupimo muduku kana kuti zvimwe 6 zve 11 zveizvi zviratidzo pamwe chete ne 2 zve 3 zvapandaza yomupimo womuviri.

Nomutoo wakajeka, avo vanowanwa vane CFS vanorwara chaizvoizvo kwenguva refu. CDC yakaita kuti kurondedzerwa kweCFS kuve kwakaganhurirwa zvikuru kukuzivisa zvakajeka ava vanhu. Avo vane zvimiro zvomwero usina kukomba zvezviratidzo munguva ino vari kubviswa neiyi rondedzero.

CFS Ingava Kupera Mwoyo Here?

Zvakadiniko navanachiremba vanotaura havo kuti varwere veCFS vanotambura nokupera mwoyo uye dzimwe vhiringidzo dzendangariro? Ko ava varwere vane zviratidzo chaizvoizvo zvokupera mwoyo here?

Varwere veCFS vanowanzotambura kupera mwoyo,asi sokubvunza kwakaita Dr. Kurt Kroenke, purofesa wapachikoro chokurapa muBethesda, Maryland, U.S.A., kuti: “Ko munhu upi noupi angasapera mwoyo kana iye akagara akaneta kwegore kana kuti kupfuura here?” Naizvozvo kwakanaka kubvunza, kuti: Ko kupera mwoyo chisakiso cheCFS here, kana kuti muuyo?

Mubvunzo iwoyo unowanzova wakaoma kupindura. Chiremba angarangarira pfundo rechipiri romupimo mukuru, unoti ‘migariro yendangariro inogona kuparira zviratidzo zvinodikanirwa kubviswa,’ ndokugumisa kuti murwere anotambura nokupera mwoyo uye kwete chirwere chomuviri. Bva, mune zvinoitika zvizhinji ikoku hakusati kuri kunzvera kunogutsa.

Magazini yezvokurapa inonzi The Cortlandt Consultant yakati: “Ufakazi hunogombedzera zvikurusa hwokuti CFS chirwere ‘chomuviri’ ndiko kuvamba kwayo kwakamwe kamwe mu 85 muzana yavarwere. Voruzhinji vavarwere vanotaura kuti chirwere chavo chakavamba pazuva rakati nezviratidzo zvakafanana nechikosoro chairatidzirwa nefivhiri, [pahuro panorwadza, shwanu dzinozvimba, kudzimba kwetsandanyama], nezviratidzo zvinowirirana.” Vanachiremba vakatarisira varwere veCFS vanopwiswa kuti kupera mwoyo kunowanzosava chisakiso chezviratidzo.

“Patakaenzanisira zvinoitika zvedu,” akashuma kudaro Dr. Anthony Komaroff, mukuru mukuru weGeneral Medicine paBrigham and Women’s Hospital muBoston, U.S.A., “takaororwa neidi rokuti varwere vazhinjisa vakataura kuti ivo vakanga vave vane utano hwakanaka, vakasimba uye vachibudirira muupenyu kutozosvikira pane rimwe zuva ravakatanga dzihwa, chikosoro kana kuti kuzvimba kwegurokuro uye hazvina kutongopera. Zviratidzo zvingarangarirwa kuva zvendangariro—kupera mwoyo, kuperezeka kwomuviri kusakwanisa kurara zvakanaka zvichingodaro—hazvina kuvapo pamberi pokuvamba kwechirwere chacho.”

Chiratidzo chaichoicho chokupera mwoyo ndechokurasikirwa nefariro muchinhu chiri chose. Asi Dr. Paul Cheney akatsanangura, kuti: “Ava varwere vakangosiana bedzi. Vanonyanyoitira hanya icho zviratidzo zvavo zvinoreva. Havangagoni kushanda. Havangagoni kuita basa. Vazhinji vanotyiswa. Asi havashaiwi fariro mumhoteredzo yavo.”

Shwanu dzinozvimba, fivhiri, zviverengero zvechienzi zvamasero machena eropa, zvirwere zvokufema zvinodzokorora zvadzokororazve, marwadzo etsandanyama namapfundo, uye zvikurukuru kuperezeka kwomuviri kwechienzi uye kurwadza kwetsandanyama kunoitika kunyange pashure pokurovedza muviri kune mwero—izvi zviratidzo hazvisati zvichiratidzira chirwere chine chokuita nokupera mwoyo.

Ukoshi Hwoufakazi Hwazvino Uno

Muchinyorwa chayo chaNovember 6, 1991, JAMA yakashuma, kuti: “Mashoko okutanga okufundwa kuri kupfuurira kwavarwere kunowana kurondedzerwa kweCDC yechronic fatigue syndrome (CFS) anoratidzira kuti varwere vazhinjisa vane chirwere chacho havasati vari vanyajambwa vokupera mwoyo kana kuti zvimwe zvinetso zvendangariro.”

Dr. Walter Gunn, uyo akasanocherekedza kunzverwa kweCFS paCDC, akatsanangura mune ichi chinyorwa cheJAMA, kuti: “Pasinei hapo neidi rokuti vanachiremba vazhinji vangave vakafunga nezvaava varwere vose [mufundo] vakanga vakapera mwoyo, takawana kuti inenge 30% bedzi yavarwere veCFS vakanga vane ufakazi hwokupera mwoyo pakuvamba kworuneto.”

Kunotova nemisiano yomuviri iri pavarwere vazhinji veCFS navatamburi vokupera mwoyo. “Varwere vane major depression disorder (MDD) vanowanzova nemigariro yechienzi mukurara kwerapid-eye-movement (REM), nepo varwere veCFS vane migariro yechienzi mu[kurara] kusati kuri kweREM,” yakadaro magazini yezvokurapa inonzi The Female Patient.

Magazini inonzi Science yaDecember 20, 1991, yakashuma kumwe kuwana kunokosha. Yakati kunzvera kunoratidzira kuti “varwere vane mwero yakashandurwa yamamwe mahormone ouropi” uye yakati: “Kunyange zvazvo misiano pavanhu vasina kuva neCFS yaiva nomwero, varwere venguva dzose vairatidzira mwero yakaderera yesteroid hormone cortisol, uye mwero yakawedzerwa yepituitary hormone ACTH (adrenocorticotropin hormone), musiano chaiwoiwo wechinjo dzinoonekwa pakupera mwoyo.”—Kutsveyamiswa kwamashoko eShona ndokwedu.

Zvakadiniko Kana CFS Iri Hosha Chaiyoiyo?

Vanachiremba vanopanikira vhiringidziko dzavasinganzwisisi, dzakadai seCFS. “Panikiro inotekeshera muna vanachiremba vedu,” akanyora kudaro Dr. Thomas L. English. “Panikiro ine mufungo ndiyo ‘nzira yazvino uno yakakurumbira’ yokufunga yavanachiremba vakangwara, vanonzwisisa.” Bva, Dr. English anopanikira mabetserere anoita kuva anopanikira nokuda kwomurwere anotambura “kana CFS iri hosha chaiyoiyo.” Anobvunza vanachiremba biyake vanopanikira, kuti: “Zvakadiniko kana imi musina kururama? Ndeipi iri miuyo nokuda kwavarwere venyu?”

Dr. English iye amene anotambura neCFS, uye gore rakapfuura JAMA yakabudisa nyaya yake yakanangidzirwa kuna vanachiremba biyake. Akavakumbira kuzvipinza vamene munzvimbo yomurwere anotambura, achirondedzera zviratidzo:

“Unobatwa ne‘dzihwa’ uye pashure pacho utano hwoupenyu hwako hunoshandurwa nomutoo usingakanganwiki. Haungagoni kufunga zvakanaka . . . Padzimwe nguva kunoda simba rako rose kuti urave pepanhau kana kuti kufungisisa pamusoro penhau yepurogiramu yeterevhizheni. Unonzwa sokunge kuti une madendere okufamba nendege yejeti asi haaperi samadendere enguva dzose. Sachiremba, waichimbova nechivimbo mukutarisirwa kwomurwere, zvino hauchina. Myalgias [kudzimbwa netsandanyama] kunoitika mumativi omuviri wako wose. Zviratidzo zvinowedzera zvichiderera muukuru. . . . Iwewo ungapanikira zvimwe zvezviratidzo zvako kudai wakanga usina kutaura kuna vamwe varwere vane zvinoitika zvakafanana . . . kana kuti kutaura navanachiremba vakaona mazana ezvinoitika zvakafanana. . . .

“Ndakataura namakumi avarwere biyake vakaenda kuna vanachiremba vedu nokuda kwebetsero, asi vakadzoka vaderedzwa, vatsamwa, uye vachitya. Miviri yavo yakavazivisa kuti vakanga vachirwara mumuviri, asi mufungo wavanachiremba vavo wokuti chirwere chavo chakanga chiri vhiringidziko yendangariro wakanga uchingotyisa bedzi nounotsamwisa—usati uchipa chivimbo. Ini ndakavaudza kuti vanachiremba vavo vakanga vasinganzwisisi chinetso chaichoicho. . . . Todavira here kuti nemhaka bedzi yokuti zviratidzo ndezvechienzi uye zvisina kurovedzeka hazvingagoni kuva chaizvoizvo? Toti here kunzvera kwedu kwerabhorotari kunokwanisa kunzveresesa hosha itsva pamwe chete nedzekare? Kusavimba nepfungwa itsva kwavapo sokuvapo kworudzi rwomunhu; ndozvinoitawo miuyo inokuvadza yokusavimba ikoko.”—JAMA, February 27, 1991, peji 964.

Ukoshi Hwokubvuma Chirwere

“Vanachiremba vanopedzera nguva yakawanda mukutaura navarwere vane CFS vanonzwa nhau inowirirana chose chose; nhauyo muenzaniso wakafanana weizvo vanhu vane CFS vanokuudza,” akadaro Dr. Allan Kind, nyanzvi yehosha dzechihure. “Ndinogona kukuudza kuti Chronic Fatigue Syndrome ndiyo chaiyoiyo.”

Vanachiremba vakawanda zvino vanobvuma. The Female Patient nokudaro inokurudzira vanachiremba, kuti: “Kutozosvikira kunzvera chaikoiko uye kurapa kwakakodzera zvogona kusimbiswa, chiremba ane mutoro chaiwo wokuzivisa ava varwere kuti ivo zvamazvirokwazvo vane chirwere chaichoicho, uye kuti hachisati chiri ‘chinetso chendangariro.’”

Betsero yokusimbisa kuvapo kwechirwere chomurwere inogona kuva hombe. Apo chiremba akaudza mumwe mukadzi kuti akanga ane CFS, iye akati: “Misodzi yakangoyerera bedzi.” Kunzwa chiremba achitaura kuti chirwere chake chakanga chiri chaichoicho, uye kuti icho chakanga chine zita, kwakanga kuri sununguro kwaari.

Bva, chii chinoparira CFS? Ko kunzvera kwakazivisei?

[Bhokisi riri papeji 7]

Mupimo Wokunzvera Nokuda kweChronic Fatigue Syndrome

Mupimo Mukurusa

1. Denho itsva yoruneto inogara kwenguva refu inopfuura mwedzi mitanhatu iine 50 muzana yetapudzwo yomubato

2. Hakuna kumwe kurapa kana kuti migariro yendangariro inogona kuparira zviratidzo

Mupimo Muduku

Zviratidzo zvinofanira kuvamba pakudenha kworuneto kana kuti pashure parwo

1. Fivhiri yomwero wakaderera

2. Pahuro panorwadza

3. Shwanu dzinorwadza

4. Utera hwetsandanyama dzomuviri wose

5. Marwadzo etsandanyama

6. Runeto rwenguva refu pashure pokurovedza muviri

7. Kutemwa nomusoro

8. Marwadzo amapfundo

9. Kusakwanisa kurara

10. Zvirwere zvegadziriro yendangariro, zvakadai sokukanganwa, vhiringidziko, kufungisisa kunotambudza, kupera mwoyo

11. Mavambo anorwadza zvikuru (kwamaawa mashomanene kusvikira kumazuva mashomanene)

Mupimo Womuviri

1. Fivhiri yomwero wakaderera

2. Kuzvimba pahuro

3. Shwanu dzinotapurika kana dzinorwadza

[Mufananidzo uri papeji 8]

Vanachiremba vanofanira kuziva kutsauranisa kupera mwoyo ne“chronic fatigue syndrome”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe