Kuwana Iwe Chaiyeiye
APO iwe unotarira muchionioni, unoonei? Mufananidzo womuviri wako umene. Asi iwowo unokuzivisa uyo iwe uri chaizvoizvo here? Unokuzivisa kuti vamwe vangakuziva sei somunhu here? Unoziva chaizvoizvo wauri here? Unoziva kuti tsika dzako umene dzakaumbwa sei pakutanga here? Hungu, ko iwe, somunhu, wakatanga sei?
Paunotindika kuti ukamuranise mativi ose akaumba hunhu hwako, ungacherekedza kuti pesvedzero zhinji dzakaiswa pauri—zvimwe navamwe vanhu kana kuti nezvimwe zvinhu. Mukati mamakore edu apakuvamba okukura, vazhinjisa vedu vakanga vasitongorina chokuita nokuumba miitiro yedu timene nenzira. Naizvozvo ngatinzverei dzimwe dzeidzi pesvedzero dzinoumba hunhu dzakaiswa pauri—dzimwe dzacho kare kare usati wava nebanza rokuita chinhu chipi nechipi pamusoro petsika dzako umene.
Mavara Anogarwa Nhaka Anoita Rutivi Rukuru
Ko mavara anogarwa nhaka akakutapura zvakadini? Rongedzero yeDNA, yakawanwa mumachromosome anopfuudzira mavara enhaka, ine rondedzero nemirairidzo zvakarongwa nokuda kwokukura kwomunhu mumwe nomumwe. Naizvozvo hukuru hwakadini hwetsika dzako umene hunopesvedzerwa mumavara anogarwa nhaka? Kunooneka sokunge kuti kuchine chinetso mukubvumikisa batano ipi neipi chaiyoiyo pamavara anogarwa nhaka uye hunhu. Zvisinei, kune mimwe mitoo inoratidzika kuva ine kodzero. Somuenzaniso, chiverengero chakati chemiitiro yako yokunyama yakagarwa nhaka chine chokuita chapakarepo patsika dzako. Nokudaro, vanhu vazhinji vane kufungira mano nepfungwa dzinodeya kurangarirwa pamusoro paavo vorumwe ruvara rweganda kana kuti dzinza.
Mukadzi ane pamuviri anogona kubetsera kana kuti kukuvadza mwana wake asati aberekwa kupfurikidza nemiitiro yake amene, mifungo, uye mirangariro. Chaizvo rugare rwakadini kana kuti kutsamwiswa zvakaiswa pauri apo wakanga uri munhumbu yaamai vako? Wakadzidzeiko pachimiro chenzwi ravabereki vako, nziyo dzavaiteerera? Wakatapurwa sei nezvokudya zvaidya amai vako? Kana vakanwa chinwiwa chinodhakisa kana kuti kushandisa mirimo, wakatapurwa zvakadini nazvo? Pakuzosvika panguva yawakaberekwa, mizhinji yemiitiro yako yakanga yatorongwa uye zvichida yakaoma kuchinja.
Zvakadiniko Nezvokudya, Kuita Kwomuviri Kuzvinhu, Mhoteredzo?
Zvawaikura kuva mwana, zvimwe zvinhu zvakati kuti zviri muzvokudya zvako zvingave zvakava netapuro patsika dzako. Zvinotapirisa, zvinochinjisa ruvara rwezvokudya, uye zvinodzivirira kuora—zvose zvinogona kushandisa simba risingaoneki patsika. Mubato wokunyanyisa, kusagadzikana kunowedzerwa, kutapurika, marwadzo etsinga, uye zviito zvisina mwero uye zvisingadzoreki ndizvimwe chaizvo zvemiuyo yacho. Shatiso inobva muutsi hwemotokari, tsvina dzinobva munzvimbo dzamabasa okugadzirwa kwezvinhu, uye mimwe michetura zviri mumhoteredzo zvinoumbawo tsika. Kana kuti, pamwero womunhu oga, ungave une kuita kwomuviri kunokutapura zvakakomba zvikuru bva kungave kusina muuyo wakashata pana avo vari pauri.
Mukuwedzera kune idzi pesvedzero, tsika dzavabereki vako, zvavanoda nezvavasingadi pamwe kufungira mano kwavo kwawakararama nako kubvira muucheche, kwakava netapuro pauri uye kwakaumba hunhu hwako kusvikira kumwero wakati. Muuyo wacho ndowokuti zhinji dzenzira dzako nomurangariro wako wose woupenyu zvinongova bedzi mufananidzo wezvavo. Unokombamira kukushatiriswa nezvinhu zvinovashatirisa. Unokombamira kukushivirira zvinhu izvo ivo vakashivirira. Uye hauwanzocherekedzi kuti unotevedzera tsika dzavo kutozosvikira mumwe munhu akuudza kuti uri kuita zvakafanana chaizvo nababa vako kana kuti namai vako. Chimiro chavo chezvemari uye magariro chakakutapurawo, sezvakaita vavakidzani vako uye mhoteredzo yechikoro. Shamwari dzako navasonganiri vakavawo nepesvedzero huru pauri. Zvichida tsaona yakashata (yakaitika kwauri kana kuti kushamwari yapedyo), ngwavaira yakati yomunzvimbomo, kana kuti kunyange zvinoitika zvenyika zvinotambudza zvakakutapura. Kana kuti kungaitika kuti chinhu chinosuruvarisa chakati kuti, chakadai sechatanuro kana kuti chirwere chakakomba, chakasiya vanga pahunhu hwako.
Ko iwe, pamufananidzo, unogona here kuziva pesvedzero dzakadaro?
Rudzidziso Runoita Rutivi Rwakadini?
Murondedzero, rudzidziso runofanira kukubetsera kuva munhu ari nani, anovandudza tsika dzako dzokuzvibata, mipimo, uye muitiro wezuva nezuva. Chaizvoizvo mingani yemipimo yako uye zviito zvakatapurwa norudzidziso? Nepo rudzidziso ruchifanira kuita sechidziviso patsika dzisingavimbiki, dzoutsotsi, vanhu vazhinji vari kutapurwa nokubatana kwavo norudzidziso nenzira yakasiana. Vanoona uzhinji hwenyengedzo nesimbiso pazvinhu zvokunyama panzvimbo pemipimo yomudzimu mumachechi ndokuva vanotsamwiswa somuuyo. Vangatova vasiri vorudzidziso, vabirwa umudzimu netariro.
Ungakwanisa kufunga nezvedzimwe pesvedzero dzokunze dzinoumba tsika. Chimbopedza maminiti mashomanene uchirangarira pamusoro pezvinhu zvipi nezvipi zvingave zvakakutapura kusvikira zvino. Unogona kuronga zvimwe zvazvo here? Kuva usina kwawakarerekera hakuzi nyore uye kufunga neiyi nzira, asi kwakakodzera nhamburiko yacho uye kungava kunokubetsera zvikuru. Kungadaro sei?
Eya, kana uchigona kuziva pesvedzero yakati kana kuti chisakiso chekombamiro yakati yakashata mutsika dzako, kana uchigona kuitsauranisa chaizvoizvo, uchave uchikwanisa kuidzora, zvimwe kunyange kuichinja. Kana uchigona kuidzora, kana kuti kunyange kurega, pesvedzero isingadiwi, ungagona kuva munhu akasiana, anozvibata zvakanaka zvikuru kuna vamwe.
Chokwadika, ikoko idenho. Asika sezvo zhinji zvikuru dzepesvedzero patsika dzako dzakaiswa pauri navamwe vanhu kana kuti nemigariro yawakanga usingagoni kudzora, kuregererei kutanga kuita chimwe chinhu pamugarirowo nokuda kwako umene? Kana kuchireva vandudziko, kuregererei kuchinja zvauri?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]
Zviito nemirangariro zvomukadzi ane pamuviri zvingatapura mwana wake asati aberekwa