Kuchinjirei?
VASHOMANENE vedu vanoda kubvuma kuti tine utera hwakatanhamara. Ndeechokwadi sei mashoko anobva kune wenhetembwa weScotland Robert Burns, anoti: “Haiwa, kudai bedzi Simba rakati ringatipa mano okuzviona timene sokutiona kunoita vamwe”! Hungu, tinokuwana kuri nyore kuwanira mhaka vamwe uye tingakurumidza kupa pangiro kuvaratidza mutoo wokuvandudza nawo. Asi chikarakadzo chipi nechipi icho isu timene tinoda kuti tichinje tsika dzedu chingatitsamwisa. Chingakutsamwisa here?
Ngatimbomirei zvishoma ndokufungidzira nyika yakakwana umo munhu ari wose akachena, ane utano hwakanaka, anofara, uye akatendeseka; umo kunyange avo vari muchiremera vane mutsa uye vanorangarira, vanofarira kuitira vamwe zvakanaka; umo musina makaro, uye musina munhu anodyeredzera mubiyake; umo vana vanoteerera vabereki vavo vane ushamwari, vanotarisira; umo musina kufufutirwa nehasha—musina masimba masimba, musina utsotsi, musina utere; umo vanhu vanovimba uye vanofara kupfurikidza nomusikirwo; umo upenyu hunogona kufarikanywa nepfungwa yechengeteko negarikano.
Unogona kuzviona umene uchikodzera munyika yakadaro here, kudai nyika Yakaisvonakisisa kudaro yaizombovapo? Eya, mashoko akanaka anobva muBhaibheri ndeokuti nyika yakadaro iri kuuya kupasi rino nokukurumidza. Naizvozvo zvino mubvunzo unokosha ndouyu: Une miitiro ipi neipi yetsika iyo ingasakukwanirisa kukodzera munzanga yakadaro ine rugare neinofadza here? Unofunga kuti, kwakaoma sei, kungava kwakakodzera kuedza kukwaniriswa nokuda kwoupenyu muparadhiso yakadaro here?—Isaya 65:17-25; 2 Petro 3:13.
Kunyange zvino, nyika yakadaro isati yasvika, upenyu hwako hungagona kuvandudzwa kana iwe wakaita chimwe chinhu pamusoro petsika dzako nechimiro chendangariro here? Kana zvakadaro, ipapo kuregererei kuchinja? Kunobvira kuita kudaro. Yeuka, pesvedzero chaidzo dzakaumba uye dzakaita tsika dzako pakutanga, naizvozvo kupfurikidza nokushandisa kudzora kwakawanda uye fariro, kunokubvirira kuumbazve tsika dzako kunyange zvino.
Zvisinei, ungarambazve, uchiti: ‘Asika ini ndinogona kuchinja chaizvoizvo here? Ndakaedza kare, kazhinji, ndokukundikana. Ndinongova zvangu sezvandiri, uye hapana chinhu chandinogona kuita pamusoro pako!’
Rangarira Pauro, muapostora waJesu Kristu. (VaRoma 7:18-21) Pauro akachinja kubva mukuva mushori ane masimba masimba, anozviruramisa wamaKristu ndokuva muKristu amene. Akachinja nemhaka yokuti akanga achida zvomenemene. Haana kurega nemhaka yedzosera shure kana kuti pesvedzero dzamavara anogarwa nhaka. Haana kudavira kuti hunhu hwake hwekare hwaisagona kuchinjwa. Kwakada nhamburiko hurusa kwaari. Asi akawana betsero hurusa.—VaGaratia 1:13-16.
Ko iyi betsero yakabva kupi?