Kunzvera Mhuka—Murangariro Wakadzikama
KUNYANGE zvazvo mutengo unoripirwa ungava unomutsa nharo, vanhu vazhinji vanodavira kuti kunzvera mhuka kwakaparira zvakanaka zvikurusa nokuda kwavanhu. Kunyange avo vanoreverera masimba masimba mukurwisana nokushandiswa kwokuedzwa kwemhuka vave vari vabetserwi vezivo itsva yokurapa nemiitiro yokurapa uyewo mirimo inorwisa hosha.
Martin Stephens weHumane Society yeUnited States akati: “Tinotofanira hedu kuva vakatendeseka ndokuziva kuti kwave kune betsero dzakati kuti dzinobva mukunzvera mhuka. Asika nharidzano yedu yokupedzisira ndikwo kutsiviwa kwakakwana kwemhuka. (Parade Magazine, October 9, 1988) “Ndinobvuma,” akadaro Vicki Miller, purezidhendi weToronto Humane Society, “kuti zvakanaka zvakati kuti zvakaitwa nemhuka mukuvamba mezana ramakore. Kudzorwa kwehosha yeshuga kwakawanwa nomutoo uno mufungo mukunzvera mhuka. Asika hapana dikanwo yakwo zvino nokuti tine marudzi ose oruzivo rwounyanzvi hwamapinduko.”—The Sunday Star, Toronto, Canada.
Uyu mutsoropodzi mumwe cheteyo akabvunzwa mapindurire aaizoita avo vanopokanidza: Kana gonzo richifanira kufa kuti riponese upenyu hwomwana, kwakarifanira. Kana mhuka dzichichengetwa kuti dzirege kunzverwa, vana vanofa kuti vaponese makonzo. Mhinduro yake kuToronto Globe and Mail yakanga iri yokuti: “Inongova hayo nhau yendangariro, uye mumurangariro iwowo kwave kuchidokuva kusingabviri kukurira . . . Pane pokanidzano yegonzo nomwana uye nguva yose unorashikirwa.”
Mubvunzo wakabvunzwa munyaya inotangireyi, kuti: “Kana kunzvera mhuka kuchigona kukuponesa kana kuti mudikanwi pahosha inorwadza kana kuti rufu, ungakuramba here?” John Kaplan, purofesa womutemo wapaStanford University, California, akanyora mhinduro muchinyorwa chaNovember 1988 chemagazini yeScience, kuti: “Avo vanoshora kunzvera mhuka havawanzomira panheyo ndokurairidza vanachiremba vavo kusashandisa miuyo yokunzvera kushanda kwomushonga mumuviri pamhuka apo ikwo kungabetsera vadikanwi vavo kana kuti ivo vamene. Uyewo ivo vave vasati vachidisisa kuzvirambira ivo vamene zvimuko zveenderero mberi zvipi nezvipi zvomunguva yemberi zvinobva mukunzvera mhuka. Tinogona kuyemura nheyo dzinogombedzera Zvapupu zvaJehovha kuramba kuisirwa ropa . . . naavo vanoramba kuvhimwa kwemhuka dzine mvere kusapfeka zvipfeko zvine mvere. Asi tinofanira kurwisa nesimba pfungwa inoparira avo vanoshora kunzvera mhuka kutevera nzira yavo kwete kupfurikidza nomuenzaniso asi panzvimbo pakwo kupfurikidza nokurwisa mupokanidzano dzokusatendeseka dzokunyima munhu ari wose betsero.”
“Vanhu vanofanira kuziviswa,” akanyora kudaro mupepeti wenhau wemagazini yeScience yaMarch 10, 1989, “kuti kunzvera pamhuka kunobetserawo dzimwe mhuka. Chokwadi, jekiseni rehosha yen’ombe, utachiona hunouraya mamirioni en’ombe pashoma napashoma uye inorwadza, rakatangwa kupfurikidza nokunzvera mhuka; jekiseniro zvino riri kushandiswa neWorld Health Organization kumamirioni en’ombe muAfrica.”
Murangariro weBhaibheri
Pashure paMafashamo emburumbwa yose muzuva raNoa, Jehovha Mwari akabudisa chirevo kuna Noa nokuvana vake, avo vanobatanidza chizvarwa chedu: “Mhuka iri yose inofamba iri mhenyu ingabatira sezvokudya zvenyu. Kana zviri zvinomera zvakasvibira, ndinozvipa kwamuri. Nyama bedzi nomweya wayo—ropa rayo—hamuzati muchifanira kudya.” (Genesi 9:1, 3, 4, NW) Makanda emhuka aigonawo kuva anoshandiswa nokuda kwezvokupfeka. Ikoku hakungaputsi udzori hwakapiwa naMwari hwomunhu pamhuka.—Genesi 3:21.
“Kana mhuka dzingashandiswa sezvokudya zvinotsigira upenyu hwavanhu,” yakanyora kudaro magazini yaMukai! yaJune 22, 1980, “kunoratidzika kuva kuno mufungo kudzishandisa mukunzvera kwokurapa kuponesa upenyu. Zvisinei, irworwu harwuzati rwuri rubvumidzo rwokunzvera kusingaganhurirwi uye kazhinji kazhinji kusina maturo, kwokudzokorora kunobatanidza kutambura kukuru.” Zvamazvirokwazvo, kubva mumurangariro weBhaibheri, utsinye hukurusa kumhuka hahungagoni kururamiswa.—Eksodho 23:4, 5, 12; Dheuteronomio 25:4; Zvirevo 12:10.
Vanachiremba vazhinji navezvesayenzi vanobvuma kuti zvakanaka zvakati kuti zvakabva musangano rokuchinja raavo vanoshora kunzvera mhuka. “Chitsama chinotyisa chamapfundo akaitwa nesangano regarikano yemhuka ndeokunyanyisa asi akarurama hawo,” akabvuma kudaro mumwe wezvesayenzi. “Upenyu nokutambura kwemhuka zvechokwadi zvinofanira kurangarirwa nokuda kwechimwe chinhu,” akazivisa kudaro wezvesayenzi weAmerica Jeremy J. Stone. “Zivo yakati kuti inogona kuwanwa pamutengo wakanyanyokwirira kwazvo,” yakabvuma kudaro nyanzvi yokushanda kwomuviri Dr. D. H. Smith. “Tinobvuma nechishuvo chokuita kuti kunzvera kuve kunorwadza zvishoma, kutarisira uye kuderedza chiverengero chemhuka mukunzvera,” akadaro Dr. J. B. Wyngaarden weU.S. National Institutes of Health. Uye mumwe wezvokushingaira wemhuka akabvuma, kuti: “Kwaichimbova hunenge ushingi kushandisa uye kusafunga chinhu chipi nechipi pamusoro pakwo. Nhasi, kufunga pamusoro pamapinduko kunorangarirwa kuva chinhu chokuita.”
“Mapanduko” ishoko gurusa. Vezvesayenzi vanobvuma kuti havangatongosviki papfundo rokubvisa chose chose kunzvera mhuka, asi kwakunobvira vanoramba vachitsvaka mapinduko. Somuenzaniso, tsuro hadzisati dzichashandiswazve kusimbisa mimba yomunhu, sezvo muitiro wokusimbisa nawo zvino uri kuwanikwa. Mbira hadzisati dzichashandiswazve kuwana utachiona hworurindi. Mitoo yokuwana nayo hosha zvino iri kuponesa upenyu hweidzi mhuka idzo dzingadai dzakafa nomumwe mutoo. Mimwe miitiro yokunzvera nayo yakatsiva kunzvera pambeva. Uye tsuro zhinji dzaifukidzirwa namahwendefa nokuda kwokunzvera kunorwadza kweDraize dzingaregwa nokuda kwebinduko rokushandisa rukanda rwezai renhunzvi yehuku sorukanda rwapamusoro rwokunzvera narwo. Zvamazvirokwazvo, vanhu vanotapurika nokutambura kwemhuka vanokarira kuti kuchava namamwe mabinduko mazhinji anowanwa, uye nokukurumidza.
Zvisinei, binduko gurusa rokunzvera mhuka richava Paradhiso iya yapasi yanguve ichimirirwa iyo maKristu echokwadi ave achinyengeterera. Jehovha Mwari, Musiki ano rudo, akavimbisa kuti zvirwere zvose uye rufu irwo rwumene zvichaparadzwa nokusingaperi. Munyika itsva yakavimbiswa yaMwari, munhu nemhuka zvichagarisana murugare nokusingaperi, uye hapana chinhu chichazvityisa. Uye hakuzati kuchizovazve nezvirwere nokudaro hapana dikanwo yokunzvera mhuka. Utsinye huchava chinhu chakapfuura.—Isaya 25:8; 33:24; 65:25; Mateo 6:9, 10.