Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinofanira Kubhapatidzwa Here?
SUSANA ane zera ramakore gumi namatatu akanga ari muzvikamu zvokupedzisira zvegomarara apo iye akapinda kokorodzano yake yokupedzisira yeZvapupu zvaJehovha. Haana kuziva kuti iye aizofa mukati mamazuva gumi bedzi. Zvisinei, kunyange gomarara rakanga risingagoni kumudzivisa kuita chishuvo chake chaaida zvikurusa: kubhapatidzwa seChapupu chakazvitsaurira chaJehovha uye mudzidzi waJesu Kristu.
Susana aingova bedzi mumwe wavane zviuru vavechiduku vari pakati peZvapupu zvaJehovha mumakore achangobva kupfuura aya avo vakachengeta chishuvo chokuva vanobhapatidzwa. Asika zvimwe unowana kariro yokuita chimiro chakadaro choushingi kuchityisa zvikuru. Hakuzati kuri kuti hauzati uchidavira zvokwadi dzakavakirwa muBhaibheri dzawave uchidzidziswa. Ungave uri mupindi wenguva dzose misangano yechiKristu uye ungave uchigarotora rutivi mukugovera zvokwadi kuna vamwe. Bva, pakureva nezvokutsaurira upenyu hwako kuna Mwari, ungazengurira. Ipapoka, rubhapatidzo runokosha sei? Uye neiko pwere zhinji dzichirutya?
Rudzidziso Rusina Tsauriro
MuchiKristudhomu, mubvunzo worubhapatidzo unowanzopindurirwa pwere navabereki vadzo. Mamwe masekete anokurudzira vabereki kuti vaite kuti vana vavo vabhapatidzwe savacheche. Uye kunyange apo muitiro worubhapatidzo unochengeterwa vakura, pwere dzinowanzokarirwa kutevera rudzidziso rwavabereki vadzo muuchokwadi, kwete chisarudzo.
Nomutoo unofadza, kunyange zvazvo zvakadaro, nzvero yeGallup muUnited States yakazivisa kuti nepo “vanenge vechiduku vose (96 muzana) vachidavira kuti kuna Mwari,” 39 muzana bedzi yaiwanzonyengetera. Uye 52 muzana bedzi yaivimba norudzidziso rwakarongwa. Diane muduku nokudaro haarevi nhema mukuti: “Ndinodavira muna Mwari nezvimwe zvose, asika ndinodavira zvikuru mukungoedza bedzi kuva munhu akanaka kupinda kurava mutsara uri wose weBhaibheri.”
Hungu, rudzidziso runogona kuva simba risine tapuro, zvamazvirokwazvo, parunenge rwakaiswa papwere navabereki vayo. Nzvero yakaitwa yeboka resindimari dzepwere dzechiKaturike inoenzanisirazve ikoku. Hafu yadzo yaipinda chechi. Zhinji dzadzo dzaiziva dzidziso dzehwaro dzokutenda kwadzo. Uye inenge 90 muzana yadzo yakanga isingatenderi kuba. Bva, zvinopfuura zvikamu zviviri zvezvitatu zvaiva mbavha! Rakadaro bhuku rinonzi The Adolescent: “Chimwe chikonzero chingava chokuti kuzvipa kworudzidziso kwomukomana kwakanga kuri kuduku. Vose vakaberekwa vari vaKaturike; kuzvipa kwavo kwokutanga kwakavaitirwa navabereki vavo. Rudzidziso rwavo rwakanga rwusati rwuri rwavo vamene.”
Rubhapatidzo—Chikonzero Nei Rwuri Chinodikanwa chechiKristu
Nokuda kwechikonzero chakanaka, ipapoka, Bhaibheri rinoda kuti iwe—kwete vabereki vako—uite kuzvitsaurira kwako umene kuna Mwari.a ‘Zvakanaka hazvo,’ ungadaro, ‘asi kana tsauriro iri yomunhu oga, chimwe chinhu pakati paMwari neni, neiko ndichifanira kubhapatidzwa?’
Nemhaka yokuti rubhapatidzo runobatanidza ‘ruponeso rwomweya wako.’ (1 Petro 1:9, NW) Mwari anorangarira kuunza “matsive pana avo vasingazivi Mwari naavo vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu. Ivava vachawana chirango chokutongwa choruparadziko rusingaperi.” (2 VaTesaronika 1:8, 9) Zviratidzo zvose ndezvokuti uru ruparadziko ruchasvika muzuva redu.b
Bva, kuda kwaMwari ndiko kuti “marudzi ose avanhu anofanira kuponeswa.” (1 Timotio 2:4, NW) Anoda kuti iwe upone pamugumo wetsika ino yezvinhu ndokurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano! (Zvakazarurwa 21:3, 4) Asika unogona sei kuzviratidzira umene somumwe anoteerera mashoko akanaka? Kungodavira bedzi zvokwadi dzeBhaibheri dzawave uchidzidziswa hakuna kuringana, uyewo hakuna kuringana kungoita gudzamudungwe bedzi navabereki vako uchienda kumisangano yechiKristu. (Enzanisa naJakobho 2:19.) Avo vanoda ruponeso vanofanira kuzvitsaurira ivo vamene kuna Mwari ndokuita kuda kwake. Anodaro muapostora Pauro pana VaRoma 12:1, kuti: “Naizvozvo, hama, ndinokukumbirai kupfurikidza netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibairo chipenyu, chitsvene, [“yakatsaurirwa,” The New English Bible] chinogamuchirika kuna Mwari, basa dzvene nesimba renyu rokurangarira.”
Asika tsauriro haingagoni kuramba iri nhau yapachivande chaizvoizvo. Kunze kwezvo, mudzidzi wapachivande angazvipira sei, angazvitsaurira sei zvomenemene? (Enzanisa naJohane 19:38.) Waizovimba neshamwari yaida kuita kuti ushamwari hwenyu hurambe hwakavanzika here? Nomutoo wokuchenjera, ipapoka, Mwari anoda kuti vose ‘vaite ziviso yapamhene nokuda kworuponeso.’ (VaRoma 10:10) Ikoku kunovambira parubhapatidzo. Panguva iyeyo, munhu anoita kuzivisa kwokutaura nomuromo kutenda kwake. Ipapo, rubhapatidzo rwomumvura runotevera. (Mateo 28:19, 20) Ukoshii hungavapo, kunyange zvazvo zvakadaro, mukuva anonyudzwa mumvura?
Rubhapatidzo hakuzati ruri kungoshambawo zvakwo; rufu rwokufananidzira. Paunoenda pasi pemvura dzorubhapatidzo, kunoroverera pauri kuti wafa kunzira yako yekare. Kare, zvinendirini zvako umene, nharidzano, uye zvishuvo zvakaitika muupenyu hwako. Asi Jesu akataura kuti vadzidzi vake vaizo‘zviramba vamene.’ (Marko 8:34) Naizvozvo paunomutswa, unoyeuchidzwa kuti zvino wava mupenyu kuti uite kuda kwaMwari. Ichi chiito choushingi, chapamhene rutivi runokosha rwechiratidzo chinokuzivisa kuti uri woruponeso!—Ezekieri 9:4-6; enzanisa na 1 Petro 3:21.
‘Ndinotya Kuti Ndingadzingwa’
Kana rubhapatidzo ruchikosha zvikuru, neiko, zvino, pwere dzimwe dzichirurega? Mukai! akabvunza mubvunzo iwowo umene kuchiverengero chakati kuti chepwere. Mumwe musikana akati: “Vazhinji vanorangarira kuti vachava norusununguko rukuru kana vasina kubhapatidzwa. Vanorangarira kuti kana vakapinda muchinetso, havangavi nomutoro.” Imwe pwere inonzi Robert yakadzokorora iyi tsinhiro kupfurikidza nokuti: “Ndinofunga kuti zhinji dzepwere dzinozengurira kubhapatidzwa nokuti dzinotya nhanho yakwo yokupedzisira yadzisingagoni kudzoka shure kwayo. Dzinorangarira kana dzikaita chimwe chinhu chisinokururama, dzichaiswa kunze kweungano.”
Ichokwadi kuti munhu haangagoni kudzoka shure kwokuzvitsaurira kuna Mwari. (Enzanisa naMuparidzi 5:4.) Munhu anozvitsaurira amene kuna Mwari anotora mutoro wakakomba. Iye anosungirwa ku“famba zvakafanira Jehovha kusvikira kumugumo wokumufadza zvizere.” (VaKorose 1:10, NW) Munhu anopinda muchakaipa chakakomba anotopinda mungozi yokudzingwa muungano yechiKristu.—1 VaKorinte 5:11-13.
Bva, munhu haangarangariri kuti chero bedzi munhu asina kubhapatidzwa, anoita chinhu chiri chose hake. Nokuti “kana munhu achiziva maitirwe echiri chakarurama asi asingachiiti, chivi kwaari”—akabhapatidzwa kana kuti asina kubhapatidzwa! (Jakobho 4:17) Munhu angadzivisa kudzingwa kwomuitiro muungano, asi munhu haangagoni kunzvenga rutongeso rwaJehovha. “Musaita mhosho,” Pauro anonyevera kudaro, “musazvidza Mwari; nokuti munhu uchacheka zvakafanana chaizvo nezvaanodyara.”—VaGaratia 6:7, Byington.
Kazhinji kazhinji kutyiwa kwokudzingwa kunofukidzira zvomenemene chishuvo chakavanzika chokujaidza kuita chakaipa. Imwe mhandara inonzi Natalie nomutoo wokusavanza yakati: “Ini ndakarererwa munyika yaSatani uye ndinoziva zvairi. Asi zhinji dzepwere dzinoda kubuda ndokuwana zviri kunze ikoko.” Panzvimbo pokurega zvishuvo zvisino kururama zvichikudzivisa kubhapatidzwa—kana kuti kuzvirega zvichiva mabasa asino kururama—huregererei kuwana betsero yakati kuti, zvimwe kutaura nhau dzacho nomubereki kana kuti nomuKristu akakura mumudzimu?—Jakobho 1:14, 15.
Chaizvoizvo, rusununguko runopiwa nenyika yaSatani runongova harwo nyengedzo. Sokutaura kwakaita muapostora Petro nezvamwe vakanyengedzwa muzuva rake: “Nepo vachivavimbisa rusununguko, ivo vamene vanorarama savaranda voushati. Nokuti upi kana upi unokurirwa nomumwe anoitwa muranda nouyu.” (2 Petro 2:19, NW) Rusununguko here kuita kuti kufunga kwako, mufambiro, uye tsika zvidzorwe navamwe? Rusununguko chairwoirwo here kupinda mumabasa anoparira hosha, ruzvidzo, uye, pakupedzisira, rufu?—Zvirevo 5:8-14.
Pwere yechiJapan inonzi Hitoshi yakanangana nemibvunzo iyeyo imene. Yakarerwa navabereki vechiKristu nokudaro inoyeuka, kuti: “Apo vamwe vaitamba, ndaitofanira kuenda kumisangano. Ndaida rusununguko rukuru. Ndaifunga kuti ndairashikirwa nechimwe chinhu.” Hungu, Asafi wezvamapisarema, akava ano“chiva” vanoita zvakaipa. (Pisarema 73:2, 3) Asi pashure pokurangarira nomutoo wakakomba nhau yacho, mirangariro yaHitoshi yakachinja. Anoti: “Ndakaziva chaizova upenyu hwangu kana ndisina zvokwadi—ndaigona kuzviona ndimene ndichirarama makore 70 kana kuti 80 dzokonei ndofa. Asi Jehovha anopa upenyu husingaperi!” Nokudaro Hitoshi akaita tsauriro kuna Mwari uye akabhapatidzwa.—Enzanisa naPisarema 73:19-28.
Ko iwe unosundwa kuita nenzira imwe cheteyo here? Imwe pwere inonzi David yakasundwa. Inoyeuka, ichiti: “Kubhapatidzwa sepwere kwakanga kuri chitaviridzo kwandiri. . . . Dzimwe pwere dzisina kubhapatidzwa dziri muungano dzainzwa dzakasununguka kubva pachiremera chavakuru uye somuuyo dzaipinda mumufambiro wakashata. Asi ini ndaigaroyeuka kuti ndakanga ndatsaurira upenyu hwangu kuna Mwari.” Zvimwe, kunyange zvazvo zvakadaro, hauna chokwadi kana watogadzirira chaizvoizvo kutora iyi nhanho. Mashoko okukubetsera achapiwa munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Ufuza hworubhapatidzo rwomucheche hunokurukurwa munyaya inoti “Should Babies Be Baptized” muNharireyomurindi yechiNgezi yaMarch 15, 1986.
b Ona Bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano (rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.), ganhuro 18.
[Mifananidzo iri papeji 13]
Chisarudzo chokubatira Mwari ndichimwe icho iwe unogona kuita. Rubhapatidzo runoratidzira munhu somudzidzi akazvitsaurira waKristu Jesu