Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Chii Chandinofanira Kuita Kana Vabereki Vangu Vakarwa?
APO vanhu vaviri vaunoda kupfuura munhu upi noupiwo zvake munyika vano“rumana nokudyana” namashoko anokuvadza, upenyu hunogona kuva tyisidziro yezuva nezuva. (VaGaratia 5:15) Chokwadi, kunyange roorano dzakanakisisa dzichatambura “dambudziko” rakati kuti. (1 VaKorinte 7:28) Asi apo kurwisana kwavabereki kunova kunopfuurira, kunorura, kana kuti kunyange kwamasimba masimba, pane chimwe chinhu chakaipa zvikurusa.
Hakuzatiwo kuchishamisa, ipapoka, kuti dzimwe pwere nomutoo wokupererwa nezano rose dzinoedza kunamatidza roorano yavabereki vadzo. “Ndina maruramiro okupindira pakati pokurwisana ndokuedza kubudisa baba vangu mukamuri kuti vagorega kurwisana,” akadaro mumwe mukomana wechiduku. Vamwe vanobva chinyararire mukukangaidzika. “Ndinoedza kuva kure navo apo ivo vanova nouku kurwa, kuti ndirege kupera mwoyo pamusoro pakwo,” akadaro mumwe musikana muduku. “Asi ipapo ndinonzwa ndiine mhaka nokuda kwokusaedza kubetsera.”
Naizvozvo chii chaizvoizvo chaunofanira kuita apo rwisano yemhuri inotanga?
Chokusaita
Kusavabata Nomutoo Wokuzvidza: Kuri nyore kuva anofinhwa navabereki vanorwisana. Kunze kwezvo, ivo vanofanira kugadza muenzaniso nokuda kwako—kwete zvakasiana. Kuvabata nomutoo wokuzvidza, kunyange zvazvo zvakadaro, sezvingabvira kuchawedzera bedzi nyanduko dzemhuri. Chinokosha zvikuru, Jehovha Mwari anoraira pwere kuremekedza uye kuteerera vabereki vadzo, kunyange apo ivo vanoomesa kuita kudaro.—Eksodho 20:12; enzanisira naZvirevo 30:17.
Usatsigira: “Padzimwe nguva apo vabereki vangu vanenge vachipopotedzana,” akadaro mumwe musikana wechiduku, “mumwe wavo achandibvunza chandinofunga. Kunondiita nditye zvomenemene.” Chokwadika, apo nhau inokubatanidza nomutoo wakananga, mhinduro nyoro, yokuremekedza ingava yakakodzera.—Zvirevo 15:1.
Kana kuti kungava kwokuti mumwe wavabereki vako muKristu uye mumwe wacho haazati ari mudaviri. Zvinetso zvorudzidziso zvingamuka umo iwe ungakuwana kuri madikanwa kushinga nokuda kwokururama pamwe chete nomubereki anotya Mwari. (Mateo 10:34-37) Kunyange zvakadaro, kunofanira kuitwa “nomwoyo munyoro noruremekedzo rukuru” kuti mubereki asingatendi rimwe zuva agowanwa.—1 Petro 3:15.
Asi apo rwisano inenge iri nomutoo wakajeka kakavadzano yavo, kazhinji kazhinji huchenjeri kuramba usingatori rutivi.a Zvirevo 26:17 inonyevera, kuti: “Somunhu anobata nzeve dzembwa ndozvakaita munhu upi noupi anopfuura anoshatirirwa kakavadzano isati iri yake.” Kana ukatsigira, unoisa pangozi kumutsa pfunde pfunde yomunhu—uye zvimwe kuparadzanisa—mumwe wavabereki vako.
Pwere inotsigira kakavadzano yavabereki iri kuedza “kuwanawo tarisiro pamugariro wakanyanyooma zvomenemene kunzwisisa.” Naizvozvo mupi zano wemhuri Mitchell Rosen akataura kudaro mumagazini ye’Teen. Kakavadzano dzeroorano, iye akati, “dzinobatanidza chiverengero chikuru chezvinhu, uye hakuzati kuchingova kwokuti mukadzi akarurama, murume haana kururama.” Kazhinji kazhinji, pachisakiso chekakavadzano pane zvichemo nepfunde pfunde zvakakudziridzika kwenhambo yakati yamakore. Naizvozvo apo Baba kana kuti Amai vanogurukuta nemhaka yokuti zvokudya zvanonoka namaminiti mashomanene kana kuti nemhaka yokuti kamuri reshambiro rasiiwa rine tsvina, pangava nezvakawanda zvinobatanidzwa zvinopfuura zvinoonwa neziso.
Bhaibheri rinoraira, kuti: “Kana kuchibvira, kana kuchitsamira pamuri, ivai norugare navanhu vose.” (VaRoma 12:18) Naizvozvo edza kugara usingatori rutivi. Kunyange zvazvo zvakadaro, zvakadiniko kana vabereki vako vachikugombedzera kutsigira? “Munhu upi noupi unodzora kutaura kwake,” rinodaro Bhaibheri, “ane zivo.” (Zvirevo 17:27) Hungu, rega kutaura—kana kuti zvakatoipisisa, kuzhamba—mufungo wako. Zvimwe unogona kuzvipembedza iwe umene nomutoo wenyasha kupfurikidza nokutaura chimwe chinhu chakadai seichi, ‘Amai naBaba, ini ndinokudai imi mose. Asi ndapota regai kundikumbira kutsigira. Ndichimwe chinhu chamunofanira kuzvipedzera imi mumene pakati penyu mumene.’
Rega Kukumbanira Mukakavadzano: Manzwi maviri anodanidzira akaipa zvikuru kwazvo. Huwedzererei inzwi rechitatu kurwiyorwo? Zvirevo 15:18 inoti: “Munhu une hasha unomutsa kakavadzano, asi munhu unonoka kutsamwa unonyaradza rukave.” Ingoramba bedzi kupinda mukakavadzano. Uye kana ukaona kuti rwisano yodokutanga, rangarira mashoko aZvirevo 17:14, anoti: “Mavambo ekakavadzano akafanana nokudziurira mvura; naizvozvo rukave rusati rwatanga, ibva.”
Zvimwe ungagona kungozvipembedza iwe umene ndokuenda kukamuri rako ndokurava, kufunda, kana kuti kuridza marimba. Kana kuti ingava nguva yakanaka yokushanyira shamwari. Kuwana chimwe chinhu chinobereka chibereko chokuita kunozokubvisa pachinoitika chekakavaro ndokukubetsera kubvisa ndangariro yako panhaudzo.
Rega Kuedza Kuva Mupi Zano Weroorano: Sokureva kunoita zvirevo: “Kune kakavaro dzakafanana nomupiringidzo weshongwe yokugara.” (Zvirevo 18:19) Vabereki vanoita rukave kazhinji kazhinji vakava mupiringidzo wepfunde pfunde wakaita sounodzivisa se“mupiringidzo weshongwe yokugara.” Ko iwe une zivo kana kuti zvimwe ruzivo rwokuzviwanira muupenyu rwokuvabetsera kuputsa mupiringidzo iwowo here? Nyangwe.
Kufunga kuzvibatanidza iwe umene muzvinetso zvemhuri zvavabereki vako kungatovaipisisa. Zvirevo 13:10 inoti: “Kupfurikidza nokuzvigutsa munhu anokarira bedzi kakavadzano, asi kuna avo vanokurukurirana kune uchenjeri.” Hungu, sezvingabvira vabereki vako vanogona kuita zviri nani kupedza zvinetso zvavo kupfurikidza nokukurukurirana vari voga.—Enzanisira naZvirevo 25:9.
Mukuwedzera, basa romureveri wemhuri ringava basa rinoraira kupfuura zvaunoziva. Mubhuku rake rinonzi Teen Troubles, Carolyn McClenahan Wesson anoudza musikana muduku anonzi Cora uyo akaedza betsero yake pakuita somupi zano. Chii chakava muuyo? Roorano yavabereki vake yakavandudzika, asi Cora akabatwa nezvinetso zvomudumbu. Carolyn Wesson anoti: “Rega vabereki vako vapedze zvinetso zvavo voga. Iwe une zvakawanda zvokubata nokungova kwako bedzi muyaruki.”
Rega Kurwisanisa Vabereki: Dzimwe pwere dzinoruka mazano kushandura rwisano yemhuri kuva chimuko chadzo. Apo Amai vanoti, “Aiwa!” ivo vanonyandura ndangariro dzaBaba ndokumanikidzira “Hungu” mavari. Kuita kwomubereki akachenjera kungawanira mumwe rusununguko rwakati kuti, asi pakupedzisira kunongoredzva bedzi gakava remhuri. Pwere inokudza vabereki vayo haizati ichizotendeukira kupesvedzero yakadaro yesimba.
Usashatisa Mugarirowo: Unyope kana kuti muitiro wokusava noushamwari, kuzvidza nomutoo wakashata chikoro, kurega mamakisi ako achiderera—izvozvi zvinosatana kuunza zvinetso zvako. Vane mutoro nokuda kwezviito zvako, uye usarega kangaidziko yavabereki vako ichiva pembedzo nokuda kwomufambiro usingadzorwi. Tanga iwe umene kuva anobetsera uye anoshandira pamwe.
Kupukunyuka Njodzi Yemhuri
Nomutoo wakajeka, haungagoni kuchinja vabereki vako. Zvisinei, unogona kuedza kuvapesvedzera nokuda kwezvakanaka. Edza kuva ane kariro naanofara napaunogona napo. Yeuka, rudo, “runotsungirira zvinhu zvose, runodavira zvinhu zvose, runotarira zvinhu zvose, runotsungirira zvinhu zvose.” (1 VaKorinte 13:7) Usatongorega kunyengeterera zvinhu zvokuvandudza. (VaFiripi 4:6, 7) Mupi zano wemhuri Clayton Barbeau anorumbidzazve, kuti: “Ita kuti [vabereki vako] vazive mumwe nomumwe kuti unoda mumwe nomumwe wavo.” Ikoko kwoga bedzi kungateramisa kunyanduka kwemhuri.
Unogonawo kuedza kukurudzira vabereki vako kuwana betsero. Ikoku hakuzati kuchifanira kuitwa mukunyanyisa kwekakavadzano. Zvirevo 25:11 inoreva ne‘shoko rakanaka panguva yakanaka.’ Ikoku sezvingabvira kungava apo zvinhu zvinenge zvaterama uye vabereki vako vari muchimiro chendangariro chinogamuchira zvikuru. (Kana mumwe mubereki asingatani kutapurika zvikuru, edza kusvika mumwe anoratidzika kuva akakombamira zvikuru kukurukura nhau nomutoo uno mufungo.)
Tanga nokuvasimbisira rudo rwako. Ipapo nomutoo wakaterama tsanangura kwavari kuti kurwisana kwavo kunokutapura sei iwe. Ikoku hakuzati kuchizova kuri nyore. Mubhuku rake rinonzi Trouble at Home, Sara Gilbert anobvuma kuti kuedza kwakadaro kungasangana nokuti, “Hakuzati kuri mutoro wako—siana nakwo!” Zvisinei, iye anopangira kuti “unoda kukujekesa kuti mutoro wako.” Vaudze kuti kurwisana kwavo kunokutyisa sei, kunokunyangadza sei, kana kuti kunotsamwisa sei. Kunyange zvazvo usati uchida kupindira muupenyu hwavo, kurwisana kwavo kunokangaidza zvikuru upenyu hwako! Karakadza kuti vabereki vako vatsvake betsero—zvimwe kupfurikidza nokusvika mukuru anovimbwa naye wechiKristu.b
Vachiitwa kuti vanangane netapuro dzegakava ravo reroorano, vabereki vako vangasundwa kusanofunga kupedza zvinetso zvavo—uye zvimwe vangatorega kurwisana.
[Mashoko Omuzasi]
a Hatizati tiri kutaura nezvemigariro umo baba anova anotyisidzira mitezo yemhuri namasimba masimba. Muzvinoitika zvakadaro, mitezo yemhuri ingava inogombedzerwa kuwana betsero yokunze kuti izvidzivirire imene pakuvadziko yokunyama.
b Kana vabereki vako vachibvumikisa kuva vasino mufungo kana kuti vasingadisisi kuteerera, kungava kuchenjera kuvimba nomuKristu akakura mumudzimu. Iye haazati achizokwanisa kuva anopindira muroorano yavabereki vako asi anogona kugovera tsigiro yendangariro inogamuchirwa nepangiro yakanaka.
[Mufananidzo uri papeji 18]
Ko vechiduku vangayananisa nomutoo unobudirira kakavadzano dzavabereki here?