RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/10 p. 4
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Chiyeuchidzo choMunyori noMutariri Webasa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Vakaratidza Muenzaniso Wokutendeka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Kuchinjwa Kwemaawa Anodiwa Kumapiyona
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
km 11/10 p. 4

Bhokisi Remibvunzo

◼ Zvii zvatingaita kuti tibatsire mapiyona?

Mugore rebasa ra2009, hama nehanzvadzi dzinoda kusvika 800 000 dzaishumira semapiyona chaiwo uye enguva dzose munyika yose. Vashumiri ava venguva yakazara vanozvipira kupa zvibereko zvokutanga zvenguva yavo, simba ravo uye zvinhu zvavo kuitira kuti vaparadzire mashoko akanaka oUmambo. (Zvir. 3:9) Izvi zvinofadza Jehovha zvikuru! Tingaratidza sei kuva nemaonero aJehovha tobatsira mapiyona kuti vanakidzwe uye vatsungirire mubasa iri rokupayona?

Mashoko edu akanyatsosarudzwa anogona kuvakurudzira zvechokwadi kuramba vachishumira semapiyona. (Zvir. 25:11) Tingagadzirisa purogiramu yedu yevhiki here kuitira kuti tishande navo muushumiri? Patinenge tichishanda navo, tinogona kushandisa chifambiso chedu panzvimbo pokushandisa chavo. Uye kana tikatakurwa nechifambiso chavo, zvimwe tingapa chipo chokubatsira kubhadhara zvinenge zvichidiwa. (1 VaK. 13:5; VaF. 2:4) Tinoratidzawo kuti tinovatsigira uye tinovada nokuvakoka nguva nenguva kumba kwedu kuti tizodya navo.—1 Pet. 4:8, 9.

Magwaro anovimbisa kuti Jehovha achagovera zvinodiwa nevaya vanotanga kutsvaka Umambo hwake. (Pis. 37:25; Mat. 6:33) Imwe nzira yaanoshandisa ndeyokudanana kwatinoita sehama dzechiKristu. (1 Joh. 3:16-18) Ichokwadi kuti mapiyona haatarisiri kuti vamwe vavatarisire mune zvemari. Uye vangasangoudza vamwe kana paine chavanenge vachida. Zvisinei, tinogona kubatsira mapiyona akatendeka ‘tozadzisa zvavanoshayiwa’ nokugara takagadzirira uye tichicherechedza.—2 VaK. 8:14, 15.

Febhi, muevhangeri aishingaira womuzana remakore rokutanga aiva muungano yeKenkreya paakashanya kuenda kuRoma, Pauro akakurudzira hama dzomuRoma kuti: “Mumugamuchire munaShe nenzira yakakodzera vatsvene, uye . . . mumubatsire pazvinhu zvose zvaangada kwamuri.” (VaR. 16:1, 2) Tine mukana wokuratidza rudo rwakafanana nokutsigira vaya vomuungano yedu vari kuzivisa mashoko akanaka vasingaregi semapiyona chaiwo uye enguva dzose.—Mab. 5:42.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe