Vakaratidza Muenzaniso Wokutendeka
1 Mugore ra1937 kwakatangwa nzira itsva yebasa renguva yakazara—basa roupiyona chaihwo. Varume nevakadzi vanokwanisa, vane unyanzvi muushumiri hwechiKristu, vakabvuma kunoshanda chero kwavainzi vaende nesangano. Iye zvino kwapera makumi emakore, mapiyona chaiwo anoramba achiratidza muenzaniso wokutendeka watinogona kutevedzera.—VaH. 6:12.
2 Vakatungamirira: Pakutanga, mapiyona chaiwo aitungamirira basa rokuparidza achishandisa giramufomu raitakurika pasuo rasaimba. Vaishandisawo mharidzo dzakarekodhwa pavaidzoka kuzokurukura Bhaibheri. Izvi zvaiitwa mumaguta makuru akanga atova neungano. Gare gare, mapiyona chaiwo akaendeswa kwaidiwa vazivisi voUmambo vakawanda zvikuru. Vakadzokerazve kune vanhu vaifarira ndokutanga kudzidza navo Bhaibheri. Mazana eungano itsva akaumbwa somugumisiro wokushanda kwavo nesimba. Kuparidza kwavo vasinganeti kwakaita kuti pave nokuwedzera zvikuru musangano kwatiri kuona nhasi. (Isa. 60:22) Mapiyona chaiwo anoramba achiita basa rinokosha mukuparadzira mashoko akanaka ku“zvisikwa zvose zviri pasi pedenga.”—VaK. 1:23.
3 Vakakodzera Kuti Tivatevedzere: Mamwe mapiyona chaiwo ave ari mubasa renguva yakazara kwemakumi emakore. Kwemakore adarika, varume nevakadzi ava vakavimbika vakaita kuti kutenda kwavo kunatsiridzwe mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. (1 Pet. 1:6, 7) Vave vachida chaizvo kusiya upenyu hwokugarika kuti vashumire munzvimbo dzinodiwa vaparidzi vakawanda. Vamwe zvino vakura chaizvo, uye vane zvinetso zvoutano, kana kuti vanosangana nemamwe mamiriro ezvinhu akaoma zvikuru. (2 VaK. 4:16, 17) Asi vano“ramba vachibudirira munguva yokuchena musoro.” (Pis. 92:14) Vanovimba naJehovha vowana zvikomborero zvake.—Pis. 34:8; Zvir. 10:22.
4 Zvechokwadi tinofanira kurumbidza noushamwari mapiyona chaiwo. Kana muungano yenyu muine mapiyona chaiwo, shandisa mukana wacho kupedza nguva uchishanda navo wobatsirwa noruzivo rwavo. Ratidza kuti unoonga basa ravo sevazivisi vakatendeka voUmambo. Kurudzirwa nokutsiga kwavo. Vose vanotevedzera kutenda kwavo vanogonawo kufarirwa naJehovha uye kukomborerwa naye nokuti “vaya vakatendeka vanomufadza.”—Zvir. 12:22.