RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs pp. 182-188
  • Kutorwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutorwa
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kana Mumwe Munhu Akati—
  • Jesu Kristu
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • ‘Kutorwa Kundosangana naShe’—Seiko?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Ruponeso
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Uchaendeswa Kudenga Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs pp. 182-188

Kutorwa

Tsanangudzo: Dzidziso yokuti vaKristu vakatendeka vachatorwa pano panyika vaine miviri yavo, vachangoerekana vabviswa panyika kuti vave naIshe “mumhepo.”

Muapostora Pauro paakati vaKristu ‘vaizotorwa’ kuti vave naIshe, inyaya ipi yakanga ichitaurwa?

1 VaT. 4:13-18, BUS: “Zvino hama dzangu, hatidi kuti mushayiwe kuziva pamusoro pevavete [“vaya vanorara murufu,” NE; “vaya vakafa,” BR, JB], kuti murege kuchema sevamwe vasina tariro. Nokuti kana tichitenda kuti Jesu akafa, akamukazve, kunyange zvakadaro, achishandisa Jesu, Mwari achavauyisa pamwe chete naye. Nokuti tinokuudzai neshoko raShe, kuti isu vapenyu, vakasara kusvikira pakuuya kwaShe, hatingatongotangiri vakavata. Nokuti Ishe pachake achaburuka kudenga achidanidzira, nenzwi rengirozi huru, nehwamanda yaMwari. Vakafa muna Kristu vachatanga kumuka; zvino isu vapenyu, vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mumhepo; naizvozvo tichava naIshe nguva dzose. Naizvozvo nyaradzanai nemashoko aya.” (Zviri pachena kuti vamwe vomuungano yechiKristu muTesaronika vakanga vafa. Pauro akakurudzira vapenyu kuti vanyaradzane netariro yorumuko. Akavayeuchidza kuti Jesu akamutswa; saka pakuuyawo kwaShe, vaKristu ivavo vakatendeka vakafa vachamutswa kuti vave naKristu.)

Ndivanaani vanotaurwa pana 1 VaTesaronika 4:17 kuti ‘vachatorwa mumakore’?

1VaT 4 Ndima 15 inotsanangura kuti ndevaya vakatendeka “vakasara kusvikira pakuuya kwaShe,” kureva kuti, vachiri vapenyu panguva yokuuya kwaKristu. Vachazombofa here? Maererano naVaRoma 6:3-5 uye 1 VaKorinde 15:35, 36, 44 (ane mashoko ari papeji 185), vanofanira kufa vasati vawana upenyu hwokudenga. Asi havafaniri havo kuramba vakafa vakamirira kudzoka kwaKristu. Vachangoerekana “vatorwa,” “mukubwaira kweziso,” kuti vave naShe.—1 VaK. 15:51, 52, RS; uyewo Zvakazarurwa 14:13.

Kristu achanyatsooneka ari mumakore obva atora vaKristu vakatendeka oenda navo kudenga nyika yakatarira here?

Jesu akati nyika yaizomuonazve nemaziso chaiwo here?

Joh. 14:19, BR: “Kwangosara chinguva chiduku, ipapo nyika haichazondioni, asi imi [vadzidzi vake vakatendeka] muchagara muchindiona nokuti ndiri mupenyu nemiwo muchava vapenyu.” (Tatsveyamisa mabhii.) (Enzanisa na1 Timoti 6:16.)

‘Kuburuka kwaShe achibva kudenga’ kunorevei?

Ishe ‘angaburuka achibva kudenga,’ sezvinotaurwa pana 1 VaTesaronika 4:16, asingaonekwi nemaziso chaiwo here? Panguva yemaguta ekare eSodhoma neGomora, Jehovha akati ‘aizoburuka kuti aone’ zvaiitwa nevanhu vacho. (Gen. 18:21, BR) Asi Jehovha paakazoongorora vanhu vacho, hapana munhu akamuona, kunyange zvazvo vakaona ngirozi dzaimumiririra dzaakatuma. (Joh. 1:18) Saka, Jesu aigona kupa vateveri vake vepanyika vakavimbika mubayiro asingaiti zvokuuya aine muviri wenyama.

Saka, vanhu ‘vachaona’ Ishe “achiuya ari mugore” pakudini?

Jesu akafanotaura kuti: “Ipapo ndipo vanhu vachazoona Mwana womunhu [Jesu Kristu] achiuya ari mugore, namasimba aine mbiri.” (Ruka 21:27, BR) Mashoko aya nemamwewo akafanana haambopesani nezvakataurwa naJesu zvakanyorwa pana Johani 14:19. Chimbofunga: PaGomo reSinai, chii chakaitika Mwari ‘paakauya kuvanhu ari mugore rakasviba kuti ndoo,’ sezvakanyorwa pana Eksodho 19:9? (BR) Mwari akanga aripo asi asingaoneki; vaIsraeri vakaona uchapupu hwokuti akanga aripo, asi hapana akanyatsoona Mwari nemaziso ake. Saka Jesu paakati aizouya “ari mugore,” anofanira kunge aireva kuti aisazoonekwa nemaziso chaiwo asi vanhu vaizoziva kuti akanga auya. “Vaizomuona” mupfungwa, vachinzwisisa kuti akanga auya. (Ona mamwe mashoko pamusoro mukuru unoti “Kudzoka kwaKristu.”)

Zvinoita here kuti vaKristu vatorwe kuenda kudenga nemiviri yavo?

1 VaK. 15:50, BR: “Zvino hama dzangu zvandinoreva ndezvizvi kuti muviri neropa hazvingagari nhaka yoUmambo hwaMwari kwete. Uye chiya chinoora hachigari nhaka yechiya chisingaori.”

Zvakaitika kumuprofita Eriya zvinopesana neizvi here? Kwete. Zvakataurwa zvakajeka naJesu mazana emakore gare gare zvinoita kuti nyaya yacho inzwisisike, zvokuti: “Hakuna munhu akambokwira kudenga, asi iye chete akaburuka achibva kudenga, iye Mwana womunhu.” (Joh. 3:13, BR) Kunyange zvazvo Eriya akaonekwa paaka“kwira kudenga ari muchamupupuri,” izvi hazvirevi kuti akaenda kunyikadzimu. Nei zvisina kudaro? Nokuti gare gare iye anonzi akatumira tsamba yokutsiura mambo weJudha. (2 Madz. 2:11, BR; 2 Mak. 21:1, 12-15) Ndege dzisati dzatombovapo, Jehovha akashandisa ngoro yemoto uye chamupupuri kusimudza Eriya kuenda mudenga munobhururukira shiri uye kumuendesa kune imwe nzvimbo.—Enzanisa naGenesisi 1:6-8, 20.

VaKristu vakatendeka vachatorwa kuendeswa kudenga pachivande here, vachingonyangarika panyika vasina kutanga vafa?

VaR. 6:3-5, BR: ‘Ko hamuzivi here kuti isu tose takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake? Nokuti kana takabatanidzwa naye murufu rwakafanana nerwake, tichabatanidzwazve naye murumuko rwakafanana nerwake.’ (Zvakaitika kuna Jesu zvinosiya muenzaniso. Vadzidzi vake pamwe chete nevamwe vaiziva kuti akanga afa. Haana kudzokera kunorarama kudenga kusvikira paakafa uye amutswa.)

1 VaK. 15:35, 36, 44, BR: “Mumwe angangobvunza achiti, ‘Ko zvino ivo vafi ava, vanogomutswa seiko? Vachamuka vaine miviri yakaita seiko?’ Iwe rema romunhu, handiti chiya chaunodyara hachingameri kana chisina kutanga chambofa? Chiya chinodyarwa chiri muviri womunhu wapano pasi, ndicho chinozomutswa chava muviri wemweya.” (Saka munhu anotanga afa asati awana muviri iwoyo womudzimu, handiti?)

VaKristu vose vakatendeka vachatorwa nenzira inoshamisa here pasi pano naIshe kutambudzika kukuru kusati kwaitika?

Mat. 24:21, 22: “Panguva iyoyo pachava nokutambudzika kukuru kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo hakuzoitikizve. Chokwadi, kudai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu aizoponeswa; asi mazuva iwayo achatapudzwa nokuda kwevakasarudzwa.” (Apa panotaura here kuti vose “vakasarudzwa” vachange vatorwa kuenda kudenga kutambudzika kukuru kusati kwatanga? Kwete, pangaratidza kuti vamwe vavo, pamwe chete neshamwari dzavo dzepanyika pano, vachapona pakutambudzika kukuru ikoko.)

Zvak. 7:9, 10, 14, RS: “Pashure pezvinhu izvi ndakaona, uye tarira, vanhu vazhinjizhinji, vakanga vasingakwanisi kuverengwa nomunhu, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi, vamire pamberi pechigaro choumambo nepamberi peGwayana, vakapfeka nguo refu chena, uye mumaoko avo makanga muine mapazi emichindwe. uye vachishevedzera nenzwi guru, vachiti, ‘Tinowana ruponeso kuna Mwari wedu, agere pachigaro choumambo, uye kuGwayana!’. . . ‘Ava ndivo vanobuda mukutambudzika kukuru.’” (Kuti munhu ‘azobuda’ mune chimwe chinhu anofanira kupinda machiri kana kuti kuva machiri. Saka vanhu vazhinjizhinji ava vanofanira kunge vari vanhu vanenge varipowo pakutambudzika kukuru uye vanozobuda pakutambudzika uku vapona.) (Nezvokuva kwavo panyika, ona mapeji 72, 73.)

VaKristu vechokwadi vachachengetedzwa sei munguva yokutambudzika kukuru?

VaR. 10:13, RS: “Munhu wose anodana pazita raIshe [“Jehovha,” NW] achaponeswa.”

Zef. 2:3, RS: “Tsvakai ISHE [“Jehovha,” NW, AS, Yg, By], imi vanyoro vose vepanyika, imi munoteerera mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavanzwa pazuva rokutsamwa kwaISHE.” (Uyewo Isaya 26:20)

VaKristu vose vechokwadi vachatorwa kuenda kudenga here kana kutambudzika kukuru kwapera?

Mat. 5:5, RS: “Vakakomborerwa vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.”

Pis. 37:29, BR: “Vakarurama vachagara nhaka [yenyika, Ro, NW], vachagaramo kusvikira rini narini.” (Uyewo Pis 37 ndima 10, 11, 34)

1 VaK. 15:50, RS: “Nyama neropa hazvingagari nhaka youmambo hwaMwari.”

Onawo musoro mukuru unoti “Denga.”

Nei vamwe vaKristu vachitorwa kuenda kudenga kuti vave naKristu?

Zvak. 20:6, RS: “Vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye kwemakore ane chiuru.” (Zvavachatonga naKristu, panofanirawo kuva nevachatongwa. Ndivanaani ivavo? Ona Mateu 5:5 uye Pisarema 37:29.)

Onawo musoro mukuru unoti “Kuberekwazve.”

Vaya vanoenda kudenga vachazodzoswa panyika kuti vararame nokusingaperi muParadhiso here?

Zvir. 2:21, RS: “Vakarurama vachagara pasi pano [“vachagara panyika,” NE], uye vakavimbika vacharamba varipo.” (Onai kuti rugwaro urwu harutauri kuti vakarurama ivavo vachadzoka panyika asi vacharamba varipo.)

1 VaT. 4:17, RS: “Saka isu [vaKristu vachatorwa kuenda kudenga] tichazogara naIshe kwenguva dzose.”

Kana Mumwe Munhu Akati—

‘Munodavira here kuti vanhu vachatorwa?’

Ungapindura kuti: ‘Ndinoona kuti havasi vose vane mafungiro akafanana panyaya iyi. Ko imi munofungei nezvazvo? . . . Zvinobatsira kuti tienzanise mafungiro edu nezvinotaurwa neBhaibheri panyaya dzose. (Shandisa zvikamu zvemashoko ari pamusoro apa zvinoshanda.)’

Kana kuti ungati: ‘Ndakatsanangurirwa kuti kutorwa uku inzira yokununura nayo vaKristu. Vakawanda vanofunga kuti ndiyo nzira yavachapukunyuka nayo kutambudzika kukuru. Ndiwo mafungiro enyu here?’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Zvechokwadi tinoda kudzivirirwa naMwari panguva iyoyo, uye ndakaona mamwe magwaro anoratidza kuti tingabatsirwa sei achikurudzira zvikuru. (Zef. 2:3)’ (2) ‘Zvinotonakidza ndezvokuti Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari achachengetedza vaya vakatendeka vari pasi pano chaipo. (Zvir. 2:21, 22) Izvozvo zvinoenderana nechinangwa chaMwari paakatanga kusika Adhamu ndokumuisa muParadhiso, handizvo here?’

Zvimwe zvaungataura ndezvokuti: ‘Muri kureva here kuti vaKristu vari kurarama pamugumo wemamiriro ezvinhu epanguva ino vachatorwa kuti vaende kudenga? . . . Makambozvibvunza here kuti vachanoitei pavachasvika kudenga? . . . Onai zvinotaurwa pana Zvakazarurwa 20:6 (uye Zvak 5:9, 10). . . . Asi vachatonga vanaani? (Pis. 37:10, 11, 29)’

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe